Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Tarirai! Boka Guru Revanhu!’

‘Tarirai! Boka Guru Revanhu!’

Mirai Makakwana Muchitendiswa Zvakasimba

‘Tarirai! Boka Guru Revanhu!’

MUBVUNZO wakanga wanetsa vashumiri vaJehovha kwemakumi emakore. Vakanga vaedza kwenguva yakareba kuupindura vachishandisa Magwaro. Mubvunzo wacho wakanga waguma nehurukuro dzakawanda. Asi mhinduro yeBhaibheri yakazowanikwa, uye yakafadza zvikuru vakapinda kokorodzano muWashington, D.C., mugore ra1935.

Chaikurukurwa muhurukuro yacho waiva mubvunzo wokuti: “Vazhinji-zhinji” (Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona), kana kuti “boka guru revanhu” (Shanduro yeNyika Itsva), rinotaurwa pana Zvakazarurwa 7:9 ndivanaani? Iri boka revatendi raizogara mudenga here?

Mubvunzo Wenguva Refu

Kubva munguva yomuapostora Johani kusvika muzuva redu, vaKristu vave vachinetseka kuti “vazhinji-zhinji” ava ndivanaani. Vadzidzi veBhaibheri vaiona boka guru revanhu seboka rechipiri rokudenga, boka raiziva chokwadi cheBhaibheri asi raisava nezvakawanda zvaraiita pakuchiparadzira.

Zvisinei, paiva nevamwe vaisonganirana nevaKristu vakazodzwa vakashingaira zvikuru mubasa rokuparidza. Vakanga vasina chido chokuenda kudenga. Zvechokwadi, tariro yavo yaienderana nehurukuro yavose yaiti “Mamiriyoni Ari Kurarama Zvino Haazombofi,” yakaziviswa nevanhu vaJehovha kubvira muna 1918 kusvika 1922. Vanhu vakadaro vaizokomborerwa noupenyu husingaperi pasi pano.

Nharireyomurindi yaOctober 15, 1923, yakataura nezvomufananidzo waJesu wemakwai nembudzi ndokuti: “Makwai anomiririra vanhu vose vemarudzi, kwete vakaberekwa nomudzimu asi vanoda kururama, avo vanobvuma Jesu Kristu mupfungwa saIshe uye vari kutsvaka uye vari kutarisira nguva iri nani pasi pokutonga kwake.”—Mateu 25:31-46.

Kuwedzera Kwechiedza

Mugore ra1931, bhuku rinonzi Vindication, Bhuku Rokutanga, rakakurukura Ezekieri chitsauko 9 ndokutaura kuti vaya vakaiswa chiratidzo pahuma kuti vachengetedzwe pamugumo wenyika, makwai omumufananidzo waJesu. Vindication, Bhuku Rechitatu (rakabudiswa muna 1932), rakarondedzera mwoyo wakarurama womurume akanga asiri muIsraeri Jehonadhabhi, uyo akakwira mungoro yaMambo weIsraeri akazodzwa Jehu ndokuenda kunoona kushingairira kwaJehu kuuraya vanamati venhema. (2 Madzimambo 10:15-28) Bhuku racho rakati: “Jehonadhabhi aimiririra kana kuti aifananidzira boka revanhu vari pasi pano zvino vasingawirirani nesangano raSatani, vanotsigira kururama, uye vachachengetedzwa naIshe panguva yeAmagedhoni, vaachapfuudza nomudambudziko iroro, ovapa upenyu husingaperi pasi pano. Ava vanoumba boka re‘makwai.’”

Muna 1934, Nharireyomurindi yakajekesa kuti vaKristu vane tariro yokurarama pasi pano vanofanira kuzvitsaurira kuna Jehovha vobhabhatidzwa. Chiedza pamusoro peboka repasi iri zvechokwadi chaipenya zvakajeka zvisina kumboitika!—Zvirevo 4:18.

Kunzwisisa Kwakajeka

Kunzwisiswa kwaZvakazarurwa 7:9-17 kwakanga kwava kuda kunyatsopenya. (Pisarema 97:11) Nharireyomurindi yakanga yaratidza tariro yokuti kokorodzano yakarongerwa musi waMay 30 kusvika June 3, 1935, muWashington, D.C., U.S.A., yaizo“nyaradza nokubatsira chaizvoizvo” vaya vaimiririrwa naJehonadhabhi. Uye ndizvo zvakaitika!

Muhurukuro inokurudzira pamusoro unoti “Vazhinji-zhinji,” yakakurukurirwa vanhu vanenge 20 000 vaiva pakokorodzano, J. F. Rutherford akataura uchapupu hweMagwaro hwokuti “mamwe makwai” emazuva ano akafanana ne“boka guru revanhu” raZvakazarurwa 7:9. (Johani 10:16) Hurukuro iyi yava kunopera, mukurukuri wacho akakumbira kuti: “Ndapota vose vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano vangasimuka here?” Chikamu chikuru chevateereri pachakasimuka, Rutherford akazivisa kuti: “Tarirai! Vazhinji-zhinji!” Pakava norunyararo, rwakateverwa noruzha rwokufara. Zuva rakatevera racho, Zvapupu zvaJehovha zvitsva 840 zvakabhabhatidzwa, zvizhinji zvacho zvichibvuma kuva zveboka guru revanhu.

Kuvapo Kunoshamisa

Gore ra1935 risati rasvika, nhamba inowedzera yevaya vakabvuma shoko reBhaibheri ndokushingaira mukuparidza mashoko akanaka yakaratidza kufarira kurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano. Vakanga vasina chido chokuenda kudenga, nokuti Mwari akanga asina kuvapa tariro youpenyu hwokudenga. Kuzviratidza kwavakaita kuti ndeveboka guru remamwe makwai kwakaratidza kuti pakasvika 1935 kudaidzwa kwevaKristu vakazodzwa 144 000 kwakanga kwava kutopera.—Zvakazarurwa 7:4.

Pakatanga Hondo Yenyika II, Satani Dhiyabhorosi akaedza zvikuru kumisa kuunganidzwa kwevaya vaizoumba boka guru revanhu. Basa rokuparidza Umambo rakarambidzwa munyika dzakawanda. Mumazuva iwayo asingafadzi, uye nguva pfupi asati afa muna January 1942, J. F. Rutherford akati: “Zvinoita sokuti ‘vazhinji-zhinji’ vacho havasi kuzombowanda.”

Asi nemhaka yechikomborero chaMwari, zvinhu zvakachinja. ‘Vakamira zvakakwana uye vachitendiswa zvakasimba,’ vakazodzwa neshamwari dzavo, mamwe makwai, vave vachiita basa rokuita vadzidzi. (VaKorose 4:12; Mateu 24:14; 28:19, 20) Pakasvika 1946 Zvapupu zvaJehovha zvaiparidza pasi pose zvaiva 176 456—zvakawanda zviri zveboka guru revanhu. Muna 2000, Zvapupu zvinopfuura 6 000 000 zvakanga zvichishumira Jehovha zvakatendeka munyika 235—boka guru revanhu zvechokwadi! Uye nhamba yacho inoramba ichiwedzera.