Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Kana Mwari Ari Kwatiri, Ndiani Achatirwisa?”

“Kana Mwari Ari Kwatiri, Ndiani Achatirwisa?”

“Kana Mwari Ari Kwatiri, Ndiani Achatirwisa?”

“Saka, tichatii pazvinhu izvi? Kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa?”—VAROMA 8:31.

1. Ndivanaani vakabatana nevaIsraeri pakubuda muIjipiti, uye chii chakavaita kuti vadaro?

VAISRAERI pavakanga vava kubuda vasununguka mushure memakore 215 vari muIjipiti, yakawanda yenguva iyoyo sevaranda, “vanhu vazhinji vakanga vakavhengana vakaenda navo.” (Eksodho 12:38) Vasiri vaIsraeri ava vakanga vazvionera matambudziko gumi aityisa akaparadza zvinhu zvakawanda muIjipiti uye akashoresa vamwari vayo venhema. Panguva imwe cheteyo, vaiva vaona—zvikurukuru kubva padambudziko rechina zvichienda mberi—kukwanisa kwaJehovha kudzivirira vanhu vake. (Eksodho 8:23, 24) Kunyange zvavo vaisanyanyoziva zvakawanda nezvezvinangwa zvaJehovha, vaiva nechokwadi chechinhu chimwe chete chokuti: Vanamwari veIjipiti vaiva vakundikana kudzivirira vaIjipiti, nepo Jehovha aiva aratidza kuva ane simba achirwira vaIsraeri.

2. Nei Rakabhi akatsigira tsori dzechiIsraeri, uye nei kuvimba kwake naMwari wavo chakanga chisiri chikanganiso?

2 Makore makumi mana gare gare, vaIsraeri vava kubva vopinda munyika Yakapikirwa, mutsivi waMosesi, Joshua, akatuma varume vaviri kunosora nyika. Ikoko vakasangana naRakabhi, mugari womuJeriko. Kubva mune zvaakanga anzwa nezvezviito zvaJehovha zvesimba zvokudzivirira vaIsraeri mumakore 40 kubvira pavakanga vabva muIjipiti, aiziva kuti kana achida chikomborero chaMwari, anofanira kutsigira vanhu vake. Nokuda kwechisarudzo chake chokuchenjera, iye neveimba yake havana kuparadzwa apo vaIsraeri vakaparadza guta racho. Nzira yechishamiso yavakaponeswa nayo pachayo yaitova uchapupu husingarambiki hwokuti Mwari aiva navo. Nokudaro, kuvimba kwakaita Rakabhi naMwari wavaIsraeri chakanga chisiri chikanganiso.—Joshua 2:1, 9-13; 6:15-17, 25.

3. (a) Chishamiso chipi chakaitwa naJesu pedyo neguta rakavakwazve reJeriko, uye vatungamiriri vechitendero vechiJudha vakaita sei? (b) Vamwe vaJudha, uye gare gare vasiri vaJudha, vakasvika pakuziva chii?

3 Mazana emakore gumi nemashanu gare gare, Jesu Kristu akaponesa rimwe bofu raikumbira zvipo pedyo neguta rakavakwazve reJeriko. (Mako 10:46-52; Ruka 18:35-43) Murume uyu akakumbira Jesu kumuratidza ngoni, zvichiratidza kuti aiziva kuti Jesu aitsigirwa naMwari. Ukuwo, vatungamiriri vechitendero vechiJudha nevateveri vavo vakawanda vacho vairamba kubvuma zvishamiso zvaiitwa naJesu sechiratidzo chokuti aiita basa raMwari. Panzvimbo pacho, vaimutsvakira mhosva. (Mako 2:15, 16; 3:1-6; Ruka 7:31-35) Kunyange pavakatarisana nechokwadi chokuti Jesu akamutswa pashure pokunge vamuuraya, vakanga vasingadi kubvuma kuti izvi zvaiva zvaitwa naMwari. Asi vakatotungamirira pakutambudza vateveri vaJesu, vachiedza kudzivisa basa ravo roku“zivisa mashoko akanaka aShe Jesu.” Asi vamwe vaJudha, uye gare gare vasiri vaJudha vakawanda, vakacherechedza zviitiko izvi ndokuona uchokwadi hwazvo. Kwavari zvakanga zvava pachena kuti Mwari akanga aramba vatungamiriri vechiJudha vaizviona sevakarurama uye kuti aitsigira vateveri vaJesu Kristu vaizvininipisa.—Mabasa 11:19-21.

