Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rumbidza Jehovha Nokuda Kwemabasa Ake Makuru!

Rumbidza Jehovha Nokuda Kwemabasa Ake Makuru!

Rumbidza Jehovha Nokuda Kwemabasa Ake Makuru!

“Mweya wangu unokudza Jehovha . . . nokuti Ane simba akandiitira mabasa makuru.”—RUKA 1:46-49.

1. Tinorumbidza Jehovha zvakarurama nokuda kwemabasa api makuru?

JEHOVHA anofanira kurumbidzwa nokuda kwemabasa ake makuru. Apo muprofita Mosesi akarondedzera kununurwa kwaIsraeri muIjipiti, akati: “Meso enyu akaona mabasa ose makuru aJehovha aakaita.” (Dheuteronomio 11:1-7) Saizvozvowo, apo ngirozi Gabrieri yakazivisa mhandara Mariya nezvokuberekwa kwaizoita Jesu, iyo yakati: “Mweya wangu unokudza Jehovha . . . nokuti Ane simba akandiitira mabasa makuru.” (Ruka 1:46-49) Isu Zvapupu zvaJehovha tinomurumbidza nokuda kwemabasa makuru akadai sokusunungurwa kwaIsraeri muusungwa hwomuIjipiti nokunambwa kunoshamisa kwoMwanakomana wake waanoda.

2. (a) ‘Kuda kwaMwari kusingagumi’ kunorevei kuvanhu vanoteerera? (b) Johani akaonei pachitsuwa chePatimosi?

2 Mabasa makuru akawanda aJehovha ave ane chokuita no“kuda kwake kusingagumi” kukomborera vanhu vanoteerera achishandisa Mesiya nokutonga kwoUmambo hwake. (VaEfeso 3:8-13) Chinangwa ichocho chakanga chichienderera mberi apo muapostora Johani akatenderwa kudongorera nepasuo rezvakaratidzwa rakazaruka mudenga. Akanzwa inzwi rakaita sehwamanda richiti: “Kwira kuno, uye ndichakuratidza zvinhu zvinofanira kuitika.” (Zvakazarurwa 4:1) Paakanga adzingirwa kuchitsuwa chePatimosi nehurumende yeRoma “nemhaka yokutaura pamusoro paMwari nokupupurira Jesu,” Johani akagamuchira “zvakazarurwa naJesu Kristu.” Zvakaonekwa nokunzwiwa nomuapostora wacho zvakaratidza zvakawanda pamusoro pokuda kwaMwari kusingagumi, zvichiita kuti vaKristu vose vechokwadi vajekerwe mumudzimu uye vakurudzirwe panguva yakakodzera.—Zvakazarurwa 1:1, 9, 10.

3. Ndivanaani vanomiririrwa nevakuru 24 vakaonekwa naJohani pane zvaakaratidzwa?

3 Nepasuo iroro rakanga rakazaruka mudenga, Johani akaona vakuru 24, vakagara pazvigaro zvoumambo uye vakapfeka korona semadzimambo. Vakakotama pamberi paMwari ndokuti: “Makafanirwa, Jehovha, imi Mwari wedu, kuti mugamuchire mbiri nokukudzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” (Zvakazarurwa 4:11) Vakuru ivavo vanomiririra vaKristu vose vakazodzwa vakamutswa vari munzvimbo yakakwidziridzwa yavakapikirwa naMwari. Vanokurudzirwa kurumbidza Jehovha nemhaka yemabasa ake ane chokuita nezvakasikwa. Isuwo tinoshamiswa nouchapupu hwe“simba rake risingagumi nokuva Mwari” kwaJehovha. (VaRoma 1:20) Uye patinodzidza zvakawanda nezvaJehovha, tinowanawo chikonzero chakakura chokumurumbidza nokuda kwemabasa ake makuru.

Zivisa Mabasa aJehovha Anofanira Kurumbidzwa!

4, 5. Ipa mienzaniso yokuti Dhavhidhi airumbidza sei Jehovha.

