Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kubudirira Pasinei Nokurerwa Kwawakaitwa

Unogona Kubudirira Pasinei Nokurerwa Kwawakaitwa

Unogona Kubudirira Pasinei Nokurerwa Kwawakaitwa

NICHOLAS akanga ane kamuitiro kokupandukira kubvira pauduku hwake. * Nokufamba kwenguva, kunetseka kwake kwakamuita kuti ashandise zvinodhaka zvisina kufanira nokunwa zvikuru. Nicholas anotsanangura kuti: “Baba vangu vakanga vari chidhakwa, uye vakanditambudza zvikuru pamwe nehanzvadzi yangu.”

Mukuonekwa kwazvo kwose, vabereki vaMalinda vakanga vari vanhu vanoenda kuchechi vanoremekedzwa zvikuru munzanga yavo. Asi vakanga vachibatanidzwawo zvizere mune kamwe kachitendero. “Zvimwe zvavaiita mukachitendero kavo zvakanga zvisina kundinakira uye zvaikanganisa mafungiro angu somwana,” anochema-chema kudaro Malinda, zvino ari mumakore ake okuma30. Anowedzera kuti: “Kushaya tariro uye kusakosha kwandakanzwa zvave zvichindivhiringidza kubvira pandinogona kuyeuka.”

Ndiani angaramba kuti uduku hwevakawanda hwakakanganiswa nechisimba, kubatwa zvisina kufanira, kusatarisirwa nevabereki, nezvimwe zvinhu zvakashata? Maronda okushaya mufaro uri muduku anogona kuva akadzika. Asi kukuvadzika kwakadaro kunofanira kukanganisa zvachose kukwanisa kwomunhu kugamuchira chokwadi cheShoko raMwari uye kuwana mufaro mukuru here? Pasinei zvapo nokurerwa kwavakaitwa, Nicholas naMalinda vangabudirira sevanhu vakatendeka here? Kutanga chimbofunga muenzaniso waMambo weJudha Josia.

Muenzaniso womuMagwaro

Josia akatonga Judha kwemakore 31 muzana remakore rechinomwe B.C.E. (659-629 B.C.E.) Panguva yokugadzwa pachigaro kwaJosia, zvichitevera kuurayirwa chigaro kwababa vake, mamiriro ezvinhu muJudha akanga akaipa zvikuru. MuJudha nomuJerusarema makanga makazara nevanamati vaBhaari nevaya vaiita mhiko namwari mukuru wevaAmoni, Markami. Machinda eJudha aiva “shumba dzinoomba,” uye vatongi vaiva “mapere amadekwana,” akadaro Zefania, muprofita waMwari wepanguva iyoyo. Pakupedzisira, chisimba nounyengeri zvakanga zvapararira munyika yacho. Vakawanda vaiti mumwoyo yavo: “Jehovha haangaiti zvakanaka, uye haangaiti zvakaipa.”—Zefania 1:3–2:3; 3:1-5.

Josia akaratidza kuva mambo worudzii? Murondedzeri wezviitiko zvomuBhaibheri Ezra anonyora kuti: “[Josia] akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake Dhavhidhi, haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.” (2 Makoronike 34:1, 2) Zviripo zvinoratidza kuti Josia akabudirira mukuita zvakarurama mumeso aMwari. Asi nhoroondo yemhuri yake yakanga yakamira sei?

Akakura Achirerwa Zvakanaka Kana Kuti Achinetswa Here?

Josia paakaberekwa muna 667 B.C.E., baba vake Amoni vakanga vachingova nemakore 16 chete, uye sekuru vake Manase vaitonga Judha. Manase akanga ari mumwe wemadzimambo akaipisisa akatonga Judha. Achigadzirira Bhaari atari, “akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha.” Akaita kuti vamwe vana vake vapiswe mumoto, akaita zvemashiripiti, akaita zvoun’anga, akasimudzira zvemidzimu, uye akadeura ropa risina mhaka rakawanda. Manase akaunzawo muimba yaJehovha zvifananidzo zvakavezwa zvedanda rinoyera zvaakanga aita. Akanyengera Judha neJerusarema ku“ita zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana vaIsraeri.”—2 Makoronike 33:1-9.

