Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uchifara Mubasa raJehovha

Ramba Uchifara Mubasa raJehovha

Ramba Uchifara Mubasa raJehovha

“Garai muchifara munaShe. Zvakare ndinopamhidzazve, Farai!”—VAFIRIPI 4:4.

1, 2. Imwe hama nemhuri yayo vakagona sei kuramba vachifara pasinei zvapo nokurasikirwa nezvose zvavakanga vanazvo?

JAMES, muKristu ane makore 70 anogara muSierra Leone akanga ashanda zvakaomarara upenyu hwake hwose. Chimbofungidzira mufaro wake paakanga achengeta mari inokwana kutenga imba yakanaka zvakafanira ine makamuri mana! Zvisinei, imwe nguva James nemhuri yake vave kugara muimba yavo, hondo yevagari vomunyika iyoyo yakatanga, uye musha wavo wakaroromeswa wose. Vakarasikirwa nemba yavo, asi havana kurasikirwa nomufaro wavo. Nei vasina?

2 James nemhuri yake havana kuramba vachifunga pamusoro pezvavakanga varasikirwa nazvo, asi pane zvakanga zvasara. James anotsanangura achiti: “Kunyange panguva yaityisa zvikuru, taiita misangano, taiverenga Bhaibheri, tainyengetera pamwe chete, uye taigovana nevamwe zvishoma zvataiva nazvo. Takagona kuramba tichifara nokuti tairamba tichifunga nezvoukama hwakanaka kwazvo hwatinahwo naJehovha.” Nokuramba vachifunga nezvezvinhu zvakanaka zvavaiva nazvo, chikuru chacho chinova ukama hwapedyo naJehovha, ava vaKristu vakatendeka vakagona ‘kuramba vachifara.’ (2 VaKorinde 13:11) Chokwadi, mamiriro avo ezvinhu anorwadza akanga asiri nyore kutsungirira. Asi havana kurega kufara muna Jehovha.

3. Vamwe vaKristu vepakutanga vakaramba sei vachifara?

3 VaKristu vepakutanga vakasangana nemiedzo yakafanana neiya yakawanikwa naJames nemhuri yake. Asi, muapostora Pauro akanyora mashoko aya kuvaKristu vechiHebheru achiti: “Makabvuma nomufaro kupambwa kwezvinhu zvenyu.” Pauro akabva atsanangura kwaibva mufaro wavo achiti: “Muchiziva kuti imi mune zvinhu zviri nani uye zvinogara.” (VaHebheru 10:34) Hungu, vaKristu vepakutanga ivavo vakanga vane tariro yakasimba. Vaitarisira nechivimbo kugamuchira chimwe chinhu chaisazopambwa—“korona youpenyu” isingasvavi muumambo hwaMwari hwokudenga. (Zvakazarurwa 2:10) Nhasi, tariro yedu yechiKristu—ingava yokudenga kana kuti yepasi—inogona kutibatsira kuti tirambe tichifara kunyange patinosangana nenguva dzakaoma.

“Farai Patariro”

4, 5. (a) Nei zano raPauro roku“fara . . . patariro” rakanga rakakodzera panguva iyoyo kuvaRoma? (b) Chii chingakonzera muKristu kuti asanyanya kufunga nezvetariro yake?

4 Muapostora Pauro akakurudzira vamwe vatendi muRoma ku“fara . . . patariro” youpenyu husingaperi. (VaRoma 12:12) Iroro rakanga riri zano rakakodzera panguva iyoyo kuvaRoma. Munguva isingapfuuri makore gumi Pauro avanyorera, vakatambudzwa zvikuru, uye vamwe vakatambudzwa kusvika vafa zvichirayirwa naMambo Nero. Kutenda kwavo kuti Mwari aizovapa korona youpenyu yakapikirwa pasina mubvunzo kwakavasimbisa mukutambura kwavo. Zvakadini nesu nhasi?

5 Zvatiri vaKristu, isuwo nhasi tinotarisira kutambudzwa. (2 Timoti 3:12) Uyezve, tinoziva kuti “nguva nezvinoitika” zvinotiwira tose. (Muparidzi 9:11) Tsaona inogona kuuraya munhu watinoda. Chirwere chakaipa chinogona kuuraya mubereki kana shamwari yepamwoyo. Kana tikasanyatsofunga nezvetariro yoUmambo, tingakuvadzwa mumudzimu panouya miedzo yakadaro. Maererano naizvozvi, tinoita zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Ndino“fara . . . patariro” here? Ndinowana nguva yokuifungisisa kakawanda sei? Paradhiso iri kuuya chinhu chaichoicho kwandiri here? Ndinozviona ndiri mairi here? Ndichiri kutarisira kuguma kwenyika ino sezvandaiita pandakatanga kudzidza chokwadi here?’ Mubvunzo wokupedzisira uyu unoda kunyatsofungwa nezvawo. Nemhaka yei? Nokuti kana tine utano hwakanaka, tichirarama upenyu hwomutambarakede, uye tichigara munyika isinganyanyi kukanganiswa nehondo, isinganyanyi kuperevedza zvokudya, kana kuti isinganyanyi kuva nenjodzi dzinongoitika dzoga, tingasaona kudiwa kwokuti nyika itsva yaMwari iuye kunyanya panguva ino.

