Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuita Zvemidzimu uye Kutsvaka Kunamata Kwechokwadi

Kuita Zvemidzimu uye Kutsvaka Kunamata Kwechokwadi

Kuita Zvemidzimu uye Kutsvaka Kunamata Kwechokwadi

TOSE tinoda kunamata uye tinoda zvinhu zvokurarama nazvo. Ndicho chikonzero nei vakawanda kwazvo vachibvunza mibvunzo yakadai sokuti, Chinangwa choupenyu ndechei, nei vanhu vachitambura, uye chii chinoitika kwatiri patinofa? Vanhu vakawanda vanenge vachida kuziva vanotsvaka mhinduro dzemibvunzo iyi nemimwe yakafanana nayo kwavanoenda kunobvunza masvikiro, vachitarisira kutaura nemidzimu yevakafa. Tsika iyi inonzi kuita zvemidzimu.

Vanoita zvemidzimu vari munyika dzakawanda, uye vanosangana muungano nomumachechi. Somuenzaniso, muBrazil, vanoita zvemidzimu vanofungidzirwa kuti i4 000 000 vanotevera dzidziso dzakarongwa naHyppolyte Léon Denizard Rivail, mudzidzisi nenyanzvi yokuFrance yomuzana remakore rechi19 yakanyora ichishandisa zita rokuti Allan Kardec. Kardec akatanga kufarira zvemidzimu muna 1854. Gare gare akabvunza mibvunzo kumasvikiro aiva munzvimbo dzakawanda ndokunyora mhinduro dzacho muThe Book of Spirits, rakabudiswa muna 1857. Mamwe mabhuku maviri aakanyora anonzi The Mediums’ Book uye The Gospel According to Spiritism.

Kuita zvemidzimu kwave kuchinzi kune chokuita nezvinoitwa muzvitendero zvakadai semashiripiti, uroyi, kana kuti kunamata Satani. Zvisinei, vaya vanotevera dzidziso dzaAllan Kardec vanoti zvavanodavira zvakasiyana neizvi. Mabhuku avo anowanzotaura zviri muBhaibheri, uye vanoti Jesu ndiye “mutungamiriri nomuenzaniso wevanhu vose.” Vanoti dzidziso dzaJesu ndiko “kutaurwa kwakanakisisa kwomutemo waMwari.” Allan Kardec aiona mabhuku evanoita zvemidzimu sokuziviswa kwechitatu kwomutemo waMwari kuvanhu. Uye dzidziso mbiri dzokutanga dziri dziya dzakadzidziswa naMosesi naJesu.

Kuita zvemidzimu kunokwezva vakawanda nokuti kunosimbisa kuda muvakidzani uye kuita mabasa omutsa. Chimwe chinodavirwa nevanoita zvemidzimu ndeichi: “Pasina mutsa hapana kuponeswa.” Vakawanda vanoita zvemidzimu vanoita mabasa anoitirwa vanhu vose, vanobatsira kuvakwa kwezvipatara, zvikoro, uye kutanga mamwe masangano. Mabasa akadaro anorumbidzwa. Kunyange zvakadaro, zvinodavirwa nevanoita zvemidzimu zvinofanana papi nedzidziso dzaJesu dzakanyorwa muBhaibheri? Ngatimbotaura nezvemienzaniso miviri: tariro nokuda kwevakafa uye chikonzero chokutambura.

Tariro Nokuda Kwevakafa Ndeyei?

Vakawanda vanoita zvemidzimu vanodavira kuberekwazve. Rimwe bhuku rezvemidzimu rinoti: “Kuberekwazve ndiyo chete dzidziso inoenderana nepfungwa yedu yokururamisira kwaMwari; ndiyo chete dzidziso inogona kutsanangura nguva yemberi uye inosimbisa tarisiro dzedu.” Vanoita zvemidzimu vanotsanangura kuti parufu, mweya, kana kuti “mudzimu waberekwazve,” unobva mumuviri—seshavishavi riri kubuda muchikukwa. Vanodavira kuti midzimu iyi inozoberekwazve sevanhu kuitira kuti zvivi zvakaitwa muupenyu hwokutanga zvicheneswe. Asi zvivi izvozvo zvepakutanga hazvigoni kuyeukwa. “Mwari akaona kuti zvakanaka kuvhara zvakaitika kare,” rinodaro bhuku rinonzi The Gospel According to Spiritism.

