Unofunga Kuti Vamwe Havakunzwisisi Here?
Unofunga Kuti Vamwe Havakunzwisisi Here?
ANTONIO akavhiringidzika. Nenguva isipi uye zvakatooma kutsanangura, shamwari yake yakanaka Leonardo yakanga isisanyanyi kushamwaridzana naye. * Antonio paaiikwazisa nguva dzakasiyana-siyana zvaiita sokunge yaingodavira kuti zvipere, uye pavaifamba vose, zvaiita sokunge kuti pakati pavo pakanga pava nomudhuri murefu. Antonio akatanga kufunga kuti anofanira kunge akaita kana kuti akataura chimwe chinhu chakanzwisiswa zvisiri izvo neshamwari yake. Asi chii?
Kusanzwisisana kunowanzoitika. Kuzhinji kwacho kuduku uye kunogadzirisika nyore nyore. Kumwe kwacho kunogona kuvhiringidza kwazvo, kunyanya kana maonero asiri iwo akapfuurira pasinei nezvinoitwa kuti asavepo. Nei kusanzwisisana kuchiitika? Kunoitei pavanhu vakunosanganisira? Chii chaungaita kana vamwe vakasanzwisisa chimwe chinhu chaunoita? Zvinofungwa nevamwe nezvako zvimbori nebasa chaizvoizvo here?
Chokwadi Chisingatiziki
Sezvo vamwe vanhu vasingagoni kuziva zvatinofunga kana vavariro dzedu, pane imwe nguva mumwe munhu achatora nenzira isiri iyo mashoko edu kana zviito. Zvinokonzera kusanzwisisana zviri kuwedzera. Dzimwe nguva, tinotadza kubudisa pfungwa dzedu zvakajeka uye zvakarurama sezvatinenge tichida. Ruzha runenge ruripo nezvimwe zvinotsausa zvingaomera vamwe kuti vanyatsotiteerera.
Mamwe maitiro anoitawo kuti pave nokusanzwisisana. Somuenzaniso, munhu anonyara, angaonekwa zvisiri izvo seasina ushamwari, asina basa nevamwe, kana kuti anodada. Zvakaitika kare kumunhu zvingaita kuti aite asina kufunga mumamiriro ezvinhu akati. Kusiyana kwetsika uye mitauro kunoratidza kuti kusanzwisisana kunototi kuitike chete. Zvinowedzerawo ndiwo mushumo usina kururama uye guhwa, uye hazvifaniri kutishamisa kuti kunzwisiswa kunoitwa zvinhu zvinenge zvataurwa kana kuitwa dzimwe nguva kunosiyana nezvanga zvichivavarirwa pakutanga. Zvechokwadi, zvose izvi zvinongonyaradza zvishoma vaya vanofunga kuti zvavanoita zvinonzwisiswa zvisiri izvo.
Somuenzaniso, Anna akanga ataura zvakarurama nezvokuzivikanwa kwaiitwa shamwari yake yakanga isipo. Mashoko acho akadzokororwa zvisiri izvo, uye zvakatoshamisa nokuodza mwoyo Anna ndezvokuti, shamwari yake yakamupomera pamberi pevanhu vakawanda yakatsamwa kuti akanga ane shanje naye nemhaka yokushamwaridzana kwaaita nomumwe munhu wechirume. Mashoko aAnna akanga anzwisiswa zvisiri izvo, uye zvose zvaakaedza kuita kuvimbisa shamwari yake kuti akanga asingadi kumuvhiringa hazvina zvazvakabatsira. Mamiriro ezvinhu iwayo akakonzera marwadzo makuru, uye nguva yakareba yakapfuura Anna asati akwanisa kunyatsogadzirisa kusanzwisisana kwacho.
Maonerwe aunoitwa nevamwe anotsamira pakuti vanonzwisisa sei vavariro dzako. Saka ndezvokuzvarwa nazvo kusafara kana vamwe vanhu vakaona nenzira isiri iyo mafungiro ako. Ungatsamwa, uchifunga kuti hapana chikonzero chokuti chero ani zvake atadze kukunzwisisa. Ungatofunga kuti maonero avanokuita akarerekera divi rimwe, haasi echokwadi, haana kunaka, kana kuti haana kururama zvachose, uye anogona kukuvadza zvikuru—kunyanya ukafungisisa maonero evanotaura zvisiri izvo.
Kunyange zvazvo nzira iyo vanhu vanotaura nezvako ingakutsamwisa, zvakarurama chaizvo kuremekedza pfungwa dzevamwe. Hachisi chiKristu kuzvidza mafungiro evamwe, uye hatidi kuti mashoko edu kana zvatinoita zvikuvadze vamwe vanhu. (Mateu 7:12; 1 VaKorinde 8:12) Saka nguva nenguva ungada kuedza nepaunogona napo kugadzirisa mafungiro asiri iwo angaitwa nomumwe munhu nezvako. Zvisinei, kunyanyofunga nezvokuwana tendero yevamwe hakuna zvakunobatsira, kunoita kuti usazviremekedze kana kuti unzwe wasiyiwa. Nokutika zvauri chaizvo hazvitsamiri pakuti vamwe vanofungei nezvako.
