Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nhungamiro yaMwari Pakusarudza Wokuroorana Naye

Nhungamiro yaMwari Pakusarudza Wokuroorana Naye

Nhungamiro yaMwari Pakusarudza Wokuroorana Naye

“Ndichakudzidzisa nokukurayira nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako.”—PISAREMA 32:8.

1. Zvii zvinodiwa kuti kuroora kubudirire?

VANORIDZA ngoma vanotanga kuridza ngoma dzavo. Mushauri anopindira nenzwi rake rinonakidza zvinonwisa mvura. Izvi zvinoguma norwiyo runonakidza samare. Varume vaviri vari kudzikisa mabhokisi ezvinhu anorema kubva muzirori. Ari murori anokandira ari pasi, uya ari pasi achigamha zvakanakanaka achigadzika pasi, omirira rimwe kuti rikandwe. Zvose zvinoita sezvinongoitika nyore nyore. Asi ndiani angaedza kuzviita asina kudzidzira, asina mumwe wokuita naye anokwanisa, uye zvikurukuru asina nhungamiro kana mirayiridzo yakarurama. Saizvozvowo, kuroora kunobudirira kungaita sokunongoerekana kwaitika. Zvisinei, naikowo kunoda mumwe anokwanisa, kushandira pamwe, uye zvikurukuru zano rokuchenjera. Chokwadi nhungamiro yakakodzera inokosha.

2. (a) Ndiani akatanga zvokuroorana, uye nechinangwa chei? (b) Kumwe kuroorana kwaiitwa sei?

2 Zviri muropa kuti mukomana kana musikana afunge nezvewokuroorana naye—wokugara naye kwoupenyu hwose. Kubva zvakwakatangwa naJehovha Mwari, kuroorana kwomurume nomukadzi kwave kuri tsika inoitwa muupenyu. Asi murume wokutanga, Adhamu, haana kusarudza mudzimai wake. Jehovha akaita zvokumupa nenzira yorudo. (Genesi 2:18-24) Vaviri vokutanga ava vaifanira kubereka vamwe vowanda kuitira kuti pasi pazopedzisira pazara nevanhu. Pashure pokubatanidzwa kwokutanga ikoko, kuroora kwaiwanzorongwa nevabereki vomukomana nomusikana, dzimwe nguva vaviri vacho vabvumirana nazvo. (Genesi 21:21; 24:2-4, 58; 38:6; Joshua 15:16, 17) Nepo kuroora kwokurongerwa kuchiri kuitwa mune dzimwe nyika uye tsika, vakawanda nhasi vanozvisarudzira wavanoda kuroorana naye.

3. Wokuroorana naye anofanira kusarudzwa sei?

3 Wokuroorana naye anofanira kusarudzwa sei? Vamwe vanotungamirirwa nechitarisiko—zvavanoona zvichifadza nokuyemurika mumaziso. Vamwe vanotarisa pfuma ine munhu, vachida munhu anozovatarisira zvakanaka uye achavapa zvavanoda nezvavanongofarirawo. Asi zvose izvi pachazvo zvinoita kuti pave noukama hunofadza uye hunogutsa here? Zvirevo 31:30 inoti, “Zvinofadza zvinonyengera, unaki hauna maturo; asi mukadzi unotya Jehovha, ndiye unofanira kurumbidzwa.” Uye ipapa ndipo pane pfungwa inokosha: Funga nezvaJehovha paunosarudza wokuroorana naye.

Nhungamiro Yorudo Inobva Kuna Mwari

4. Mwari anotipa rubatsiroi pakusarudza wokuroorana naye?

4 Baba vedu vokudenga vane rudo, Jehovha, vakatipa Shoko ravo rakanyorwa kuti rititungamirire munhau dzose. Vanoti: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.” (Isaya 48:17) Saka hazvishamisi kuwana muBhaibheri nhungamiro dzakaonekwa kuti dzinoshanda dzokusarudza wokuroorana naye. Jehovha anoda kuti patinoroorana nomunhu tibva tangogara tose zvachose tichifara. Naizvozvo, akatipa rubatsiro rwokuti tinzwisise ndokushandisa nhungamiro idzi. Ndizvoka zvataizotarisira kuti Musiki wedu anotida aite?—Pisarema 19:8.

