Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Fara naMwari Anofara

Fara naMwari Anofara

Fara naMwari Anofara

“Pakupedzisira, hama, rambai muchifara, . . . uye Mwari worudo neworugare achava nemi.”—2 VAKORINDE 13:11.

1, 2. (a) Nei vakawanda vasina mufaro muupenyu? (b) Mufaro chii, uye tingaita sei kuti uvepo?

MUMAZUVA ano anosuruvarisa, vanhu vakawanda havaoni chikonzero chokufara. Kana vakawirwa nengwavaira kana kuti ikawira mumwe munhu wavanoda, vanganzwa saJobho wekare, akati: “Munhu wakazvarwa nomukadzi ane mazuva mashoma, azere nokutambudzika.” (Jobho 14:1) VaKristu vanosanganawo nezvinonetesa pfungwa nomuviri zve“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo” dzino, uye hazvishamisi kuti dzimwe nguva vashumiri vaJehovha vakatendeka vanoodzwa mwoyo.—2 Timoti 3:1.

2 Asi, vaKristu vanogona kufara, kunyange vari mumuedzo. (Mabasa 5:40, 41) Kuti unzwisise kuti izvi zvinoitika sei, tanga wafunga kuti mufaro chii. Mufaro wakatsanangurwa so“kunzwa kunokonzerwa nokuwana kana kuti kutarisira zvinhu zvakanaka.” * Naizvozvo, kana tikawana nguva yokufunga zvatinazvo zvinofadza tichifungisisa nezvomufaro wakatimirira munyika itsva yaMwari, tinogona kuva vanofara.

3. Zvinganzi munhu wose anotovawo nechikonzero chokufara mupfungwa ipi?

3 Munhu wose ane zvikomborero zvinofanira kuita kuti afare. Baba vangapererwa nebasa ravo. Vanonetseka sezvinoita munhu wose. Vanenge vachida kuriritira vadiwa vavo. Zvisinei, kana vakasimba uye vane utano hwakanaka, vangafara nemhaka yaizvozvo. Kana vakawana basa, vanenge vachizokwanisa kushanda nesimba. Ukuwo, mukadzi wechiKristu angadai akabatwa nechirwere chinopedza simba. Asi, angatenda kubatsira kweshamwari dzine rudo nenhengo dzemhuri dzinomubatsira kuti akurire kurwara kwake noushingi uye kuti arambe achizviremekedza. Uye vaKristu vose vechokwadi, pasinei zvapo nemamiriro avo ezvinhu, vanogona kufarira ropafadzo yokuziva Jehovha, “Mwari anofara,” naJesu Kristu, “anofara, Mutongi bedzi Ane Simba.” (1 Timoti 1:11; 6:15) Hungu, Jehovha Mwari naJesu Kristu vanofara zvikuru. Vakaramba vane mufaro wavo pasinei nokuti zvinhu zviri panyika zvakasiyana zvikuru nezvakanga zvichidiwa naJehovha pakutanga. Muenzaniso wavo unogona kutidzidzisa zvakawanda kuti tingaramba sei tichifara.

Havana Kumborega Kufara

4, 5. (a) Jehovha akaita sei apo vanhu vokutanga vakapanduka? (b) Jehovha akaramba achiona vanhu zvakanaka munzira ipi?

4 Mubindu reEdheni, Adhamu naEvha vaiva noutano hwakanaka kwazvo uye vakanga vane pfungwa dzakakwana. Vakanga vane basa ravaifanira kuita uye pokuriitira pakanaka. Chaipfuura zvose, vakanga vane ropafadzo yokukurukura naJehovha nguva dzose. Chakanga chiri chinangwa chaMwari kuti vave neramangwana rinofadza. Asi vabereki vedu vokutanga vakanga vasingagutsikani nezvipo zvose izvi zvakanga zvakanaka; vakaba muchero wakarambidzwa kubva mu“muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” Chiito ichi chokusateerera ndicho chakaita kuti isu vazukuru vavo tishayiwe mufaro nhasi.—Genesi 2:15-17; 3:6; VaRoma 5:12.

