Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

“Nzvimbo tsvene-tsvene” yakazodzwa rini, sezvakafanotaurwa pana Dhanieri 9:24?

Dhanieri 9:24-27 uprofita hune chokuita nokuoneka kwa“Mesiya Mutungamiriri” (NW)—Kristu. Nokudaro kuzodza “Nzvimbo tsvene-tsvene,” kwakafanotaurwa hakurevi kuzodzwa kwekamuri Dzvene mutemberi muJerusarema. Asi, mashoko okuti “Nzvimbo tsvene-tsvene” anoreva nzvimbo tsvene yokudenga yaMwari—nzvimbo Tsvene tsvene yokudenga—mutemberi huru yomudzimu yaJehovha. *VaHebheru 8:1-5; 9:2-10, 23.

Temberi yaMwari yomudzimu yakatanga kushanda rini? Chimbofunga zvakaitika pakauya Jesu kuzobhabhatidzwa muna 29 C.E. Kubva ipapo, Jesu akazadzika mashoko ePisarema 40:6-8. Muapostora Pauro akazoratidza kuti Jesu akanga anyengetera kuna Mwari kuti: “Hamuna kuda chibayiro nechinopiwa, asi makandigadzirira muviri.” (VaHebheru 10:5) Jesu aiziva kuti Mwari ‘haana kuda’ kuti zvibayiro zvemhuka zvirambe zvichipiwa patemberi muJerusarema. Pane kudaro, Jehovha akanga agadzirira muviri womunhu wakakwana kuti Jesu aupe sechibayiro. Achiratidza chido chake chaibva pamwoyo, Jesu akapfuurira achiti: “Tarirai! ndauya (mumupumburu webhuku makanyorwa nezvangu) kuzoita kuda kwenyu, Haiwa Mwari.” (VaHebheru 10:7) Uye Jehovha akapindura sei? Evhangeri yaMateu inoti: “Achangobva kubhabhatidzwa Jesu akabuda mumvura; uye, tarira! matenga akazaruka, uye akaona mudzimu waMwari uchiburuka wakaita senjiva uchiuya paari. Tarira! Uyewo, kwakanga kune inzwi rakabva kumatenga rakati: ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera.’”—Mateu 3:16, 17.

Kubvuma kwaJehovha Mwari kupiwa kwomuviri waJesu kuti uve chibayiro kwaireva kuti atari huru kupfuura atari chaiyo yomutemberi yeJerusarema yakanga yavapo. Iyi yakanga iri atari yo“kuda” kwaMwari, kana kuti urongwa hwokugamuchira upenyu hwaJesu ari munhu sechibayiro. (VaHebheru 10:10) Kuzodza Jesu nomudzimu mutsvene kwaireva kuti Mwari zvino akanga aunza gadziriro yake yose yetemberi yomudzimu. * Nokudaro, panguva yokubhabhatidzwa kwaJesu, nzvimbo inogarwa naMwari kudenga yakazodzwa, kana kuti kutsaurwa, se“Nzvimbo tsvene-tsvene” mugadziriro yetemberi huru yomudzimu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Kuti uone panokurukurwa zvinhu zvakasiyana-siyana zvetemberi yomudzimu yaMwari, ona mapeji 14-19 eNharireyomurindi yaJuly 1, 1996.

^ ndima 5 Izvi zvakataurwa nezvazvo papeji 195 yebhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!

[Mufananidzo uri papeji 27]

“Nzvimbo tsvene-tsvene” yakazodzwa pakabhabhatidzwa Jesu