Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ona Muiti Wezvinhu Zvinoshamisa!

Ona Muiti Wezvinhu Zvinoshamisa!

Ona Muiti Wezvinhu Zvinoshamisa!

“Chimbomirai murangarire mabasa anoshamisa aMwari.”—JOBHO 37:14.

1, 2. Muna 1922, zvii zvinoshamisa zvakawanikwa, uye vakazviwana vakanzwa sei?

NYANZVI yezvinocherwa mumatongo neanoremekedzwa wokuBritain vakanga vashandira pamwe kutsvaka pfuma yacho kwemakore akawanda. Pakupedzisira, musi waNovember 26, 1922, nyanzvi yezvinocherwa muMatongo Howard Carter uye Anoremekedzwa Carnarvon vakawana mubayiro wacho—guva raFarao Tutankhamen—paivigwa vanafarao veIjipiti muMupata wakakurumbira weMadzimambo. Pavakasvika pakanga pane musuo wakanamwa, vakaboora buri. Carter akaisa kenduru ndokudongorera mukati.

2 Carter akazorondedzera kuti: “Apo Anoremekedzwa Carnarvon akanga akuvara neshungu dzokuda kuziva zvaiva mukati, akabvunza kuti, ‘Pane chauri kuona here?’ ndakagona kungoti, ‘Hungu, zvinhu zvinoshamisa.’” Pazviuru zvepfuma yaiva muguva macho paiva nebhokisi romufi rakagadzirwa nendarama. Ungave wakaona zvimwe zve“zvinhu zvinoshamisa” izvozvo pamapikicha kana kuti mumiziyamu. Asi, kunyange zvinhu zvomumiyuziyamu izvozvo zvingashamisa hazvo, zvingangova zvisina chokuita noupenyu hwako. Saka, ngatichitaurai nezvezvinhu zvinoshamisa zvine chokuita newe uye zvinokosha kwauri.

3. Ndokupi kwatinowana mashoko ezvinhu zvinoshamisa zvingava zvinokosha kwatiri?

3 Somuenzaniso, funga nezvomurume akararama mazana emakore akawanda akapfuura, murume anofanira kucherechedzwa kupfuura chero nyanzvi ipi zvayo yomubhaisikopu, shasha yemitambo, kana weimba youmambo. Ainzi mukuru kune vose vokuMabvazuva. Uchaziva zita rake—Jobho. Rimwe bhuku rose romuBhaibheri rakanyorwa pamusoro pake. Asi, mumwe wevakararama panguva imwe naJobho, murume wechiduku ainzi Erihu, akanzwa achida kumururamisa. Chaizvoizvo, Erihu akati Jobho akanga ari kunyanyisa kuzvifunga uye kunyanyisa kufunga vamwe vakanga vakamupoteredza. Muna Jobho chitsauko 37, tinoona rimwe zano rakajeka uye rokuchenjera ringava rinokosha zvechokwadi kune mumwe nomumwe wedu.—Jobho 1:1-3; 32:1–33:12.

4. Chii chakaita kuti Erihu ape zano rakanyorwa pana Jobho 37:14?

4 Dzaizviti ishamwari dzaJobho nhatu dzakataura kwenguva yakareba nezvepadzaifunga kuti Jobho akanga akanganisa pakufunga kana pakuita. (Jobho 15:1-6, 16; 22:5-10) Erihu akamirira kusvikira kukurukurirana ikoko kwapera. Ipapo akataura nokunzwisisa nokuchenjera. Akataura zvinhu zvakawanda zvinokosha, asi ona pfungwa iyi inokosha: “Teererai shoko iri, nhasi Jobho; chimbomirai murangarire mabasa anoshamisa aMwari.”—Jobho 37:14.

Munhu Akaita Mabasa Acho

5. “Mabasa anoshamisa aMwari” aitaurwa nezvawo naErihu ane chokuita nei?

