Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Funga Nezvemabasa Anoshamisa aMwari

Funga Nezvemabasa Anoshamisa aMwari

Funga Nezvemabasa Anoshamisa aMwari

“Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji, nemifungo yenyu kwatiri; hapana angaenzaniswa nemi.”—PISAREMA 40:5.

1, 2. Tine uchapupu hupi hwemabasa anoshamisa aMwari, uye ihwohwu hunofanira kuita kuti tiite chii?

PAUNOVERENGA Bhaibheri, unogona kubva wangoona kuti Mwari akaitira vanhu vake vekare, vaIsraeri, zvinhu zvinoshamisa. (Joshua 3:5; Pisarema 106:7, 21, 22) Kunyange kana Jehovha asiri kupindira munyaya dzevanhu nenzira iyoyo panguva ino, tinoona takapoteredzwa nezvakawanda zvinoratidza mabasa ake anoshamisa. Saka tine chikonzero chokutaura pamwe chete nomunyori wepisarema mashoko okuti: “Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; pasi pazere nepfuma yenyu.”—Pisarema 104:24; 148:1-5.

2 Vakawanda nhasi vanoita sevasingaoni kana kuti vanoramba uchapupu huri pachena hwemabasa oMusiki. (VaRoma 1:20) Zvisinei, tinoita zvakanaka kufungisisa pamusoro pawo uye kusvika pakutaura zvinoenderana nenzvimbo yatinayo pamberi poMuiti wedu nomutoro watinawo pamberi pake. Zvitsauko 38 kusvika ku41 zvaJobho zvinobatsira zvakanakisisa panyaya iyi, nokuti ipapo Jehovha akaita kuti Jobho afunge nezvezvimwe zvinhu zvemabasa Ake anoshamisa. Funga nezvedzimwe nhau dzinokosha dzakamutswa naMwari.

Mabasa ane Simba uye Anoshamisa

3. Sezvakanyorwa pana Jobho 38:22, 23, 25-29, Mwari akabvunza nezvezvinhu zvipi?

3 Pane imwe nguva Mwari akabvunza Jobho kuti: “Wakatongopinda panovigwa pfuma yamazaya echando here, kana wakatongoona panovigwa pfuma yechimvuramabwe here? Izvo zvandakachengetera nguva yenhamo, nezuva rokurwa nehondo here?” Munzvimbo dzakawanda dzenyika yedu, mazaya echando (snow) nechimvuramabwe zvinhu zvinogara zvakaitika. Mwari akaenderera mberi achiti: “Ndianiko wakacherera boporodzi remvura mugero, kana kuratidzira mheni yomutinhiro nzira yayo; kuti mvura iniswe panyika isina vanhu, parenje pasina vanhu; kuti ivhu rakasiyiwa nerakaparadzwa rigutswe; uye bumhudza rimereswe . . . ? Ko mvura inonaya ina baba here? Kana ndianiko wakazvara madonhedza edova? Mazaya echando akabuda muchizvaro chaaniko? Uye chando chokudenga ndianiko wakachibereka?”—Jobho 38:22, 23, 25-29.

4-6. Kuziva kwomunhu mazaya echando hakuna kukwana mupfungwa ipi?

4 Vamwe vanogara munzanga dzinoita zvinhu zvokumhanya-mhanya uye vanoda kufamba vangaona mazaya echando sechipinganidzo. Asi, vamwe vasingaverengeki vanoona mazaya echando achifadza, achiita kuti pave nenyika inoshamisa munguva yechando inovhura mikana yokuita zvinhu zvinongogona kuitwa panguva iyoyo chete. Uchifunga mubvunzo waMwari, unonyatsoziva mazaya echando here, kunyange kuti akaita sei? Chokwadi, tinoziva kuti akawanda awo akaita sei, zvichida kubva pamifananidzo yemirwi mikuru yemazaya echando kana kuti takanyatsoona mazaya echando akawanda pachedu. Asi zvakadini netumedu twemazaya echando? Unoziva here kuti twakadini, pamwe nemhaka yokuti wakatuongorora patunobva?