5 Zvisinei, Jehovha haana kubvumira kusaonga kwaAdhamu naEvha kumutorera mufaro wake. Aiva nechokwadi chokuti mwoyo yevamwe vevana vavo yaizoda kumushumira. Chaizvoizvo, aiva nechivimbo zvokuti kunyange Adhamu naEvha pavakanga vasati vava nemwana wavo wokutanga, akazivisa chinangwa chake chokudzikinura vana vavo vanoteerera! (Genesi 1:31; 3:15) Mumazana emakore akatevera, vanhu vakawanda vakafamba mumakwara aAdhamu naEvha, asi Jehovha haana kufuratira mhuri yevanhu nemhaka yokusateerera kwakapararira zvakadaro. Asi, akanyanya kutarisa pavarume nevakadzi ‘vakaita kuti mwoyo wake ufare,’ vaya vakaedza chaizvoizvo kuti vamufadze nemhaka yokuti vaimuda.—Zvirevo 27:11; VaHebheru 6:10.

6, 7. Zvinhu zvipi zvakabatsira Jesu kuti arambe achifara?

6 Zvakadini naJesu—akaramba achifara sei? Sechisikwa chomudzimu chine simba mudenga, Jesu akanga ane mukana wose wokucherechedza mabasa evarume nevakadzi panyika. Kusakwana kwavo kwaiva pachena, asi Jesu aivada. (Zvirevo 8:31) Gare gare, paakauya panyika ndokunyatso“gara pakati” pevanhu, maonero aaiita vanhu haana kuchinja. (Johani 1:14) Chii chakaita kuti mwanakomana waMwari akakwana akwanise kuramba achiona vanhu vanotadza nenzira yakanaka kudaro?

7 Chokutanga, Jesu aisatarisira kuita zvakawanda kana kutarisira vamwe kuti vaite zvakawanda. Aiziva kuti akanga asingazotendeutsi nyika yose. (Mateu 10:32-39) Nokudaro aifara kunyange apo munhu mumwe akavimbika aibvuma mashoko oUmambo. Kunyange zvazvo maitiro nemafungiro evadzidzi vake kakawanda aisanyatsogutsa, Jesu aiziva kuti pamwoyo vainyatsoda kuita zvaidiwa naMwari, uye aivadira izvozvo. (Ruka 9:46; 22:24, 28-32, 60-62) Zvinooneka kuti paainyengetera kuna Baba vake vokudenga, Jesu akapfupikisa zvakanga zvaitwa nevadzidzi vake kusvika panguva iyoyo achiti: “Vakachengeta shoko renyu.”—Johani 17:6.

8. Taura dzimwe nzira dzatingatevedzera nadzo Jehovha naJesu kana toreva nezvokuramba tine mufaro wedu.

8 Pasina kupokana, tose tingabatsirwa nokufunga nezvomuenzaniso wakaratidzwa naJehovha Mwari naKristu Jesu mune izvi. Tinogona here kutevedzera Jehovha zvizere, zvichida nokurega kunyanyonetseka apo zvinhu zvinenge zvisina kuitika sezvatinenge tichitarisira? Tinogona here kunyatsotevera makwara aJesu nokuramba tichiona zvakanaka mamiriro akaita zvinhu kwatiri pari zvino, uyewo kuva pakati nepakati mune zvatinotarisira kuita uyewo zvinoitwa nevamwe? Ngationei kuti dzimwe nheyo idzi dzingashandiswa sei zvinobudirira pachinhu chinodiwa nemwoyo yevaKristu vanoshingaira kwose kwose—ushumiri hwomumunda.

Ramba Uchiona Ushumiri Zvakanaka

9. Mufaro waJeremia wakamutsidzirwa sei, uye muenzaniso wake ungatibatsira sei?

9 Jehovha anoda kuti tifare mubasa rake. Mufaro wedu haufaniri kuvapo nemhaka yezvatinowana. (Ruka 10:17, 20) Muprofita Jeremia akaparidza kwemakore akawanda mundima ine vanhu vakanga vasingatendeuki. Paakatanga kufunga nezvokusada kwevanhu vacho, mufaro wake wakapera. (Jeremia 20:8) Asi paakafungisisa nezvokunaka kwemashoko acho pachawo, mufaro wake wakamutsidzirwa. Jeremia akati kuna Jehovha: “Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; mashoko enyu akava mufaro wangu nokufadzwa kwomwoyo wangu; nokuti ndakatumidzwa nezita renyu, imi Jehovha.” (Jeremia 15:16) Hungu, Jeremia aifara muropafadzo yake yokuparidza Shoko raMwari. Isuwo tinogona kudaro.