6. (a) Pauro naSirasi pavakatambudzwa, vakafunga nezvei? (b) Muenzaniso waPauro naSirasi ungatikurudzira sei nhasi?

6 Pauro akapazve vaRoma zano rokuti va‘tsungirire pakutambudzika.’ (VaRoma 12:12) Kutambudzika kwaisava chinhu chitsva kuna Pauro. Pane imwe nguva, akaratidzwa murume akamukumbira ku“yambukira . . . kuMakedhoniya” kuti abatsire vanhu ikoko kuti vadzidze nezvaJehovha. (Mabasa 16:9) Ipapo, Pauro pamwe naRuka, Sirasi, uye Timoti vakakwira chikepe kuenda kuEurope. Mamishinari iwayo aishingaira akanga akamirirwa nei? Nedambudziko! Vaparidza muguta rokuMakedhoniya reFiripi, Pauro naSirasi vakarohwa ndokuiswa mujeri. Sezviri pachena, hakusi kuti vamwe vagari vomuFiripi vakanga vasingangofariri mashoko oUmambo chete, asi vaishora zvakaomarara. Zvakazoitika izvi zvakaita kuti mamishinari aishingaira aya arege kufara here? Kwete. Varohwa kudaro nokuiswa mujeri, “panenge pakati pousiku Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera vachirumbidza Mwari norwiyo.” (Mabasa 16:25, 26) Chokwadi, kurwadziwa nokurohwa hakuna kumboita kuti Pauro naSirasi vafare, asi izvozvo handizvo zvakanyanyofungwa nemamishinari maviri aya. Pfungwa dzawo dzakanga dziri pana Jehovha uye nzira dzaaivakomborera nadzo. ‘Nokutsungirira pakutambudzika’ vachifara, Pauro naSirasi vakava mienzaniso yakaisvonaka kuhama dzavo muFiripi nokumwewo.

7. Nei minyengetero yedu ichifanira kuvawo nemashoko okuonga?

7 Pauro akanyora kuti: “Rambai muchinyengetera.” (VaRoma 12:12) Unonyengetera paunonyanya kufunganya here? Unonyengeterera chii? Zvichida unotaura zvinetso zvako chaizvo wokumbira kubatsirwa naJehovha. Asi unogona kutaurawo mashoko okuonga zvikomborero zvaunova nazvo. Panomuka zvinetso, kufunga nezvokunaka kwaJehovha paanobata nesu kunotibatsira “kufara . . . patariro.” Dhavhidhi, akanga ane upenyu hwakazara nezvinetso akanyora kuti: “Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji, nemifungo yenyu kwatiri; hapana ungaenzaniswa nemi. Kana ndikada kuzvidudzira nokuzvireva, hazvingaverengwi nokuwanda kwazvo.” (Pisarema 40:5) Kana isu, kufanana naDhavhidhi, tichifungisisa nguva dzose nezvezvikomborero zvatinogamuchira kubva kuna Jehovha, tichaona kuti zvinoita kuti tifare.

Ramba Uchifara

8. Chii chinobatsira muKristu kuramba achifara paanenge achitambudzwa?

8 Jesu anokurudzira vateveri vake kuti varambe vachifara pavanosangana nemiedzo yakasiyana-siyana. Anoti: “Munofara imi apo vanhu vanokuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema chinhu chakaipa chorudzi rwose nokuda kwangu.” (Mateu 5:11) Tine chikonzero chipi chokufara mumamiriro ezvinhu akadaro? Kugona kwedu kukurira kushorwa chiratidzo chokuti mudzimu waJehovha uri patiri. Muapostora Petro akaudza vamwe vaKristu muzuva rake kuti: “Kana muri kuzvidzwa nokuda kwezita raKristu, munofara, nokuti mudzimu wembiri, iwo mudzimu waMwari, uri pamuri.” (1 Petro 4:13, 14) Achishandisa mudzimu wake, Jehovha achatibatsirawo kuti titsungirire, uyewo pakupedzisira, kuti tirambe tichifara.

