Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chinoita Kuti Vanhu Vatambure

Chinoita Kuti Vanhu Vatambure

Chinoita Kuti Vanhu Vatambure

“NEI MWARI MUCHIDARO?” Musoro mukuru iwoyo wakabuda papeji yokutanga yepepanhau rinoparadzirwa zvikuru pashure pokudengenyeka kwepasi muAsia Minor. Mufananidzo wakanga uripo wairatidza baba vainetseka vakanga vakatakura mwanasikana wavo akanga akuvadzwa vachibva mumusha wavo wakanga wawondomoka.

Hondo, kuperevedza kwezvokudya, nhenda, nenjodzi dzinozviitikira zvakakonzera marwadzo makuru, misodzi yakawandisa, nokufa kwevanhu vakawandisa. Pane ivava wedzera kutambura kwevanobatwa chibharo, vana vanobatwa zvisina kunaka, uye dzimwe mhosva. Chimbofunga kuwanda kwokukuvara uye rufu zvinokonzerwa netsaona. Uye kune nhamo inowanikwa nemabhiriyoni evanhu nemhaka yokurwara, kukwegura, uye rufu rwevadiwa.

Muzana remakore rechi20 ndimo makava nokutambura kwakanyanyisa kupfuura kare kose. Kubva muna 1914 kusvika muna 1918, Hondo yeNyika I yakauraya mauto anoda kusvika mamiriyoni gumi. Vamwe vanyori venhau dzakaitika vanoti yakauraya vanhuwo zvavo vakawandawo kudaro. MuHondo yeNyika II, mauto nevanhu vanenge mamiriyoni 50 vakaurayiwa, kusanganisira mamiriyoni evakadzi, vana uye vakwegura vasingagoni kuzvidzivirira. Muzana remakore rose rapfuura, mamwezve mamiriyoni evanhu akaurayiwa mukuparadzwa kworudzi, kuchinja hurumende, mhirizhonga yemadzinza, nzara, nourombo. Historical Atlas of the Twentieth Century inofungidzira kuti vanhu vanopfuura mamiriyoni 180 vakafa nemhaka yo“kuita zvakashata pamwero mukuru” kwakadaro.

Furuwenza yeSpain ya1918/19 yakauraya vanhu vanokwana mamiriyoni 20. Mumakore makumi maviri adarika, vanenge mamiriyoni 19 vakafa neAIDS, uye vamwe vanenge mamiriyoni 35 vane utachiona hunoikonzera. Mamiriyoni evana anosiyiwa asina vabereki—vanofa neAIDS. Uye vana vasingazivikanwi kuti vangani vari kufa neAIDS yavakatapurirwa pavakanga vachiri mudumbu.

Kumwe kutambura kwakawanda kuri kukonzerwa kuvana mune dzimwe nzira. Ichitaura mashoko akapiwa neUnited Nations Children’s Fund (UNICEF) pakupera kwa1995, Manchester Guardian Weekly yeEngland yakati: “Muhondo dzemakore gumi apfuura, vana mamiriyoni 2 vakaurayiwa, mamiriyoni 4 kusvika ku5 vakaremadzwa, vanokwana mamiriyoni 12 vakasiyiwa vasina misha, vanopfuura miriyoni vakasiyiwa vava nherera kana kuti vakaparadzaniswa nevabereki vavo uye mamiriyoni 10 vakakuvadzwa mupfungwa.” Pane ivava wedzera kubvisa pamuviri kunenge mamiriyoni 40 kusvika ku50 pasi pose—gore roga roga!

Mberi Kunei?

Vazhinji vanofunga kuti munguva yemberi muchaitika zvakaipa. Rimwe boka remasayendisiti rakati: “Mabasa evanhu . . . angakanganisa nyika ine zvipenyu zvokuti ichatadza kuita kuti upenyu hurambe huripo semaziviro atinozviita nhasi.” Vakawedzera kuti: “Kunyange panguva ino, munhu mumwe muvashanu anorarama muurombo hwokupedzisira asina zvokudya zvakakwana, uye mumwe mugumi anoshaya zvokudya zvinovaka muviri.” Masayendisiti acho akatora mukana wacho “kunyevera vanhu vose pamusoro pezviri mberi” ndokuti: “Kuchinja kukuru pakuchengetedza pasi redu noupenyu huri pariri kunodiwa, kuitira kuti pasave nenhamo huru yevanhu uye kuti musha wedu wepasi urege kuparadzwa zvachose.”

Nei Mwari akabvumira kutambura nouipi hwakawanda kudaro? Ari kuronga kugadzirisa zvinhu sei? Achazviita rini?

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 3]

Pamusoro, wheelchair: UN/DPI Photo 186410C by P.S. Sudhakaran; pakati, vana vari kuziya nenzara: WHO/OXFAM; pasi, murume akaondoroka: FAO photo/B. Imevbore