Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuvaka Mhuri Yakasimba Mumudzimu

Kuvaka Mhuri Yakasimba Mumudzimu

Kuvaka Mhuri Yakasimba Mumudzimu

“Rambai muchivarera mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VAEFESO 6:4.

1. Mwari aiva nechinangwa chei nokuda kwemhuri, asi chii chakazoitika?

“BEREKAI, muwande, muzadze nyika.” (Genesi 1:28) Nemashoko iwayo aaiudza Adhamu naEvha, Jehovha Mwari akatanga mhuri. (VaEfeso 3:14, 15) Vachitarira mberi, vaviri ivavo vokutanga vaigona kuona pasi rakazara nevana vavo—mhuri yakakura yevanhu vakakwana vanorarama vachifara muparadhiso uye vachinamata Musiki wavo Mukuru vakabatana. Asi Adhamu naEvha vakaita chivi, uye pasi hapana kuzadzwa nevanhu vakarurama, vanotya Mwari. (VaRoma 5:12) Asi upenyu hwemhuri hwakakurumidza kuparara, uye ruvengo, chisimba, uye kushayikwa kwo‘rudo rwokuzvarwa narwo’ zvazara, kunyanya mu“mazuva okupedzisira” ano.—2 Timoti 3:1-5; Genesi 4:8, 23; 6:5, 11, 12.

2. Vana vaAdhamu vaikwanisa kuitei, asi chii chaizodiwa kuti vavake mhuri yakasimba mumudzimu?

2 Adhamu naEvha vakasikwa mumufananidzo waMwari. Kunyange akanga ava mutadzi, Adhamu akatenderwa naJehovha kuti aite vana. (Genesi 1:27; 5:1-4) Kufanana nababa vavo, vana vaAdhamu vaikwanisa kuratidza tsika uye vaigona kudzidza kusiyanisa chakarurama nechisina kururama. Vaigona kurayiridzwa nezvenzira yokunamata nayo Musiki wavo uye zvakakoshera kumuda nomwoyo wose, mweya, pfungwa, nesimba. (Mako 12:30; Johani 4:24; Jakobho 1:27) Uyezve, vaigona kudzidziswa ‘kuti varuramisire uye vade unyoro uye vave nomwero pakufamba naMwari.’ (Mika 6:8) Zvisinei, sevanhu vanotadza vaizoda kuti ngwarirei kuitira kuti vavake mhuri dzakasimba mumudzimu.

Tengai Nguva

3. Vabereki vanga‘tenga nguva’ sei yokurera vana vechiKristu?

3 Munguva dzino dzinonetsa, dzakaoma, basa guru rinofanira kuitwa kuitira kuti vana vave vanhu va“noda Jehovha” vanonyatso‘venga zvakaipa.’ (Pisarema 97:10) Vabereki vakachenjera vacha‘tenga nguva’ kuti vaite basa iri rakaoma. (VaEfeso 5:15-17) Kana uri mubereki, ungaita sei izvi? Chokutanga, ronga zvaunofanira kutanga kuita, uchifunga nezve“zvinhu zvinokosha zvikuru,” kusanganisira kudzidzisa nokurovedza vana vako. (VaFiripi 1:10, 11) Chechipiri, ita kuti upenyu hwako huve nyore. Ungafanira kurega zvinhu zvisina kunyanyokosha. Kana kuti ungada kubvisa zvinhu zvisina basa zvinotora nguva yakawanda kuzvitarisira. Somubereki wechiKristu, hauzombozvidembi kuti wakaita zvinodiwa kuti urere vana vanotya Mwari.—Zvirevo 29:15, 17.