9. Chii chakabatsira dzimwe hama kuwana zvikonzero zvokufara padzakanga dziri mujeri nemhaka yokutenda kwadzo?

9 Kunyange patinenge tiri mumamiriro ezvinhu akaoma zvikuru, tinogona kuwana zvikonzero zvokufara. MuKristu anonzi Adolf akaona kuti ndozvazviri. Anorarama munyika iyo basa reZvapupu zvaJehovha rakanga richirambidzwa kwemakore akawanda. Adolf nevamwe vake vakawanda vakasungwa ndokutongerwa kugara mujeri kwenguva refu nemhaka yokuti vakaramba kusiya zvitendero zvavo zvinobva muBhaibheri. Upenyu hwomujeri hwakanga hwakaoma, asi kufanana naPauro naSirasi, Adolf nevamwe vake vakawana zvikonzero zvokuti vaonge Mwari. Vakaona kuti, zvakaitika mujeri zvakavabatsira kusimbisa kutenda kwavo uye kuti vave nounhu hwechiKristu hunokosha, hwakadai sokugovana nevamwe, kunzwira urombo, uye kuda hama. Somuenzaniso, apo musungwa aigamuchira pasuru kubva kumba, aigovana zvakanga zvirimo nevamwe vaainamata navo, avo vaiona zvinhu izvi sezvimwe zvokuwedzera zviri kubva kuna Jehovha, Mupi mukuru we“zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana.” Zviito zvomutsa zvakadaro zvakaunza mufaro kune aipa vamwe nokune vaigamuchira. Saka zvaiitwa kwavari kuti vasiye kutenda kwavo chaizvoizvo zvakavasimbisa mumudzimu!—Jakobho 1:17; Mabasa 20:35.

10, 11. Imwe hanzvadzi yakabata sei nokubvunzurudzwa kasingaperi kwakateverwa nokutongerwa kugara mujeri nguva yakareba?

10 Ella, anogarawo munyika yairambidzwa basa roUmambo kwenguva yakareba, akasungirwa kuudza vamwe tariro yake yechiKristu. Kwemwedzi misere, aibvunzurudzwa kasingaperi. Paakazotongwa, akapiwa mutongo wemakore gumi mujeri rakanga risina vamwe vanamati vaJehovha. Panguva iyoyo Ella akanga achingova nemakore 24 chete.

11 Chokwadi, Ella akanga asingatarisiri kupedzera nguva yakawanda youduku hwake ari mujeri. Asi sezvo akanga asingagoni kuchinja mamiriro ake ezvinhu, akasarudza kuchinja maonero ake. Akabva atanga kuona jeri sendima yake pachake yokuparidza. “Pakanga pane basa rokuparidza rakawanda,” anodaro, “zvokuti makore akakurumidza kufamba.” Papera makore mashanu, Ella akabvunzurudzwa zvekare. Zvaonekwa kuti kugara mujeri hakuna kuparadza kutenda kwake, vaimubvunzurudza vakamuudza kuti: “Hatikubudisi, hauna kuchinja.” “Asi ndachinja!” Ella akapindura zvakasimba. “Ndava kunyatsofara zvino kupfuura pandakapinda mujeri, uye kutenda kwangu kwasimba kupfuura pakutanga!” Uye akawedzera kuti: “Kana musingadi kundibudisa, ndichagara kusvikira Jehovha aona zvakodzera kundinunura.” Makore mashanu nehafu muusungwa akanga asina kuita kuti Ella asafara! Akadzidza kugutsikana nezvose zvaaisangana nazvo. Ungadzidza chimwe chinhu mumuenzaniso wake here?—VaHebheru 13:5.

12. Chii chingaita kuti muKristu anenge ari mumamiriro ezvinhu akaoma agadzikane?

12 Usagumisa kuti Ella ane chipo chakasiyana nechevamwe chinomuita kuti anangane nezvinonetsa zvakadaro. Achitaura nezvenguva yaakabvunzurudzwa mumwedzi yakatangira kupiwa kwake mutongo, Ella anobvuma kuti: “Ndinoyeuka meno angu achigeda-geda uye ndakanzwa sekashiri kavhundutswa.” Zvisinei, Ella ane kutenda kwakasimba muna Jehovha. Akadzidza kuvimba naye. (Zvirevo 3:5-7) Somugumisiro, ava kuona Mwari somunhu chaiyeiye. Anotsanangura kuti: “Nguva dzose pandaipinda muimba yokubvunzurudzwa, ndainzwa ndine rugare. . . . Painyanya kutyisa mamiriro acho ezvinhu, rugare rwacho ndoparwaitowedzera.” Jehovha ndiye aipa rugare irworwo. Muapostora Pauro anotsanangura kuti: “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7.

