Kupfuurira Munzira yaJehovha Kunotipa Simba Nomufaro
Nyaya Youpenyu
Kupfuurira Munzira yaJehovha Kunotipa Simba Nomufaro
YAKATAURWA NALUIGGI D. VALENTINO
“Heyi nzira, fambai nayo,” Jehovha anorayira kudaro. (Isaya 30:21) Yave iri vavariro yangu kutevera zano iri kubvira pandakabhabhatidzwa makore 60 apfuura. Vavariro iyi yakagadzwa pakuvamba nomuenzaniso wevabereki vangu, vakatama vachibva kuItaly, ndokugara muCleveland, Ohio, U.S.A., muna 1921. Ikoko vakarera vana vatatu—ini nomukoma wangu Mike, nehanzvadzi yangu Lydia.
VABEREKI vangu vakaongorora zvitendero zvakasiyana-siyana asi pakupedzisira vakarega vaora mwoyo. Zvadaro, rimwe zuva muna 1932, Baba vakanga vachiteerera purogiramu yepanhepfenyuro mumutauro wokuItaly. Yaitepfenyurwa neZvapupu zvaJehovha, uye Baba vakada zvavakanzwa. Vakanyora vachida mamwe mashoko, uye chimwe Chapupu chaitaura mutauro wokuItaly chaishanda padzimbahwe reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, kuNew York, chakatishanyira. Pashure pokukurukurirana zvakawanda kusvikira mambakwedza, vabereki vangu vakagutsikana kuti vakanga vawana chitendero chechokwadi.
Baba naAmai vakatanga kupinda misangano yechiKristu uye vaigamuchira vatariri vanofambira pamba pavo. Kunyange zvazvo ndaingova kakomana, varume ava vaiita kuti ndiende navo mubasa rokuparidza uye vakaita kuti nditange kufunga nezvokushumira Jehovha nguva yakazara. Mumwe wevakatishanyira ivavo aiva Carey W. Barber, zvino ari nhengo yeDare Rinodzora
reZvapupu zvaJehovha. Pasina nguva refu, muna February 1941, ndakabhabhatidzwa pazera remakore 14, uye muna 1944, ndakatanga kushanda sapiyona muCleveland. Mike naLydia vakarambawo vari munzira yechokwadi cheBhaibheri. Mike akashumira Jehovha kusvikira parufu rwake, uye Lydia akabatana pamwe nomurume wake, Harold Weidner, kwemakore 28 mubasa rokufambira. Nhasi, vanoshanda sevashumiri chaivo venguva yakazara.Jeri Rinowedzera Kutsunga Kwangu Kuramba Ndichipfuurira
Mukuvamba kwa1945, ndakaguma ndava muChillicothe Federal Prison yomuOhio nemhaka yokuti hana yangu yakarovedzwa neBhaibheri yakaita kuti ndiite maererano naIsaya 2:4, iyo inotaura nezvokupfura minondo kuva mapadza. Pakutanga, vakuru vakuru vejeri racho vakanga vasingatibvumiri isu, Zvapupu 200, kuva nemabhuku eBhaibheri akabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, Zvapupu zvaiva muungano yaiva pedyo zvakatibatsira. Panenge pakati pousiku, zvaidonhedza mabhuku mashomanana muminda yaiva pedyo nejeri racho. Mangwanani aitevera, sezvataiendeswa kunzvimbo dzataishandira, taitsvaka mabhuku iwayo uye taikwanisa kuapinza mujeri macho. Mumwe nomumwe wedu aigara nemagazini kana bhuku kwemaminiti 15 chete asati apa hama inotevera. Panguva iyoyo, ndakadzidza kukoshesa zvokudya zvomudzimu kupfuura zvandakanga ndamboita—chidzidzo chandichiri kuyeuka nguva yose yandinogamuchira Nharireyomurindi kana Mukai!
Pashure penguva yakati, takabvumirwa kuita misangano yeungano mujeri, asi vasiri Zvapupu vaisabvumirwa kuvapo. Kunyange zvakadaro, vamwe vakuru vakuru vejeri nevasungwa vaipinda pachivande, uye vamwe vashoma vakatobvuma chokwadi. (Mabasa 16:30-34) Kushanya kwaHama A. H. Macmillan kwainyaradza zvikuru. Nguva dzose vaisimbisa kuti nguva yataipedzera mujeri yaiva nezvayaibatsira nokuti yaitirovedza nokuda kwemigove yomunguva yemberi. Hama iyoyo inodiwa yakanga yakura yakandikurudzira uye yakawedzera kutsunga kwangu kufamba munzira dzaJehovha.