5 Vamwe varume vakapedza makumi emakore vachidzidza uye kutora mifananidzo yetumedu twemazaya echando. Kamedu kezaya rechando kangave kakaumbwa nemakirisitaro zana echando asingatani kuputsika akarongwa zvakasiyana-siyana zvakaisvonaka. Bhuku rinonzi Atmosphere rinoti: “Marudzi akasiyana-siyana asingaperi etumedu twemazaya echando akakurumbira kwazvo, uye kunyange zvazvo masayendisiti achisimbirira kuti hapana mutemo womusikirwo unorambidza kuvapo kwatwo twakafanana, hakusati kwambowanikwa tumedu twechando tuviri twakafanana. Kumwe kutsvakurudza kukuru kwakaitwa . . . naWilson A. Bentley, akapedza makore anopfuura 40 achiongorora nokutora mifananidzo yetumedu twemazaya echando achishandisa maikorosikopu asingambowani kana tuviri twakanga twakanyatsofanana.” Uye kunyange tuviri twaiita sotwakafanana, zvinova zvisingawanzoitiki, zvingabva zvachinja kushamisa kunoita marudzi akasiyana-siyana zvikuru emazaya echando here?

6 Yeuka mubvunzo waMwari wokuti: “Wakatongopinda panovigwa pfuma yemazaya echando here?” Vakawanda vanofunga kuti mumakore ndimo munovigwa mazaya echando. Ungafungidzira here uchienda panovigwa mazaya echando pakadaro kuti unoverenga tumedu twemazaya echando nemarudzi atwo akasiyana-siyana asingaperi uye kudzidza kuti twakavapo sei? Imwe enisaikoropidhiya yesayenzi inoti: “Rudzi nemavambo epanotangira kuoma chando, panodikanwa kuita kuti madonhwe emakore aome kuita chando patembiricha inenge -40°C, hazvisati zvava kunyatsonzwisiswa.”—Pisarema 147:16, 17; Isaya 55:9, 10.

7. Zivo yomunhu pamusoro pemvura inonaya inosvika papi?

7 Kana kuti zvakadini nemvura? Mwari akabvunza Jobho kuti: “Ko mvura inonaya ina baba here? Kana ndianiko wakazvara madonhedza edova?” Enisaikoropidhiya yacho inoti: “Nemhaka yokuoma kwakaita kunzwisisa mafambiro emhepo uye kusiyana kukuru kwomweya munyoro nezvinhu zviri mumhepo, zvinoratidza sezvisingabviri kuronga tsanangudzo huru ine zvakawanda pamusoro penzira iyo kurongeka kwemakore nemvura kunoitika nayo.” Nemashoko ari nyore, masayendisiti akapa tsanangudzo dzine mashoko akawanda, asi chaizvoizvo haagoni kutsanangura zvizere mvura inonaya. Asi, unoziva kuti mvura inokosha inonaya, ichidiridza pasi, kuraramisa zvinomera, zvichiita kuti upenyu hubvire uye hufadze.

8. Nei mashoko aPauro akanyorwa pana Mabasa 14:17 akakodzera?

8 Haungabvumirani here nemhedziso iyo muapostora Pauro akasvika pairi? Akakurudzira vamwe kuona mumabasa aya anoshamisa uchapupu pamusoro paIye anoaita. Pauro akataura nezvaJehovha Mwari kuti: “Asina kuzvisiya asina uchapupu pakuti akaita zvakanaka, achikupai mvura inobva kudenga nemwaka inobereka zvibereko, achizadza mwoyo yenyu zvikuru kusvika pakuzara nezvokudya nomufaro.”—Mabasa 14:17; Pisarema 147:8.