4 Munyori wepisarema Dhavhidhi akarumbidza Mwari nokuda kwemabasa Ake makuru. Somuenzaniso, Dhavhidhi akaimba kuti: “Imbirai Jehovha nziyo dzokumurumbidza, iye ugere paZi[y]oni; dudzirai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu. Ndinzwirei tsitsi, Jehovha; tarirai kumanikidzwa kwangu navanondivenga, imi munondisimudza pamisuo yorufu; kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu kwose; pamisuo yomukunda weZi[y]oni.” (Pisarema 9:11, 13, 14) Apa mwanakomana wake Soromoni purani yemavakirwe etemberi, Dhavhidhi akaropafadza nokurumbidza Mwari, achiti: “Ukuru ndohwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo . . . Ushe ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose. . . . Saka zvino Mwari wedu, tinokuongai nokurumbidza zita renyu rinobwinya.”—1 Makoronike 29:10-13.

5 Magwaro anotikumbira atikumbirazve—hungu, kutikurudzira—kurumbidza Mwari, sezvakaita Dhavhidhi. Bhuku raMapisarema rine mashoko akawanda okurumbidza Mwari, uye Dhavhidhi anonzi ndiye akanyora inenge hafu yenziyo idzi. Aigara achirumbidza nokuonga Jehovha. (Pisarema 69:30) Uyezve, kubvira makare kare, nziyo dzainyorwa naDhavhidhi nevamwe vachifuridzirwa naMwari dzaishandiswa kurumbidza Jehovha.

6. Mapisarema akafuridzirwa anoratidza sei kuti anoshanda kwatiri?

6 Zvechokwadi, Mapisarema anoshanda kwazvo kuvanamati vaJehovha! Patinoda kuonga Mwari nokuda kwemabasa ake ose makuru aanotiitira, pfungwa dzedu dzingafunga mashoko akanaka kwazvo anowanika muMapisarema. Somuenzaniso, patinomuka muzuva idzva, tingada kutaura zvakafanana neizvi: “Zvakanaka kuonga Jehovha, nokuimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro; kuparidza unyoro hwenyu mangwanani, nokutendeka kwenyu usiku hwose, . . . nokuti imi, Jehovha, makandifadza nezvamakaita; ndichafara kwazvo namabasa amaoko enyu.” (Pisarema 92:1-4) Patinokunda chinhu chinoda kuvhiringidza kufambira mberi kwedu mumudzimu, tinganzwa tichida kuratidza mufaro nokuonga mumunyengetero, kunyange sezvakaitwa nomunyori wepisarema paakaimba kuti: “Uyai, tiimbire Jehovha; ngatipururudzei dombo rokuponeswa kwedu. Ngatisvike pamberi pake tichionga, ngatimupururudzei namapisarema.”—Pisarema 95:1, 2.

7. (a) Chii chinokosha pamusoro penziyo dzakawanda dzinoimbwa nevaKristu? (b) Ndechipi chimwe chikonzero chokukurumidza kusvika pamisangano ndokuramba tiripo kusvikira yapera?

7 Tinowanzosimudza manzwi edu munziyo dzokurumbidza Jehovha pamisangano yeungano, magungano nekokorodzano. Chinhu chinokosha kuti dzakawanda dzenziyo idzi dzakanyorwa dzichibva mupfungwa dzakafuridzirwa dziri mubhuku raMapisarema. Tiri kuzofara kuti tine nziyo dzemazuva ano dzinonyevenutsa mwoyo dzokurumbidza Jehovha! Kuimbira Mwari rumbidzo chimwe chikonzero chakanaka zvikuru chokukurumidza kusvika pamisangano yedu uye kuvapo kusvikira yapera, nokudaro tichirumbidza Jehovha pamwe chete nevatinonamata navo nenziyo nomunyengetero.

“Rumbidzai Jah, Imi Vanhu!”

8. Chii chiri mushoko rokuti “Hareruya,” uye rinowanzoshandurwa sei?

8 Kurumbidza Jehovha kuri mushoko rokuti “Hareruya,” kutaurwa kweshoko rechiHebheru nemabhii omumwe mutauro kunoshandurwa dzinenge nguva dzose kuti “Rumbidzai Jah, imi vanhu.” Somuenzaniso, pana Pisarema 135:1-3, tinowana chikumbiro ichi choushamwari, chakasimba chinoti: “[“Rumbidzai Jah, imi vanhu!” NW] Rumbidzai zita raJehovha; murumbidzei, imi varanda vaJehovha; imi mumire mumba maJehovha, muvazhe dzeimba yaMwari wedu. Rumbidzai Jehovha; nokuti Jehovha wakanaka; imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza; nokuti ndizvo zvinofadza.”