4. Mhuri ingachengetwa sei yakabatana?

4 Kupedza nguva mune vana venyu, kunyanya kana ichipedzerwa pazvinhu zvomudzimu, kwakanaka kwazvo uye ndeimwe yenzira dzakanakisisa dzokuita kuti mhuri irambe yakabatana. Asi hazvisi zvokuita pamunenge mawanira nguva. Rongai nguva yakati kuti yamuchapedza muri pamwe chete. Izvi hazvirevi kungova muimba imwe, muchiita mazvake-mazvake. Vana vanobudirira zvakanakisisa kana vachitarisirwa mazuva ose. Rudo nehanya zvinofanira kuratidzwa nyore nyore. Kunyange vasati vafunga kuva nevana, vakaroorana vanofanira kufungisisa mutoro uyu unokosha. (Ruka 14:28) Ipapo havazooni kurerwa kwevana sebasa rakaoma. Asi vachakuona seropafadzo ine chikomborero.—Genesi 33:5; Pisarema 127:3.

Dzidzisai Neshoko Nomuenzaniso

5. (a) Kudzidzisa vana kuda Jehovha kunotanga nei? (b) Vabereki vanopiwa zano rei pana Dheuteronomio 6:5-7?

5 Kudzidzisa vana venyu kuda Jehovha kunotanga nokumuda kwenyu imi pachenyu. Kuda Mwari zvakasimba kuchaita kuti mutevere mirayiridzo yake yose nokutendeka. Izvi zvinosanganisira kurera vana “mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4) Mwari anopa vabereki zano rokuratidza vana vavo muenzaniso, kukurukura navo, nokuvadzidzisa. Dheuteronomio 6:5-7 inoti: “Ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose. Zvino mashoko aya andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” Kana mukagara muchivapa zano nokudzokorora, munogona kuroverera mirayiro yaMwari muvana venyu. Nokudaro, vana venyu vachanzwisisa rudo rwamunarwo kuna Jehovha uye ivowo vachakurudzirwa kuswedera pedyo naye.—Zvirevo 20:7.

6. Sezvo vana vachidzidza nokuona muenzaniso, vabereki vangashandisa sei izvozvo?

6 Vana vanoda zvikuru kudzidza. Vanoda kuteerera nokucherechedza zvikuru uye vanokurumidza kutevedzera muenzaniso wenyu. Pavanoona kuti hamunyanyi kukoshesa zvokurarama nazvo, zvinovabatsira kudzidza nzira yokutevera nayo zano raJesu. Munovadzidzisa kusafunganya nezvezvinhu zvokurarama nazvo asi ku‘tanga kutsvaka umambo hwaMwari.’ (Mateu 6:25-33) Pamunotanga kukurukurirana kwakanaka kunovaka pamusoro pechokwadi cheBhaibheri, ungano yaMwari, uye vakuru vakagadzwa, munodzidzisa vana venyu kuremekedza Jehovha nokukoshesa zvinhu zvomudzimu zvaanotigovera. Sezvo vana vachikurumidza kuona kusiyana kwezvinhu, murayiridzo wamunotaura unofanira kutsigirwa nomufambiro uye mafungiro zvinoratidza kukoshesa zvikuru kwamunoita zvinhu zvomudzimu. Zvechokwadi, chikomborero chikuru apo vabereki vanoona kuti muenzaniso wavo wakanaka waita kuti vana vavo vade Jehovha nomwoyo wose!—Zvirevo 23:24, 25.

7, 8. Muenzaniso upi unoratidza kukosha kwokurovedza vana kubva vari vaduku, uye ndiani anofanira kupiwa mbiri yokubudirira kwacho?

7 Kukosha kwokurovedza vana kubvira vari vaduku kunogona kuonekwa mumuenzaniso wokuVenezuela. (2 Timoti 3:15) Ndewevamwe vaviri vechiduku vakaroorana, Félix naMayerlín. Vashumiri vanopayona. Pakaberekwa mwanakomana wavo Felito, vaida zvikuru kuita zvose zvavanogona kuti vamurere somunamati wechokwadi waJehovha. Mayerlín akatanga kuverengera Felito zvinonzwika Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Ari muduku, Felito anenge akanga ava kuziva Mosesi nevamwe vanhu vanoratidzwa mubhuku iri.