5 Cherechedza kuti Erihu haana kuti Jobho azvifunge pachake, afunge iye Erihu, kana kuti vamwe vanhu. Erihu akakurudzira Jobho—nesu—nenzira yokuchenjera kufunga nezvemabasa anoshamisa aJehovha Mwari. Unofunga kuti mashoko okuti “Mabasa anoshamisa aMwari” anosanganisirei? Uyezve, uchifunga nezvokunetseka kwaungadaro uri kuita pamusoro poutano, mari, nguva yemberi, mhuri yako, vaunoshanda navo, uye vavakidzani, nei uchifanira kufunga nezvemabasa anoshamisa aMwari? Hapana mubvunzo kuti mabasa anoshamisa aJehovha Mwari ane chokuita nouchenjeri hwake nesimba rake pazvinhu zvaakasika zvakatipoteredza. (Nehemia 9:6; Pisarema 24:1; 104:24; 136:5, 6) Kuti izvi zvijeke, cherechedza zvinotaurwa mubhuku raJoshua.

6, 7. (a) Jehovha akaita mabasa api anoshamisa mumazuva aMosesi naJoshua? (b) Kudai wakanga waona mamwe emabasa iwayo munguva yaMosesi naJoshua, ungadai wakaita sei?

6 Jehovha akaunza matambudziko paIjipiti yekare akaparadzanisa Gungwa Dzvuku kuitira kuti Mosesi agone kutungamirira vaIsraeri vekare kurusununguko. (Eksodho 7:1–14:31; Pisarema 106:7, 21, 22) Pane chiitiko chakafanana neichi chinorondedzerwa muna Joshua chitsauko 3. Joshua, akatsiva Mosesi, aizofanira kuyambutsa vanhu vaMwari nepane imwezve mvura zhinji vachipinda muNyika Yakapikirwa. Joshua akati: “Zvinatsei, nokuti mangwana Jehovha achaita zvinoshamisa pakati penyu.” (Joshua 3:5) Zvinoshamisa zvei?

7 Nhoroondo yacho inoratidza kuti Jehovha akavhura mvura yaiva yakavharira, Rwizi rweJodhani, kuitira kuti zviuru zvevarume, vakadzi, nevana zvigone kuyambuka nepanyika yakaoma. (Joshua 3:7-17) Kudai taivako tichiona rwizi ruchivhurika uye vanhu vose ivavo vachiyambuka zvakanaka-naka, tingadai takaoma mate mukanwa nokubudirira kunoshamisa kwazvakaita! Chiitiko ichi chakaratidza simba rina Mwari pane zvakasikwa. Asi, iye zvino—panguva yatiri kurarama—kune zvinhu zvinongoshamisawo saizvozvo. Kuti uone kuti zvimwe zvacho ndezvipi uye chikonzero nei tichifanira kufunga nezvazvo, verenga Jobho 37:5-7.

8, 9. Jobho 37:5-7 inotaura nezvemabasa api anoshamisa, asi nei tichifanira kufunga nezvaiwaya?

8 Erihu akataura kuti: “Mwari anotinhira nenzwi rake [“nenzira,” NW] inoshamisa; anoita zvinhu zvikuru zvatisingagoni kunzwisisa.” Erihu aifungei nezvokuita kwaMwari zvinhu “nenzira inoshamisa”? Anotaura nezvemazaya echando (snow), mapopoma emvura. Izvi zvaizomisa basa romurimi mumunda wake, zvichimupa nguva nechikonzero chokufunga mabasa aMwari. Tingasava varimi, asi mvura nemazaya echando zvingava nezvazvinoita patiri tose. Zvichienderana nokwatinogara mazaya echando nemvura zvingadzongonyedza mabasa edu zvakare. Tinowana nguva yokufungisisa kuti ndiani anoita zvishamiso zvakadaro uye zvazvinoreva here? Wati wambozviita here?

