Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nguva Yakabvumirwa naMwari Kutambura Yava Kupera

Nguva Yakabvumirwa naMwari Kutambura Yava Kupera

Nguva Yakabvumirwa naMwari Kutambura Yava Kupera

KWOSE kwose kwaunotarisa, kune kutambura. Vamwe vanhu vanozviita voga kuti vatambure. Vanobatwa nezvirwere zvounzenza kana kuti vanotambura nezvinokonzerwa nokusashandisa zvakanaka zvinodhaka kana doro kana kuputa. Kana kuti vanogona kuva nezvinetso zvoutano nemhaka yokusadya zvakanaka. Zvisinei, kutambura kwakawanda kunobva muzvinhu kana kuti zviitiko zvisingagoni kudzorwa nomunhuwo zvake: hondo, mhirizhonga yemadzinza, kupara mhosva, urombo, kuperevedza kwezvokudya, hosha. Chimwe chinhu icho vanhu vasingatombogoni kudzora kutambura kunoenderana nokukura uye kufa.

Bhaibheri rinonyatsotiudza kuti “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Zvino, nei Mwari ane rudo akabvumira kutambura kwose uku kuti kurambe kuripo kwemazana emakore akawanda kudai? Achagadzirisa zvinhu rini? Kuti tipindure mibvunzo iyoyo, tinofanira kuongorora chinangwa chaMwari kuvanhu. Izvi zvichatibatsira kunzwisisa kuti nei Mwari akabvumira kutambura uye kuti achaitei nakwo.

Chipo Chokuzvisarudzira

Mwari paakasika munhu wokutanga, akasika zvinopfuura muviri une pfungwa chete. Uyezve, Mwari haana kusika Adhamu naEvha kuti vave zvidhori zvisingafungi. Akavaisira mano okugona kuzvisarudzira. Uye ichocho chakanga chiri chipo chakaisvonaka, nokuti “Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo.” (Genesi 1:31) Hungu, “basa rake rakakwana.” (Dheuteronomio 32:4) Tose tinokoshesa ichi chipo chokuzvisarudzira nokuti hatidi kuita zvokutaurirwa kuti funga ichi kana kuti ita ichi tisinawo zvatinosarudza kuita.

Zvisinei, chipo chakaisvonaka chokuzvisarudzira chaizoshandiswa pasina pachinoperera here? Mumirayiridzo yakapiwa kuvaKristu vepakutanga, Shoko raMwari rinopindura kuti: “Ivai sevanhu vakasununguka, asi muchiva norusununguko rwenyu kwete serwokufukidza uipi hwenyu, asi sevaranda vaMwari.” (1 Petro 2:16) Kuti zvinakire vakawanda, panofanira kuva nemiganhu. Nokudaro, kuzvisarudzira kwaifanira kudzorwa nokutonga kwomutemo. Dai zvaisadaro, paizova nokusateerera mutemo.

Mutemo Waani?

Mutemo waani waizoratidza paifanira kuperera rusununguko chaipo? Mhinduro yomubvunzo uyu ine chokuita nechikonzero chikuru chokuti nei Mwari akabvumira kutambura. Sezvo Mwari akasika vanhu, anonyatsoziva kuti mitemo ipi yavanoda kuteerera kuti zvivafambire zvakanaka uye kuti zvifambirewo vamwe zvakanaka. Bhaibheri rinozvitaura richidai: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.”—Isaya 48:17.

Zvakajeka kuti chinhu chinokosha ndeichi: Vanhu havana kusikwa kuti vazviraramire pasina Mwari. Akavasika munzira yokuti kubudirira uye kufara kwavo kunovapo kana vakateerera mitemo yake yakarurama. Muprofita waMwari Jeremia akati: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haisi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.”—Jeremia 10:23.

Mwari akaita kuti vanhu vadzorwe nemitemo yake yezvakasikwa, somutemo wesimba rinokwevera zvinhu pasi (gravity). Kufanana naizvozvo, akaita kuti vanhu vadzorwe nemitemo yake yetsika, yakaitirwa kuti pave nenzanga inoita zvinhu zvinowirirana. Saka, nechikonzero chakanaka, Shoko raMwari rinokurudzira kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako.”—Zvirevo 3:5.

Nokudaro, mhuri yomunhu hayaizombobudirira mukuti izvidzore pasina kubatsirwa nokutonga kwaMwari. Vachiedza kuzvitonga, vanhu vaizotanga maitiro emagariro, oupfumi, ezvematongerwe enyika, uye echitendero aizopesana neevamwe, uye ‘munhu aizova nesimba pamusoro pomumwe munhu achimuitira zvakaipa.’—Muparidzi 8:9.

Zvakazoipira Papi?