Ukuwo, ungawana kuti mashoko anotaurwa pamusoro pako akarurama kwazvo. Izvozvo zvinogonawo kukuvadza, asi kana ukabvuma nokutendeseka kusakwana kwako, zviitiko zvakadaro zvinogona kukubatsira, zvotoita kuti ude kuchinja panodiwa.
Migumisiro Yakaipa
Kusanzwisisana kungatungamirira kana kusatungamirira kumigumisiro yakaipa. Somuenzaniso, kana ukanzwa murume achitaurisa muchitoro chokudyira, ungati anoda kuonererwa. Ungave usina kururama. Zvichida munhu waari kutaura naye haanzwi zvakanaka. Kana kuti zvichida mutengesi angaita somunhu asina kunaka, asi zvichida ari kurwara. Kunyange zvazvo kusanzwisisana ikoko kuchiita kuti pave nemaonero asina kunaka, hakuwanzokonzeri migumisiro yakaipa uye inogara nguva refu. Zvisinei, dzimwe nguva, kunzwisisana zvisiri izvo kungakonzera njodzi. Chimbofunga zviitiko zviviri zviri munhau yaIsraeri wekare.
Pakafa Nahashi, mambo waAmoni, Dhavhidhi akatumira nhume kunonyaradza mwanakomana wake Hanuni, akanga atanga kutonga ari panzvimbo yababa vake. Zvisinei, kushanya kwakaita nhume kwakaonwa zvisiri izvo sekwokuda kuongorora pokurwisa napo nyika yaAmoni, zvichiita kuti Hanuni abve atanga kunyadzisa nhume dzacho uye kwava kutanga hondo naIsraeri. Somugumisiro, vanhu vanenge 47 000 vakafa—nemhaka yokusanzwisisa vavariro dzakanaka.—1 Makoronike 19:1-19.
Pakuvamba munhau yaIsraeri, kumwe kusanzwisisana Joshua 22:10-34.
kwakagadziriswa nenzira yakati siyanei. Marudzi aRubheni naGadhi uye hafu yorudzi rwaManase akavaka atari yaiyevedza pedyo neRwizi rweJodhani. VaIsraeri vose vakaona chiito ichi sokusatendeseka, sokupandukira Jehovha. Naizvozvo vakaungana kuti varwe hondo. Vasati varwa, vaIsraeri verimwe divi vakatuma nhume kuti dzitaure kugumburwa kwavakanga vaitwa nechiito ichi chaionekwa sokusatendeseka. Zvavakaita zvakanga zvakarurama, nokuti vavaki veatari yacho vakapindura kuti vakanga vasina vavariro yokusiya kunamata kwakachena. Mukupesana, atari yacho yaifanira kumira sechiratidzo chokutendeseka kwavo kuna Jehovha. Kusanzwisisana uku kungadai kwakaguma nokudeuka kweropa rakawanda, asi uchenjeri hwakadzivisa migumisiro yakadaro ine ngozi.—Gadzirisa Mamiriro Acho Ezvinhu Norudo
Kuenzanisa nhoroondo idzi kunorayiridza. Zvingori pachena kuti kugadzirisa chinetso chacho ndicho chinhu chokuchenjera chokuita. Munhoroondo yapedzisira kukurukurwa, ndiani anoziva kuti upenyu hwakawanda sei hwakaponeswa nemhaka chete yokukurukurirana kwakaita mativi acho maviri? Muzviitiko zvakawanda, upenyu hauvi mungozi kana ukatadza kunzwisisa vavariro chaidzoidzo dzomumwe, asi ushamwari hungadaro. Saka kana ukanzwa sokuti mumwe munhu aita nenzira isiri iyo kwauri, une chokwadi here chokuti uri kunzwisisa zvinhu zvacho sezvazviri, kana kuti uri kuzviona nenzira isiri iyo? Vavariro dzomumwe dzanga dziri dzei? Mubvunze. Unofunga kuti haunzwisiswi here? Zvikurukurei. Musavhiringidzwa nokudada.
Jesu akapa zano rakanaka kwazvo rinobatsira kugadzirisa kusanzwisisana: “Zvino, kana uri kuunza chipo chako kuatari wobva wayeuka ipapo kuti hama yako ine mhosva newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, uende; tanga waita rugare rwako nehama yako, uye ipapo, paunenge wadzoka, ipa chipo chako.” (Mateu 5:23, 24) Saka chinhu chakanaka kuita ndechokutaura nomunhu wacho muri moga, musingasanganisi vamwe. Hazvizobatsiri kana akakutadzira wacho akatanga kunzwa kunyunyuta kwako nomumwe munhu. (Zvirevo 17:9) Vavariro yako inofanira kuva yokuita rugare murudo. Tsanangura chinetso chacho zvakadzikama nemashoko akajeka, ari nyore, asiri okupomera. Tsanangura manzwiro ako nemhaka yemamiriro acho ezvinhu. Zvadaro teerera zvinotaurwa nomumwe usina kwawakarerekera. Usakurumidza kufungira zvakaipa. Bvuma nechivimbo kuti mumwe wako anga asina vavariro yakaipa. Yeuka, rudo “runotenda zvinhu zvose.”—1 VaKorinde 13:7.