13. Chii chinoita kuti tive nechokwadi chokuti kana tikatambudzika, tichava nesimba rokutsungirira?

13 Ella akatobudiswa mujeri, akaramba achifara pasinei zvapo nokutambura. Akaita izvi, kwete nesimba rake, asi nesimba raakapiwa naJehovha. Izvozvo ndozvakaitikawo kumuapostora Pauro, akanyora kuti: “Naizvozvo, ndingasva zvangu ndazvirumbidza nomufaro mukuru kwazvo pamusoro pokusava nesimba kwangu, kuti simba raKristu rirambe riri pamusoro pangu setende. . . . Nokuti pandinenge ndisina simba, ndipo pandine simba.”—2 VaKorinde 12:9, 10.

14. Enzanisira maonero akanaka angaita muKristu mamiriro ezvinhu anoedza uye ungava mugumisiro wacho.

14 Zvinonetsa zvaungasangana nazvo nhasi zvingasiyana nezvatakurukura. Asi, chero zvazvingava, zvinonetsa zvakaoma kutsungirira. Somuenzaniso, waunoshandira angava achishora basa rako zvikuru—kupfuura zvaanoita basa revamwe vashandi vanopinda zvimwe zvitendero. Zvingasava nyore kuti utsvake rimwe basa. Ungaramba sei uchifara? Funga nezvaAdolf nevamwe vake, vakadzidziswa unhu hwakanaka nemhaka yezvakaitika kwavari mujeri. Kana ukaedza nepaunogona napo kugutsa waunoshandira—kunyange uya “akaoma kufadza”—uchava nounhu hwechiKristu hwakadai sokutsungirira nomwoyo murefu. (1 Petro 2:18) Uyezve, ungava mushandi anokosha zvikuru, zvingawedzera mikana yako yokuwana basa rinogutsa rimwe zuva. Zvino ngatikurukure dzimwe nzira dzingaita kuti tirambe tichifara mubasa raJehovha.

Kuita Kuti Upenyu Hwako Huve Nyore Kunounza Mufaro

15-17. Vamwe vaviri vakaroorana vakadzidza kuti chii chingadzivisa kuneta, kunyange zvinokukonzera zvisingabviswi zvachose?

15 Ungasava nezvakawanda zvaungagona kuita nezvebasa rokunyika raunoita kana kuti nezvekwaunoshanda, asi panogona kuva nezvimwe zvinhu zvoupenyu hwako zvaunogona kudzorawo. Chimbofunga nezvomuenzaniso unotevera.

16 VaKristu vakaroorana vakakoka mumwe mukuru kumba kwavo kuti azodya. Kwave kumanheru, hama yacho nomudzimai wayo vakataura kuti nguva pfupi yakanga yapfuura vaive vachinzwa kuremerwa nezvinonetsa zvoupenyu. Kunyange zvazvo vose vakanga vane mabasa enguva dzose aida nguva yakawanda, vakanga vasingakwanisi kutsvaka rimwe basa. Vainetseka nokuti vaizogara kwenguva yakareba sei zvinhu zvakadaro.

17 Paakakumbirwa mazano, mukuru wacho akapindura kuti, “Itai kuti upenyu hwenyu huve nyore.” Sei? Murume wacho nomudzimai wake vaipedza maawa matatu pazuva kuenda nokudzoka kubasa. Mukuru wacho, ainyatsoziva vaviri ava, akavapa zano rokuti vafunge nezvokuenda kunogara pedyo nebasa ravo, kuitira kuti vaderedze nguva yavanopedza vachienda nokudzoka kubasa zuva roga roga. Nguva yaichengetwa yaizoshandiswa kuita zvimwe zvinhu zvinokosha—kana kumbozorora. Kana zvinonetsa zvoupenyu zviri kukutorera mufaro wakati, wadii waongorora kuti haugoni here kuwana zororo nokugadziridza zvimwe zvinhu?