Ndinowana Shamwari
Hondo Yenyika II yakapera, ndakabudiswa mujeri, uye ndakatangazve kupayona, ushumiri hwenguva yakazara. Asi muna 1947 baba vangu vakafa. Kuti nditarisire mhuri, ndakatsvaka basa uyewo ndakakwanisa kuita basa rokukwiza muviri (massage)—unyanzvi hwaizondibatsira munguva yakaoma iyo mudzimai wangu neni takatarisana nayo makore 30 gare gare. Asi ndamhanyira mberi. Kutanga, regai ndikuudzei nezvomudzimai wangu.
Mamwe masikati muna 1949 pandaiva muHoro yoUmambo, runhare rwakarira. Ndakarusimudza uye ndakanzwa inzwi rinotapira richiti: “Zita rangu ndinonzi Christine Genchur. Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakauya kuCleveland kuti nditsvake basa, uye ndinoda kusonganirana neungano.” Horo yedu yoUmambo yaiva kure nenharaunda yaakanga achigara, asi ndakada inzwi rake, saka ndakamurayiridza mafambiro aaizoita kuti asvike pahoro yedu ndokumukurudzira kuuya musi weSvondo iwoyo—zuva randakanga ndichizopa hurukuro yavose. Musi weSvondo, ndaiva munhu wokutanga kusvika paHoro yoUmambo, asi hapana hanzvadzi yandakanga ndisingazivi yakauya. Muhurukuro yose, ndairamba ndichitarisa kumusuo, asi hapana akapinda. Zuva rakatevera racho ndakamuridzira runhare, uye akati akanga asati arovedzana nemafambiro aiita mabhazi acho. Saka ndakazvipira kunosangana naye kuti ndimutsanangurire zvinhu zviri nani.
Ndakaziva kuti vabereki vake, vakanga vatama vachibva kuCzechoslovakia, vakanga vatanga kusonganirana neVadzidzi veBhaibheri pashure pokuverenga kabhuku kanonzi Where Are the Dead? Vabereki vake vakabhabhatidzwa muna 1935. Muna 1938, baba vaChristine vakava mushumiri wekambani (zvino ava kunzi mutariri anotungamirira) weungano yeZvapupu zvaJehovha muClymer, Pennsylvania, U.S.A., uye muna 1947, Christine akabhabhatidzwa ane makore 16. Hazvina kunditorera nguva yakareba kudanana netsvarakadenga iyi, hanzvadzi inoda zvinhu zvokunamata. Takaroorana musi waJune 24, 1950, uye kubvira ipapo Christine ave ari shamwari yangu yakatendeka, inoda kugara ichiisa zvinodiwa noUmambo hwaMwari pakutanga. Ndinoonga Zvirevo 31:10.
Jehovha kuti shamwari inokwanisa iyi yakabvuma kubatanidza upenyu hwayo nehwangu.—Chishamiso Chikuru
Musi waNovember 1, 1951, takatanga kupayona pamwe chete. Makore maviri gare gare, pakokorodzano muToledo, Ohio, Hama Hugo Riemer naAlbert Schroeder vakataura kuboka remapiyona aifarira basa roumishinari. Taiva pakati pavo. Takakurudzirwa kuramba tichipayona muCleveland, asi mwedzi wakatevera wacho chaiwo, takagamuchira chishamiso chikuru—kokero yokupinda kirasi yechi23 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi, chaitanga muna February 1954!
Sezvataityaira takananga kuChikoro cheGiriyedhi, panguva iyoyo chaiva muSouth Lansing, New York, Christine akanga achitya zvokuti airamba achindiudza kuti, “Usamhanyisa!” Ndakati, “Christine, kana tikatyaira zvishoma kupfuura apa, tichaguma taita setamira.” Zvisinei, pashure pokunge tasvika pazvivako zvacho, takakurumidza kugadzikana. Hama Nathan Knorr vakagamuchira boka revadzidzi ndokutitaridza nzvimbo yacho. Vakatsanangurawo kuti taikwanisa sei kuchengetedza mvura nemagetsi, vachisimbisa kuti kuchengetedza chinhu chakanaka kana uchitarisira zvinhu zvoUmambo. Zano iroro rakaramba riri mupfungwa dzedu. Tichiri kurarama maererano naro.
