Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri ‘Kutenga Nguva Yakafanira’ Here?

Uri ‘Kutenga Nguva Yakafanira’ Here?

Uri ‘Kutenga Nguva Yakafanira’ Here?

MUAPOSTORA Pauro akapa zano vaKristu vomuEfeso yomuzana remakore rokutanga kuti: “Rambai muchinyatsongwarira kuti kufamba kwenyu kurege kuva sevanhu vasina kuchenjera asi sevakachenjera, muchizvitengera nguva yakafanira, nokuti mazuva akaipa.” (VaEfeso 5:15, 16) Nei zano iri rakanga rakafanira? Mhinduro yomubvunzo iwoyo inoda kuziva mamiriro ezvinhu aitarisana nevaKristu muguta iroro rekare.

Efeso yaizivikanwa noupfumi hwayo hwakawanda, unzenza hwakanyanya, utsotsi hwakapararira, uye mabasa echidhimoni akasiyana-siyana. Uyezve, vaKristu ikoko vaifanira kurwisana nezvaidavirwa nevazivi pamusoro penguva. VaGiriki vaisava vaKristu vaiva muEfeso vakanga vasingadaviri kuti nguva inofamba ichienda mberi. Uzivi hwechiGiriki hwakanga hwavadzidzisa kuti upenyu hwaidzokororwa muzvikamu zvisingaperi. Munhu aipedza nguva yake muchikamu chimwe choupenyu aikwanisa kuiwanazve muchimwe chikamu. Kufunga uku kungadaro kwakaita kuti vaKristu vomuEfeso vaone nenzira yokurerutsa nguva yaJehovha yokuita zvinhu, kusanganisira nguva yake yokutonga. Saka, zano raPauro ro‘kutenga nguva yakafanira’ rakanga rakakodzera.

Pauro akanga asiri kungotaurawo zvake nezvenguva. Shoko rechiGiriki raakashandisa rinoratidza nguva yakatarwa, nguva yakarongwa nokuda kwechinangwa chakati. Pauro aipa zano vaKristu vomuzana remakore rokutanga kuti vashandise nokuchenjera nguva yakafanira, kana kuti mwaka wenyasha, wavaiva nawo panguva iyoyo usati waguma uye ngoni dzaMwari uye tariro yokuponeswa zvisati zvabviswa.—VaRoma 13:11-13; 1 VaTesaronika 5:6-11.

Tiri kuraramawo munguva yakafanira yakafanana naiyoyo. Pane kupedza mwaka wenyasha usingazodzokororwi uyu nokutsvaka mifaro isingagari inopiwa nenyika, vaKristu vakachenjera kana vakashandisa nguva yavanayo kuita “mabasa ekuzvipira kuna Mwari” nokudaro vachisimbisa ukama hwavo noMusiki, Jehovha Mwari.—2 Petro 3:11; Pisarema 73:28; VaFiripi 1:10.