Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Nouchenjeri Mazuva Edu Achava Mazhinji’

‘Nouchenjeri Mazuva Edu Achava Mazhinji’

‘Nouchenjeri Mazuva Edu Achava Mazhinji’

NDIANI angaramba kuti uchenjeri hunokosha kwazvo kana toreva nezvokubata nezvinetso zvoupenyu? Uchenjeri hwechokwadi mano okugona kushandisa nemazvo zivo nenzwisiso. Hwakasiyana zvachose noupenzi uye kupenga. Nokudaro magwaro anotikurudzira kuwana uchenjeri. (Zvirevo 4:7) Kutaura zvazviri, bhuku reBhaibheri raZvirevo rakanyorerwa zvikurukuru kuti ripe zivo nerovedzo. Mashoko aro okutanga anoti: “Zvirevo zvaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsraeri: kuti vanhu vazive uchenjeri nokurayirirwa.”—Zvirevo 1:1, 2.

Chimbofunga nezvedzidziso dzakasimba dzezvitsauko zvishoma zvokutanga zvaZvirevo. Kunge baba vane rudo vari kukurudzira mwanakomana wavo, Soromoni anokumbira vaverengi vake kuti vabvume kurayirirwa uye kuti vafunge nezvouchenjeri. (Zvitsauko 1 ne2) Anotiratidza kuti tingava sei noushamwari hwepedyo naJehovha uye kuti tingachengetedza sei mwoyo wedu. (Zvitsauko 3 ne4) Tinorayirwa kuti tirambe takachena mutsika. (Zvitsauko 5 ne6) Hungu, chinokosha kwatiri kufumurwa kwemaitiro omunhu anoita unzenza. (Chitsauko 7) Uye zvechokwadi kukumbira kwouchenjeri hunofananidzwa nomunhu kunokwezva vanhu vose! (Chitsauko 8) Asati apfuurira kune zvimwe zvirevo zvipfupi muzvitsauko zvinozotevera, Mambo Soromoni anopa pfupiso inotokonya pfungwa yezvaakurukura kusvika apa.—Chitsauko 9.

‘Uyai Mudye Chingwa Changu uye Munwe Waini Yangu’

Mhedziso yechikamu chokutanga chaZvirevo haisi pfupiso isinganakidzi inongodudza zano rambopiwa. Asi, inopiwa somuenzaniso unonakidza uye wakanaka, unokurudzira muverengi kuti atsvake uchenjeri.

Chitsauko chechi9 chebhuku reBhaibheri raZvirevo chinotanga nemashoko aya: “Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.” (Zvirevo 9:1) Mashoko okuti “mbiru nomwe,” inodaro imwe nyanzvi, “anoratidza imba youmbozha yakavakwa pachivanze chihombe, yakatsigirwa nembiru divi nedivi uye imwe chete kudivi rechitatu rakatarira kuchivanze kune gedhi rokupinda naro.” Chero zvazviri, uchenjeri hwechokwadi hwakavaka imba yakasimba yokugamuchira vaeni vakawanda.

Zvinhu zvose zvagadzirirwa mutambo wokudya. Nyama iripo, uyewo waini. Uchenjeri hwaona kuti zvokudya zvagadzirirwa uye tafura yarongedzwa. “Hwakabaya zvipfuyo zvahwo; hwakavhenganisa waini yahwo; hwagadzirawo tafura yahwo.” (Zvirevo 9:2) Zviri pachena kuti zvokudya zvomudzimu zvinoda kunyatsofungisisa zvinowanika patafura iyi yokufananidzira.—Isaya 55:1, 2.

Ndivanaani vanokokwa kumutambo wokudya wagadzirwa nouchenjeri hwechokwadi? “Hwakatuma varandakadzi vahwo; hunodanidzira pamitunhu yeguta, huchiti: Usina mano ngaatsaukire muno; usina njere hunoti kwaari: Uyai mudye chingwa changu, munwe waini yandakavhenganisa. Regai kusasvinuka, murarame; mufambe nenzira yenjere.”—Zvirevo 9:3-6.

Uchenjeri hwatuma varandakadzi vahwo kuti vakokere. Vaenda kunzvimbo dzevazhinji kwavanogona kudanidzira kuvanhu vakawanda kwazvo. Vose vanokokwa—vaya “vasina mano,” kana kuti vaya vasina nzwisiso, uyewo vaya vasina ruzivo. (Zvirevo 9:4) Uye vanopiwa vimbiso youpenyu. Uchenjeri huri muShoko raMwari, kusanganisira huri mubhuku raZvirevo, chokwadi hunowanikwa neanenge munhu wose. Nhasi, senhume dzouchenjeri hwechokwadi, Zvapupu zvaJehovha zvakabatikana kukoka vanhu, kwose kwavanowanikwa, kuti vadzidze Bhaibheri. Kupinza zivo iyi zvechokwadi kunotungamirira kuupenyu husingaperi.—Johani 17:3.