10. Tingaramba sei tine mufaro wedu muushumiri kunyange kana tisiri kubura chinhu mundima yedu iye zvino?

10 Kunyange kana vakawanda vakaramba kuteerera mashoko akanaka, tine chikonzero chikuru chokufara sezvatinoita basa romumunda. Yeuka kuti Jehovha akanga ane chivimbo chakajeka kuti vamwe vanhu vaizoda kumushumira. Kufanana naJehovha, hatifaniri kurega kuva netariro kuti pane vamwe vachajekerwa vogamuchira mashoko oUmambo. Hatifaniri kukanganwa kuti mamiriro ezvinhu evanhu anochinja. Kunyange munhu anogutsikana zvikuru paanorasikirwa nezvinhu kana kutarisana nenhamo asingafungiri, angatanga kufunga zvakakomba nezvezvinoreva upenyu. Uchavapo here kuti ubatsire kana munhu akadaro ‘akaziva zvinodiwa zvake zvomudzimu’? (Mateu 5:3) Saka mumwe munhu mundima yenyu angatova akagadzirira kuteerera mashoko akanaka nguva yauchaenda kwaari chaiyo!

11, 12. Chii chakaitika mune imwe taundi, uye tingadzidzei machiri?

11 Mamiriro akaita ndima yedu anogona kuchinjawo. Funga nezvomuenzaniso uyu. Mune rimwe taundi duku, maigara rimwe boka rakanga rakabatana zvikuru revechiduku vakaroorana vaiva nevana. Zvapupu zvaJehovha pazvaishanya, zvaisangana nemhinduro imwe chete pasuo roga roga, “Hatifariri!” Mumwe munhu paainyatsofarira mashoko oUmambo, vavakidzani vaikurumidza kumuita kuti asada kusanganazve neZvapupu. Zviri pachena kuti zvakanga zvakaoma kuparidza ikoko. Zvisinei, Zvapupu hazvina kuneta, zvakaramba zvichiparidza chete. Zvakaguma nei?

12 Nokufamba kwenguva, vana vakawanda vomutaundi iyoyo vakakura, vakaroora, vakagarawo imomo. Vachiona kuti mararamiro avo akanga asina kuguma nomufaro wechokwadi, vamwe vayaruki ava vakatanga kutsvaka chokwadi. Vakachiwana pavakabvuma nokufarira mashoko akanaka aiziviswa neZvapupu. Saka ungano iyi yakatanga kukura kwapera makore akawanda. Funga kuti vaparidzi voUmambo vakanga vasina kurega vakafara sei! Ngatiwanewo mufaro mukupfuurira kuparidza mashoko oUmambo ane mbiri!

Vaunonamata Navo Vachakutsigira

13. Tinogona kutaura naani kana tikaodzwa mwoyo?

13 Paunonetseka zvikuru mupfungwa kana kuti paunowirwa nenhamo, ungataura naani kuti unyaradzwe? Mamiriyoni evanhu vaJehovha vakazvitsaurira anotanga kutendeukira kuna Jehovha mumunyengetero, uye ipapo kuhama dzawo nehanzvadzi dzechiKristu. Ari panyika, Jesu pachake aikoshesa kutsigira kwevadzidzi vake. Usiku hwakatangira kufa kwake akataura nezvavo kuti “makaramba muneni mumiedzo yangu.” (Ruka 22:28) Chokwadi, vadzidzi ivavo vakanga vasina kukwana, asi kutendeka kwavo kwainyaradza Mwanakomana waMwari. Isuwo tinogona kusimbiswa nevatinonamata navo.

14, 15. Chii chakabatsira vamwe vakaroorana kuti vagone kukurira marwadzo okufa kwomwanakomana wavo, uye unodzidzei kubva mune zvakaitika kwavari?

