Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurarama Kwaungaita Uchinzwa Kuora Mwoyo

Kurarama Kwaungaita Uchinzwa Kuora Mwoyo

Kurarama Kwaungaita Uchinzwa Kuora Mwoyo

● Asafi akagunun’una achiti: “Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu pasina, nokushambidza maoko angu ndisina mhosva; nokuti ndakatambudzwa zuva rose, ndakarangwa mangwanani ose.”—Pisarema 73:13, 14.

● Bharuki akadanidzira nokurwadziwa achiti: “Ndine nhamo zvino, nokuti Jehovha wakawedzera kuchema pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera kwangu, ndinoshayiwa zororo.”—Jeremia 45:3.

● Naome akachema achiti: “Wamasimba ose wandiitira zvinovava kwazvo. Ndakabuda ndizere, Jehovha akandidzoserazve kumusha ndisina chinhu; munondiidzireiko Naome, Jehovha zvaakandipupurira mhosva, Wamasimba ose zvaakandimanikidza?”—Rute 1:20, 21.

BHAIBHERI rine mienzaniso yakawanda zvikuru yevanamati vaJehovha vakatendeka vakakurirwa nokuora mwoyo pane dzimwe nguva. Asi chiripo ndechokuti sevanhu vasina kukwana tose tinonzwa kudaro nguva nenguva. Vamwe vedu tingava tichikurumidza kuora mwoyo zvikuru—zvichida tichitombozvinzwira tsitsi—kupfuura vamwe nemhaka yokuti takamborarama muzviitiko zvakashata.

Zvisinei, kana kukasadzorwa, kunzwa uku kunogona kukanganisa ukama hwako nevamwe uye naJehovha Mwari. Mumwe mukadzi wechiKristu akanga asingatani kuzvinzwira tsitsi anobvuma kuti: “Ndakaramba kukokwa kwakawanda kunotandara neshamwari nokuti ndainzwa kuti ndakanga ndisiri shamwari ingafanira vaya vari muungano.” Zvechokwadi, manzwiro iwayo anogona kupedzisira avhiringidza upenyu hwomunhu zvikuru! Ungaitei kuti uapedze?

Swedera Pedyo naJehovha

MuPisarema rechi73, Asafi akanyora achibuda pachena nezvokuvhiringidzika kwake. Achienzanisa mamiriro ake ezvinhu nokubudirira kwevakaipa, akava neshanje. Akacherechedza kuti vakanga vasingadi Mwari vaizvikudza vachiita chisimba, uye zvaiita sokuti hapana chaizoitika kwavari. Ipapo Asafi akataura kuti akanga asina chokwadi kana kuramba kwake ari munzira yakarurama muupenyu kwaikosha.—Pisarema 73:3-9, 13, 14.

Kufanana naAsafi, iwewo wakambocherechedza kubudirira kunooneka kwevakaipa vanoshamisira nokuita kwavo zvakaipa here? Asafi akakurira sei kuora mwoyo kwake? Anopfuurira achiti: “Ndakaramba ndichifunga kuti ndizvinzwisise, asi zvakandiremera kwazvo; kusvikira ndapinda panzvimbo tsvene yaMwari, ndikatarira kuguma kwavo.” (Pisarema 73:16, 17) Asafi akaita nhano dzakanaka nokunyengetera kuna Jehovha. Kuzvitaura nemashoko akazoshandiswa nomuapostora Pauro gare gare, Asafi akakurira “munhu wenyama” nokumutsa “munhu womudzimu” maari. Ava nemaonero omudzimu akavandudzwa, akanzwisisa kuti Jehovha aivenga zvakaipa uye kuti munguva yakafanira vakaipa vaizorangwa.—1 VaKorinde 2:14, 15.

Zvinokosha kwazvo kuti ubvumire Bhaibheri kukubatsira kuona upenyu sezvahuri! Jehovha anotiyeuchidza kuti anoona zvinoitwa nevanhu vakaipa. Bhaibheri rinodzidzisa kuti: “Musatsauswa: Mwari haasi wokuseka. Nokuti zvinodyara munhu, ndizvo zvaachakohwa . . . Nokudaro tisarega kuita zvakanaka kwazvo.” (VaGaratiya 6:7-9) Jehovha uchaisa vakaipa “panotedza”; uchavaita kuti “vaparadzwe.” (Pisarema 73:18) Kururamisira kwaMwari kuchatekeshera pakupedzisira.

Purogiramu isingamiri yokudya kwomudzimu patafura yaJehovha uye kusonganira kwakanaka nevanhu vaMwari zvichakubatsira kusimbisa kutenda kwako uye kukurira kuora mwoyo kana kumwe kusanzwa zvakanaka. (VaHebheru 10:25) Kufanana naAsafi, Mwari achakutsigira nenzira yorudo ukaramba uri pedyo naye. Asafi anopfuurira achiti: “Kunyange zvakadaro ndinoramba ndinemi; makabata ruoko rwangu rworudyi. Muchandiperekedza nezano renyu; ndokuzondigamuchira pakubwinya.” (Pisarema 73:23, 24) Mumwe muKristu akashungurudzwa achiri mwana akadzidza uchenjeri hwemashoko aya. Anoti: “Kuramba ndiri pedyo neungano kwakandiratidza zvakaita upenyu nemaonero akasiyana. Ndakanyatsoona kuti vakuru vechiKristu vaiva norudo, uye kuti vakanga vasiri mapurisa asi vafudzi.” Hungu, vakuru vechiKristu vane tsitsi vanoita basa rinokosha mukupedza kunzwa kunokuvadza.—Isaya 32:1, 2; 1 VaTesaronika 2:7, 8.