18. Nei zvichikosha kufungisisa nokungwarira tisati taita zvisarudzo?

18 Imwe nzira yokuderedza zvinonetsa ndeyokufungisisa usati waita chisarudzo. Somuenzaniso, mumwe muKristu akasarudza kuvaka imba. Akasarudza purani yakaoma zvikuru, kunyange zvazvo akanga asati ambovaka imba. Zvino anocherechedza kuti angadai akadzivisa zvinetso zvisina kufanira kudai ‘akafunga zvaaida kuita’ asati asarudza purani yemba yake. (Zvirevo 14:15) Mumwe muKristu akabvuma kuzobatsira kubhadhara chikwereti chewaainamata naye. Maererano nechibvumirano chacho, kana akakwereta wacho aizotadza kubhadhara chikwereti chacho, uya aizomubatsira aifanirwa kubhadhara. Pakutanga, zvinhu zvose zvakafamba zvakanaka, asi nokufamba kwenguva akakwereta akatanga kurega zvaiva muchibvumirano. Mukweretesi wacho akatanga kusava nechokwadi ndokurayira uya aizobatsira kuti abhadhare chikwereti chose. Izvi zvakaremera zvikuru uya aizobatsira kubhadhara. Zvingadai zvakadzivisika here kudai akafungisisa nokungwarira zvose zvaibatanidzwa asati abvuma kuti ndiye aizoona zvokuita nechikwereti chacho?—Zvirevo 17:18.

19. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaderedza nadzo kunetseka muupenyu hwedu?

19 Patinoneta, ngatisambozvifurira kuti tinogona kuderedza zvinonetsa zviri patiri ndokuwana mufaro wedu nokuregera kudzidza Bhaibheri tiri toga, kuita basa romumunda, nokupinda misangano. Aiwa, hazvingadaroka nokuti idzi inzira dzinokosha dzatinogamuchira nadzo mudzimu waJehovha, une chibereko chomufaro. (VaGaratiya 5:22) Mabasa echiKristu anozorodza nguva dzose uye kazhinji haanyanyonetesa. (Mateu 11:28-30) Zvinenge kuti mabasa edu okunyika kana okuzvivaraidza, kwete okunamata, ndiwo ari kutinetesa. Kudzidza kurara panguva dziri nani kunogona kutibatsira kudzokera kune zvatanga tiri pakutanga. Kumboti wedzerei kuzorora kunogona kubatsira zvikuru. N. H. Knorr, akashanda senhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha kusvikira parufu, aiwanzoudza mamishinari kuti: “Pamunoodzwa mwoyo, chinhu chokutanga kuita kumbozorora. Muchashamisika nokuona kuti chinoda kuva chinetso chose chinenge chave kuratidzika zviri nani kana mamborara zvakanaka usiku!”

20. (a) Pfupisa dzimwe nzira dzingaita kuti tirambe tine mufaro wedu. (b) Zvikonzero zvipi zvaungafunga zvokuva anofara? (Ona bhokisi riri papeji 17.)

20 VaKristu vane ropafadzo yokushumira “Mwari anofara.” (1 Timoti 1:11) Sezvataona, tinogona kuramba tichifara kunyange tichinetseka nezvinetso zvikuru. Ngatirambe tine tariro yoUmambo, tiruramise maonero edu pazvinenge zvakakodzera, uye torarama upenyu huri nyore. Ipapo, pasinei nokuti mamiriro ezvinhu api atinozviwana tiri, tichaita maererano nemashoko omuapostora Pauro okuti: “Garai muchifara munaShe. Zvakare ndinopamhidzazve, Farai!”—VaFiripi 4:4.

Nyatsofungisisa Mibvunzo Iyi:

• Nei vaKristu vachifanira kuramba vachifungisisa tariro yoUmambo?

• Chii chingatibatsira kuti tirambe tine mufaro wedu mumamiriro ezvinhu akaoma?

• Nei tichifanira kuedza kuita kuti upenyu hwedu huve nyore?

• Vamwe vakaita kuti upenyu hwavo huve nyore muzvinhu zvipi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 17]

Zvimwe Zvikonzero Zvokuva Vanofara:

Zvatiri vaKristu, tine zvikonzero zvakawanda zvokufara. Funga zvinotevera:

1. Tinoziva Jehovha.

2. Takadzidza chokwadi cheShoko raMwari.

3. Tinogona kukanganwirwa zvivi zvedu nokutenda kwedu muchibayiro chaJesu.

4. Umambo hwaMwari huri kutonga—nyika itsva ichava pano munguva pfupi iri kuuya!

5. Jehovha akatiunza muparadhiso yomudzimu.

6. Tinonakidzwa noushamwari hwechiKristu hunofadza.

7. Tine ropafadzo yokuita basa rokuparidza.

8. Tiri vapenyu, uye tine utano hwakanaka.

Ungadudza zvimwe zvikonzero zvokufara zvingani?

[Mufananidzo uri papeji 13]

Pauro naSirasi vaifara kunyange pavaiva mujeri

[Mifananidzo iri papeji 15]

Uri kutarisira nomufaro nyika itsva yaMwari here?