“Jehovha Ave Akanaka Kwazvo Kwandiri!”
“Jehovha Ave Akanaka Kwazvo Kwandiri!”
MAMWE manheru akaisvonaka muna March 1985, varume nevakadzi vomuDhipatimendi Rokunyora padzimbahwe reZvapupu zvaJehovha muNew York, U.S.A., vakacherechedza chimwe chinhu chaikosha. Panguva iyoyo Karl F. Klein akanga ashanda makore 60 muushumiri hwenguva yakazara. Nomufaro, Hama Klein vakati: “Jehovha ave akanaka kwazvo kwandiri!” Vakaona kuti Pisarema 37:4 raiva ndima yeBhaibheri yavaida zvikuru. Gare gare, vakafadza vanhu vose nokuridza chiridzwa chavo chinonzi cello.
Kwemakore 15 akatevera, Hama Klein vakaramba vachishanda vari nhengo yevashandi vanonyora uye vachishumira senhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Zvadaro, musi waJanuary 3, 2001, ava nemakore 95, Karl Klein akapedza upenyu hwake hwepasi pano akatendeka.
Karl akaberekerwa muGermany. Mhuri yake yakatamira kuUnited States, uye Karl akakurira mumusha weChicago, Illinois. Karl nomunun’una wake Ted pavaiva vachiri vaduku vakafarira Bhaibheri zvikuru. Karl akabhabhatidzwa muna 1918, uye zvinhu zvinofadza zvaakanzwa pakokorodzano yeVadzidzi veBhaibheri muna 1922 zvakamuita kuti ade ushumiri hwomumunda kwoupenyu hwake hwose. Aisada kuti vhiki ipere asati aita basa rokuparidza, achiriita kunyange vhiki dzokupedzisira dzoupenyu hwake.
Karl akava nhengo yevashandi vepadzimbahwe muna 1925, pakutanga achishanda munzvimbo yokudhindira. Aida nziyo zvechokwadi, uye kwemakore airidza cello muchikwata chokuridza nziyo chairidza panhepfenyuro yechiKristu. Pashure pacho, akazoshanda muDhipatimendi Rebasa, zvikurukuru achinakidzwa nokushanda nomutariri waro, T. J. Sullivan. Munguva iyoyo, Ted akaroora uye iye nomudzimai wake, Doris, vakanoita basa roumishinari muPuerto Rico.
Kwemakore makumi mashanu, Karl Klein akashanda muDhipatimendi Rokunyora, maakabatsira zvikuru nokuti aifarira kutsvakurudza uye aiva nezivo yakadzama yeBhaibheri. Muna 1963, Karl akaroora Margareta, mumwe mumishinari wokuGermany aishumira ari muBolivia. Nemhaka yokuti Margareta aimutsigira norudo, zvikurukuru paainetseka noutano, Karl aikwanisa kubudirira zvikuru atopfuura kare zera iro vakawanda vanowanzorega kushanda. Kuva kwaKarl munhu asingapotereri pakutaura, kuchisanganiswa nokufarira kwaaiita kuimba, zvakabatsirawo kuti ape hurukuro dzisingakanganwiki muungano nepakokorodzano. Nguva pfupi asati afa, akaitisa rugwaro rwemangwanani kumhuri huru yeBheteri yeNew York, zvakafadza nokubatsira vose.
Vaverengi vakawanda venguva dzose veNharireyomurindi vachayeuka nyaya youpenyu yaHama Klein, nhoroondo inofadza yezvakaitika kwavari iyo yakabudiswa mumagazini yaApril 1, 1985 (yechiRungu, October 1, 1984). Uchanakidzwa nokutanga kuverenga kana kuverengazve nhoroondo iyoyo, uchiyeuka kuti munyori wayo akapedza mamwe makore gumi nemashanu ari muKristu akatendeka uye akazvipira.
Sezvo vari mumwe wevakazodzwa vaIshe, Hama Klein vaida nomwoyo wose kutonga naKristu mudenga. Tine chikonzero chiri chose chokudavira kuti Jehovha zvino azadzisa chido ichocho.—Ruka 22:28-30.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Muna 1943 Karl aina T. J. Sullivan uye Ted naDoris
[Mufananidzo uri papeji 31]
Karl naMargareta, muna October 2000