9 Zvinokosha kuti, sezvatinoverenga muna Jobho chitsauko 38, Jehovha Mwari pachake akafunga nenzira iyoyo, sezvaakabvunza Jobho mibvunzo inokosha. Kunyange zvazvo Musiki wedu akabvunza Jobho mibvunzo iyi, zviri pachena kuti ine zvainoreva pamafungiro edu, kuvapo kwedu, uye nguva yedu yemberi. Saka ngatione zvakabvunzwa naMwari, uye ngatifunge zvazvinoreva, hungu, ngatiite zvatinokurudzirwa kuita pana Jobho 37:14.

10. Chitsauko 38 chaJobho chinofanira kuita kuti tinzwe sei, uye chinomutsa mibvunzo ipi?

10 Chitsauko 38 chinotanga chichiti: “Jehovha akapindura Jobho, ari pachamupupuri, akati: Ndianiko uya unodzima zano rangu achiriita rima namashoko asina zivo . . . ? Chizvisunga chiuno chako zvino somurume; nokuti ndichakubvunzisisa, iwe undidudzire.” (Jobho 38:1-3) Izvi zvinoita kuti pfungwa dzigadzirire. Zvakabatsira Jobho kugadzirisa mafungiro ake kuti anyatsoona kuti chaizvoizvo akanga akatomira pamberi poMusiki wezvinhu zvose uye kuti akanga achifanira kuzvidavirira kwaari. Chinhu chakanakawo chokuti tiite isu nevatiri kurarama navo panguva ino. Ipapo Mwari akataura nezvezvinhu zvakanga zvataurwa naErihu. “Iwe wakanga uripiko panguva yandakateya nheyo dzenyika? Chidudzira, kana une zivo iwe. Ndianiko wakatara kukura kwayo, kana uchizviziva? Kana ndianiko wakaiyera norwonzi? Ko nheyo dzayo dzakateyiwa pamusoro pei? Kana ndianiko wakateya ibwe rayo rekona?”—Jobho 38:4-6.

11. Jobho 38:4-6 inofanira kuita kuti tizive chii?

11 Jobho akanga aripi—tose taivepi—pakasikwa nyika? Tisu vagadziri vepurani vakagadzira mufananidzo wepasi redu uye, kubva pamufananidzo iwoyo, tikadhirowa urefu hwacho sokuti taizviita nerura here? Zvechokwadi hatisisu! Vanhu vaisatombovapo. Sokunge kuti pasi redu raiva chivako, Mwari akabvunza kuti: “Ndianiko wakateya ibwe rayo rekona?” Tinoziva kuti pasi rakaiswa pachinhambwe chakanyatsokodzera kubva kuzuva redu kuti isu tirarame uye tibudirire. Uyewo ukuru hwaro ndihwo chaihwo. Kudai pasi ranga rakati kurei kupfuura apa, gasi rehydrogen raisazobuda mumhepo yakapoteredza pasi uye nyika yedu yaisazoraramika. Zviri pachena kuti mumwe munhu “akateya ibwe rayo rekona” panzvimbo chaiyo. NdiJobho here? Tisu? Kana kuti ndiJehovha Mwari?—Zvirevo 3:19; Jeremia 10:12.

Ndiani ane Mhinduro?

12. Mubvunzo unowanika pana Jobho 38:6 unoita kuti tifunge nezvechii?

12 Mwari akabvunzawo kuti: “Ko nheyo dzayo dzakateyiwa pamusoro pei?” Iwoyo mubvunzo wakanaka, handizvo here? Pamwe tinoziva shoko rakanga risingazivikanwi naJobho—giravhiti [simba rinokwevera zvinhu pasi]. Vakawanda vedu tinonzwisisa kuti simba regiravhiti rinobva pazimburumbwa rezuva rinochengeta pasi redu riri munzvimbo yaro, kuita sokuti nheyo dzaro dzakateyiwa. Kunyange zvakadaro ndiani anonyatsonzwisisa giravhiti?