Kubhururuka Takananga kuRio
Pasina nguva refu takapedza kudzidza, uye musi waDecember 10, 1954, takakwira ndege muNew York City inotonhora, tichifadzwa nokutarisira kubhururuka takananga kumugove wedu mutsva muRio de Janeiro inodziya, kuBrazil. Takaenda naPeter naBillie Carrbello, mamwe mamishinari. Kubhururuka kwacho kwaifanira kutora maawa 24, tichimbomira muPuerto Rico, Venezuela, uye Belém kuchamhembe kweBrazil. Zvisinei, nemhaka yeinjini yainetsa, akava maawa 36 tisati taona Rio de Janeiro. Asi chitarisiko chayo chakanga chakazonaka! Magetsi omuguta racho aipenya semadhaimani matsvuku ari pakapeti nhema, uye chiedza chomwedzi chairova pamvura yomuGuanabara Bay.
Nhengo dzemhuri yeBheteri dzinoverengeka dzakanga dzakatimirira panhandare yendege. Pashure pokutigamuchira noushamwari, dzakatiendesa kuhofisi yebazi, uye panguva inenge yechitatu mangwanani, takaenda kunorara. Maawa mashomanana gare gare, bhero rokumutsa vanhu rakatiyeuchidza kuti zuva redu rokutanga tiri mamishinari rakanga ravamba!
Chidzidzo Chepakuvamba
Nenguva isipi takadzidza chidzidzo chinokosha. Takanga tapedza usiku tiri pamba peimwe mhuri yeZvapupu. Pataida kufamba tichidzokera kubazi, hama yacho yakaramba, “Aiwa, hamungaendi; kuri kunaya,” uye yakaedza kuramba ichiti tigare usiku hwose. “Kwatinobva kunonayawo,” ndakadaro, ndichiramba mashoko ake ndichiseka. Uye takaenda.
Nemhaka yemakomo akakomberedza Rio, mvura inonaya inoungana nokukurumidza uye inoyerera ichipinda muguta racho, ichiwanzokonzera mafashamo. Munguva pfupi takanga tava kuchakwaira nomumvura inosvika mumabvi. Pedyo nebazi, migwagwa yakanga yava nzizi dzaifashamira nemvura ine simba yaisvika muzvipfuva zvedu. Patakazosvika paBheteri takanga tati nyakata kutota. Zuva rakatevera racho, Christine akatambura ndokurwara nemanyoka, ayo akamusiya asisina simba kwenguva refu. Zviri pachena kuti semamishinari matsva, taifanira kudai takateerera zano reZvapupu zvine ruzivo.
Matanho Okutanga Mubasa Roumishinari Nerokufambira
Pashure pokutanga kusingafadzi uku, takatanga basa redu romumunda nomwoyo wose. Taiverenga mharidzo yeChiputukezi kumunhu upi noupi wataisangana naye, uye zvaiita setaifambira mberi zvakafanana.
Mumwe muridzi womusha aiudza Christine kuti, “Ndinokunzwisisa, asi uyu handimunzwisisi,” achinongedzera kwandiri. Mumwewo muridzi womusha aindiudza kuti, “Ndinokunzwisisa asi kwete mudzimai wako.” Kunyange zvakadaro, takafadzwa zvikuru nokuwana kuzvinyoresa kugamuchira Nharireyomurindi kunodarika 100 muvhiki shomanana dzokutanga idzodzo. Kutaura zvazviri, vadzidzi vedu veBhaibheri vanoverengeka vakabhabhatidzwa mugore redu rokutanga muBrazil, zvichitiratidza kuti mugove woumishinari uyu waizobereka zvakadini.Pakati pema1950, ungano dzakawanda muBrazil dzakanga dzisingashanyirwi nevatariri vanofambira nguva dzose nemhaka yokushomeka kwehama dzaikwanisa. Saka kunyange zvazvo ndakanga ndichiri kudzidzira mutauro wacho uye ndakanga ndisati ndambopa hurukuro yavose muChiputukezi, ndakagoverwa basa redunhu munharaunda yeSão Paulo muna 1956.
