Kubatsira Chirikadzi Mumiedzo Yadzo
Kubatsira Chirikadzi Mumiedzo Yadzo
IMWE nhau inozivikanwa zvikuru yechirikadzi inhoroondo yeBhaibheri yaRute navamwene vake Naome. Vakadzi vacho vose vakanga vari chirikadzi. Zvisinei, Naome akafirwa kwete nomurume wake chete asiwo nevanakomana vake vaviri, mumwe wacho akanga ari murume waRute. Nemhaka yokuti vaigara munyika yaiitwa zvokurima yainyanya kuvimba nevanhurume vayo, mamiriro avo ezvinhu zvechokwadi akanga ashata.—Rute 1:1-5, 20, 21.
Zvisinei, Naome akanga ane shamwari yakanaka uye inonyaradza yaiva muroora wake Rute, akaramba kumusiya. Nokufamba kwenguva, Rute akaratidza kuti “anopfuura vanakomana vanomwe” kuna Naome—kwete nokungoti aida Naome zvikuru asiwo nemhaka yokuti aida Mwari. (Rute 4:15) Naome paakakurudzira Rute kudzokera kumhuri yake neshamwari dzechiMoabhi, Rute akapindura nemamwe mashoko akaisvonaka zvikuru okuvimbika ati ambonyorwa okuti: “Pamunoenda, neni ndichaendapowo; pamunovata, neni ndichavatapowo, vanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu uchava Mwari wangu; pamunondofira ndipo pandichandofira neniwo, ndipo pandichavigwawo; Jehovha ngaandirove, arambe achidaro, kana imi neni tikaparadzaniswa nechinhu, asi norufu bedzi.”—Rute 1:16, 17.
Manzwire aRute akacherechedzwa naJehovha Mwari. Akakomborera imba duku yaNaome naRute, uye nokufamba kwenguva Rute akazoroorwa naBhoazi muIsraeri. Mwana wavo, akava tateguru waJesu Kristu, akarerwa naNaome sokunge akanga ari wake. Nhau iyi muenzaniso wokuti Jehovha anokoshesa chirikadzi dzinoswedera pedyo naye uye dzinovimba naye. Uyezve, Bhaibheri rinotiudza kuti anokoshesa vaya vanobatsira chirikadzi norudo mune zvadzinosangana nazvo zvinonetsa. Ko isu nhasi tingabatsira sei chirikadzi dziri pakati pedu?—Rute 4:13, 16-22; Pisarema 68:5.
Batsira Zvakananga Kwete Kuda Kuita Zvokudzora
Kana uchibatsira chirikadzi, zvakanakisisa kuva akajeka uye akananga asi kwete kuda kudzora. Dzivisa mashoko asina kujeka akadai sokuti, “Ndiudzei kana paine chamunenge muchida.” Izvozvo zvakafanana nokutaura kuti, “Mudziyirwe, mugute” kune mumwe munhu ari kutonhorwa neane nzara uye ndokurega kuita chimwe chinhu kuti umubatsire. (Jakobho 2:16) Vanhu vakawanda havakumbiri kubatsirwa pavanenge vachida chimwe chinhu, asi, vanotambura vakangonyarara. Kubatsira vakadaro kunoda nzwisiso, kuziva kuti vanodei. Kune rimwe divi, kunyanyoda kuona zvose zviri kuitika—chaizvoizvo kudzora upenyu hwechirikadzi yacho—kungatungamirira kukunzwa kurwadziwa kana gakava. Nokudaro, Bhaibheri rinosimbisa kudiwa kwokuva pakati nepakati mukubata kwedu nevamwe. Parinotikurudzira kuti tifarire vamwe vanhu zvisina udyire, rinotiyeuchidza kuti tisapindira munhau dzevamwe vanhu.—VaFiripi 2:4; 1 Petro 4:15.
Rute akaratidza maitiro ari pakati nepakati akadaro kuna Naome. Paakanga akanamatira zvikuru kuna vamwene vake, Rute haana kuvamanikidza kana kuvadzora. Aitanga zvinhu zvine musoro, zvakadai sokutsvaka zvokudya zvaNaome nezvake, asiwo aitevera mirayiridzo yaNaome.—Rute 2:2, 22, 23; 3:1-6.