8 Paakanga achiri muduku zvikuru, Felito akatanga kupupurira ari oga. Akazadzikisa chido chake chokuva muparidzi woUmambo, uye gare gare akabhabhatidzwa. Kwapera nguva yakati Felito akava piyona wenguva dzose. Vabereki vake vanoti, “Sezvatinotarisa kufambira mberi kwomwanakomana wedu, tinoona kuti Jehovha ndiye ari kubatsira, pamwe chete nemirayiridzo yake.”

Batsirai Vana Kukura Mumudzimu

9. Nei tichifanira kuonga murayiridzo womudzimu watinogamuchira kubva kuboka romuranda akatendeka akangwara?

9 Kune magazini akawanda, mazana emabhuku, uye zviuru zvenzvimbo dzokubudisira mashoko dzeInternet zvinopa zano rokurerwa kungaitwa vana. Kakawanda “mashoko acho anopesana,” inodaro imwe magazini yaingotaura nezvevana chete yeNewsweek. “Zvinotonyanya kuvhiringidza ndezvokuti mashoko aunofunga kuti unogona kuvimba nawo anozoratidza kuti haana kururama zvachose.” Tinoonga kwazvo kuti Jehovha akagovera zvakawanda kuti mhuri dzirayiridzwe uye dzikure mumudzimu! Unoshandisa zvose zvinogoverwa nokuboka romuranda akatendeka akangwara here?—Mateu 24:45-47.

10. Chidzidzo cheBhaibheri chemhuri chinobudirira chinobatsira sei vabereki nevana?

10 Chimwe chinodiwa chinokosha kwazvo chidzidzo cheBhaibheri chemhuri chenguva dzose chisingachinji-chinji, chinoitwa musingamhanyi-mhanyi. Kuti muite kuti chirayiridze, chifadze, uye chikurudzire, kugadzirira zvakanaka kunodiwa. Vabereki vangaziva zviri mumwoyo nepfungwa dzevana vavo nokuita kuti vataure zvavanofunga. Imwe nzira yokuziva nayo kubatsira kuri kuita chidzidzo chemhuri kuona kana nhengo dzose dzemhuri dzichitarisira nomufaro kudzidza.

11. (a) Vabereki vangabatsira vana vavo kuva nevavariro dzei? (b) Chii chakaitika apo mumwe musikana wokuJapan akaita zvaakanga aronga?

11 Vavariro dzinoenderana neMagwaro dzinobatsirawo kuti mhuri isimbe mumudzimu, uye vabereki vanofanira kubatsira vana vavo kuva nadzo. Vavariro dzakakodzera dzinosanganisira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kuva muparidzi wenguva dzose wemashoko akanaka, uye kufambira mberi kusvika wazvitsaurira ndokubhabhatidzwa. Dzimwe vavariro dzingasanganisira kuita basa renguva yakazara uri piyona, uri paBheteri, kana kuti uri mumishinari. Paaiva kuchikoro chepuraimari, mumwe musikana wokuJapan anonzi Ayumi akava nevavariro yokupupurira kumunhu wose aiva mukirasi yake. Kuti aite kuti mudzidzisi wake nevaaidzidza navo vafarire, akakumbira mvumo yokuisa mabhuku eBhaibheri akasiyana-siyana muraibhurari. Somugumisiro, mumakore ake matanhatu okuchikoro chepuraimari, Ayumi akaitisa zvidzidzo zveBhaibheri 13. Mumwe wevadzidzi veBhaibheri ivavo nevamwe vomumhuri yake vakava vaKristu vakabhabhatidzwa.