5. Chii chinokosha kuti vanhu vakaroorana varambe vachifara?

5 Apo Jehovha akatanga zvokuroorana, aida kuti kuve kubatanidzwa kusingagumi. (Mako 10:6-12; 1 VaKorinde 7:10, 11) Ndicho chikonzero nei achi“venga kurambana,” achingoti kuitike kana paitwa “ufeve.” (Maraki 2:13-16; Mateu 19:9) Saka, kusarudza wokuroorana naye nderimwe rematanho akaoma zvikuru atingatora uye hakufaniri kurerutswa. Hazvisi zvisarudzo zvakawanda zvine mikana mizhinji yokuti munhu azofara kana kugumbuka sezvakaita yokusarudza wokuroorana naye. Nepo kusarudza zvakanaka kunganakisa upenyu hwomunhu ndokuita kuti hugutse, kutadza kusarudza kungaita kuti arambe achingotambura. (Zvirevo 21:19; 26:21) Kuti parambe pane mufaro, zvakakosha kusarudza nouchenjeri ndokunzwa uchida kuzvipira zvachose, nokuti Mwari akatanga kuroorana soukama hwevaviri hunobudirira kana vachipindirana uye vachishandira pamwe.—Mateu 19:6.

6. Nei majaya nemhandara vachifanira kunyanyongwarira pakusarudza wokuroorana naye, uye vangaita sei chisarudzo chokuchenjera zvikuru?

6 Majaya nemhandara vanofanira kunyanyongwarira kuti kukwezvwa nechitarisiko uye kurova kunoita hana yavo pavanoonana hakuvatadzisi kuona zvakanaka pakusarudza wokuroorana naye. Chokwadi, ukama hunovakirwa pazvinhu zvakadaro chete chete hunogona kukurumidza kusembura kana kutoguma nokuvengana. (2 Samueri 13:15) Kune rimwe divi, rudo runogara kwenguva yakareba runogona kukudziridzwa sezvatinosvika pakuziva watinoda kuroorana naye uye sezvatinozvinzwisisawo zviri nani. Tinofanira kuzivawo kuti zvakatinakira zvingasava izvo zvinotanga kufarirwa nomwoyo wedu. (Jeremia 17:9) Ndicho chikonzero nei nhungamiro yaMwari inowanika muBhaibheri ichikosha kwazvo. Inotibatsira kuziva nzira yatingaita nayo zvisarudzo zvokuchenjera zvikuru muupenyu. Munyori wepisarema akaratidza kuti Jehovha anoti: “Ndichakudzidzisa nokukurayira nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako.” (Pisarema 32:8; VaHebheru 4:12) Nepo kuroora kuchigutsa kuda rudo noushamwari kwatinoberekwa tiinako, kunewo zvinetso zvinoda kuti tive vakakura mupfungwa nevanonzwisisa.

7. Nei vamwe vasingateereri zano rinobva muBhaibheri rokusarudza wokuroorana naye, asi kuita kwakadai kunotungamirirepi?

7 Kuchenjera kuteerera zvinotaurwa neAkatanga zvokuroorana panyaya yokutsvaka wokuroorana naye. Nepo, tingakurumidza kuisa zvimiti munzeve patinopiwa zano rinobva muBhaibheri nevabereki kana kuti vakuru veungano. Tingafunga kuti havanyatsotinzwisisa, uye zvatinonzwa tichinyanyoda zvingaita kuti titevere kwakarerekera mwoyo. Zvisinei, patinozotarisana nechokwadi tingazvidemba kuti hatina kuteerera zano rokuchenjera raipiwa kuti tibatsirwe. (Zvirevo 23:19; 28:26) Tingazviwana tisingachadanani nomunhu watakaroorana naye, tiine vana vatiri kutambudzika kutarisira, uye zvichida tiine murume kana mudzimai asingatendi. Zvinozotirwadza zvikuru patinoparirwa nhamo nechinhu chingadai chakaita kuti tifare zvikuru!