“Kuramba dzidziso yokuberekwazve kurambawo mashoko aKristu,” akanyora kudaro Allan Kardec. Zvisinei, Jesu haana kumbotaura shoko rokuti “kuberekwazve” uye haana kumbotaura nezvepfungwa iyoyo. (Ona nyaya inoti “Bhaibheri Rinodzidzisa Kuberekwazve Here?” iri papeji 22.) Asi, Jesu akadzidzisa nezvokumutswa kwevakafa. Muushumiri hwake hwepasi pano, akamutsa vanhu vatatu—mwanakomana wechirikadzi yeNaini, mwanasikana womukuru aitungamirira sinagogi, uye shamwari yake yepedyo Razaro. (Mako 5:22-24, 35-43; Ruka 7:11-15; Johani 11:1-44) Ngatikurukure chimwe chezviitiko izvozvo zvinoshamisa toona kuti Jesu paaiti “kumuka” airevei.

Kumutswa kwaRazaro

Jesu akanzwa kuti shamwari yake Razaro yairwara. Kwapera mazuva maviri, akaudza vadzidzi vake kuti: “Razaro shamwari yedu azorora, asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa muhope.” Vadzidzi havana kunzwisisa zvairehwa naJesu, saka akataura zvakajeka kuti: “Razaro afa.” Jesu paakazosvika paguva raRazaro, murume wacho akanga ava nemazuva mana afa. Kunyange zvakadaro, Jesu akarayira kuti dombo rakanga rakavhara guva racho ribviswe. Zvadaro akadanidzira kuti: “Razaro, buda!” Ipapo, chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika. “Murume akanga akafa akabuda makumbo ake nemaoko zvakasungwa nezvinomonera, uye chiso chake chakanga chakamonerwa nomucheka. Jesu akati kwavari: ‘Musunungurei mumurege aende.’”—Johani 11:5, 6, 11-14, 43, 44.

Zviri pachena kuti uku kwakanga kusiri kuberekwazve. Jesu akati Razaro uyo akanga afa aiva akarara, asingazivi chinhu. Sokutaura kunoita Bhaibheri, ‘mano ake akanga apera.’ Akanga ‘asina chaanoziva.’ (Pisarema 146:4; Muparidzi 9:5) Razaro akamutswa akanga asiri mumwewo munhu ane mudzimu wakaberekwazve. Unhu hwake hwakanga husina kuchinja, zera rake richingova iro, uye ndangariro dzaingova dzimwe chetedzo. Akapfuuridzira upenyu hwake paakanga ahusiyira ndokudzoka kune vadikani vake vakanga vachema kufa kwake.—Johani 12:1, 2.

Nokufamba kwenguva, Razaro akafazve. Saka, kumutswa kwake kwakashandei? Pamwe chete nokumwe kumutsa kwakaitwa naJesu, kunosimbisa chivimbo chedu muzvipikirwa zvaMwari zvokuti vashumiri Vake vakatendeka vachamutswa kubva kuvakafa panguva Yake yakakodzera. Zvishamiso zvaJesu izvozvo zvinoita kuti mashoko ake atonyatsonzwisiswa, anoti: “Ndini kumuka noupenyu. Anotenda mandiri, kunyange akafa, achava mupenyu.”—Johani 11:25.

Nezvokumuka kwomunguva yemberi ikoko, Jesu akati: “Awa iri kuuya mairi avo vose vari mumakuva ekurangaridza vachanzwa inzwi [rangu] vobuda, avo vakaita zvakanaka kukumuka kwoupenyu, avo vaiva netsika yokuita zvakaipa kukumuka kwokutongwa.” (Johani 5:28, 29) Sezvazvakanga zvakaita kuna Razaro, ikoko kuchava kumutswa kwevanhu vakafa. Hakuzovi kubatanidzwa kwemidzimu mipenyu nemiviri inenge yamutswa iyo yakaora uye ingadaro yakashandiswa nezvimwe zvinhu zvipenyu. Kumutsa vakafa chinhu chiri nyore kwazvo kuitwa noMusiki wedenga nepasi, ane uchenjeri nesimba zvisingaperi.

Dzidziso yokumuka, yakadzidziswa naJesu Kristu, hairatidzi here kuda kunoita Mwari munhu mumwe nomumwe zvakadzama? Asi zvakadini nomubvunzo wechipiri wambobvunzwa?

Chikonzero Chokutambura Ndechei?

Kutambura kwevanhu kwakawanda kunovapo nemhaka yezvinhu zvinoitwa nevanhu vasina kuchenjera, vasina ruzivo, kana kuti kunyange vakaipa. Zvisinei, zvakadini nezviitiko zvinosuwisa izvo vanhu vasingagoni kupomerwa zvakananga? Somuenzaniso, nei kuine tsaona nenjodzi dzinongoitika dzoga? Nei vamwe vana vachiberekwa vakaremara? Allan Kardec aiona zvinhu zvakadaro sezvirango. Akanyora kuti: “Kana tiri kurangwa zvinoreva kuti takatadza. Kana chikanganiso ichocho chisiri choupenyu hwatinahwo, saka chinofanira kuva chakabva kuupenyu hwakapfuura.” Vanoita zvemidzimu vanodzidziswa kunyengetera vachiti: “Ishe, Ndimi kururamisira kwose. Urwere uhwo Imi makasarudza kundipa hwakandikodzera . . . Ndinohugamuchira somubhadharo wezvandakaita kare uye somuedzo wokutenda uye kuzviisa kwangu pasi pokuda Kwenyu kwakakomborerwa.”—The Gospel According to Spiritism.