Sezvo ungano yokutanga yatakashanyira yakanga isati yashanyirwa nomutariri wedunhu kwemakore maviri, munhu wose akanga achitarisira zvikuru kunzwa hurukuro yavose. Kugadzirira hurukuro yacho, ndaidimbura ndima munyaya dzomuNharireyomurindi dzeChiputukezi ndokudzinamatidzira pamapepa. Musi weSvondo iwoyo, Horo yoUmambo yakanga yakati pamu kuzara. Vamwe vanhu vakanga vakatogara pachikuva, vose vachimirira chiitiko chikuru. Hurukuro yacho, regai nditi kuverenga kwacho, kwakatanga. Pano neapo ndaisimudza musoro uye ndakashamisika kuti vanhu vose vakanga vakati mwiro, kunyange vana. Vose vakanga vakati maziso twiriri kwandiri. Ndakafunga kuti: ‘Maiwe, Valentino iwe, Chiputukezi chako chavandudzika kwazvo! Vanhu ava vari kuzoteerera.’ Makore akati gare gare, pandakashanyirazve ungano iyoyo, imwe hama yaivapo pandakatanga kushanya yakati: “Munoyeuka here hurukuro yavose yamakapa? Hapana kana shoko rimwe zvaro ratakanzwisisa.” Ndakaiudza kuti kana iniwo ndakanga ndisina kunzwisisa zvakawanda muhurukuro iyoyo.
Gore rokutanga iroro mubasa redunhu, ndaiwanzoverenga Zekaria 4:6. Mashoko okuti, ‘Hazviitwi nesimba asi nomweya wangu,’ aindiyeuchidza kuti mudzimu waJehovha ndiwo waikonzera kuti basa roUmambo rifambire mberi. Uye rakafambira mberi pasinei nezvataisakwanisa kuita zvaiva pachena.
Zvinetso Nezvikomborero Munzira
Basa redunhu raireva kubvongodza nyika takatakura tapureta, mabhokisi emabhuku, masutukezi, nemabhirifikesi. Nokuchenjera Christine ainyora manhamba pamukwende wedu kuitira kuti tisasiya chimwe chinhu sezvataiita chipatapata kubva mubhazi rimwe kuenda kune rimwe. Zvaisamboshamisa kufamba nebhazi kwemaawa 15 mumigwagwa yakaipa kuti tisvike kwataienda. Dzimwe nguva zvaityisa, zvikurukuru apo mabhazi maviri aipesana panguva imwe chete pabhiriji risina kusimba, achipesana ari pedyo nepedyo zvokunge achatogumhana. Taifambawo nechitima, chikepe, uye takatasva mabhiza.
Muna 1961 takatanga kushanda mubasa roruwa, kufamba kubva mudunhu kuenda mudunhu panzvimbo pokubva muungano kuenda muungano. Usiku hunoverengeka pavhiki, tairatidza mafirimu aibudiswa nesangano raJehovha—nguva imwe neimwe panzvimbo yakasiyana. Kakawanda kacho taifanira kuita zvinhu nokukurumidza kuitira kuti vafundisi vomunharaunda iyoyo vaiedza kudzivisa kuratidza uku vazowana tapedza. Mune rimwe dhorobha, mupristi akamanikidza mumwe muridzi wehoro kuti akanzure kondirakiti yaakanga aita nesu. Pashure pemazuva akati kuti tichitsvaka, takawana imwe nzvimbo, asi hapana watakaudza ndokuramba tichikokera vanhu kunzvimbo yokutanga. Purogiramu yacho isati yatanga, Christine akaenda kuhoro yacho ndokurayiridza vaida kuona firimu racho chinyararire kuti vaende kunzvimbo itsva. Usiku ihwohwo, vanhu 150 vakaona firimu racho, rakanga rine musoro wakakodzera waiti The New World Society in Action.
Kunyange zvazvo basa rokufambira munzvimbo dziri dzoga rainetesa dzimwe nguva, hama dzaizvininipisa dzaigara ikoko dzaionga zvikuru kushanya kwedu uye dzaiva nomutsa kwazvo dzichigoverana nesu dzimba dzadzo dzisiri dzoumbozha zvokuti nguva dzose taionga Jehovha kuti taikwanisa kuva pamwe chete nadzo. Kushamwaridzana nadzo kwakaguma nezvikomborero zvinofadza kwatiri. (Zvirevo 19:17; Hagai 2:7) Naizvozvo, takasuruvara zvikuru kuti pashure pokunge tashanda kwemakore 21 muBrazil, mazuva edu oumishinari akasvika kumagumo!