Manase akanga akaipa zvokuti Jehovha akamuita kuti aende akasungwa nezvisungo zvamakumbo kuBhabhironi, rimwe reguta reimba youmambo ramambo weAsiriya. Paakanga ari muutapwa, Manase akapfidza, akazvininipisa, uye akakumbira Jehovha kuti aregererwe. Mwari akanzwa chikumbiro chake chokunzwirwa nyasha uye akamudzorera kuumambo muJerusarema. Manase akabva akatanga kugadzirisa zvinhu zvichiva nemigumisiro yakanaka.—2 Makoronike 33:10-17.

Uipi hwaManase nokuzopfidza kwake zvakaita sei pamwanakomana wake Amoni? Akava akaipa zvikuru. Manase paakapfidza ndokutanga kuchenesa rudzi pakusvibisa kwaakanga aunza pachake, Amoni haana kuita maererano nazvo. Paakagara pachigaro pazera remakore 22, Amoni “akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita Manase baba vake.” Pane kuti azvininipise pamberi paJehovha, “Amoni uyu wakaramba achingowedzera kudarika kwake.” (2 Makoronike 33:21-23) Josia akanga achingova nemakore matanhatu chete apo Amoni akava mambo weJudha. Zvechokwadi Josia anofanira kuve akatambura zvikuru paaiva muduku!

Kutonga kwaAmoni kwakaipa kwakapera mushure memakore maviri apo vashandi vake vakamurongera zano ndokumuuraya. Zvisinei, vanhu venyika yacho vakauraya vaya vakaronga zano rokuuraya Amoni ndokuzoita mwanakomana wake Josia mambo.—2 Makoronike 33:24, 25.

Pasinei nokuti paaiva muduku zvinhu zvakanga zvakaipa, Josia akaita zvakanaka mumeso aJehovha. Kutonga kwake kwakabudirira zvokuti Bhaibheri rinoti: “Hakuna mambo wakamutangira wakanga akafanana naye, wakatendeukira kuna Jehovha nomwoyo wake wose, nomweya wake wose, nesimba rake rose, achitevera murayiro wose waMosesi; uye hakuna mumwe wakamutevera wakanga akafanana naye.”—2 Madzimambo 23:19-25.

Muenzaniso unokurudzira zvakadini unoratidzwa naJosia kune vaya vangadaro vaifanira kutsungirira nguva youduku yakazara nenhamo! Tingadzidzei mumuenzaniso wake? Chii chakabatsira Josia kusarudza nzira yakarurama ndokurambira mairi?

Tsvaka Kuziva Jehovha

Kupfidza kwaManase, sekuru vaJosia, ndiko kwakanyanya kubatsira mumakore ouduku hwake. Bhaibheri haritauri kuti vaviri vacho vaionana kakawanda sei, uye kuti Josia akanga akura sei Manase paakagadzirisa nzira dzake. Sezvo mhuri dzechiJudha dzakanga dzichiwirirana zvikuru, Manase angave akaedza kununura muzukuru wake kubva kuzvinhu zvinoshatisa zvakanga zvakamupoteredza nokubatsira muzukuru wake zvishoma nezvishoma kuti aremekedze Mwari wechokwadi, Jehovha, neshoko rake. Mbeu dzose dzechokwadi idzo Manase aigona kudyara mumwoyo waJosia, zvichida kubatanidza dzimwe songaniro dzakanaka, pakupedzisira dzakava nezvibereko. Mugore rake rechisere ari pachigaro choushe chaJudha, Josia aive nemakore 15 akatsvaka kuziva uye kuita kuda kwaJehovha.—2 Makoronike 34:1-3.