Ndivanaani Vanotsigirwa naMwari Nhasi?

4, 5. (a) Vamwe vanhu vanofungei pamusoro pokusarudza chitendero? (b) Pakutsvaka chitendero chechokwadi, mubvunzo upi unokosha?

4 Nezvenyaya yechitendero chechokwadi, mumwe mufundisi paaibvunzurudzwa paTV nguva pfupi yapfuura akati: “Ini ndinoramba ndichiti chitendero ndechechokwadi kana chichiita kuti munhu anorarama maererano nacho ave munhu ari nani.” Hatirambi kuti chitendero chechokwadi chinoita kuti vanhu vave nani. Asi kuita kuti vanhu vave nani kwechitendero ndiko kunobva kwaratidza kuti chinotsigirwa naMwari here? Iyoyo ndiyo nzira yoga yokuziva nayo kuti chitendero ndechechokwadi here?

5 Munhu wose anofara kuti anokwanisa kuzvisarudzira zvaanoda, kusanganisira kusarudza chitendero. Asi kuva norusununguko rwokusarudza hazvirevi kuti munhu achaita chisarudzo chakarurama. Somuenzaniso, vamwe vanhu vanosarudza chitendero nechikonzero choukuru hwacho, pfuma, kunakidza kwemitambo yachinoita, kana kuti ndicho chinopindwa nehama dzavo. Hapana chimwe chezvinhu izvi chinosarudza munzira ipi neipi kana chitendero chiri chechokwadi kana kuti kwete. Mubvunzo unokosha ndewokuti: Chitendero chipi chinokurudzira vateveri vacho kuita kuda kwaMwari uye chinopa uchapupu hwakasimba hwokuti chinotsigirwa naMwari, zvokuti vateveri vacho vangati nechivimbo, “Mwari ari kwatiri”?

6. Mashoko api aJesu anotibatsira panyaya yokuziva chitendero chechokwadi nechenhema?

6 Jesu akagadza mutemo wokusiyanisa nawo kunamata kwechokwadi nokwenhema paakati: “Ngwarirai vaprofita venhema vanouya kwamuri vakapfeka nguo dzemakwai, asi mukati imhumhi dzinoparadza. Muchavaziva nezvibereko zvavo.” (Mateu 7:15, 16; Maraki 3:18) Ngationgororei zvimwe zve“zvibereko,” kana kuti zviratidzo zvokuziva nazvo chitendero chechokwadi kuitira kuti, nokunyatsovimbika, tinogona kuona kuti ndivanaani nhasi vanotsigirwa naMwari.

Zviratidzo Zvokuziva Nazvo Vanotsigirwa naMwari

7. Kudzidzisa zvinobva muBhaibheri chete kunorevei?

7 Zvavanodzidzisa zvinobva muBhaibheri. Jesu akati: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezveakandituma. Kana munhu achida kuita kuda Kwake, achaziva pamusoro pokudzidzisa kwacho kana kuchibva kuna Mwari kana kuti ndinotaura zvangu ndoga.” Akatiwo: “Uyo anobva kuna Mwari anoteerera mashoko aMwari.” (Johani 7:16, 17; 8:47) Zvinongova nomusoro kuti, kuti munhu atsigirwe naMwari anofanira kudzidzisa chete zvinoziviswa naMwari muShoko rake oramba dzidziso dzinobva muuchenjeri netsika zvevanhu.— Isaya 29:13; Mateu 15:3-9; VaKorose 2:8.