9. Mabasa anoshamisa aMwari anoratidza sei simba rake guru?

9 Hapangavi nomubvunzo kuti Muiti wemabasa anoshamisa kudaro uye anobatsira ane uchenjeri husingagumi nesimba guru. Kana riri simba rake funga nezveizvi: Zvinonzi kunoita mabhanan’ana anenge 45 000 zuva roga roga, anopfuura mamiriyoni 16 pagore. Izvi zvinoreva kuti anenge 2 000 ari kutoitika panguva ino chaiyo. Makore akaoma kunzwisisa ebhanan’ana rimwe azere nesimba rakaenzana neremabhomba enyukireya gumi kana kupfuura akadonhedzwa muHondo Yenyika II. Unoona rimwe resimba iroro semheni. Kunze kwokutyisa, kupenya kwemheni kunotobatsira kubudisa marudzi enitrogen anosvika muvhu, umo miti inoatora sefetiraiza yakasikwa yakadaro. Naizvozvo mheni isimba rinoratidzwa, asiwo ine zvinobatsira chaizvo zvainounza.—Pisarema 104:14, 15.

Iwe Unoti Kudini?

10. Ungapindura sei mibvunzo inowanika pana Jobho 38:33-38?

10 Zvifungidzire uriwe Jobho uchibvunzwa naMwari Wemasimba Ose. Ungabvuma kuti vanhu vakawanda havawanzofunga nezvemabasa anoshamisa aMwari. Jehovha anotibvunza mubvunzo watinoverenga pana Jobho 38:33-38. “Iwe unoziva mitemo yokudenga here? Iwe ungagona kurayira ushe hwazvo panyika here? Ko iwe ungasvitsa inzwi rako kumakore, kuti ufukidzwe nemvura yakawanda here? Iwe ungagona kutuma mheni, kuti dzifambe, dzichiti kwauri: Tiri pano, here? Ndianiko wakaisa uchenjeri mukati mamakore matema? Kana ndianiko wakapa nyeredzi njere? Ndianiko angagona kuverenga makore nouchenjeri hwake . . . ? Kana ndianiko angagona kudurura hombodo dzemvura dzokudenga? Kana guruva richiungana pamwe chete, namavhinga achinamatirana here?”

11, 12. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinoratidza kuti Mwari Muiti wemabasa anoshamisa?

11 Tangotaura nezvepfungwa shomanana idzo Erihu akabvunza Jobho, uye tataura nezvemimwe mibvunzo iyo Jehovha akabvunza Jobho kuti apindure “somurume.” (Jobho 38:3) Tinoti “mimwe” nokuti muzvitsauko 38 ne39, Mwari akanyanyotaura nezvemamwe mabasa makuru ezvakasikwa. Somuenzaniso, zvinyamutanhatu zvokudenga. Ndiani anoziva mitemo yazvo, kana mirayiro? (Jobho 38:31-33) Jehovha akaita kuti Jobho afunge nezvedzimwe mhuka—shumba negunguo, ngururu nembizi, nyati nemhou, uye bhiza rine simba negondo. Chaizvoizvo, Mwari akabvunza kana Jobho akanga ariye akapa mhuka idzi dzakasiyana-siyana maitiro adzo, achiita kuti dzirarame uye dzibudirire. Ungafara kudzidza zvitsauko izvi, kunyanya kana uchifarira mabhiza kana dzimwe mhuka.—Pisarema 50:10, 11.

12 Ungaongororawo zvitsauko 40 ne41 zvaJobho, apo Jehovha akatizve Jobho apindure mibvunzo pamusoro pezvimwe zvisikwa zviviri. Izvi tinozviziva semvuu (Bhehemoti), yakakura kwazvo uye ine muviri wakasimba, uye garwe (Revhiatani) rinotyisa romurwizi rwaNire. Chimwe nechimwe munzira yacho chishamiso chokusika chatinofanira kufunga nezvacho. Ngatichiona kuti chii chatinofanira kuguma tataura.