VaKristu vanofanira kugamuchira nokuzvininipisa kurayirira kwouchenjeri. Zvikurukuru vaduku nevaya vachangotanga kudzidza nezvaJehovha vanofanira kuita izvi. Nemhaka yoruzivo rushoma munzira dzaMwari, vangava “vasina mano.” Hazvirevi kuti zvavanoda kuita zvose zvakaipa, asi zvinotora nguva nesimba kuita kuti mwoyo usvike panonyatsofadza Jehovha Mwari chaizvoizvo. Izvi zvinoda kuita kuti mafungiro, zvido, manzwiro, vavariro zviwirirane nezvinotenderwa naMwari. Saka zvinokosha kuti va‘pange mukaka usina kushatiswa weshoko.’—1 Petro 2:2.

Kutaura zvazviri, tose zvedu hatifaniri here kupfuura “dzidziso yokutanga”? Chokwadi tinoda kutanga kufarira “zvinhu zvakadzika zvaMwari” ndokuvakwa nezvokudya zvikukutu zvevanhu vakuru. (VaHebheru 5:12–6:1; 1 VaKorinde 2:10) “Muranda akatendeka, akangwara” anodzorwa zvakananga naJesu Kristu, anoshingaira kugovera vose zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira. (Mateu 24:45-47) Ngatidye patafura youchenjeri nokushingaira kudzidza Shoko raMwari nemabhuku eBhaibheri anogoverwa neboka romuranda.

“Usarayira Mudadiri”

Dzidziso dzouchenjeri dzinosanganisirawo kururamisa uye kutsiura. Zvinoitwa nouchenjeri izvi hazvidiwi nevanhu vakawanda. Saka, kunoperera chikamu chokutanga chebhuku raZvirevo kune yambiro inoti: “Munhu, unorayira mudadiri, unozvitsvakira kunyadziswa; unotuka munhu wakaipa uchasvibiswa. Usarayira mudadiri, kuti arege kukuvenga.”—Zvirevo 9:7, 8a.

Mudadiri anotsamwira uye anovenga munhu anenge achiedza kumubatsira kururamisa nzira yake. Munhu akaipa haaoni kukosha kwokutsiurwa. Zvechokwadi, kunenge kuri kusachenjera kuedza kudzidzisa chokwadi cheShoko raMwari kune mumwe munhu anovenga chokwadi kana kuti anenge achingoda kuchidadira! Muapostora Pauro paakanga achiparidza muAndiyoki, akasangana neboka revaJudha vakanga vasingadi chokwadi. Vakaedza kumubatanidza mugakava nokumupikisa vachimhura, asi Pauro akangoti: “Sezvo muri [kusundira kure Shoko raMwari] uye musingazvirangariri semakafanirwa noupenyu husingaperi, tarirai! tave kutendeukira kumamwe marudzi.”—Mabasa 13:45, 46.

Patinenge tichiedza kusvika vane mwoyo yakatendeseka nemashoko akanaka oUmambo, ngatingwarirei kusabatanidzwa nevadadi mumakakava nenharo. Kristu Jesu akarayira vadzidzi vake kuti: “Pamunenge muchipinda mumba, kwazisai imba yacho; uye kana imba ichifanira, rugare rwamunoishuvira ngaruuye pairi; asi kana isingafaniri, rugare runobva kwamuri ngarudzokere pamuri. Kwose kusina munhu anokupinzai mukati kana kuteerera mashoko enyu, pakubuda mumba iyoyo kana guta iroro zunzai guruva riri patsoka dzenyu.”—Mateu 10:12-14.

Zvinoita munhu akachenjera kana atsiurwa zvakasiyana nezvinoita mudadi. Soromoni anoti: “Rayira munhu wakachenjera, iye uchakuda. Ipa wakachenjera dzidzo, ipapo iye uchawedzera uchenjeri.” (Zvirevo 9:8b, 9b) Munhu akachenjera anoziva kuti “hapana chirango chinoita sechinofadza panguva ino, asi chinoshungurudza; asi gare gare chinoberekera vakarovedzwa nacho chibereko chine rugare, iko kururama.” (VaHebheru 12:11) Kunyange zvazvo zano racho ringaita serinorwadza, chatingadira kudzorera kana kuzvidzivirira chii kana kurigamuchira kuchizotiita vakachenjera?

“Dzidzisa wakarurama, ipapo iye uchawedzera zivo,” anopfuurira achidaro mambo akachenjera. (Zvirevo 9:9b) Hapana munhu akurisa kana kuita muduku zvokuti angatadza kuramba achidzidza. Zvechokwadi zvinofadza kwazvo kuona kunyange vaya vakwegura vachibvuma chokwadi ndokuzvitsaurira kuna Jehovha! Isuwo ngatiedzei kuramba tine chido chokudzidza ndokuita kuti pfungwa dzedu dzirambe dzakachangamuka.