Chokwadi, munhu oga oga angada zvakasiyana nezvinodiwa nomumwe. Sandra, adudzwa kwokutanga, anoti: “Ndaiva nezvandaida munhamo yangu—shamwari dzakanaka uye dzine rudo dzaiuya kuzondibatsira.” Mukusiyana neizvi, Elaine adudzwa kwokutanga aida kungozviitira zvinhu zvake pachake. Naizvozvo, kuva anobatsira kunoreva kunzwisisa uye kuva pakati nepakati pakuremekedza zvinhu zvakavanzika zvomumwe uye kuvapo kuti ubatsire kana rubatsiro ruchidiwa.
Kutarisirwa Nemhuri
Mhuri ine rudo uye ine ushamwari, kana iripo, inogona kuita zvakawanda kuita kuti chirikadzi ive nechokwadi chokuti ichagona kurarama zvinobudirira. Kunyange zvazvo dzimwe nhengo dzemhuri dzingagona kubatsira kupfuura dzimwe, dzose dzinogona kubatsira. “Kana chirikadzi ine vana kana vazukuru, ivava ngavatange kudzidza kuva netsika yokuzvipira kuna Mwari mumba mavo uye varambe vachiripa muripo wakafanira kuvabereki vavo navanasekuru, nokuti izvi zvinofadza pamberi paMwari.”—1 Timoti 5:4.
Kazhinji, kubatsira nemari kana kuti “muripo” kungasava nebasa. Dzimwe chirikadzi dzine mari inokwana kutarisira zvadzinoda, uye dzimwe dzine zvinodiwa kuti dzibatsirwe nehurumende, zvinova zvinowanikwa mune dzimwe nyika. Asi uko chirikadzi dzinenge dzichida mari, nhengo dzemhuri dzinofanira kubatsira. Kana chirikadzi isina hama yepedyo inoibatsira kana kuti kana hama dzacho dzisingakwanisi Jakobho 1:27.
kubatsira, Magwaro anokurudzira vainonamata navo kuti vaibatsire achiti: “Kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu uye Baba vedu ndouku: kutarisira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwadzo.”—Vanoshandisa nheyo dzeBhaibheri idzi chokwadi vano“kudza chirikadzi.” (1 Timoti 5:3) Chaizvoizvo, kukudza munhu kunoreva kumuremekedza. Vanhu vanokudzwa vanonzwa kuti vanokosheswa, vanodiwa, uye vanoremekedzwa. Havanzwi kuti vamwe vari kubatsira nemhaka bedzi yokuti vanofanira kudaro. Rute, kunyange iye pachake akanga ari chirikadzi kwenguva yakati, aikudza Naome zvechokwadi nokuona kuti zvaidiwa naNaome zvokurarama nazvo nezvepfungwa zvagoverwa, achiita kudaro achida uye norudo. Kutaura zvazviri, maitiro aRute akamuita kuti ave nomukurumbira wakaisvonaka nenguva pfupi, zvokuti murume wake akazomuroora akati kwaari: “Vose veguta rangu vanoziva kuti uri mukadzi wakanaka kwazvo.” (Rute 3:11) Uyewo, kuda Mwari kwaNaome, kunzwisisa kwake, uye kuonga kwaaiita nomwoyo wose zvaaiitirwa naRute pasina mubvunzo zvakaita kuti Rute afarire kumubatsira. Chokwadi Naome muenzaniso wakazonaka kuchirikadzi dzanhasi!
Swedera Pedyo naMwari
Chokwadi, nhengo dzemhuri neshamwari hadzingagoni kuvhara nzvimbo inenge yasiyiwa nokufa kwomurume. Nokuda kwechikonzero ichi zvinokosha kune munhu afirwa kuti aswedere zvikurukuru pedyo na“Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaKorinde 1:3, 4) Chimbofunga muenzaniso waAna, chirikadzi yakanga yakazvipira yaiva nemakore 84 panguva yokuzvarwa kwaJesu.
Murume wake paakafa ivo vangoroorana kwemakore manomwe chete, Ana akataura naJehovha kuti anyaradzwe. “[Ana] akanga asingamboshayiki patemberi, achiita basa dzvene usiku nemasikati nokutsanya nokuteterera.” (Ruka 2:36, 37) Jehovha ane zvaakaita here nokuzvipira kwaAna kwaari? Hungu! Akaratidza kumuda kwake munzira yakanaka zvikuru nokumuratidza mwana aizokura kuva Muponesi wenyika yose. Chokwadi, izvi zvakafadza nokunyaradza Ana! Zviri pachena kuti akaona mashoko ePisarema 37:4 achiitika okuti: “Farikanya kwazvo kuna Jehovha; iye agokupa zvinodikanwa nomwoyo wako.”