14 VaKristu vaviri, Michel nomudzimai wake Diane vakaziva kuti kutsigirwa nehama nehanzvadzi dzavo kunokosha sei. Mwanakomana wavo aiva nemakore 20, Jonathan, aiva muKristu akagwinya uye achitarisira kuzoita zvakawanda akawanikwa ane bundu muuropi. Vanachiremba vakamboshingirira kumurapa, asi utano hwaJonathan hwakaramba huchiipa kusvikira afa mamwe masikati. Michel naDiane vakarwadziwa zvikuru. Vakaona kuti Musangano weBasa, waiitwa manheru iwayo, wakanga wava kutopera. Asi, vachida kunyaradzwa zvikuru, vakakumbira mukuru akanga anavo kuti avaperekedze kuHoro yoUmambo. Vakasvika apo ungano yakanga ichiziviswa nezvorufu rwaJonathan. Musangano wapera, vabereki vacho vaichema vakaunganirwa nehama dzavo nehanzvadzi, dzakavambundira ndokuvataurira mashoko anonyaradza. Diane anoyeuka kuti: “Takanga tichirwadziwa zvikuru patakasvika pahoro, asi hama dzakatinyaradza zvikuru—dzakatikurudzira zvikuru! Kunyange zvazvo dzaisagona kubvisa marwadzo edu, dzakatibatsira kurarama pasinei nokuremerwa mupfungwa!”—VaRoma 1:11, 12; 1 VaKorinde 12:21-26.

15 Nhamo yakaita kuti Michel naDiane vaswedere pedyo nehama dzavo. Yakaitawo kuti vave pedyo nepedyo. Michel anoti: “Ndakadzidza kuda mudzimai wangu kupfuura zvandaiita. Munguva dzokuodzwa mwoyo, tinotaurirana nezvechokwadi cheBhaibheri uye kuti Jehovha ari kutitarisira sei.” Diane anowedzera kuti: “Tariro yoUmambo zvino inoreva zvakawanda kupfuura kare.”

16. Nei zvichikosha kuti isu titange kuudza hama dzedu kuti dzizive zvatinenge tichida?

16 Hungu, hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu dzinogona kushanda se“yamuro inosimbisa” kwatiri munguva dzinonetsa zvikuru muupenyu zvobva zvatibatsira kuti tirambe tichifara. (VaKorose 4:11) Chokwadi, hadzingagoni kuona zvatiri kufunga. Nokudaro, zviri nani kuvaudza patinenge tave kuda kubatsirwa. Ipapo tinozogona kuonga zvechokwadi kunyaradza kwose kunogona kuitwa nehama dzedu, tichikuona sokunobva kuna Jehovha.—Zvirevo 12:25; 17:17.

Tarira Muungano Yenyu

17. Vamwe amai vasina murume vanosangana nezvinetso zvipi, uye tinoona sei vanhu vakafanana navo?

17 Paunonyanya kutarira vamwe vatendi, ndopaunonyanya kuvakoshesa uye kuwana mufaro mukusonganira navo. Tarira Muungano yenyu. Unoonei? Mune mudzimai akafirwa nomurume ari kutamburira kurera vana vake munzira yechokwadi here? Wakambonyatsofunga nezvomuenzaniso wakaisvonaka waanoratidza here? Chimboedza kufunga zvimwe zvinetso zvaanosangana nazvo. Mumwe mukadzi asina murume anonzi Jeanine anotaura zvimwe zvazvo: kusurukirwa, kunetswa nevarume kubasa, mari yokushandisa shomanana zvikuru. Asi anoti chipinganidzo chikuru zvikuru chinosanganisira kutarisira zvinodiwa zvomupfungwa zvevana vake, nokuti mwana mumwe nomumwe akasiyana nevamwe. Jeanine anotaura nezvechimwe chinetso: “Zvinogona kuoma zvechokwadi kuti usaita mwanakomana wako musoro wemba kuitira kuti atore nzvimbo yomurume anenge asipo. Ndine mwanasikana, uye zvakaoma kuti ndiyeuke kusamuremedza nokumuita munhu wandinogara ndichitaurira nhamo dzangu.” Kufanana nezvimwe zviuru zvevabereki vanotya Mwari, Jeanine anoshanda nguva yakazara uye anotarisira imba yake. Anodzidzawo Bhaibheri nevana vake, anovarovedza muushumiri, uye anovaunza kumisangano yeungano. (VaEfeso 6:4) Jehovha anofanira kuve anofara kwazvo paanocherechedza zuva nezuva kuedza kwemhuri iyi kuti irambe yakatsungirira! Hazvifadzi mwoyo yedu here kuva nevanhu vakadaro pakati pedu? Chokwadi zvinofadza.