Vamwe vanhu pavaiva vaduku vakangonzwa nyaya dzokunamata kubva kuhama isiri yepedyo, munhu wavaizivana naye, kana kuti muvakidzani. Asi, kana dzikatarisirwa zvakanaka, mbeu idzi dzakadyarwa kudaro dzinogona kuzobereka zvibereko. Malinda, adudzwa kwokutanga, aiva nomuvakidzani wechikuru aiva nomutsa aiwanzouya nemagazini eNharireyomurindi neMukai! pamba pavo. Achimuyeuka nokudisa, anoti: “Chakanyanyondiorora zvikuru pamuvakidzani wangu ndechokuti akanga asingapembereri mazororo. Izvi zvaikosha kwandiri nokuti Halloween nemamwe mazororo acho dzaiva nguva dzokuita zvokuteura mukachitendero kevabereki vangu.” Makore gumi gare gare, apo Malinda akakokwa neshamwari kuzopinda musangano wechiKristu paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha, akayeuka muvakidzani uyu ndokubvuma kukokwa kwacho pakarepo. Izvozvo zvakamubatsira kutsvaka chokwadi.

Zvininipise Kuna Jehovha

Kutonga kwaJosia kwakaratidzwa nokuchinja mune zvokunamata pamwero mukuru munyika yeJudha. Apedza bishi rokubvisa kunamata zvidhori nokuchenesa nyika yeJudha kwemakore matanhatu, Josia akaenderera mberi nokunatsiridza imba yaJehovha. Pakanga pachiitwa basa iroro, Mupristi Mukuru Hirkia akawana chinhu chinokosha! Akawana “bhuku yomurayiro waJehovha” yokutangisisa. Apiwa naHirkia chinhu ichi chinoshamisa chakanga chawanikwa, munyori Shafani akashuma kuna mambo zvakanga zvaitika. Kuitika kwezvinhu zvakadaro kwakaita kuti Josia akanga ane makore 25 adade here?—2 Makoronike 34:3-18.

Ezra akanyora kuti: “Zvino mambo wakati achinzwa mashoko omurayiro, akabvarura nguo dzake.” Ichi chakanga chiri chiratidzo chokudemba chaibva pamwoyo nokuti akaona kuti madzibaba ake akanga asina kutevera mitemo yose yaMwari. Chokwadi, ichi chaiva chiratidzo chokuzvininipisa! Pakarepo mambo akabva arayira nhume shanu kuti dzibvunze kuna Jehovha nokumuprofitakadzi Hurda. Nhume dzacho dzakaunza mushumo wezvaizoitika izvi: ‘Zvakaipa zvichauya nemhaka yokusateerera Murayiro waJehovha. Asi nemhaka yokuti iwe, Mambo Josia, wakazvininipisa, uchavigwa muhwiro hwako nomufaro uye haungaoni zvakaipa zvacho.’ (2 Makoronike 34:19-28) Jehovha akafadzwa nemaitiro aJosia.

Pasinei nekwatakabva, isuwo tinogona kuzvininipisa pamberi paMwari wechokwadi, Jehovha, ndokuratidza kumuremekedza uye kuremekedza Shoko rake, Bhaibheri. Nicholas, adudzwa kwokutanga, akaita izvi. Anoti: “Kunyange zvazvo upenyu hwangu hwakanga hwakashata zvikuru nemhaka yokushandisa zvinodhaka nokunwa zvikuru, ndaifarira Bhaibheri uye ndaishuva kuva nechinangwa muupenyu. Pakupedzisira, ndakasangana neZvapupu zvaJehovha, ndikachinja upenyu hwangu, ndokugamuchira chokwadi.” Hungu, tinogona kuremekedza Mwari neShoko rake pasinei nekwatakabva.

Batsirwa Nezvakarongwa naJehovha

Josia airemekedzawo zvikuru vaprofita vaJehovha. Haana kungobvunza muprofitakadzi Hurda asi aibatsirwa zvikuru nevamwe vaprofita vezuva rake. Somuenzaniso, Jeremia naZefania vakanga vari mubishi rokushora kunamata zvidhori kwaiitwa muJudha. Kuteerera mashoko avo kunofanira kunge kwakapa Josia simba sezvaaiva mubishi rokuparadza kunamata kwenhema!—Jeremia 1:1, 2; 3:6-10; Zefania 1:1-6.