13. Jobho akanzwa sei paaibvunzwa naMwari, uye tinofanira kunzwa sei nezvenhau idzi?

13 Jobho chitsauko 42 inotiratidza kuti Jobho akanzwa sei paaibvunzwa naMwari. Pakutanga Jobho ainyanya kuzvifunga uye kufunga vamwe. Asi, achibvuma kururamisa kwaiva mumibvunzo yaMwari, Jobho akachinja kufunga kwaaiita. Akareurura achiti: “Ndinoziva kuti imi [Jehovha] munogona kuita zvose, uye kuti hakuna chamunovavarira zvingadziviswa. Ndianiko uyu unodzikatira zano raMwari asina zivo? Naizvozvo ndakataura zvandakanga ndisinganzwisisi, zvinhu zvakandishamisa kwazvo, zvandakanga ndisingazivi.” (Jobho 42:2, 3) Hungu, afunga nezvemabasa anoshamisa aMwari, Jobho akataura kuti zvinhu izvi zvakanga zvichinyanya kushamisa kwaari. Taongorora zvishamiso zvakasikwa izvi, tinofanira kuororwawo zvakadaro nouchenjeri hwaMwari nesimba. Kuti zvizodini? Inongova nyaya yokuororwa nesimba guru raJehovha nemano ake here? Kana kuti tinofanira kunzwa zvinopfuura ipapo?

14. Dhavhidhi akanzwa sei pamusoro pemabasa anoshamisa aMwari?

14 MuPisarema rechi86, tinowana mashoko akafanana neaya akataurwa naDhavhidhi, uyo mune rimwe pisarema akanga amboti: “Kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; uye denga rinoratidza basa ramaoko ake. Musi mumwe unotaurira mumwe musi, uye usiku humwe hunopupurira humwe usiku njere.” (Pisarema 19:1, 2) Asi Dhavhidhi akawedzerazve. Tinoverenga pana Pisarema 86:10, 11 kuti: “Imi muri mukuru, munoita zvinhu zvinoshamisa; ndimi Mwari woga. Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha, ndichafamba muzvokwadi yenyu, batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu.” Kushamiswa kwaDhavhidhi noMusiki nokuda kwemabasa Ake ose anoshamisa, kwaisanganisira mwero wakakodzera wokutya kwokumuremekedza. Unogona kunzwisisa kuti nei. Dhavhidhi akanga asingadi kugumbura Uyo aikwanisa kuita mabasa aya anoshamisa. Nesuwo hatifaniri kumugumbura.

15. Nei kutya Jehovha kwokuremekedza kwaiita Dhavhidhi kwakanga kwakakodzera?

15 Dhavhidhi anofanira kuve akaziva kuti sezvo Mwari ane simba guru kwazvo uye achiridzora, anogona kurishandisa kurwisa vanhu vapi nevapi vasingakodzeri nyasha dzake. Kwavari, izvozvo zvinotyisa. Mwari akabvunza Jobho kuti: “Wakatongopinda panovigwa pfuma yamazaya echando here, kana wakatongoona panovigwa pfuma yechimvuramabwe here? Izvo zvandakachengetera nguva yenhamo, nezuva rokurwa nehondo here?” Mazaya echando, chimvuramabwe, dutu, mhepo nemheni zvose zviri mugoba raMwari rezvombo. Uye zvechokwadi aya masimba akasikwa akadaro ane simba kwazvo!—Jobho 38:22, 23.

16, 17. Chii chinoratidza simba rinoshamisa rina Mwari, uye akashandisa sei simba rakadaro munguva yakapfuura?