Mwari akapa vabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha mavambo akakwana. Vakanga vane miviri nepfungwa zvakakwana uye bindu raiva paradhiso kuti uve musha wavo. Kudai vakateerera mutemo waMwari, vangadai vakaramba vakakwana uye vachifara. Nokufamba kwenguva, vangadai vakazova vabereki vemhuri yose yevanhu yakakwana inorarama muparadhiso yepasi. Ichocho ndochakanga chiri chinangwa chaMwari nokuda kwevanhu.—Genesi 1:27-29; 2:15.

Zvisinei, madzitateguru edu okutanga akashandisa chipo chawo chokuzvisarudzira zvisiri izvo. Vakafunga zvisiri izvo kuti vaizobudirira pasina Mwari. Vachizvisarudzira zvokuita, vakabuda mukudzora kwemitemo yaMwari. (Genesi, chitsauko 3) Mwari akanga asingachafanirwi kuvatarisira vakakwana nokuti vakaramba kutonga kwake. ‘Vakazviitira zvakashata, havana kuramba vari vana vake, uye ndivo vakanga vatadza.’—Dheuteronomio 32:5.

Kubva panguva yavakarega kuteerera Mwari, Adhamu naEvha vakatanga kukwegura mumuviri nomupfungwa. Jehovha ndiye anopa upenyu. (Pisarema 36:9) Saka nemhaka yokuzvibvisa kuna Jehovha, vanhu vaviri vokutanga vakava vasina kukwana uye pakupedzisira vakafa. (Genesi 3:19) Maererano nemitemo yokugara nhaka, vana vavo vaizogamuchira zvaingova nevabereki vavo. Uye chaiva chii ichocho? Kwaiva kusakwana norufu. Naizvozvo muapostora Pauro akanyora kuti: “[Chivi chakapinda] munyika nemhaka yomunhu mumwe [Adhamu] norufu nemhaka yechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vaita chivi.”—VaRoma 5:12.

Nhau Huru—Uchangamire

Adhamu naEvha pavakapandukira Mwari, vakapokana nouchangamire hwake, ndiko kuti, kodzero yake yokutonga. Jehovha angadai akavaparadza ndokutanga patsva nevamwe vaviri, asi izvozvo zvingadai zvisina kupedza nhau yokuti kutonga kwaani kwakarurama uye kwakanakisisa nokuda kwevanhu. Vabvumirwa nguva kuti vatange nzanga dzavo maererano nemazano avo, vanhu vaizoratidza pasina kupokana kwose kana kutonga kusina Mwari kwaizombobudirira.

Kutonga kwevanhu kwezviuru zvemakore kunoratidzei? Kwemazana ose iwayo emakore, vanhu vakaedza marudzi akawanda emagariro, ezvoupfumi, ezvematongerwe enyika uye ezvechitendero. Zvisinei, uipi nokutambura zvakapfuurira. Kutaura zvazviri, ‘vanhu vakaipa vabva pakuipa vachienda pakuipisisa,’ zvikurukuru munguva yedu.—2 Timoti 3:13.

Zana remakore rechi20 rakava nokubudirira mune zvesayenzi nezveindasitiri. Asi rakavawo nokutambura kwakaipisisa munhau yose yevanhu. Uye pasinei nokuti kufambira mberi kupi kuri kuitwa mune zvokurapa, mutemo waMwari unongoramba uri wechokwadi: Vanhu vakatsauka kuna Mwari—anopa upenyu—vanorwara, vanochembera, uye vanofa. Zvechokwadi, zvave zvichiratidza zvakajeka kuti vanhu havangagoni ‘kururamisa nhano dzavo’!

Uchangamire hwaMwari Hwakasimbiswa

Munhau yose, uku kuedza kwakaipisisa kwokuzvibvisa kuna Mwari kwakaratidza kuti kutonga kwevanhu iye asipo hakufi kwakabudirira. Kutonga kwaMwari chete ndiko kunounza mufaro, kubatana, utano, noupenyu. Uyezve, Shoko raMwari rakakwana, Bhaibheri Dzvene, rinoratidza kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” okutonga kwevanhu pasina Mwari. (2 Timoti 3:1-5) Kubvumira kwaMwari zvinhu izvi uye uipi nokutambura zviri kusvika kumugumo wazvo.

Munguva pfupi iri kutevera Mwari achapindira munhau dzevanhu. Magwaro anotiudza kuti: “Namazuva amadzimambo iwayo [kutonga kwevanhu kuripo nhasi] Mwari wokudenga uchamutsa ushe [mudenga], husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kuno rumwe rudzi rwavanhu [vanhu havazombofi vakatonga nyika]; asi ihwo hwuchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [kutonga kuripo nhasi], ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.

Kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha Mwari achishandisa Umambo hwake hwokudenga ndiwo musoro weBhaibheri. Ndihwo hwakanyanya kudzidziswa naJesu. Akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.”—Mateu 24:14.