Kuzvipira Kuna Mwari—Ndiko Kunokosha

8. Kuzvipira kuna Mwari kunobatsira sei kuti mhuri ipfuurire uye iunze mufaro?

8 Ichokwadi kuti kukwezvana kunobatsira kuita kuti mhuri isimbe. Asi zvamunokoshesa mose zvinotokosha zvikuru kuti mhuri ipfuurire uye ive nomufaro. Kuzvipira mose kuna Jehovha Mwari kunoumba chisungo chakasimba uye kunokurudzira kubatana zvisingaitwi nezvimwe zvinhu. (Muparidzi 4:12) Varoorani vechiKristu pavanovakira upenyu hwavo pakunamata Jehovha, vanobatana mumudzimu, mupfungwa, uye mutsika. Vanodzidza Shoko raMwari pamwe chete. Vanonyengetera pamwe chete, uye izvozvo zvinobatanidza mwoyo yavo. Vanoenda vose kumisangano yechiKristu uye vanoshanda vose muushumiri hwomumunda. Zvose izvi zvinobatsira kuumba chisungo chomudzimu chinoita kuti vaswedere pedyo nepedyo. Zvakatonyanya kukosha, zvinoguma nokukomborerwa naJehovha.

9. Abrahamu akaitei pakutsvakira Isaka mudzimai, uye zvikazoita sei?

9 Nemhaka yokuzvipira kwake kuna Mwari, tateguru akatendeka Abrahamu akatsvaka kufadza Mwari pakasvika nguva yokusarudzira mwanakomana wake Isaka mudzimai. Abrahamu akati kumuranda wake waaivimba naye: “Ndikupikise naJehovha Mwari wokudenga, naMwari wenyika, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKanani, vandinogara pakati pavo; asi uende kunyika yangu, nokuhama dzangu, undotorera ikoko mwanakomana wangu Isaka mukadzi. . . . [Jehovha] uchatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti utorere mwanakomana wangu mukadzi ikoko.” Rebheka akava mudzimai akasiyana nevamwe, akadiwa naIsaka zvikuru.—Genesi 24:3, 4, 7, 14-21, 67.

10. Zvii zviri muMagwaro izvo varume nevadzimai vanosungirwa kuita?

10 Kana tiri vaKristu vasina kuroora, kuzvipira kuna Mwari kuchatibatsira kukudziridza unhu huchaita kuti tikwanise kusvitsa zvinodiwa neMagwaro zvokuroora. Pazvinhu izvo varume nevadzimai vanosungirwa kuita pane izvi zvakataurwa naPauro: “Vakadzi ngavazviise pasi pevarume vavo sokunaShe . . . Varume, rambai muchida vakadzi venyu, sezvo Kristu akadawo ungano akazvipa nokuda kwayo . . . Varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. . . . Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mukadzi wake sezvaanozviita; uyewo, mukadzi anofanira kuremekedza murume wake zvikuru.” (VaEfeso 5:22-33) Sezvatinogona kuona, mashoko akafuridzirwa aPauro anosimbisa kudiwa kworudo rukuru noruremekedzo. Kuita maererano nezano iri kunosanganisira kutya Mwari zvine ruremekedzo. Kunoda kuzvipira nomwoyo wose munguva dzakanaka nedzakashata. VaKristu vari kufunga zvokuroora vanofanira kunge vachikwanisa kutakura mutoro uyu.

Kusarudza Nguva Yokuroora

11. (a) Magwaro anopa zano rei pamusoro penguva yokuroora? (b) Muenzaniso upi unoratidza kuchenjera kwokutevera zano reBhaibheri rakanyorwa pana 1 VaKorinde 7:36?

11 Kuziva nguva yatinenge tagadzirira kuroora kunokosha. Sezvo izvi zvichisiyana kumunhu nomunhu, Magwaro haatauri zera. Zvisinei, anoratidza kuti zviri nani kumirira kusvikira ta“yaruka,” tapfuura nguva yatinonyanya kunzwa tichida kurara nomunhu, zvingaita kuti titadze kusarudza zvakanaka. (1 VaKorinde 7:36) “Pandakaona shamwari dzangu dzichidanana nevakomana uye dzichiroorwa, dzakawanda dzacho dzichiri kuyaruka, dzimwe nguva zvakanga zvakaoma kushandisa zano iri,” anodaro Michelle. “Asi ndakaziva kuti zano racho riri kubva kuna Jehovha, uye anongotiudza zvinotibatsira chete. Pandaimirira kuroorwa, ndakakwanisa kunyanyofunga nezvoukama hwangu naJehovha uye kuwana ruzivo muupenyu, rwaungasakwanisa kuwana mumakore ako okuyaruka. Makore akati kuti akazotevera, ndakanga ndagadzirira zviri nani kutakura mitoro yacho pamwe chete nezvinetso zvinomuka mumhuri.”