9. Chii chinotikurudzira kurumbidza Jehovha?

9 Sezvatinofungisisa mabasa aMwari anoshamisa nezvose zvaanotiitira, kuonga kunobva mumwoyo kunoita kuti timurumbidze. Patinofunga zvinhu zvinoshamisa izvo Jehovha akaitira vanhu vake munguva dzakapfuura, mwoyo yedu inotikurudzira kumurumbidza. Uye sezvatinofungisisa zvipikirwa zvezvinhu zvikuru zvichaitwa naJehovha, tinotsvaka nzira dzokuratidza kurumbidza nokuonga.

10, 11. Kuvapo kwedu chaiko kunotipa sei chikonzero chokurumbidza Mwari?

10 Kuvapo kwedu chaiko kunotipa chikonzero chakarurama chokurumbidza Jah. Dhavhidhi akaimba kuti: “Ndichakuongai [Jehovha]; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa; mweya wangu unozviziva kwazvo.” (Pisarema 139:14) Hungu, ‘takaitwa nomutoo unoshamisa’ uye tine zvipo zvinokosha zvikuru zvakadai sokuona, kunzwa, uye mano okufunga. Naizvozvo, hatifaniri kurarama upenyu hwedu munzira inoita kuti tirumbidze munhu Akatiita here? Ndizvo zvakataurwa naPauro paakanyora kuti: “Mungave muri kudya kana kunwa kana kuita chimwe chinhu, itai zvinhu zvose kuti Mwari apiwe mbiri.”—1 VaKorinde 10:31.

11 Tichaita zvinhu zvose kuti Jehovha apiwe mbiri kana tichimuda zvechokwadi. Jesu akati murayiro wokutanga ndouyu: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose uye nesimba rako rose.” (Mako 12:30; Dheuteronomio 6:5) Tinotofanira kuda Jehovha ndokumurumbidza somunhu Akatiita uye Anotipa “chipo chiri chose chakanaka uye chipiwa chiri chose chakakwana.” (Jakobho 1:17; Isaya 51:13; Mabasa 17:28) Zvine musoro kuti tidaro nokuti kufunga kwatinoita, zvatinokwanisa kuita mumudzimu, uye simba redu—unhu hwedu hwose nemano—zvinobva kuna Jehovha. Zvaari Musiki wedu, anofanira kudiwa nokurumbidzwa nesu.

12. Unonzwa sei pamusoro pemabasa makuru aJehovha uye mashoko ePisarema 40:5?

12 Mabasa makuru aJehovha anotipa zvikonzero zvisingaverengeki zvokumuda nokumurumbidza! Dhavhidhi akaimba kuti “Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji, nemifungo yenyu kwatiri; hapana ungaenzaniswa nemi. Kana ndikada kuzvidudzira nokuzvireva, hazvingaverengwi nokuwanda kwazvo.” (Pisarema 40:5) Dhavhidhi akanga asingagoni kuverenga mabasa ose aJehovha anoshamisa, uye nesuwo hatigoni. Asi nguva dzose ngatirumbidze Jehovha patinoziva mabasa api neapi aanoita.

Mabasa ane Chokuita Nokuda kwaMwari Kusingagumi

13. Tariro yedu yakabatanidzwa sei nemabasa makuru aMwari?

13 Tariro yedu yakabatanidzwa zvikuru nemabasa makuru uye anofanira kurumbidzwa ane chokuita nokuda kwaMwari kusingagumi. Pashure pokupandukira kwakaitika muEdheni, Jehovha akapa uprofita hwokutanga hwakanga huzere netariro. Achitonga nyoka, Mwari akati: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake; irwo ruchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.” (Genesi 3:15) Tariro muMbeu yomukadzi yakapikirwa yakaramba iri mumwoyo yevanhu vakatendeka pashure pokuita kwaJehovha basa rinoshamisa nokuchengeta Noa nemhuri yake muMafashamo enyika yose akatsvaira nyika yakanga yakaipa. (2 Petro 2:5) Zvipikirwa zvouprofita zvakaitwa kuvarume vokutenda vakadai saAbrahamu naDhavhidhi zvakawedzera kunzwisiswa kwezvaizoitwa naJehovha achishandisa Mbeu iyoyo.—Genesi 22:15-18; 2 Samueri 7:12.