Mwari Anoshandisa Vamwe vaKristu
Elaine anoti: “Kwenguva refu David afa, ndairwadziwa mumuviri, sokunge kuti banga riri kubaya-baya mbabvu dzangu. Ndakambofunga kuti pamwe kutadza kugaya zvokudya. Rimwe zuva zvakanyanyisa zvokuti ndakafunga kuti ndaifanira kuona chiremba. Imwe hanzvadzi yandinonamata nayo inonzwisisa iri shamwari yangu yakati zvichida kusuruvara kwangu kungava iko kwaikonzera kudaro uye yakandikurudzira kukumbira Jehovha kuti andibatsire nokundinyaradza. Ndakabvuma zano rake pakarepo uye ndakanyengetera ndakanyarara zvichibva pamwoyo, ndichikumbira Jehovha kuti andibatsire munhamo yangu. Zvechokwadiwo akadaro!” Elaine akatanga kunzwa zviri nani, uye nguva shomanana kubva ipapo kurwadziwa mumuviri kwake kwakapera.
Vakuru vomuungano vanogona kutanga ushamwari nenzira yakanaka zvikurukuru nechirikadzi dziri kurwadziwa. Nokubatsira mumudzimu nguva dzose uye kunyaradza nounyanzvi uye kunzwisisa, vakuru vanogona kudzibatsira kuramba dziri pedyo naJehovha pasinei zvapo nezvadzinosangana nazvo zvinonetsa. Pazvinenge zvakakodzera, vakuru vanogonawo kuronga kubatsira nezvokurarama nazvo. Chokwadi, vakuru vane mutsa vanonzwisisa zvakadaro vanova “soutiziro pamhepo.”—Isaya 32:2; Mabasa 6:1-3.
Kunyaradzwa Kwechigarire Kunobva Kuna Mambo Wepasi Mutsva
Uya aifarira kuonekwa naAna makore zviuru zviviri apfuura zvino ava Mambo Mesiya woUmambo hwaMwari hwokudenga. Hurumende iyi ichabva yabvisa zvose zvinokonzera nhamo, Zvakazarurwa 21:3, 4 inoti: “Tarira! Tende raMwari rine vanhu . . . Uye achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Waona here kuti ndima iyi inotaura nezve“vanhu”? Hungu, vanhu vachasunungurwa parufu uye kuchema nokuridza mhere kwose kwarunokonzera.
kusanganisira rufu. Munhau iyi,Asi kunotova nemamwe mashoko akanaka akawanda! Bhaibheri rinopikirawo kumutswa kwevakafa. “Awa iri kuuya mairi avo vose vari mumakuva ekurangaridza vachanzwa inzwi [raJesu] vobuda.” (Johani 5:28, 29) Kufanana naRazaro akamutswa naJesu kuvakafa, vachabuda vari vanhu, kwete zvisikwa zvomudzimu. (Johani 11:43, 44) Vaya vachazo‘ita zvinhu zvakanaka’ vachaitwa kuti vakwane uye vozvionera pachavo kutarisira kwaJehovha kwakaita sekwababa sezvaano‘tambanudza ruoko rwake kuti agutse zvinodiwa nezvinhu zvose zvinorarama.’—Pisarema 145:16.
Vaya vakarasikirwa nomudiwa wavo murufu uye vanotenda tariro iyi yechokwadi vanoiona ichinyaradza zvikuru. (1 VaTesaronika 4:13) Saka kana uri chirikadzi, iva nechokwadi choku“ramba . . . uchinyengetera” kuti uwane nyaradzo norubatsiro zvaunoda zuva roga roga kuti utakure mitoro yako yakasiyana-siyana. (1 VaTesaronika 5:17; 1 Petro 5:7) Uye zuva roga roga wana nguva yokuverenga Shoko raMwari kuitira kuti pfungwa dzaMwari dzikunyaradze. Kana ukaita zvinhu izvi, uchazvionera kuti Jehovha anogona kukubatsira sei kuti uwane rugare, pasinei zvapo nemiedzo nezvinonetsa zvaunosangana nazvo sechirikadzi.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Kubatsira kunoreva kuva pakati nepakati pakuremekedza zvinhu zvakavanzika zvomumwe uye kuvapo paunenge uchidiwa.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Ana, chirikadzi yakanga yakura, akakomborerwa naMwari