13, 14. (a) Chii chinofanira kubvumwa pamusoro pegiravhiti? (b) Tinofanira kuita sei maererano nezvinotaurwa pana Jobho 38:6?

13 Rimwe bhuku richangobva kubudiswa rine musoro unonzi The Universe Explained (Zvakasikwa Zvose Zvinotsanangurwa) rinobvuma kuti ‘giravhiti ndiro simba rakakurumbira zvikuru pamasimba ose akasikwa, asi ndiro risinganzwisiswi zvakanyanya.’ Rinoenderera mberi richiti: “Simba regiravhiti rinoratidza serinofamba nepasina chinhu pakarepo, pasina imwe nzira inozivikanwa yokuita kudaro. Zvisinei, mumakore achangobva kupfuura, nyanzvi dzephysics dzakatanga kufungidzira kuti giravhiti inofanira kunge ichifamba mumasaisai akagadzirwa nezvimedu zvinonzi magraviton . . . Asi hapana ane chokwadi chaicho chokuvapo kwawo.” Funga zvazvinoreva.

14 Sayenzi yakafambira mberi kwemakore 3 000 kubva apo Jehovha akabvunza Jobho mibvunzo iyoyo. Kunyange zvakadaro, isu kana nyanzvi dzephysics hatigoni kutsanangura zvizere giravhiti, inoita kuti pasi redu rirambe riri mugwara raro rakarurama, marinofanira kuva chaimo kuitira kuti tinakidzwe noupenyu tiri pano. (Jobho 26:7; Isaya 45:18) Hazvisi kureva kuti tose tinofanira kudzidza zvakadzama zvakavanzika zvegiravhiti. Asi, kufunga kunyange nezvechinhu chimwe ichi chemabasa anoshamisa aMwari kunofanira kuchinja maonere atinomuita. Uchenjeri hwake nezivo zvinokutyisa here, uye unoona here chikonzero nei tichifanira kudzidza zvakawanda pamusoro pezvaanoda?

15-17. (a) Jobho 38:8-11 inotaura nezvechii, zvichiita kuti pave nemibvunzo ipi? (b) Chii chinofanira kubvumwa pamusoro pokuziva nezvenyanza nepadzakaiswa pasi pano?

15 Musiki anoenderera mberi nokubvunza kwake achiti: “Ndianiko wakadzivira gungwa nemikova, panguva yokudzutuka kwaro, richibuda pachizvaro; panguva yandakaita gore nguo yaro, uye rima guru uve mucheka wokuriputira nawo; panguva yandakaritarira muganho waro, ndikariisira mazariro nemikova, ndikati: Ungasvikira pano, asi haungapfuuri; mafungu ako, anozvikudza, achadzivirirwa pano?”—Jobho 38:8-11.

16 Kudzivira makungwa kune chokuita nemakondinendi, nyanza, nemafungu. Munhu akacherechedza nokudzidza nezvezvinhu izvi kwenguva yakareba sei? Kwezviuru zvemakore—uye akanyanya kuzviita muzana remakore rapfuura. Ungafungidzira kuti zvizhinji zvezvinofanira kuzivikanwa pamusoro pazvo zvinofanira kuva zvakawanika iye zvino. Asi, mugore rino ra2001, kudai waizoongorora nyaya iyi mumaraibhurari makuru kana kushandisa Internet ine simba kwazvo pakutsvakurudza kuti uwane mashoko azvino uno, waizowanei?

17 Mune rimwe bhuku rinoshandiswa nevanhu vazhinji, waizowana kubvuma uku: “Magariro akaita makondinendi nenyanza pamusoro penyika nemagariro emitunhu mikuru ave ari chimwe chezvinetso zvikuru zvokuongorora kwesayenzi nokuedza kupa tsanangudzo kwenguva yakareba.” Yapedza kutaura kudaro, enisaikoropidhiya ine mashoko achangotaurwa inopa tsanangudzo ina dzingabvira asi inoti idzi dziri “pakati pokufungidzira kuzhinji.” Sezvaungaziva, kufungidzira “kunoratidza kusava nouchapupu hwakakwana hwokupa inopfuura tsanangudzo isina chokwadi.”