12. Vana vangabatsirwa sei zvakanakisisa nemisangano yechiKristu?

12 Chinodiwawo kuti munhu ave noutano hwomudzimu hwakasimba kupinda misangano nguva dzose. Muapostora Pauro akapa vaainamata navo zano rokuti ‘vasarega kuungana kwavo pamwe chete, setsika yaiva nevamwe.’ Iyoyo ngairege kuva tsika yedu, nokuti vaduku nevakuru vanobatsirwa zvakafanana nokuva pamisangano yechiKristu nguva dzose. (VaHebheru 10:24, 25; Dheuteronomio 31:12) Vana vanofanira kudzidziswa kuteereresa. Kugadzirira misangano kunokoshawo, nokuti kubatsirwa kukuru kunobva pakupindurawo. Nepo mwana muduku angatanga nokutaura mashoko mashomanana kana kuverenga chikamu chiduku chendima, zvingabatsira zvikuru kana vana vakarovedzwa kutsvaka mhinduro ndokudzitaura nemashoko avo pachavo. Imi vabereki munoratidza muenzaniso nokupindura mhinduro dzine musoro nguva dzose here? Zvakanakawo kuti nhengo yoga yoga yemhuri ive neBhaibheri, bhuku renziyo, uye bhuku riri kushandiswa pakukurukurirana zveMagwaro.

13, 14. (a) Nei vabereki vachifanira kushanda nevana vavo muushumiri? (b) Chii chichayamura kuti basa romumunda ribatsire uye rifadze vana?

13 Vabereki vakachenjera vachanangidzira simba rouduku revana vavo pakushumira Jehovha, vachivabatsira kuita kuti kuparidza kuve chinhu chinokosha muupenyu hwavo. (VaHebheru 13:15) Nzira yoga iyo vabereki vanogona kuva nechokwadi chokuti vana vavo vacharovedzwa kuti vave vashumiri ‘vasina chokunyara nacho, vanobata shoko rechokwadi zvakarurama’ ndeyokushanda nevana vavo muushumiri. (2 Timoti 2:15) Saka zvino, zvakadini newe? Kana uri mubereki, unobatsira vana vako kugadzirira basa romumunda here? Kuita izvi kuchabatsira kuita kuti ushumiri hufadze, huve nezvahunoreva, uye hubudirire kwavari.

14 Nei zvichibatsira kuti vabereki nevana vavo vashande pamwe chete muushumiri? Nenzira iyi, vana vanogona kuona ndokutevedzera muenzaniso wakanaka wevabereki vavo. Panguva iyoyowo, vabereki vanogona kucherechedza mafungiro, kuzvibata, uye mano evana vavo. Ivai nechokwadi chokuenda nevana venyu mumarudzi akasiyana-siyana oushumiri. Kana zvichiita, mwana mumwe nomumwe ngaave nebhegi rake oga rokupupurira naro, uye mudzidzisei kurichengeta rakatsvinda richitaridzika zvakanaka. Pamunoramba muchidzidzisa nokukurudzira, muchaita kuti vana vakoshese ushumiri zvechokwadi, uye vachaona basa rokuparidza senzira yokuratidza rudo kuna Mwari nokumuvakidzani.—Mateu 22:37-39; 28:19, 20.

Chengetai Utano Hwomudzimu

15. Sezvo kuchengeta utano hwomudzimu hwemhuri kuchikosha zvikuru, ndedzipi dzimwe nzira dzokuita izvi?

15 Kuchengeta utano hwomudzimu hwemhuri kunokosha. (Pisarema 119:93) Imwe nzira yokuita izvi kukurukura zvinhu zvomudzimu nemhuri yenyu pamukana wose. Munokurukura rugwaro rwezuva rweBhaibheri navo here? Itsika yenyu here kutaurirana zviitiko zvomubasa romumunda kana pfungwa dziri mumagazini azvino eNharireyomurindi neMukai! pamunenge muchi“famba munzira?” Munoyeuka kuonga Jehovha mumunyengetero nokuda kwezuva rimwe nerimwe roupenyu uye nokuda kwezvakawanda zvaanotigovera ‘kana muchivata pasi, kana muchimuka’ here? (Dheuteronomio 6:6-9) Vana pavanoona kuda Mwari kuchiratidzwa muzvose zvamunoita, zvichavabatsira kuita kuti chokwadi chive chavo.