12. Nei kuri kuchenjera kusamhanyira kuroora paunenge uchiri muduku?

12 Vaya vanomhanyira kuroora vachiri vaduku vanowanzowana kuti zvavanoda nezvavanoshuva zvinochinja pavanokura. Ndipo pavanoona kuti zvinhu zvavaimboona zvichifadza hazvichakoshi. Mumwe muKristu wechiduku akanga akatsunga kuroorwa ava nemakore 16. Ambuya vake naamai vake vakaroorwa pazera iroro. Apo jaya raaidanana naro rakaramba kumuroora panguva iyoyo, akasarudza mumwewo aida kumuroora. Gare gare muupenyu, akademba kwazvo kukurumidza kuroorwa kwaakaita.

13. Vaya vanokurumidza kuroora, kakawanda vanenge vasina chii?

13 Pakufunga nezvokuroora, zvinokosha kunzwisisa somunhu mukuru zvose zvinobatanidzwa. Kukurumidza kuroora kunogona kuunza zvinetso zvakawanda izvo vakaroorana vechiduku vangadaro vasina kunyatsogadzirira kubata nazvo. Vangava vasina ruzivo uye vasina kukura mupfungwa zvinodiwa kuti vabate nenhamo dzemba nokurera vana. Tinongofanira kuroora patinenge tagadzirira mumuviri, mupfungwa, uye mumudzimu kuva noukama husingagumi.

14. Chii chinodiwa kuti tigadzirise zvinhu zvinonetsa mumba?

14 Pauro akanyora kuti vaya vanoroora “vachatambudzika panyama yavo.” (1 VaKorinde 7:28) Zvinetso zvichamuka nokuti vanhu vaviri vacho vakasiyana, uye maonero achasiyana. Nemhaka yokusakwana kwevanhu, zvingaoma kuita basa redu rinotaurwa muMagwaro nokuda kwevakaroorana. (1 VaKorinde 11:3; VaKorose 3:18, 19; Tito 2:4, 5; 1 Petro 3:1, 2, 7) Zvinoda kukura mupfungwa uye kutsiga mumudzimu kuti titsvake kutungamirirwa naMwari kuitira kuti tigadzirise zvinhu zvinonetsa nenzira yorudo.

15. Vabereki vangaita basa rei mukugadzirira vana vavo kuroora? Enzanisira.

15 Vabereki vangagadzirira vana vavo kuroora nokuvabatsira kunzwisisa kukosha kwokutevera nhungamiro yaMwari. Vachishandisa Magwaro nemabhuku echiKristu nounyanzvi, vabereki vanogona kubatsira vana vavo kuziva kana ivo kana kuti vavanoda kuroorana navo vagadzirira kuzvipira kunodiwa pavanhu vakaroorana. * Blossom aiva nemakore gumi nemasere aifunga kuti aidanana nomukomana aiva muungano yake. Mukomana wacho aiva piyona, mushumiri wenguva yakazara, uye vaida kuroorana. Asi vabereki vake vakamukumbira kumira kwegore rimwe, vachifunga kuti akanga achiri muduku. Blossom akazonyora kuti: “Ndinoonga zvikuru kuti ndakateerera zano iroro rokuchenjera. Mugore racho, ndakati kurei ndokutanga kuona kuti mukomana uyu akanga asina unhu hwaizoita kuti ave murume akanaka. Akazosiya sangano, uye ndakapona pane ingadai yakava njodzi muupenyu hwangu. Zvinofadza chaizvo kuva nevabereki vakachenjera vane mazano atinogona kuvimba nawo!”

‘Roora munaShe Bedzi’

16. (a) VaKristu vangaedzwa sei paku‘roora munaShe bedzi’? (b) VaKristu vanofanira kufunga nezvei pavanoedzwa kuti varoore asingatendi?