18. Jobho 38:8-11 inokusvitsa pakuziva chii?

18 Izvi hazviratidzi kukodzera nguva kwemibvunzo yatinoverenga pana Jobho 38:8-11 here? Chokwadi hatisisu tinganzi takaronga zvinhu izvi zvose zvenyika yedu. Hatisisu takaisa mwedzi kuitira kuti simba rawo rigobatsira kubudisa mafungu ayo asingawanzi kufukidza mahombekombe edu kana kuti kwatinogara. Unoziva akauisa, Muiti wezvinhu zvinoshamisa.—Pisarema 33:7; 89:9; Zvirevo 8:29; Mabasa 4:24; Zvakazarurwa 14:7.

Ipa Jehovha Mbiri Yakamufanira

19. Mashoko anenge okudetemba ari pana Jobho 38:12-14 anofanira kuita kuti tifunge nezvezvinhui zvechokwadi zvinooneka?

19 Vanhu havangati ndivo vakaita kuti pasi ritenderere zvinotaurwa pana Jobho 38:12-14. Kutenderera uku kunoita kuti kuve nemambakwedza, kazhinji akanaka zvinoshamisa. Panobuda zuva, zvakaita pasi redu zvinowedzera kujeka, sechiratidzo chinosiyiwa pavhu rokuumbisa kana radhindwa nechidhindo. Patinofunga kunyange zvishomanana nezvokufamba kwepasi, tinofanira kuyemura kuti pasi haritendereri nokukurumidzisa, zvaizova nengozi, sezvatinogona kuona zviri nyore. Uyewo haritendereri richinonoka zvokuti masikati nousiku zvinoita kuti kutonhore nokupisa zvakanyanyisa, nemhaka yokuti zvinenge zvareba kupfuura zvazviri, izvo zvaizoita kuti vanhu vatadze kurarama. Kutaura chokwadi, tinofanira kufara kuti Mwari, kwete boka ripi neripi revanhu, ndiye akagadza mwero wacho wokutenderera.—Pisarema 148:1-5.

20. Waizopindura sei mibvunzo inobvunzwa pana Jobho 38:16, 18?

20 Zvino, fungidzira kuti Mwari akubvunzazve mimwe mibvunzo iyi: “Iwe wakatongopinda pamatsime egungwa here? Kana wakatongofamba pakadzikadzika pasi here?” Kunyange nyanzvi yezvemakungwa haingapinduri zvakakwana! “Wakatongonzwisisa upamhi hwenyika here? Dudzira, kana uchizviziva zvose.” (Jobho 38:16, 18) Wakaenda here kunoona nzvimbo dzose dziri pasi pano, kana kuti kunyange zhinji dzacho? Kufunga nezvenzvimbo dzakaisvonaka nezvishamiso zvepasi redu kwaizoda upenyu hwakareba sei? Uye idzodzo dzaizova nguva dzinonakidza kwazvo!

21. (a) Mibvunzo iri pana Jobho 38:19 ingaunza maoneroi ezvesayenzi? (b) Chokwadi pamusoro pechiedza chinofanira kuita kuti tiite chii?