“Tenzi,” Jesu Kristu, akagadza dare revateveri vake vakazodzwa—“muranda akatendeka, akangwara”—kuti ripe zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira. (Mateu 24:45-47) Richishandisa mabhuku eBhaibheri neungano, boka romuranda rinoratidza kubatsira kwokushandisa zano reBhaibheri uye rinopa mazano ane musoro okurishandisa muupenyu hwedu hwezuva nezuva. Zvakakodzera sei kuti tinoshandisa zvinopiwa naJehovha kutibatsira kukurira manzwiro asina kunaka akadzika midzi matiri! Kubva ari muduku, Nicholas akanga asingatombodi kuteerera vakuru. Kunyange paakadzidza chokwadi cheShoko raMwari, chinetso ichi chaimudzivisa kunyatsoshumira Jehovha. Kuchinja maitiro aya chakanga chiri chinetso chikuru kwaari. Asi, nokufamba kwenguva, akabudirira. Sei? Nicholas anotsanangura kuti:“Ndichibatsirwa nevakuru vaviri vanonzwisisa, ndakabvuma chinetso changu ndokutanga kushandisa zano ravo rorudo rinobva muMagwaro.” Anowedzera kuti: “Kunyange kakusada kuteerera kachimbouya, zvino ndakagona kudzora unhu hwangu hwokupandukira.”

Malinda anotsvakawo mazano kuvakuru paanenge achiita zvisarudzo zvinokosha muupenyu hwake. Mukushaya tariro nokusanzwa kukosha kwakatangira kumakore ake ouduku, zvaanoona zvichikosha zvikuru inyaya dzakasiyana-siyana dziri muNharireyomurindi neMukai! Anoti: “Dzimwe nguva munyaya munongova nendima imwe kana kuti mutsara—muduku chete—unondibaya mwoyo. Anenge makore mapfumbamwe apfuura, ndakatanga kuchengeta nyaya dzakadaro mukabhuku kuitira kuti ndigone kuzodzitarisa zviri nyore.” Nhasi, tubhuku twake tutatu tune nyaya 400!

Aiwa, vanhu havafaniri kuva vanotambudzwa zvachose noupenyu hwemhuri hwakaipa. Vachibatsirwa naJehovha vanogona kubudirira mumudzimu. Kungofanana nokuti kurerwa kwakanaka hakupi chokwadi chokuti munhu wacho achatsunga, nguva youduku yakaipa haidzivisi munhu kutya Mwari.

Bhuku romutemo rawanikwa pakunatsiridzwa kwetemberi, Josia ‘akaita sungano pamberi paJehovha uye kuramba achitevera Jehovha uye kuramba achimuteerera nomwoyo wake wose nemweya wake wose.’ (2 Makoronike 34:31) Uye haana kutsauka pakutsunga kwaakanga aita uku kusvikira achifa. Malinda naNicholas vakatsungawo kuramba vakatendeka kuna Jehovha Mwari uye kubudirira sevanhu vakatendeseka. Iwewo tsunga kuramba uri pedyo naMwari ndokumushumira wakatendeka. Unogona kuva nechivimbo chokubudirira, nokuti Jehovha anovimbisa kuti: “Usatya, nokuti ndinewe, usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.”—Isaya 41:10, 13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mifananidzo iri papeji 26]

Pasinei nokuva nenguva youduku inotyisa, Josia akatsvaka kuziva Jehovha uye akabudirira muupenyu

[Mufananidzo uri papeji 28]

Vakuru vanogona kukubatsira kukurira humwe unhu hwakadzika midzi mauri

[Mufananidzo uri papeji 28]

“Nharireyomurindi” ne“Mukai!” zvinogona kukubatsira kuti urambe wakatendeka