14. Ndoupi muenzaniso mukuru wemabasa makuru aJehovha aanoitira vanhu?

14 Kuratidzwa kwakakura kwaJehovha kuti ndiye anoitira vanhu vake mabasa makuru kwakaitika paakapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga—Mbeu yakapikirwa, Jesu Kristu—sechibayiro chorudzikinuro. (Johani 3:16; Mabasa 2:29-36) Rudzikinuro rwakapa hwaro hwokuyananiswazve naMwari. (Mateu 20:28; VaRoma 5:11) Jehovha akaunganidza vakatanga kuyananiswa muungano yechiKristu, yakatanga paPendekosti ya33 C.E. Vachibatsirwa nomudzimu mutsvene, vakaparidza mashoko akanaka kwose kwose. Vakaratidza kuti kufa nokumutswa kwaJesu kunozarura sei nzira yokuti vanhu vanoteerera vawane zvikomborero zvisingaperi mukutonga kwoUmambo hwaMwari hwokudenga.

15. Jehovha akashanda sei nenzira inoshamisa muzuva redu?

15 Muzuva redu, Jehovha akashanda nenzira inoshamisa kuti aunganidze vaKristu vakazodzwa vokupedzisira. Mhepo dzokuparadza dzakabatwa kubvumira kuiswa chisimbiso kwevasara ve144 000, vachatonga naKristu mudenga. (Zvakazarurwa 7:1-4; 20:6) Mwari akaita kuti vaKristu vakazodzwa vabudiswe muusungwa hwomudzimu mu“Bhabhironi Guru,” umambo hwomunyika yose hwechitendero chenhema. (Zvakazarurwa 17:1-5) Kununurwa ikoko kwakaitwa muna 1919 uye kudzivirirwa naMwari kwavakaitwa kubvira ipapo kwakabvumira vakazodzwa vasara kuita sei? Kupenya mukupa uchapupu hwokupedzisira Jehovha asati agumisa nyika yakaipa yaSatani mu“kutambudzika kukuru” kwava kuda kutoitika.—Mateu 24:21; Dhanieri 12:3; Zvakazarurwa 7:14.

16. Chii chiri kuitika somugumisiro webasa romunyika yose rokuparidza Umambo riri kuitwa nhasi?

16 Zvapupu zvaJehovha zvakazodzwa zvave zvichitungamirira nokushingaira basa romunyika yose rokuparidza Umambo. Somugumisiro, “mamwe makwai” ari kuwedzera ava kuva vanamati vaJehovha. (Johani 10:16) Tinofara kuti mukana wokuti vanyoro venyika vabatane nesu mukurumbidza Jehovha uchiripo. Vaya vanobvuma kukokwa kuti “uya” vachadzivirirwa mukutambudzika kukuru, vaine tarisiro yokurumbidza Jehovha nokusingaperi.—Zvakazarurwa 22:17.

Zviuru Zviri Kuenda Kukunamata Kwechokwadi

17. (a) Jehovha ari kuita sei mabasa makuru ane chokuita nebasa redu rokuparidza? (b) Zekaria 8:23 iri kuzadzika sei?

17 Jehovha ava kuita mabasa makuru uye anofanira kurumbidzwa ane chokuita nebasa redu rokuparidza. (Mako 13:10) Mumakore achangopfuura, aka‘zarura misuo mihombe yebasa.’ (1 VaKorinde 16:9) Izvi zvakaita kuti mashoko akanaka aparidzwe mundima dzakakura maimborambidzwa nevavengi vechokwadi. Vakawanda vairarama murima romudzimu vava kubvuma kukokwa kunonamata Jehovha. Vari kuzadzika mashoko aya ouprofita anoti: “Zvanzi naJehovha wehondo: Namazuva iwayo varume vane gumi pandimi dzose dzendudzi dzavanhu vachabata nguo yomunhu uri muJudha, vachiti: Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi.” (Zekaria 8:23) Vari kunzi “tichaenda nemi” apa vaJudha vomudzimu, vaKristu vakazodzwa vasara varipo mazuva ano. Sezvo gumi ichimirira kukwana kwepasi pano, “varume vane gumi” vanomiririra “boka guru revanhu” rakasanganiswa na“Israeri waMwari,” warinoumba naye “boka rimwe.” (Zvakazarurwa 7:9, 10; VaGaratiya 6:16) Zvinofadza kwazvo kuona vakawanda zvakadai vava kuita pamwe chete basa dzvene sevanamati vaJehovha Mwari!