21 Tarirawo mibvunzo yakadzama iri pana Jobho 38:19 inoti: “Nzira iripiko inoenda kunogara chiedza, kana riri rima, nzvimbo yaro iripiko?” Ungadaro uchiziva kuti kwenguva refu, vakawanda vaifunga kuti chiedza chinofamba sesaisai, semasandairira atinogona kuona mudhamu. Ipapo muna 1905, Albert Einstein akatsanangura kuti chiedza chinoita sezvisumbu, kana kuti zvimedu zvesimba. Izvozvo zvakapedza nyaya yacho here? Imwe enisaikoropidhiya yemisi ichangobva kupfuura yakabvunza kuti: “Chiedza isaisai here kana kuti chimedu?” Inopindura kuti: “Zvinoratidza sokuti, [chiedza] hachigoni kuva zvose nokuti zviviri izvi [masaisai nezvimedu] zvakasiyana kwazvo. Mhinduro yakanakisisa ndeyokuti chiedza hachisi chimwe chaizvozvi.” Kunyange zvakadaro, tinoramba tichidziyirwa (zvakananga kana kuti zvisina) nechiedza chezuva, kunyange zvazvo pasati pava nomunhu anokwanisa kutsanangura zvizere mabasa aMwari panyaya iyi. Tinonakirwa nezvokudya uye mweya wokufema unobudiswa apo miti inonzwa chiedza. Tinogona kuverenga, kuona zviso zvevadiwa vedu, kuyeva kunyura kwezuva, zvichingodaro. Sezvatinoita izvozvo, hatifaniri kubvuma mabasa aMwari anoshamisa here?—Pisarema 104:1, 2; 145:5; Isaya 45:7; Jeremia 31:35.

22. Dhavhidhi wekare akatii nezvemabasa anoshamisa aMwari?

22 Chinangwa chokufungisisa mabasa anoshamisa aJehovha ndechokuti tingoororwawo hedu, sokuti tashamiswa, kana kuti taomeswa mate mukanwa nazvo here? Kana! Munyori wepisarema wekare akabvuma kuti hazvibviri kunzwisisa uye kutaura nezvemabasa ose aMwari. Dhavhidhi akanyora kuti: “Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji, . . . Kana ndikada kuzvidudzira nokuzvireva, hazvingaverengwi nokuwanda kwazvo.” (Pisarema 40:5) Zvisinei, akanga asingamborevi kuti akanga asingazotauri nezvemabasa makuru aya. Dhavhidhi akaratidza izvi nokutsunga kwake kunotaurwa pana Pisarema 9:1 kuti: “Ndichaonga Jehovha nomwoyo wangu wose; ndichaparidza mabasa enyu ose anoshamisa.”

23. Unonzwa sei pamusoro pemabasa anoshamisa aMwari, uye ungabatsira sei vamwe?

23 Hatifaniri kunzwa zvakadarowo here? Kushamiswa kwedu nemabasa makuru aMwari hakufaniri kuita kuti tinzwe kuda kutaura nezvake, nezvezvaakaita, uye nezvezvaachaita here? Mhinduro yacho iri pachena—tinofanira ku‘dudzira kubwinya kwake pakati pevahedheni, mabasa ake anoshamisa pakati pendudzi dzose.’ (Pisarema 96:3-5) Hungu, tingaratidza kuonga kwedu kwokuzvininipisa mabasa anoshamisa aMwari nokuudzawo vamwe zvatadzidza pamusoro pake. Kunyange vakakurira mutsika inoti hakuna Musiki, mashoko edu akanaka, anodzidzisa angavaita kuti vazive Mwari. Kupfuura izvozvo, zvingavaita kuti vade kudzidza ndokushumira uyo “akasika zvinhu zvose,” Muiti wemabasa anoshamisa, Jehovha.—Zvakazarurwa 4:11.

Ungapindura Sei?

• Zano rakanyorwa pana Jobho 37:14 rinoita kuti ufunge nezvemabasa api aMwari?

• Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinotaurwa nezvazvo muna Jobho zvitsauko 37 ne38 zvisingagoni kutsanangurwa zvizere nesayenzi?

• Unonzwa sei pamusoro pemabasa anoshamisa aMwari, zvichiita kuti uite chii?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 7]

Ndiani akadzivira gungwa, achirichengeta riri munzvimbo yaro?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Ndiani akaenda kunoona nzvimbo dzose dzakanaka dziri pasi pedu pano, dzakasikwa naMwari?