8. Nei zvichikosha kushandisa zita raMwari mukunamata?

8 Vanoshandisa nokuzivisa zita raMwari, Jehovha. Isaya akafanotaura kuti: “Nezuva iro muchati: Ongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudzwa. Imbirai Jehovha; nokuti wakaita zvinhu zvakaisvonaka; izvi ngazvizivikanwe panyika yose.” (Isaya 12:4, 5) Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera vachiti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateu 6:9) Saka, vangava vaJudha kana kuti vasiri vaJudha, vaKristu vaizofanira kushanda se“vanhu vezita ra[Mwari].” (Mabasa 15:14) Zviri pachena kuti Mwari anofara kutsigira vanodada nokuva “vanhu vezita rake.”

9. (a) Nei mufaro uchizivisa nhengo dzechitendero chechokwadi? (b) Isaya anosiyanisa sei chitendero chechokwadi nechenhema?

9 Vanoratidza unhu hwaMwari hwokufara. Sezvo ari iye muvambi we“mashoko akanaka” Jehovha ndi“Mwari anofara.” (1 Timoti 1:11) Saka vanamati vake vangava sei vasingafari kana kuti vasina chivimbo? Pasinei nenhamo dzenyika nezvinetso zvomunhu oga, vaKristu vechokwadi vanoramba vachiratidza mufaro nokuti vanodya zvokudya zvomudzimu nguva dzose. Isaya anovasiyanisa nevaya vane chitendero chenhema achiti: “Zvanzi naShe Jehovha: Tarirai, varanda vangu vachadya, asi imi muchava nenzara; tarirai, varanda vangu vachanwa, asi imi muchava nenyota; tarirai, varanda vangu vachafara, asi imi muchanyadziswa; tarirai, varanda vangu vachaimba nokufara kwomwoyo, asi imi muchachema nokurwadziwa kwomwoyo, muchawungudza nokuputsika kwomweya.”—Isaya 65:13, 14.

10. Vaya vane chitendero chechokwadi vanorega sei kudzidza kwokuedza zvose zvose kuti vatsvake zvinoshanda?

10 Vanoshandisa nheyo dzeBhaibheri pamufambiro wavo uye pakuita zvisarudzo. “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako,” munyori waZvirevo anotipa zano achidaro, “umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” (Zvirevo 3:5, 6) Mwari anotsigira vaya vanomutsvaka vachida nhungamiro panzvimbo pokuenda kuuzivi hwevanhu vanofuratira uchenjeri hwake. Kana munhu, achizoumba upenyu hwake kuti huenderane neShoko raMwari acharega kudzidza kwokuedza zvose zvose kuti atsvake zvinoshanda.—Pisarema 119:33; 1 VaKorinde 1:19-21.

11. (a) Nei nhengo dzechitendero chechokwadi dzisingagoni kukamurwa kuva mapoka evafundisi neevanhuwo zvavo? (b) Vaya vanotungamirira pakati pevanhu vaMwari vanofanira kuratidza muenzaniso wechii kuboka?

11 Vakarongwa sezvakanga zvakaita vaKristu vomuzana remakore rokutanga. Jesu akagadza nheyo yacho paakati: “Musanzi Rabhi, nokuti mudzidzisi wenyu mumwe chete, asi imi mose muri hama. Zvakare, musadana munhu kuti baba venyu pasi pano, nokuti Baba venyu vamwe chete, Ivo vokudenga. Uyewo musanzi ‘vatungamiriri,’ nokuti Mutungamiriri wenyu mumwe chete, Kristu. Asi mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu.” (Mateu 23:8-11) Ungano yehama inodzivisa kuva neboka revafundisi rinodada, rinozvikudza nemazita okudanwa nawo anoshamisira uye richizvisimudzira pamusoro pevamwe vose. (Jobho 32:21, 22) Vaya vanofudza makwai aMwari vanoudzwa kuti vadaro “[va]singaiti nokugombedzerwa, asi nokuzvidira; kana nemhaka yokuda pfuma yokusatendeseka, asi nomwoyo wose; [va]singaremedzi avo vari nhaka yaMwari, asi [va]chiva mienzaniso kuboka.” (1 Petro 5:2, 3) Vafudzi vechokwadi vechiKristu vanodzivisa kuedza kuzviita vanatenzi vokutenda kwevamwe. Sevamwe vevashandi mubasa raMwari, vanongoedza kuva nomuenzaniso wakanaka.—2 VaKorinde 1:24.