Apo kutonga kwaMwari kunotsiva kutonga kwevanhu, ndiani achapukunyuka uye ndiani asingapukunyuki? Pana Zvirevo 2:21, 22, tinovimbiswa kuti: “Nokuti vakarurama [vanotsigira kutonga kwaMwari] vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa [vasingatsigiri kutonga kwaMwari] vachaparadzwa panyika.” Munyori wepisarema akafuridzirwa naMwari akaimba kuti: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:10, 11, 29.

Nyika Itsva Yakaisvonaka

Mukutonga kwoUmambo hwaMwari, vanopukunyuka kuguma kwenyika ino vachapinzwa munyika yakabviswa uipi nokutambura. Vanhu vachapiwa mirayiridzo inobva kuna Mwari, uye nokufamba kwenguva “nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” (Isaya 11:9) Kudzidzisa uku kunovaka uye kunobatsira kuchaguma nenzanga ine rugare zvechokwadi, uye inowirirana. Nokudaro, kunenge kusisina hondo, kupondana, mhirizhonga, kubata chibharo, kuba, kana dzimwe mhaka.

Zvinobatsira muviri zvakaisvonaka zvichawanika nyore nyore nevanhu vanoteerera vanenge vachirarama munyika itsva yaMwari. Migumisiro yose yakaipa yokupandukira kutonga kwaMwari ichabviswa. Kusakwana, kurwara, kukwegura, uye rufu zvichava zvinhu zvenguva yakapfuura. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Hakuna ugeremo uchati: Ndinorwara.” Uyezve Magwaro anopikira kuti: “Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.” (Isaya 33:24; 35:5, 6) Zvichazofadza kwazvo kuva noutano hwakanaka mazuva ose—nokusingaperi!

Vachitungamirirwa naMwari norudo, vagari vomunyika itsva iyoyo vachashandisa simba ravo nounyanzvi mukugadzira paradhiso pasi pose. Urombo, nzara, nokushaya musha wokugara zvichange zvapera zvachose, nokuti uprofita hwaIsaya hunoti: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya.” (Isaya 65:21, 22) Chokwadi, “mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuwonde wake, hakuna ungazovatyisa.”—Mika 4:4.

Pasi pachaita maererano nokutarisira kworudo kwaMwari nevanhu vanoteerera. Tine Magwaro anotivimbisa aya: “Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richitumbuka seruva. . . . Mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango.” (Isaya 35:1, 6) “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.”—Pisarema 72:16.

Zvakadini nemabhiriyoni evanhu vakafa? Vaya vari mundangariro dzaMwari vachadzorerwa kuupenyu, nokuti “kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:15) Hungu, vakafa vachadzorerwa kuupenyu. Vachadzidziswa chokwadi chinoshamisa nezvokutonga kwaMwari uye ndokupiwa mukana wokurarama nokusingaperi muParadhiso.—Johani 5:28, 29.

Achishandisa izvi, Jehovha Mwari achachinja zvachose kutambura, kurwara, uye rufu zvave zvichiita vanhu varanda kwezviuru zvemakore. Funga kuti panenge pasisina kurwara! Pasisina kuremara! Pasisina rufu! Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga [zvichange] zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Mwari achagumisa uipi nenzira iyoyo. Achaparadza nyika ino ine uori ndokuunza imwe nyika itsva zvachose umo “kururama kuchagara.” (2 Petro 3:13) Aya mashoko akazonaka! Tatononokerwa nenyika itsva iyoyo. Uye hatizofaniri kumirira kwenguva yakareba kuti tiione. Kubva mukuzadzika kwouprofita hweBhaibheri, tinoziva kuti nyika itsva iri pamusuo, uye nguva yakabvumirwa naMwari kutambura yava kupera.—Mateu 24:3-14.

[Bhokisi riri papeji 8]

Kukundikana Kwokutonga Kwevanhu

Achitaura nezvokutonga kwevanhu, aichimbova Gurukota Guru reGermany Helmut Schmidt akati: “Isu vanhu . . . nguva dzose tave tichitonga nyika tichisarura, uye nguva zhinji yacho zvakaipa kwazvo. . . . Hatina kumboitonga murugare ruzere.” Human Development Report 1999 yakati: “Nyika dzose dzinoshuma kuparara kwomusimboti wemagariro adzo, nokusagadzikana munzanga, kuparwa kwemhosva kwakawanda, chisimba chakawanda mumisha. . . . Kutyisidzira munyika yose kuri kuwedzera, kuchidarika simba renyika rokuti ikukurire, uye kuri kuwanda kudarika zviri kuitwa nenyika kuti ikupedze.”

[Mifananidzo iri papeji 8]

“Vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 5]

Vechitatu kubva pamusoro, amai nomwana: FAO photo/B. Imevbore; pasi, kuputika: U.S. National Archives photo