Bvuma Zano raJehovha

Bharuki, munyori womuprofita Jeremiya akagunun’una nemhaka yokuneta mupfungwa nebasa rake. Zvisinei, Jehovha akaita nomutsa kuti Bharuki aone zvinhu sezvazviri. “Iwe unozvitsvakira zvinhu zvikuru . . . Usazvitsvaka; nokuti tarira, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penyama yose—ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndichakupa upenyu hwako chive chinhu chakapambwa panzvimbo dzose kwaunoenda.”—Jeremia 45:2-5.

Nokutaura kwakananga Jehovha akatsanangura kuti kutsvaka kwaiita Bharuki zvinhu nenzira youdyire ndiko kwaimuodza mwoyo. Bharuki aisagona kuwana mufaro mubasa rake raakapiwa naMwari uku achizvitsvakira zvinhu zvikuru. Iwewo ungawana kuti nhanho chaiyo inoshanda pakukurira kuora mwoyo ndeyokudzivisa zvinotsausa ndokugamuchira rugare rwepfungwa runobva pakugutsikana kunopiwa naMwari.—VaFiripi 4:6, 7.

Naome akanga ari chirikadzi haana kubvumira kurwadziwa kuti kumutadzise kuita zvinhu muMoabhi pakafa murume wake nevanakomana vake vaviri. Zvisinei, pane zvinoratidza kuti kwenguva yakati ainzwa kurwadziwa nemamiriro ake ezvinhu neevaroora vake vaviri. Paaivaudza kuti vadzokere, Naome akati: “Ndine shungu kwazvo nokuda kwenyu, nokuti ruoko rwaJehovha runorwa neni.” Zvekare, paakasvika Bheterehema, akaomerera pakuti: “Regai kundiidza Naome, [“Zvakandinakira”] asi mundiidze Mara, [“Zvinovava”] nokuti Wamasimba ose wakandiitira zvinovava kwazvo.”—Rute 1:13, 20.

Zvisinei, Naome haana kuzviparadzanisa nevamwe nokuramba achichema—kuzviisa kure naJehovha nevanhu vake. MuMoabi akanga anzwa kuti “Jehovha wakarangarira vanhu vake, akavapa zvokudya.” (Rute 1:6) Akanzwisisa kuti nzvimbo yakanga yakamunakira zvikuru yaiwanikwa pavanhu vaJehovha. Pamwe chete nomuroora wake Rute, Naome akabva azodzokera kuJudha uye akatungamirira Rute nounyanzvi pane zvaaizofanira kuita kuhama yavo yechirume Bhoazi, mudzikinuri wake.

Nhasiwo, vakatendeka vakafirwa nevavakanga vakaroorana navo vari kukurira zvinobudirira kunetseka mupfungwa nokuramba vakabatikana muungano yechiKristu. Kufanana naNaomi, vanoramba vachizvishandisa nesimba kuzvinhu zvomudzimu, vachiverenga Shoko raMwari zuva nezuva.

Kubatsira Kunoita Kushandisa Uchenjeri hwaMwari

Nhoroondo dzeBhaibheri idzi dzinoita kuti tinzwisise kuti munhu angararama sei nezvinokonzerwa nokuora mwoyo. Asafi akatsvaka kubatsirwa panzvimbo tsvene yaJehovha uye akamirira Jehovha nokushivirira. Bharuki akabvuma zano uye akadzivisa zvinhu zvenyama zvinotsausa. Naome akaramba achishingaira pakati pevanhu vaJehovha, achiita kuti mudzimai muduku Rute agadzirire kuwana ropafadzo dzake mukunamata Mwari wechokwadi.—1 VaKorinde 4:7; VaGaratiya 5:26; 6:4.

Unogona kukurira kuora mwoyo nemamwe manzwiro asina kunaka nokuramba uchifunga nezvokukunda uko Jehovha akapa vanhu vake, mumwe nomumwe uye vakawanda. Kuti uite kudaro, fungisisa chiito chikuru chaJehovha chorudo mukuita kuti pave norudzikinuro rwako. Koshesa rudo rwechokwadi rwehama dzechiKristu. Funga nezvoupenyu hwako munyika itsva yaMwari iri mberi zvishoma. Uye ita saAsafi akati: “Kana ndirini, kuswedera pedyo naMwari ndizvo zvinondifadza; Ishe Mwari ndakamuita nhare yangu, kuti ndiparidze mabasa enyu ose.”—Pisarema 73:28.