12. Maonero api anoitwa hurumende dzevanhu ari pakati nepakati anodiwa naMwari kuti vanoda kutsigirwa naye vave nawo?

12 Vanozviisa pasi pehurumende dzevanhu asi vachiramba vasina kwavakarerekera. Uyo anokundikana “[kuzviisa] pasi pevane simba zvikuru” haangatarisiri kutsigirwa naMwari. Nei? Nokuti “vane simba vose varipo vakaiswa munzvimbo yavo ine mwero naMwari. Naizvozvo uyo anodzivisa simba anorwisana nezvakarongwa naMwari.” (VaRoma 13:1, 2) Zvisinei, Jesu aiziva kuti paigona kuzova nemakakatanwa paakati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mako 12:17) Vaya vanoda kutsigirwa naMwari vanofanira ku‘ramba vachitanga kutsvaka umambo nokururama kwake,’ ukuwo vachiteerera mitemo yomunyika inopindirana nemitoro yavo yakakwirira kuna Mwari. (Mateu 6:33; Mabasa 5:29) Jesu akasimbisa kusava nekwavakarerekera kwevadzidzi vake paakati nezvavo: “Havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.” Gare gare akazowedzera kuti: “Umambo hwangu hausi rutivi rwenyika ino.”—Johani 17:16; 18:36.

13. Chii chinoitwa norudo mukuzivisa vanhu vaMwari?

13 Havasaruri pakuitira “vose zvakanaka.” (VaGaratiya 6:10) Rudo rwechiKristu harusaruri, runobvuma vanhu vose pasinei noruvara rweganda, mamiriro omunhu panyaya dzemari nedzedzidzo, nyika inobva munhu, kana mutauro. Kuitira vose zvakanaka uye zvikurukuru vavane ukama navo mukutenda kunobatsira kuzivisa vaya vanotsigirwa naMwari. Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.”—Johani 13:35; Mabasa 10:34, 35.

14. Ko vanhu vanotsigirwa naMwari vanofarirwa nevanhu vose zvavo here? Tsanangura.

14 Vakagadzirira kutambudzirwa kuita kuda kwaMwari. Jesu akafanoyambira vateveri vake achiti: “Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo; kana vakachengeta shoko rangu, vachachengetawo renyu.” (Johani 15:20; Mateu 5:11, 12; 2 Timoti 3:12) Vaya vanotsigirwa naMwari vagara vasingafarirwi noruzhinji sezvaiva zvakaita Noa, uyo akashora nyika nokutenda kwake. (VaHebheru 11:7) Nhasi, vaya vanoda kutsigirwa naMwari havatsungi kurerutsa Shoko raMwari kana kuti kubvumiranisa nheyo dzaMwari pane zvisina kufanira kuti vadzivise kutambudzwa. Chero bedzi vachishumira Mwari vakatendeka, vanoziva kuti vanhu vacha“shamiswa uye [vo]ramba vachitaura zvakaipa” nezvavo.—1 Petro 2:12; 3:16; 4:4.

Nguva Yokuongorora Chokwadi Chacho

15, 16. (a) Mibvunzo ipi ichatibatsira kuziva chitendero chinotsigirwa naMwari? (b) Mamiriyoni evanhu akasvika pakufunga kuti kudini, uye nei?