Jesu akadzidzisa zvakadaro here? Kwete. Jesu ainyatsoziva zvinotaura Bhaibheri, kuti: “Vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.” (Muparidzi 9:11) Aiziva kuti dzimwe nguva zvakaipa zvinongoitika. Hakusi kuti chirango chezvivi.

Funga nezvechiitiko ichi muupenyu hwaJesu: “[Jesu] zvaakanga achipfuura akaona munhu akanga ari bofu kubva paakaberekwa. Uye vadzidzi vake vakamubvunza kuti: “Rabhi, ndiani akaita chivi, munhu uyu kana vabereki vake, zvokuti akaberekwa ari bofu?’” Mhinduro yakapiwa naJesu yaijekesa zvinhu: “Munhu uyu haana kuita chivi kana vabereki vake, asi zvakaitwa kuti mabasa aMwari aoneswe paari. Akati ataura zvinhu izvi, akapfira mate pasi akakanya ivhu nemate, akaisa ivhu rake pamaziso omunhu wacho akati kwaari: ‘Enda ugeze mudziva reSiroami.’ . . . Nokudaro akaenda akageza, akadzoka ave kuona.”—Johani 9:1-3, 6, 7.

Mashoko aJesu akaratidza kuti munhu uyu kana kuti vabereki vake havasirivo vakakonzera upofu hwaakaberekwa nahwo. Saka Jesu haana kutsigira pfungwa yokuti munhu iyeye akanga ari kurangirwa zvivi zvaakaita muupenyu hwekare. Chokwadi, Jesu aiziva kuti vanhu vose vanoberekwa vaine chivi. Asi vanoberekwa vaine chivi chaAdhamu, kwete zvivi zvavakaita vasati vaberekwa. Pamusana pechivi chaAdhamu, vanhu vose vanoberekwa vasina kukwana, zvokuti vanogona kurwara uye kufa. (Jobho 14:4; Pisarema 51:5; VaRoma 5:12; 9:11) Kutaura zvazviri, Jesu akanga atumwa kuzogadzirisa mamiriro ezvinhu aya. Johani Mubhabhatidzi akati Jesu aiva “Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika!”—Johani 1:29. *

Cherechedzawo kuti Jesu haana kuti Mwari akaita nemaune kuti murume wacho aberekwe ari bofu kuitira kuti Jesu azouya omuporesa rimwe zuva. Zvechokwadi ichocho chaizova chiito choutsinye, chokusakoshesa vanhu! Zvino zvaizodai zvakaita kuti Mwari arumbidzwe here izvozvo? Kwete. Asi kuporeswa kunoshamisa kwomurume aiva bofu kwakashanda ‘kuonesa mabasa aMwari.’ Kufanana nokumwe kurapa kwakawanda kwakaitwa naJesu, kwakaratidza rudo rwaMwari rwechokwadi kuvanhu vanotambura uye kwakasimbisa kuvimbika kwechipikirwa Chake chokugumisa kurwara nokutambura kwose kwevanhu panguva Yake yakafanira.—Isaya 33:24.

Hazvinyaradzi here kuziva kuti pane kukonzera kutambura, Baba vedu vokudenga vanopa “zvinhu zvakanaka kune vanovakumbira”? (Mateu 7:11) Zvichaita kuti Wokumusoro-soro apiwe mbiri apo maziso emapofu anovhurwa, nzeve dzematsi dzinodziurwa, uye apo vakaremara vanofamba, kusvetuka, uye kumhanya!—Isaya 35:5, 6.

Kugutsa Zvatinoda Pakunamata

Jesu akati: “Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.” (Mateu 4:4) Hungu, zvatinoda pakunamata zvinogutswa patinoverenga Shoko raMwari, Bhaibheri, ndokurarama upenyu hwedu maererano naro. Kubvunza masvikiro hakugutsi zvatinoda pakunamata zvechokwadi. Chokwadi, tsika yakadaro inoshorwa zvakajeka mune kwakanzi naAllan Kardec kuziviswa kwokutanga kwomutemo waMwari.—Dheuteronomio 18:10-13.

