Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sangano Revanhu Vomunyika Yose Vanobatsirana

Sangano Revanhu Vomunyika Yose Vanobatsirana

Sangano Revanhu Vomunyika Yose Vanobatsirana

POSE paunogona kuona nemaziso, pane vanhu. Vakawanda vakwegura, vamwe vavo vakaremara zvikuru zvokuti havagoni kufamba. Pane vakadzi vane pamuviri uye varoorani vechiduku vane vana vaduku vanoda kutarisirwa. Vose vapoteri—varume, vakadzi, nevana—vakamanikidzwa kusiya misha yavo nehondo yevagari vomunyika imwe chete, njodzi dzinongoitika dzoga, kana kuti zvimwe zvinetso vachinopotera munyika iri pedyo. Vamwe vanoramba vachingomanikidzwa kusiya pavanenge vava kugara. Pavakangoona kusagadzikana kwemunyika yavo kana kuti njodzi dzinongoitika dzoga zvava kutanga, vakatora zvinhu zvishomanana, vakaunganidza vana vavo, ndokutizira kunzvimbo yakachengeteka. Saka, zvinhu pazvakanaka zvakare, vapoteri vakawanda vakadzoka ndokutangazve patsva nokuvaka misha yavo.

Kwemakore, Central African Republic yakagamuchira vapoteri vanobva kunyika dzakawanda. Munguva pfupi yapfuura, zviuru zvevanhu, kusanganisira Zvapupu zvaJehovha zvakawanda, zvakamanikidzwa kubuda muDemocratic Republic of Congo yasakadzwa nehondo ndokuenda kuCentral African Republic kwakati chengetekei.

Hama Dzinouya Kuzobatsira

Zvapupu zvokuCentral African Republic zvakaona kuronga kubatsira seropafadzo. Hama dzechiKristu dzaisvika dzakawanirwa pokugara. Pakutanga, pokugara paiwanikwa mumisha yevanhu, asi sezvo vapoteri vakawedzera, zvakava pachena kuti zvimwe zvirongwa zvinokosha zvaidiwa. Dzimwe Horo dzoUmambo dzakashandiswa sepokurara. Zvapupu zvomuungano dzacho zvakaita basa rokuwedzera magetsi, zvikaisa mapaipi emvura, uye zvakaisa simende pauriri kuitira kuti vaya vaizogaramo vagare zvakanaka. Vapoteri vacho vakashandira pamwe nehama dzomuungano kugadzira pokurara penguva duku apa. Purogiramu yakazara yemisangano yechiKristu yakarongwa mumutauro weLingala kuitira kuti vaisvika vawane zvokudya zvomudzimu zvinotsigira upenyu. Kushandira pamwe kweZvapupu zvomuungano nevaenzi vazvo kwakaratidza kuti ukama hwemarudzi akawanda ndehwechokwadi.

Mhuri dzevapoteri dzakanga dzisingasviki pamwe chete nguva dzose. Dzimwe nguva, vamwe vomumhuri vaiva vaparadzana nevamwe vaizoonana vasvika. Mazita evaya vaiva vasvika zvakanaka akachengetwa paHoro yoUmambo imwe neimwe. Pakarongwa kutsvaka vaya vakanga vachiri kushayikwa. Hofisi yebazi inotungamirira basa reZvapupu zvaJehovha munyika yacho yaitumira motokari nhatu zuva nezuva dzokubatsira vose vakanga vachiri munzira uye kunotsvaka Zvapupu zvingadaro zvakarasika. Motokari idzi dzaizivikanwa nechiratidzo chikuru, chaiti “WATCH TOWER—Zvapupu zvaJehovha.”

Chimbofungidzira mufaro wakavapo apo boka revana vanomwe vevapoteri vaiva vaparadzana nevabereki vavo vakaona motokari yeZvapupu zvaJehovha. Pakarepo vakamhanyira kumotokari yacho ndokuzvizivisa kuti vaiva Zvapupu. Hama dzakavakwidza mumotokari ndokuenda navo kuHoro yoUmambo, kwavakazoonanazve nemhuri dzavo.

Ava vaKristu vechokwadi vakakwanisa sei kubata nezvinetso zvakadaro, kwete kamwe chete, asi kakawanda? Vanonyatsotenda kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira sezvakagara zvataurwa muMagwaro Matsvene.—2 Timoti 3:1-5; Zvakazarurwa 6:3-8.

Nokudaro, vanoziva kuti munguva pfupi iri kutevera Jehovha Mwari achagumisa hondo, ruvengo, chisimba, uye kukakavadzana. Chinetso chokupotera chichava chinhu chomunguva yakapfuura. Panguva ino, maererano nezano romuapostora Pauro riri pana 1 VaKorinde 12:14-26, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kubatsirana. Kunyange zvazvo zvakaparadzaniswa nenzizi, miganhu, mitauro, madaro, zvine hanya nomumwe nomumwe, saka zvinobatsira pakarepo kana mumwe munhu achida kubatsirwa.—Jakobho 1:22-27.

[Mepu iri papeji 30]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

AFRICA

Central African Republic

Democratic Republic of Congo

[Kwazvakatorwa]

Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.

[Mifananidzo iri papeji 30]

Horo dzoUmambo nhatu dzakaitwa nzvimbo dzokusvikira

[Mufananidzo uri papeji 31]

Midziyo yomukicheni yakaiswa pakarepo

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vakawanda vakasvika

[Mifananidzo iri papeji 31]

Vachingoberekwa uye vatova vapoteri