16 Pamwe unoyeuka imwe ngwavaira yomuno yakaparirwa nechimwe cheizvi—dutu, chamupupuri, chimvuramabwe kana kuti mafashamo. Kuenzanisira, gore ra1999 rava kunopera, dutu guru rakakukura Europe nechokumaodzanyemba kwakadziva kumadokero. Zvakashamisa kunyange nyanzvi dzezvemamiriro okunze. Mhepo ine simba yaimhanya makiromita anosvika 200 paawa, ichikwadabura zviuru zvematenga edzimba, ichiwisa mapoo emagetsi, nokupidigura motokari. Edza kufungidzira izvi: Madutu acho akadzura kana kuti kuvhuna nepakati miti inenge mamiriyoni 270,—10 000 mupaka yeVersailles chete, iri kunze kweParis. Mamiriyoni edzimba akanga asina magetsi. Vanhu vanoda kusvika 100 vakafa. Zvose izvi zvichiitika muchinguva chiduku. Isimba rakadini!

17 Mumwe angati madutu zvinhu zvinongoerekana zvaitika, zvisina kwazvakananga, nezvisingadzorwi. Zvisinei, chii chingaitika kana Ane Masimba Ose akaita mabasa anoshamisa nokushandisa masimba akadaro achiita zvokuadzora nokuanangidzira? Akaita zvakadaro mumazuva aAbrahamu, uyo akadzidza kuti Mutongi wenyika yose akanga ayera uipi hwemaguta maviri, Sodhomu neGomora. Akanga akaipa kwazvo zvokuti kuchema kwaiitwa pamusoro pawo kwakakwira kuna Mwari, uyo akabatsira vakarurama vose kupona mumaguta akanga anzi achaparadzwa. Nhau yakanyorwa inoti: “Ipapo Jehovha akanayisa . . . surferi nomoto, zvichibva kudenga kuna Jehovha,” pamaguta iwayo. Iroro raiva basa rinoshamisa, kudzivirira vakarurama uye kuparadza vakaipa vasina tariro.—Genesi 19:24.

18. Isaya chitsauko 25 inotaura nezvezvinhu zvipi zvinoshamisa?

18 Pane imwe nguva, Mwari akasarudza kutonga guta reBhabhironi rekare, iro ringangodaro ririro guta rinorehwa muna Isaya chitsauko 25. Mwari akafanotaura kuti rimwe guta raizova dongo achiti: “Guta makariita dutu ramabwe, guta rakakombwa norusvingo makariita dongo, imba huru yavatorwa rirege kuva guta; haringatongovakwi.” (Isaya 25:2) Vanoshanyira paive neBhabhironi rekare mazuva ano vanogona kupupurira kuti izvi ndizvo zvazvakaita. Kuparadzwa kwakaitwa Bhabhironi aiva masanga chete here? Aiwa. Asi, tinogona kubvuma zvakataurwa naIsaya zvokuti: “Jehovha, ndimi Mwari wangu! Ndichakukudzai, ndicharumbidza zita renyu; nokuti makaita zvinoshamisa, izvo zvamakafunga kare nokutendeka nezvokwadi.”—Isaya 25:1.

Mabasa Anoshamisa Munguva Yemberi

19, 20. Tinogona kutarisira kuzadzika kupi kwaIsaya 25:6-8?

19 Mwari akazadzika uprofita hwataurwa pamusoro apa kare, uye achaita zvinoshamisa munguva yemberi. Pane zviri kutaurwa pano, apo Isaya anotaura “zvinoshamisa” zvaMwari, tinowana uprofita hwakavimbika husati hwazadzika, sezvo kutongwa kweBhabhironi kwakazadzika. ‘Chinhu chinoshamisa’ chipi chinopikirwa? Isaya 25:6 inoti: “Pagomo iri Jehovha wehondo achagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nemwongo, wewaini yakagara pamasese yakasvinwa zvakanaka.”