18, 19. Enzanisira kuti tingawedzera sei kuonga nhengo dzeungano yedu.

18 Tarira zvekare muungano yenyu. Unogona kuona chirikadzi kana varume vakatendeka vakafirwa nevakadzi v“asingamboshayiki” kumisangano. (Ruka 2:37) Dzimwe nguva vanombonzwa kusurukirwa here? Hungu zvinomboitika. Vanoshuva vadiwa vavo zvikuru! Asi vanoramba vakabatikana mubasa raJehovha uye vanoratidza kufarira vamwe. Maonero avanoita zvinhu nenzira yakadzikama uye yakanaka anowedzera mufaro weungano! Mumwe muKristu akashanda muushumiri hwenguva yakazara kwemakore anopfuura 30 akati: “Chimwe chinhu chinondifadza zvikuru kuona hama nehanzvadzi dzakura dzakapfuura nomumiedzo yakawanda dzichiri kushumira Jehovha dzakatendeka!” Hungu, vaKristu vakura pakati pedu vanhu vanokurudzira zvikuru kuvaduku.

19 Zvakadini nevatsva vachangotanga kusonganira neungano? Hatikurudzirwi here pavanoratidza kutenda kwavo pamisangano? Funga nezvokufambira mberi kwavakaita kubva vachitanga kudzidza Bhaibheri. Jehovha anofanira kufadzwa navo zvikuru. Ndozvatinoitawo here? Tinoratidza kuti tinofara nezvavanoita, tichivarumbidza nokuda kwezvavari kuita here?

20. Nei zvinganzi nhengo yoga yoga yeungano inoita basa rinokosha muungano?

20 Wakaroora here, kana kuti hausati, kana kuti zvimwe uri mubereki mumwe? Uri mukomana kana musikana asina baba [kana amai], chirikadzi kana murume akafirwa nomukadzi here? Uri munhu anga achisonganira neungano kwemakore akawanda kana kuti achangotanga kusonganira here? Iva nechokwadi chokuti muenzaniso wako wokutendeka unotikurudzira tose. Uye paunoimbawo nevamwe nziyo yoUmambo, paunopindura kana kukurukura hurukuro yomudzidzi yomuChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari, zvaunoita zvinowedzera mufaro wedu. Chinokosha zvikuru ndechokuti zvinounza mufaro kumwoyo waJehovha.

21. Tine zvikonzero zvakawanda zvokuita chii, asi mibvunzo ipi inomuka?

21 Hungu, kunyange munguva dzino dzinonetsa, tinogona kufara mukunamata Mwari wedu anofara. Tine zvikonzero zvakawanda zvokuteerera kukurudzira kwaPauro kwokuti: “Rambai muchifara, . . . uye Mwari worudo neworugare achava nemi.” (2 VaKorinde 13:11) Zvisinei, zvakadini kana tikasangana nenjodzi inongoitika yoga, tikatambudzwa, kana kuti tikaomerwa zvikuru mune zvemari? Zvinoita kuti tirambe tichifara kunyange mumamiriro ezvinhu akadaro here? Ona kuti ungati kudii pauchadzidza nyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Ona bhuku rinonzi Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, peji 119, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungapindura Here?

• Mufaro unotsanangurwa sei?

• Kuramba tine mafungiro akanaka kunotibatsira sei kuramba tichifara?

• Chii chingatibatsira kuti tione ndima yedu yeungano zvakanaka?

• Unokoshesa hama nehanzvadzi dziri muungano yenyu munzira dzipi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 10]

Vanhu vari mundima yedu vanogona kuchinja

[Mufananidzo uri papeji 12]

Vaya vari muungano yenyu vanosangana nezvinetso zvipi?