Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Njodzi Isingaoneki Youtano Hwevoruzhinji”

“Njodzi Isingaoneki Youtano Hwevoruzhinji”

“Njodzi Isingaoneki Youtano Hwevoruzhinji”

KUONGORORA kwakaitwa nguva ichangopfuura kwokurara pamwe kwepaInternet kwakazivisa kuti chikamu chimwe muzvitatu chinoshamisa kwazvo chevakuru vanoshandisa Internet muUnited States chakaona purogiramu dzinoratidza zvepabonde. Vanhu vakawanda zvino vari kubvumira zvishuvo zvavo zvokurara nomunhu vachiona paInternet. “Muchidimbu, iyi injodzi isingaoneki youtano hwevoruzhinji iri kuwedzera, nokuti havasi vakawanda vari kuziva kuti injodzi kana kuti kuitora nenzira yakakomba,” anodaro Dr. Al Cooper, nyanzvi yokushanda kwepfungwa iyo yakaongorora nhau yacho.

Zvikurukuru ndivanaani vari nyore kukuvadzwa nounzenza hwakadaro hwepaInternet? “Vashandisi vaya vangave vakadzvinyirirwa mune zvepabonde zvichikanganisa upenyu hwavo hwose” asi “pakarepo vanoona mikana yokurara pamwe isingaperi” paInternet, anodaro Dr. Cooper.

Zvisinei, vakawanda vevaya vanogara vachivhura purogiramu dzinoratidza zvepabonde, vanofunga kuti muitiro wacho haukuvadzi. Ndizvo here? Sezvinongoita akapindwa muropa nezvinodhaka anopedzisira asisakurumidzi kudhakwa nezvaanoshandisa, vakapindwa muropa nounzenza hwepaInternet vakawanda vanotsvaka “zvakawanda” zvepabonde paInternet kuti vagutse zvishuwo zvavo. Chokwadi, vangatokanganisa basa ravo uye ukama hwavo newavakaroorana naye!

Zvisinei, vaya vanoda kufadza Mwari vane chimwezve chikonzero chokusavhura purogiramu dzinoitwa zvounzenza paInternet. Shoko raMwari rinorayira kuti: “Naizvozvo, urayai mitezo yomuviri wenyu iri pasi pano kana toreva nezvoufeve, kusachena, kushumba, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora, kuri kunamata zvidhori. Nemhaka yezvinhu izvozvo hasha dzaMwari dziri kuuya.” (VaKorose 3:5, 6) Kuti ‘auraye nhengo dzomuviri wake’ pamusoro pokuva nehavi yezvisina kuchena, munhu anofanira kuda Jehovha Mwari zvikuru. (Pisarema 97:10) Kana akaona achikwezvwa nounzenza hwepaInternet iri njodzi youtano hwevoruzhinji, anofanira kusimbisa kuda kwaanoita Jehovha nokudzidza Shoko raMwari, Bhaibheri. Kushamwaridzana kwakanaka neZvapupu zvaJehovha paHoro yoUmambo yomunharaunda imomo kungabatsira zvikuru munhu kuti asimbise chisarudzo chake chokufadza Mwari.