Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakafadzwa nokuverenga magazini eNharireyomurindi omunguva pfupi yapfuura here? Ona kana uchigona kupindura mibvunzo inotevera:

Paakanyora zvinhu zvakatevedzana zviri pana VaRoma 5:3-5, nei muapostora Pauro akaisa tariro pokupedzisira?

Pauro akanyora nhevedzano yezvinhu zvinoitika kuvaKristu—kutambudzika, kutsungirira, kutenderwa, uye tariro. “Tariro” iyi haisi tariro yokutanga iyo munhu anowana muBhaibheri, asi itariro yakasimbiswa, yakadzika, tariro inotekeshera iyo muKristu angawana nokufamba kwenguva.—12/15, mapeji 22-3.

Nei muKristu nhasi angafarira kuziva nezvemitambo yokumhanya yaiitwa muGreece yekare?

Kunzwisisa mhando uye tsika dzemitambo iyoyo kungajekesa ndima dzeBhaibheri dzinoverengeka. Dzimwe dzacho dzinotaura nezvo‘kukwikwidza maererano nemirau yacho,’ ‘kubvisa zvinorema zvose ndokutarira muenzaniso waJesu,’ ‘kumhanya kusvika kumugumo,’ uye kuwana korona, kana kuti mubayiro. (2 Timoti 2:5; 4:7, 8; VaHebheru 12:1, 2; 1 VaKorinde 9:24, 25; 1 Petro 5:4)—1/1, mapeji 28-30.

Inzirai itsva yokuzivisa mashoko akanaka yakatangwa muna January 1914?

“Photo-Drama of Creation” yakabudiswa panguva iyoyo. Yaiva nokuratidzwa kuna kwaiva nezvikamu zvebhaisikopu uye mazana emasiraidhi ane mavara, mazhinji acho achiitwa pamwe chete kana kuti aine marekodhi egiramufomu ehurukuro dzinotsanangura. Zvikamu makumi maviri zveDrama iri zvakagadzirwa uye zvaishandiswa zvikuru kudzidzisa vanhu shoko reBhaibheri.—1/15, mapeji 8-9.

Dare Rinodzora Rakasiyana sei Nesangano Repamutemo?

Nepo vatungamiriri vesangano repamutemo vachivhoterwa nenhengo dzaro, Dare Rinodzora harigadzwi nomunhu upi noupi asi rinogadzwa naJesu Kristu. Vatungamiriri vemasangano akasiyana-siyana vanoshandiswa neZvapupu zvaJehovha havadiwi kuti vave nhengo dzeDare Rinodzora. Pamusangano wepagore uchangopfuura weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, nhengo dzeDare Rinodzora dzaishanda sevatungamiriri uye vakuru vakuru varo dzakasiya zvinzvimbo zvadzo nokuzvidira. Zvinzvimbo zvacho zvakatorwa nehama dzakakura mumudzimu dze“mamwe makwai.” (Johani 10:16) Saka Dare Rinodzora rinogona kupedza nguva yakawanda richigadzira zvokudya zvomudzimu uye neimwe nzira richitarisira zvinodiwa zvomudzimu zvehama dzepasi pose.—1/15, mapeji 29, 31.

Mienzaniso ipi miviri yeBhaibheri yatingaongorora pakudzidza mabatiro atingaita nokuora mwoyo?

Mumwe ndiHana, amai vaSamueri. Angadai akaora mwoyo paakafungirwa zvisiri izvo naEri, mupristi mukuru weIsraeri. Asi akanyatsomuudza chokwadi chacho noruremekedzo. Uyezve, Hana haana kuramba akagumbukira Eri. Wechipiri ndiMako, aifanira kudai akaora mwoyo Pauro paakaramba kuenda naye rwendo rwake rwoumishinari. Pane kuora mwoyo kuti arasikirwa neropafadzo iyi, akaramba achiita basa rake rokushingaira, achifamba naBhanabhasi.—2/1, mapeji 20-2.

Nei vaKristu vachifanira kungwarira kupa, kana kuti kupiwa nevamwe, mapurogiramu ekombiyuta?

Mapurogiramu ekombiyuta akawanda (kusanganisira mitambo) anoda rezinesi rinoita kuti muridzi kana kuti anoshandisa asaisa purogiramu pakombiyuta imwe. Kazhinji kuitira vamwe makopi, kunyange kana tiri kuapa pachena, kuputsa mutemo wekodzero youridzi. VaKristu vanofanira kuteerera mutemo woku‘dzorera zvinhu zvaKesari kuna Kesari.’ (Mako 12:17)—2/15, mapeji 28-9.

Cyril naMethodius vaiva vanaani, uye vakabatsira sei pakudzidzwa kweBhaibheri?

Vaiva mukoma nomunun’una vakaberekerwa muTesaronika, Girisi, muzana remakore rechipfumbamwe. Vakatanga runyoro rwemitauro yeSlav uye vakashandurira chikamu chikuru cheBhaibheri mumutauro wechiSlavonic.—3/1, mapeji 28-9.

Mashoko okuti “kufunga kwomudzimu” anorevei?—VaRoma 8:6.

Anoreva kudzorwa, kuiswa pasi, uye kukurudzirwa nesimba raJehovha rinobata basa. Tinogona kuita kuti mudzimu waMwari ushande matiri nokuverenga uye kudzidza Bhaibheri, nokuteerera mutemo waMwari nomwoyo wose, uye nokunyengeterera mudzimu waMwari.—3/15, peji 15.

Tingaitei kana tichifunga kuti hatisi kunzwisiswa?

Zvinokosha kujekesa nhau yacho murudo. Kana izvozvo zvichiita sezvisingabudiriri, usaora mwoyo. Kumbira kuti Jehovha akunzwisise uye akubatsire, iye “anoyera mwoyo.” (Zvirevo 21:2; 1 Samueri 16:7)—4/1, mapeji 21-3.