Vakawanda, kusanganisira vanoita zvemidzimu, vanoziva kuti Mwari ndiye Munhu Mukuru, asingagumi, anoramba akakwana, ane mutsa, akanaka, uye anoruramisira. Asi Bhaibheri rinozivisa zvimwe zvakawanda. Rinotaura kuti ane zita rake oga, Jehovha, ratinofanira kukudza sezvakaita Jesu. (Mateu 6:9; Johani 17:6) Rinoratidza Mwari somunhu chaiyeiye wokuti vanhu vanogona kuva noukama hwepedyo naye. (VaRoma 8:38, 39) Patinoverenga Bhaibheri, tinodzidza kuti Mwari ane ngoni uye kuti “haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.” (Pisarema 103:10) Changamire Ishe Jehovha anozivisa rudo rwake, ukuru, nokufunga nomuShoko rake rakanyorwa. Ndiye anotungamirira uye anodzivirira vanhu vanoteerera kuti vakwane. Kusvika pakuziva Jehovha noMwanakomana wake, Jesu Kristu, “zvinoreva upenyu husingaperi.”—Johani 17:3.

Bhaibheri rinopa mashoko ose atinoda pamusoro pezvinangwa zvaMwari, uye rinotiudza zvatinofanira kuita kana tichida kumufadza. Kuongorora Bhaibheri nokungwarira kunotipa mhinduro dzechokwadi nedzinogutsa kumibvunzo yedu. Zvekare, Bhaibheri rinotitungamirira pakuziva chakarurama nechisina kururama, uye rinotipa tariro yakasimba. Rinotivimbisa kuti munguva pfupi iri kutevera, Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso [evanhu], uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga [zvichava] zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Achishandisa Jesu Kristu, Jehovha achasunungura vanhu muchivi nokusakwana kwavakaberekwa vanako, uye vanhu vanoteerera vachagara nhaka upenyu husingagumi mupasi riri paradhiso. Panguva iyoyo, zvose zvavanoda pakunamata uye pane zvokurarama nazvo zvichagutswa zvakakwana.—Pisarema 37:10, 11, 29; Zvirevo 2:21, 22; Mateu 5:5.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 19 Kuti uone pakakurukurwa matangire akaita chivi norufu ona chitsauko 6 chebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi riri papeji 22]

BHAIBHERI RINODZIDZISA KUBEREKWAZVE HERE?

Pane magwaro omuBhaibheri anotsigira dzidziso yokuberekwazve here? Ona mamwe emagwaro akashandiswa nevanodavira dzidziso iyi:

“Nokuti vose, Vaprofita noMutemo, vakaprofita kusvikira kuna Johani . . . Iye ndiye ‘Eriya anofanira kuuya.’”—Mateu 11:13, 14.

Johani Mubhabhatidzi aiva Eriya akanga aberekwazve here? Paakabvunzwa kuti: “Ndiwe Eriya here?” Johani akapindura zvakajeka kuti: “Handisi.” (Johani 1:21) Zvisinei, zvakanga zvafanotaurwa kuti Johani aizotangira Mesiya “nomudzimu uye nesimba raEriya.” (Ruka 1:17; Maraki 4:5, 6) Nemamwe mashoko, Johani Mubhabhatidzi aiva Eriya mupfungwa yokuti akaita basa rakafanana neraEriya.

“Kana munhu akasaberekwazve, haagoni kuona umambo hwaMwari. Usashamiswa nokuti ndakuudza kuti, imi munofanira kuberekwazve.”—Johani 3:3, 7.

Mumwe wevaapostora akazonyora kuti: “Mwari naBaba vaShe wedu Jesu Kristu ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru takaberekwa patsva kutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa.” (1 Petro 1:3, 4, Revised Standard Version; Johani 1:12, 13) Zviri pachena kuti kuberekwazve kwaitaurwa naJesu kwaiva kwomudzimu kwaizoitika vateveri vake vachiri vapenyu, kwete kuberekwazve kwomunguva yemberi.

“Kana munhu afa, anorarama nokusingaperi: kana mazuva angu okurarama paNyika apera, ndichamirira, sezvo ndichadzokazve.”—“Shanduro yechiGiriki” yaJobho 14:14 yakatorwa muThe Gospel According to Spiritism.

Revised Standard Version inoshandura ndima iyi kuti: “Kana munhu afa, achararamazve here? Ndaimirira hangu mazuva ose okutambudzika kwangu, kusvikira kusunungurwa kwangu kuchisvika.” Verenga mashoko akapoteredza ndima iyoyo. Uchaona kuti vakafa vanomirira “kusunungurwa” kwavo vari muguva. (Job 14 Ndima 13) Pavanenge vachimirira, vanenge vasiko. “Munhu afa aenda zvachose; uye munhu paanofa, haasisiko.”—Jobho 14:10, shanduro yaBagster yeSeptuagint.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Tariro yokumuka inoratidza kufarira zvikuru uko Mwari anotiita somunhu mumwe nomumwe

[Mifananidzo iri papeji 23]

Mwari achagumisa kutambura kwose kwevanhu