“Makore Oupenyu Hwako Achawedzerwa”

Achisimbisa pfungwa huru yenyaya iri kukurukurwa, Soromoni anosanganisira chinhu chinokosha chinofanira kuvapo chouchenjeri. Anonyora kuti: “Kuvamba kwouchenjeri ndiko kutya Jehovha; kuziva mutsvene ndidzo njere.” (Zvirevo 9:10) Hapangavi nouchenjeri hunobva kuna Mwari pasina kutya kwokuremekedza Mwari wechokwadi kwakadzama. Munhu angava nepfungwa dzakazara nezivo, asi kana asingatyi Jehovha, achakundikana kushandisa zivo iyoyo munzira inokudza Musiki. Angatogumisa zvisiri izvo kubva muchokwadi chinozivikanwa, achizviita kuti aoneke sebenzi. Uyezve, kuziva Jehovha, Mutsvene tsvene, kunokosha pakuwana nzwisiso, chinhu chinokosha chinoratidza uchenjeri.

Uchenjeri hunobereka zvibereko zvipi? (Zvirevo 8:12-21, 35) Mambo waIsraeri anoti: “Neni mazuva ako achaitwa mazhinji, makore oupenyu hwako achawedzerwa.” (Zvirevo 9:11) Kureba kwemazuva nemakore oupenyu zvinovapo nemhaka yokushamwaridzana nouchenjeri. Hungu, “uchenjeri hunochengeta upenyu hwaiye unahwo.”—Muparidzi 7:12.

Kuzvishandisa kuti tiwane uchenjeri mutoro wedu toga. Achisimbisa pfungwa iyi, Soromoni anoti: “Kana wakachenjera, iwe, wakazvichenjerera hako; kana uri mudadiri, iwe woga uchava nemhosva yazvo.” (Zvirevo 9:12) Akachenjera akazvichenjerera kuti zvimufambire zvakanaka, uye anodada anofanira kupiwa mhaka yokutambura kwake. Chokwadi, tinokohwa chatinodyara. Naizvozvo, ngati“teerere uchenjeri.”—Zvirevo 2:2.

“Mukadzi Benzi Unopupira”

Achisiyanisa, Soromoni anozoti: “Mukadzi benzi unopupira; haana mano, haazivi chinhu. Unogara pamukova weimba yake, pachigaro pamitunhu yeguta. Kuti adanidzire kune vanopfuura napo, ivo vanorurama nenzira dzavo, achiti: ani naani usina mano, ngaatsaukire muno.”Zvirevo 9:13-16a.

Upenzi hunofananidzwa nomukadzi asina mwero, asina kurayirwa uye asina ruzivo. Iyewo akavaka imba. Uye akazvipa basa rokudanidza wose asina ruzivo. Nokudaro vapfuuri vane chisarudzo. Vachabvuma kukokwa nouchenjeri kana kuti noupenzi?

“Mvura Yabiwa Inozipa”

Zvose uchenjeri noupenzi zvinokoka vateereri kuti va“tsaukire muno.” Zvisinei, kukumbira kwacho kwakasiyana. Uchenjeri hunokokera vanhu kunodya nyama, chingwa newaini. Kukwezva kunoita upenzi kunotiyeuchidza nezvenzira dzomukadzi nzenza. Soromoni anoti: “Usina njere, mukadzi unoti kwaari: Mvura yabiwa inozipa, chingwa chinodyiwa pakavanda chinonaka.”Zvirevo 9:16b, 17.

Panzvimbo pewaini yakavhenganiswa, “mukadzi benzi” anopa mvura yakabiwa. (Zvirevo 9:13) MuMagwaro, kufadzwa nokurara nomudzimai wako anodiwa kunofananidzwa nokunwa mvura inotonhorera. (Zvirevo 5:15-17) Naizvozvo, mvura yabiwa inomirira kurara kwounzenza kunoitwa nomunhu pachivande. Mvura yakadaro inoitwa kuti iite seinonaka—kupfuura waini—nokuti yabiwa uye inopa pfungwa yokusaonekwa. Chingwa chinodyiwa pakahwanda chinopiwa pfungwa yokuita sechinonaka kwazvo kupfuura chingwa nenyama zvouchenjeri nokungoti chete chinowanikwa nenzira dzisina kururama. Kuona chinorambidzwa nechakavanzika sezvinokwezva chiratidzo choupenzi.

Nepo kukoka kwouchenjeri kuchisanganisira vimbiso youpenyu, mukadzi woupenzi haana chaanotaura chinozoitika kana watevera nzira dzake. Asi Soromoni anonyevera kuti: “Haazivi kuti midzimu iriko, kuti vakakokerwa naye vari pakadzika paSheori.” (Zvirevo 9:18) “Imba yoMukadzi Benzi hausi musha asi nzvimbo yemakuva,” inonyora kudaro imwe nyanzvi. “Kana ukapinda mairi haubudi uri mupenyu.” Kurarama upenyu hwounzenza hakusi kuchenjera, kunouraya.

Jesu Kristu akati: “Pindai nepasuo rakatetepa; nokuti mugwagwa unoenda mukuparadzwa wakafara uye wakapamhama, vakawanda ndivo vanopinda nawo; asi suo rakatetepa uye mugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu,uye vashomanana ndivo vanouwana.” (Mateu 7:13, 14) Ngatidyire patafura youchenjeri nguva dzose tova pakati pevaya vari munzira inotungamirira kuupenyu.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kuwana uchenjeri ibasa romunhu pachake

[Mufananidzo uri papeji 31]

Munhu akachenjera anobvuma kururamiswa