Zvechokwadi, kunyange kusanzwisisana kukagadziriswa, kurwadziwa kana migumisiro isina kunaka inogara nguva refu zvingavapo. Chii chingaitwa? Pazvinenge zvichidiwa, kukumbira ruregerero zvepachokwadi kwakarurama, pamwe nezviito chero zvipi zvingaitwa kugadzirisa mamiriro acho ezvinhu. Mumamiriro ezvinhu ose akadaro, atadzirwa wacho angaita zvakanaka kutevera zano rakafuridzirwa rinoti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru kana pane munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha sezvaakakukanganwirai zvikuru, nemiwo itai kudaro. Asi, kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo, nokuti chisungo chakakwana chokubatana.”—VaKorose 3:13, 14; 1 Petro 4:8.
Chero bedzi tisina kukwana, pachava nokusanzwisisana uye zvinorwadza mwoyo. Munhu wose anogona kukanganisa kana kutaura nenzira inonzwika seisina hanya kana isina mutsa. Bhaibheri rinojekesa kuti: “Tose tinokanganisa kakawanda. Kana munhu asingakanganisi pakutaura, iyeyu munhu akakwana, anokwanisawo kudzora muviri wake wose.” (Jakobho 3:2) Sezvo Jehovha achinyatsoziva izvi, akatipa mirayiridzo iyi: “Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nokuti kutsamwa kunogara pachipfuva chamapenzi. Uyezve, usava nehanya namashoko ose anotaurwa, kuti urege kunzwa muranda wako achikutuka. Nokuti kazhinji mwoyo wako unoziva kuti newewo wakatuka vamwe saizvozvo.”—Muparidzi 7:9, 21, 22.
“Jehovha Unoyera Mwoyo”
Zvakadii zvikaita sezvakaoma kugadzirisa maonerwo aunoitwa zvisiri izvo nomumwe munhu? Usaneta. Pfuurira kuumbiridza uye kuratidzira unhu hwechiKristu nepaunogona napo. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuvandudza panodiwa. Pakupedzisira kukosha kwaunoita somunhu hakusarudzwi nevamwe vanhu. Jehovha chete ndiye anogona ku“yera mwoyo” zvakarurama. (Zvirevo 21:2) Kunyange Jesu chaiye akanga asingaremekedzwi uye vanhu vakamushora, asi izvozvo hazvina kukanganisa maonerwo aaiitwa naJehovha. (Isaya 53:3) Kunyange zvazvo vamwe vangakuona nenzira isiri iyo, unogona ‘kudurura mwoyo wako’ kuna Jehovha, uchivimba kuti anokunzwisisa, “nokuti Jehovha haaoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” (Pisarema 62:8; 1 Samueri 16:7) Kana ukaramba uchiita zvakanaka, vaya vasingakuoni zvakanaka, mukufamba kwenguva, vachaona kukanganisa kwavo uye vachachinja mafungiro avo.—VaGaratiya 6:9; 2 Timoti 2:15.
Unoyeuka Antonio, ataurwa kwokutanga kwenyaya ino here? Akava noushingi hwokutevera zano reMagwaro, uye akataura neshamwari yake Leonardo, achiibvunza chaakanga aita kuti aitsamwise. Mugumisiro wacho? Leonardo akashamiswa. Akapindura kuti Antonio akanga asina kuita chinhu chakamutsamwisa uye akamuvimbisa kuti akanga asina imwe vavariro pane zvaaiita. Kana aiita seasingafari, zvichida pfungwa dzake dzaitofungawo zvimwe. Leonardo akakumbira ruregerero shamwari yake yaakanga avhiringidza manzwiro ayo asingazivi uye akaitenda nokuda kwokuita kuti azive nyaya yacho. Akawedzera kuti munguva yemberi, aizoita nokuchenjera kuitira kuti vamwe vasamuone nenzira yakadaro. Kusanzwisisana kwose kwakabva kwangopera, uye shamwari mbiri idzi dzakatowedzera kuwirirana.
Hazvina kuipa kufunga kuti hausi kunzwisiswa. Zvisinei, kana ukatora matanho ose anodiwa kugadzirisa mamiriro acho ezvinhu uye ukashandisa nheyo dzeMagwaro dzorudo uye kukanganwira, zvingangoita kuti iwewo uwane migumisiro yakanaka.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 2 Mazita okutsiva ashandiswa munyaya ino.
[Mifananidzo iri papeji 23]
Kugadzirisa mamiriro ezvinhu norudo uye nokukanganwira kunogona kutungamirira kumigumisiro inofadza