20 Zvechokwadi uprofita ihwohwo huchazadzika munyika itsva yakapikirwa naMwari iri pamberi apa. Panguva iyoyo, vanhu vachasunungurwa pamatambudziko ari kuremera vazhinji zvino. Chaizvoizvo, uprofita huri pana Isaya 25:7, 8 hunovimbisa kuti Mwari achashandisa simba rake rokusika kuita rimwe remabasa anoshamisa kupfuura ose aati amboita: “[Acha]paradza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha achapisika misodzi pazviso zvose; achabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake panyika yose, nokuti Jehovha wakataura izvozvo.” Muapostora Pauro akazodzokorora zviri mundima iyoyo ndokuzvishandisa pakumutsa kuchaita Mwari vakafa. Zvechokwadi, iroro richava basa rinozoshamisa kwazvo!—1 VaKorinde 15:51-54.

21. Mwari achaitira vakafa mabasa api anoshamisa?

21 Chimwe chikonzero nei misodzi yokusuwa ichanyangarika ndechokuti vanhu vachabvisirwa zvirwere zvavo. Jesu paaiva pasi pano, akaporesa vazhinji—achiita kuti mapofu aone, matsi dzinzwe, vakaremara vave nesimba. Johani 5:5-9 inorondedzera kuti akaporesa murume aive akaremara kwemakore 38. Vaiona vakafunga kuti ichi chakanga chiri chishamiso, kana kuti basa rinoshamisa. Zvechokwadiwo zvaishamisa! Zvisinei, Jesu akataura kuti chichatonyanya kushamisa kumutsa vakafa kwaachaita achiti: “Musashamiswa neizvi, nokuti awa iri kuuya mairi avo vose vari mumakuva ekurangaridza vachanzwa inzwi rake vobuda, avo vakaita zvakanaka kukumuka kwoupenyu.”—Johani 5:28, 29.

22. Nei varombo nevakadzvinyirirwa vangatarisira mberi netariro?

22 Izvi zvine chokwadi chokuitika nokuti ari kuzvipikira ndiJehovha. Iva nechokwadi chokuti paachashandisa nokunyatsorayira simba rake guru rinodzorera zvinhu sezvazvakanga zviri, zvichabuda ipapo zvinoshamisa. Pisarema 72 inoratidza zvaachaita achishandisa Mwanakomana wake Mambo. Ipapo wakarurama uchakura. Rugare ruchawanda. Mwari achanunura varombo nevakadzvinyirirwa. Anopikira kuti: “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pemakomo; zvibereko zvazvo zvichaunga seRebhanoni [rekare]; vanogara paguta vachakura souswa pasi.”—Pisarema 72:16.

23. Mabasa anoshamisa aMwari anofanira kutikurudzira kuitei?

23 Zviri pachena kuti tine chikonzero chokufunga nezvemabasa anoshamisa aJehovha—zvaakaita munguva yakapfuura, zvaari kuita nhasi, uye zvaachaita munguva pfupi iri mberi. “Jehovha Mwari, iye Mwari waIsraeri, ngaarumbidzwe, Iye oga anoita zvinoshamisa. Uye zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi; pasi pose ngapazadzwe nokubwinya kwenyu. Ameni, Ameni.” (Pisarema 72:18, 19) Ndiyo inofanira kuva nyaya yatinokurukurirana nomufaro nevoukama nevamwe nguva dzose. Hungu, “ngatidudzir[e] kubwinya kwake pakati pavahedheni, mabasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose.”—Pisarema 78:3, 4; 96:3, 4.

Ungapindura Sei?

• Mibvunzo yakabvunzwa Jobho inoratidza sei kuti ruzivo rwomunhu rune parunogumira?

• Mienzaniso ipi yemabasa anoshamisa aMwari anotaurwa muzvitsauko 37-41 zvaJobho inokuorora?

• Tinofanira kuita sei patinenge tafunga mamwe emabasa anoshamisa aMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 10]

Unoti kudii notumedu twemazaya echando twakasiyana-siyana zvikuru uye simba rinotyisa remheni?

[Kwazvakatorwa]

snowcrystals.net

[Mifananidzo iri papeji 13]

Mabasa anoshamisa aMwari ngaave chinhu chaunogara uchitaura nezvacho