Panguva Yenhamo, Jehovha Akatiratidza Nzira
Muna 1975, Christine akavhiyiwa. Takatangazve basa rokufambira, asi utano hwaChristine hwakatoipisisa. Kudzokera kuUnited States kuti anorapwa kwairatidzika sokuti ndiko kwakanga kwakakodzera. Muna April 1976, takasvika muLong Beach, California, ndokugara naamai vangu. Pashure pokunge tagara kunze kwenyika kwemakore makumi maviri, takanga tisingazivi kuti tingabata sei nemamiriro aya ezvinhu. Ndakatanga kuita basa rokukwiza muviri, uye mari yandaiwana mubasa iroro yakaita kuti tirarame. Vakuru vakuru voruwa rweCalifornia vakapa Christine nzvimbo muchipatara, asi imomo akaramba achingopera simba zuva nezuva nokuti vanachiremba vakaramba kumurapa pasina kumuisira ropa. Tapererwa nezano, takateterera kuna Jehovha kuti atitungamirire.
Mamwe masikati pandaiva mubasa romumunda, ndakaona hofisi yachiremba, uye pakarepo, ndakasarudza kupindamo. Kunyange zvazvo chiremba wacho akanga ava kuda kutoenda kumba, akandibvumira kuti ndipinde muhofisi yake, uye takakurukura kwemaawa maviri. Ipapo akati: “Ndinoonga basa renyu roumishinari, uye ndicharapa mudzimai wako pasina mubhadharo uye pasina kumuisira ropa.” Ndakatadza kuzvibvuma.
Chiremba ane mutsa uyu, aiva nyanzvi inoremekedzwa, akatamisira Christine kuchipatara chaaishandira, uye nemhaka yokugona kwake kutarisira, utano hwake hwakavandudzika. Takaonga zvikuru kuti Jehovha akanga atiratidza nzira munguva iyoyo yakaoma!
Migove Mitsva
Christine zvaakawanazve simba, takashanda semapiyona uye takafara kubatsira vanhu vanoverengeka muLong Beach kuva vanamati vaJehovha. Muna 1982 takakumbirwa kuita basa redunhu muUnited States. Taionga Jehovha zuva nezuva nokutishandisazve mubasa rokufambira—rudzi rwoushumiri rwataida. Takashanda muCalifornia uye muNew England, uko dunhu racho raisanganisira ungano dzeChiputukezi. Gare gare rakasanganisirawo Bermuda.
Pashure pemakore mana anozorodza, takagamuchira mumwe mugove. Takakumbirwa kushanda semapiyona chaiwo chero kupi kwataida. Kunyange zvazvo takarwadziwa nokusiya basa rokufambira, takanga takatsunga kupfuurira nomugove wedu mutsva. Asi kupi? Mubasa rokufambira, ndakanga ndacherechedza kuti ungano yeChiputukezi muNew Bedford, Massachusetts, yaida kubatsirwa—saka takaenda kuNew Bedford.
Patakasvika, ungano yacho yakatiitira mabiko makuru okutigamuchira. Zvakaita kuti tinzwe kuti tinodiwa! Zvakaita kuti tisvimhe misodzi. Vamwe vakaroorana vechiduku vakagara nesu pamusha pavo kusvikira tawana furati yedu pachedu. Zvechokwadi Jehovha akakomborera mugove uyu woupiyona chaihwo kupfuura zvataitarisira. Kubvira muna 1986 tabatsira vanhu 40 mudhorobha rino kuva Zvapupu. Imhuri yedu pakunamata. Uyezve, ndakafara kuona hama shanu dzomunharaunda iyoyo dzichikura kuva vafudzi veboka vane hanya. Zvave zvakaita sokushanda mumugove woumishinari unobereka kwazvo.
Sezvatinotarira shure, tinofara kuti takashumira Jehovha kubvira tiri vaduku ndokuita chokwadi nzira yedu youpenyu. Chokwadi, zera noundonda zvava kuita kuti tisaita zvakawanda, asi kupfuurira munzira yaJehovha kuchiri kutipa simba nomufaro.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Tichangosvika muRio de Janeiro
[Mufananidzo uri papeji 28]
Mhuri yedu pakunamata—ungano yeChiputukezi muNew Bedford, Massachusetts