16 Zvinotaurwa naJehovha kuvaKristu zvakajeka kwazvo: ‘Roora munaShe bedzi.’ (1 VaKorinde 7:39) Vabereki vechiKristu nevana vavo vangaedzwa panyaya iyi. Sei? Vechiduku vangada kuroora, asi muungano mungava musina vokuroorana navo. Zvinowanzoita sezvakadaro. Munzvimbo yakati mungava nevanhurume vashoma kupfuura vanhukadzi, kana kuti mungasava neanganzi akakodzera munharaunda macho. Mukomana asiri nhengo yakabhabhatidzwa yeungano angafarira musikana wechiKristu (kana kuti musikana asiri nhengo yakabhabhatidzwa ndiye angadaro), uye vanganzwa vava kuda kutyora zvinodiwa naJehovha zvaakagadza. Kana zvinhu zvadai, zvingava zvakanaka kufunga nezvomuenzaniso waAbrahamu. Imwe nzira yaakaramba nayo aine ukama hwakanaka naMwari yakanga iri yokuona kuti mwanakomana wake Isaka aroora munamati wechokwadi waJehovha. Ndizvo zvakaitawo Isaka panyaya yomwanakomana wake Jakobho. Izvi zvaida kuti vose vaibatanidzwa vatsungirire, asi zvakafadza Mwari uye zvakaguma nechikomborero chake.—Genesi 28:1-4.

17. Nei kuroorana neasingatendi kungava kune ngozi, uye ndechipi chikonzero chinonyanyokosha choku‘roora munaShe bedzi’?

17 Kashoma apo asingatendi anoguma ava muKristu. Zvisinei, kuroorana nevasingatendi kakawanda kwakaguma nematambudziko. Vaya vanoiswa pajoko rimwe vasingapindirani havatendi zvinhu zvakafanana, havana tsika kana vavariro dzakafanana. (2 VaKorinde 6:14) Izvi zvingava nomugumisiro wakashata pakukurukurirana nepamufaro wemhuri. Somuenzaniso, mumwe mukadzi wechiKristu akademba-temba kuti pashure pomusangano unovaka, akanga asingagoni kunokurukura zvinhu zvokunamata nomurume wake asingatendi kana aenda kumba. Chokwadi, zvinokosha zvikuru, ‘kuroora munaShe bedzi’ inhau yokuvimbika kuna Jehovha. Patinoita maererano neShoko raMwari, mwoyo wedu hautipi mhosva, nokuti tiri kuita “zvinofadza mumeso ake.”—1 Johani 3:21, 22.

18. Pakufunga nezvokuroora, inhau dzipi dzinokosha dzinofanira kufungwa nezvadzo, uye nei?

18 Paunofunga zvokuroora, unhu hwakanaka uye utano hwomudzimu zvomunhu anoda kuroorwa ndizvo zvinofanira kunyanyofungwa nezvazvo. Unhu hwechiKristu, pamwe nokuda Mwari nokuzvipira kwaari nomwoyo wose, zvinokosha zvakanyanya kudarika kukwezva kunoita munhu. Vaya vanokoshesa ndokuita zvavanofanira kuita kuti vave murume nomukadzi vakasimba mumudzimu vanotenderwa naMwari. Uye simba rakakura zvikuru ringava nevakaroorana rinobva pakuzvipira vose kuMusiki uye kubvuma zvizere kutungamirirwa naye. Nenzira iyi Jehovha anokudzwa, uye imba yacho inotanga pahwaro hwomudzimu hwakasimba huchabatsira kuti pave noukama husingagumi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1999, mapeji 4-8.

Ungapindura Sei?

• Nei tichida kutungamirirwa naMwari kuti tisarudze wokuroorana naye akanaka?

• Kuzvipira kuna Mwari kuchabatsira sei kusimbisa chisungo chokuroorana?

• Vabereki vangagadzirira sei vana vavo kuroora?

• Nei zvichikosha ku‘roora munaShe bedzi’?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 17]

Kushandisa zano raMwari pakusarudza wokuroorana naye kunogona kuguma nomufaro mukuru

[Mifananidzo iri papeji 18]

Zvikomborero zvakawanda zvinobva paku‘roora munaShe bedzi’