18, 19. Uchapupu hupi huripo hwokuti Jehovha ari kukomborera basa rokuparidza?

18 Tinofara kuti makumi ezviuru—chokwadi, mazana ezviuru—ari kugamuchira kunamata kwechokwadi munyika dzaimbova dzakazara zvitendero zvenhema zvokuti zvaiita sokuti vanhu vaisazombogamuchira mashoko akanaka. Tarira Yearbook of Jehovah’s Witnesses yegore rino, uye cherechedza nyika dzava kushuma vaparidzi voUmambo vanobvira pa100 000 kusvika pedyo ne1 000 000. Uhwu uchapupu hune simba hwokuti basa rokuparidza Umambo riri kukomborerwa naJehovha.—Zvirevo 10:22.

19 Sevanhu vaJehovha, tinorumbidza nokuonga Baba vedu vokudenga nokutipa kwavakaita chinangwa chaicho muupenyu, basa rinopa mubayiro muushumiri hwake, uye tarisiro yakajeka yenguva yemberi. Tinorarama tichitarisira zvikuru kuzadzika kwezvipikirwa zvaMwari uye takatsunga ‘kuzvichengeta tiri murudo rwaMwari, tichirangarira upenyu husingaperi.’ (Judha 20, 21) Tinofara kwazvo kuona kuti boka guru revanhu vanorumbidza Mwari rasvika vanenge 6 000 000! Nechikomborero chaJehovha chiri pachena, vakazodzwa vasara pamwe chete neshamwari dzavo dzemamwe makwai vakarongwa muungano dzinenge 91 000 munyika 235. Tose zvedu tinopiwa zvokudya zvakanaka zvomudzimu no“muranda akatendeka, akangwara” ari kushanda nokushingaira. (Mateu 24:45) Sangano raMwari rinofambira mberi riri kushandisa hofisi dzemapazi 110 dzeZvapupu zvaJehovha kutarisira basa roUmambo nenzira yorudo. Tinoonga kuti Jehovha akaita kuti vanhu vake ‘vamukudze nezvavanazvo.’ (Zvirevo 3:9, 10) Saka, basa redu rokuparidza munyika yose rinoenderera mberi, zvapari kuvakwa nzvimbo dzokudhindira, misha yeBheteri neyemamishinari, Horo dzoUmambo, uye Horo Dzemagungano maererano nokudiwa kwazviri kuitwa.

20. Tinofanira kunzwa sei nokufunga mabasa makuru uye anofanira kurumbidzwa aJehovha?

20 Hatigoni kutaura mabasa ose makuru uye anofanira kurumbidzwa aBaba vedu vokudenga. Asi munhu ane mwoyo wakarurama angarega kubatana neboka rakakura revarumbidzi vaJehovha here? Haangamboregi! Naizvozvo, vose vanoda Mwari ngavadanidzire nomufaro kuti: “[“Rumbidzai Jah, imi vanhu!” NW] Rumbidzai Jehovha, imi muri kudenga; murumbidzei panzvimbo dzokumusoro. Murumbidzei imi vatumwa vake vose . . . ,majaya nemhandara; vatana navana; ngavarumbidze zita raJehovha; nokuti zita rake roga rakakurumbira; Umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga.” (Pisarema 148:1, 2, 12, 13) Hungu, iye zvino uye nokusingaperi, ngatirumbidze Jehovha nokuda kwemabasa ake makuru!

Ungapindura Sei?

• Ndeapi ari mamwe mabasa aJehovha anofanira kurumbidzwa?

• Nei uchinzwa kuti unofanira kurumbidza Jehovha?

• Tariro yedu ine chokuita nemabasa makuru aMwari pakudini?

• Jehovha ari kuita sei mabasa anofanira kurumbidzwa ane chokuita nebasa rokuparidza Umambo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

Unobatana nevamwe nomwoyo wose munziyo dzokurumbidza Jehovha here?

[Mifananidzo iri papeji 13]

Tinofara kuti mukana wokuti vanyoro vabatane nesu mukurumbidza Jehovha uchiripo