16. Kukurudzira vana kutsvakurudza pachavo kunokosha sei?

16 Dzimwe nguva vana vanoda kutungamirirwa kuti vabate zvinobudirira nezvinetso kana mamiriro ezvinhu anomuka. Pane kuvaudza zvokuita nguva dzose, munodii kuvaratidza mawanire avangaita kuti Mwari anoona sei nhau nokuvakurudzira kutsvakurudza pachavo? Kudzidzisa vana kushandisa zvakanaka zvishandiso zvose nemabhuku anogoverwa no“muranda akatendeka” kuchavabatsira kuva noukama hwepedyo naJehovha. (1 Samueri 2:21b) Uye pavanotaurirana nedzimwe nhengo dzemhuri kubatsira kwokuongorora kwavari kuita Bhaibheri, utano hwomudzimu hwemhuri hunowedzerwazve.

Vimbai naJehovha Zvizere

17. Nei vabereki vari voga vasingafaniri kuora mwoyo panyaya yokurera vana sevaKristu?

17 Zvakadini nemhuri dzine mubereki ari oga? Idzodzi dzinotarisana nematambudziko okuwedzera panyaya yokurera vana. Asi vabereki vari voga musaora mwoyo! Munogona kubudirira sezvinoratidzwa nevabereki vakawanda vari voga vakavimba naMwari, vakateerera kuti vashandise zano rake, uye vakarera vana vakanaka, vakasimba mumudzimu. (Zvirevo 22:6) Chokwadi, vaKristu vari vabereki vari voga vanofanira kuvimba zvizere naJehovha. Vanofanira kutenda kuti achabatsira.—Pisarema 121:1-3.

18. Vabereki vanofanira kufunga nezvezvinodiwa zvipi zvomupfungwa nezvomumuviri zvevana vavo, asi vanofanira kunyanyosimbirira chii?

18 Vabereki vakachenjera vanoziva kuti ‘pane nguva yokuseka nenguva yokupembera.’ (Muparidzi 3:1, 4) Chinokosha pakuvaka pfungwa nomuviri zvomwana inguva yokuzorora uye kutandara zvakanaka. Nziyo dzinovaka uye zvikurukuru kuimba nziyo dzokurumbidza Mwari kuchabatsira mwana kuva nemafungiro akanaka angaita basa rinokosha pakusimbisa ukama hwake naJehovha. (VaKorose 3:16) Upwere inguvawo yokugadzirira kuva munhu mukuru anotya Mwari, kuitira kuti kunakidzwa noupenyu kugone kupfuurira nokusingaperi muparadhiso pasi pano.—VaGaratiya 6:8.

19. Nei vabereki vangavimba kuti Jehovha achakomborera zvavari kuita kuti varere vana?

19 Jehovha anoda kuti mhuri dzose dzechiKristu dzirambe dzakasimba mumudzimu uye dzakabatana. Kana tichinyatsoda Mwari uye tichiita zvatinogona kuti titeerere Shoko rake, achakomborera zvatinoita uye achatigovera simba rinodiwa kuti titevere nhungamiro yake yakafuridzirwa. (Isaya 48:17; VaFiripi 4:13) Yeuka kuti mukana waunawo iye zvino wokudzidzisa nokurovedza vana vako wava muduku uye haugoni kudzokororwa. Ita zvose zvaunogona kuti ushandise zano reShoko raMwari, uye Jehovha achakomborera zvaunoita kuti uvake mhuri yakasimba mumudzimu.

Tadzidzei?

• Nei kutenga nguva kuchikosha zvikuru pakurovedza vana?

• Nei muenzaniso wakanaka womubereki uchidiwa?

• Ndedzipi dzimwe nzira dzinokosha dzokubatsira nadzo vana kukura mumudzimu?

• Utano hwomudzimu hwemhuri hungachengetwa sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 24, 25]

Mhuri dzakasimba mumudzimu dzinodzidza Shoko raMwari nguva dzose, dzinopinda misangano yechiKristu, uye dzinoita ushumiri pamwe chete