Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurwadziwa Kwakaita Vakadzi Vaviri Nokuva Chirikadzi

Kurwadziwa Kwakaita Vakadzi Vaviri Nokuva Chirikadzi

Kurwadziwa Kwakaita Vakadzi Vaviri Nokuva Chirikadzi

SANDRA ichirikadzi inogara muAustralia. Murume wake paakafa makore mashoma adarika, Sandra akatadza kuzvidavira. “Kuziva kuti ndakanga ndarasikirwa pakarepo nomurume wangu neshamwari yangu yepamwoyo kwakandivhiringidza. Handinyatsozivi kuti ndakazosvika sei kumba kubva kuchipatara kana zvandakazoita muswere wose wezuva iroro. Muvhiki shomanana dzakatevera, kutya kwangu kwakava kurwadziwa mumuviri kwenguva dzose.”

Sandra ane shamwari yakura inonzi Elaine yave iri chirikadzi kwemakore matanhatu. Elaine akatarisira murume wake David kwemwedzi mitanhatu asati afa nekenza. Nhamo yake yakanga iri huru zvokuti nguva shoma murume wake afa, akatombotadza kuona kwenguva yakati. Makore maviri gare gare, akadonha pazere vanhu. Chiremba wake haana chiratidzo chokurwara mumuviri chaakaona. Zvisinei, akaziva kuti Elaine akanga achigara nenhamo yake nechomumwoyo, saka akamukurudzira kuti aende kumba kuti anoedza kuchema zvikuru. “Zvakatora nguva yakati kuti ndipedze nhamo yangu,” Elaine anobvuma kudaro, achiwedzera kuti paainzwa kusurukirwa, “Ndaitomboenda muimba yokurara ndichifukidza musoro wangu nembatya dzaDavid.”

Hungu, kufirwa nomurume waunoda kunogona kuita kuti ufunge zvakawanda-wanda, nokuti kuva chirikadzi hakusi kungorarama usina murume chete. Somuenzaniso, kwenguva yakati Sandra akanzwa sokuti akanga achisiri iye. Kufanana nedzimwe chirikadzi dzichangofirwa, akanzwa asiyiwa pachena, asisina kuchengeteka. Sandra anoyeuka kuti: “Zvandakanga ndajaira kuti murume wangu ndiye aiita zvisarudzo zvokupedzisira, ndakangoerekana ndasiyiwa ndoga kuti ndiite zvisarudzo izvozvo. Kurara kwangu kwakakanganiswa. Ndainzwa kuneta nokurukutika. Zvakanga zvakaoma kuziva kuti ndoitei chaizvo.”

Nyaya dzakafanana nedzaSandra naElaine dzinodzokororwa zuva roga roga pasi pose. Kurwara, tsaona, hondo, kuuraya mamwe madzinza, nechisimba ndizvo zviri kuita kuti chirikadzi dziwedzere. * Vakawanda vevakadzi ivava vanotambura pasina anoziva, vasingazivi zvokuita. Hama neshamwari dzingaitei kubatsira vaya vari kuedza kurarama vari chirikadzi? Nyaya inotevera ine mazano angabatsira.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Vamwe vakadzi vari kungoraramawo sechirikadzi nokuti varume vavo vakavasiya. Kunyange zvazvo kuparadzana kana kurambana kuchikonzera zvinetso zvakwo, mashoko akawanda anokurukurwa munyaya inotevera anogonawo kubatsira vakadzi mumamiriro ezvinhu aya.