15 Zvibvunze, ‘Iboka ripi rechitendero rinozivikanwa nokunyatsoomerera kuShoko raMwari, kunyange kana zvarinodzidzisa zvichisiyana nezvinodavirwa nevanhu vakawanda? Ndivanaani vanosimbisa kukosha kwezita raMwari, kunyange kurishandisa pakuzvizivisa pachavo? Ndivanaani vanotaura zvine tariro kuti Umambo hwaMwari ndihwo huchapedza matambudziko evanhu? Ndivanaani vanotsigira mitemo yeBhaibheri yomufambiro, kunyange vachizonzi ndevechinyakare? Iboka ripi rinozivikanwa nokusava nevafundisi vanobhadharwa, nhengo dzaro dzose dziri vaparidzi? Ndivanaani vanorumbidzwa kuti vagari vomunyika vanoteerera mitemo yemo, kunyange zvavo vasina kwavakarerekera mune zvematongerwo enyika? Ndivanaani vanoshandisa norudo mari yavo nenguva vachibatsira vamwe kudzidza nezvaMwari nezvinangwa zvake? Uye pasinei nezvinhu zvose zvakanaka izvi, ndivanaani vachiri kutarisirwa pasi, kunyombwa, uye kutambudzwa?’

16 Mamiriyoni evanhu munyika yose vakaongorora chokwadi uye vakagutsikana kuti Zvapupu zvaJehovha chete ndizvo zvine chitendero chechokwadi. Vakasvika pakufunga izvi vaona zvinodzidziswa neZvapupu zvaJehovha uye kuzvibata kwazvinoita, pamwe nokuona kubatsirwa kwazvinoita nechitendero chazvo. (Isaya 48:17) Chaizvoizvo mamiriyoni ari kutaura sezvakafanotaurwa pana Zekaria 8:23 kuti: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi.”

17. Nei kusiri kuzvikudza kuti Zvapupu zvaJehovha zvitaure kuti chitendero chazvo ndicho chechokwadi?

17 Kuzvikudza here kunoita Zvapupu zvaJehovha kutaura kuti ndizvo chete zvinotsigirwa naMwari? Chaizvoizvo, zvakangoita sezvaitaurwa nevaIsraeri muIjipiti kuti vanotsigirwa naMwari pasinei nezvaidavirwa nevaIjipiti, kana kuti apo vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiti vanotsigirwa naMwari kunze kwevechitendero chechiJudha. Chokwadi chinozvitaurira choga. Munyika 235 Zvapupu zvaJehovha zviri kuita basa rakafanotaurwa naJesu rokuti vateveri vake vechokwadi vaizenge vachiita munguva yomugumo: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.”—Mateu 24:14.

18, 19. (a) Nei pasina chikonzero chokuti Zvapupu zvaJehovha zvidzokere shure pabasa razvo rokuparidzira, kunyange zvavo vachipikiswa? (b) Pisarema 41:11 inotsigira sei chokwadi chokuti Zvapupu zvaJehovha zvinotsigirwa naMwari?

18 Zvapupu zvaJehovha zvicharamba zvichiita basa iri, zvisingamboregi kutambudzwa kana kupikiswa kuchidzivisa kushanda kwazvo. Basa raJehovha rinofanira kuitwa uye richaitwa. Zvose zvakaedza kuitwa nevamwe muzana remakore rapfuura kuti vamise Zvapupu kuita basa raMwari zvakakundikana, nokuti Jehovha akapikira kuti: “Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa, ruchakundwa newe. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo kunobva kwandiri.”—Isaya 54:17.

19 Kuwedzera kusimba nokuwedzera kushanda kuri kuita Zvapupu zvaJehovha zvazvisati zvamboita—pasinei nokupikiswa munyika yose—chiratidzo chokuti Jehovha anofadzwa nezvazviri kuita. Mambo Dhavhidhi akati: “Ndinoziviswa nechinhu ichi kuti munofadzwa neni, nokuti muvengi wangu haandikundi.” (Pisarema 41:11; 56:9, 11) Vavengi vaMwari havazombofi vakagona kudanidzira kuti vakunda vanhu vaJehovha, nokuti Mutungamiriri wavo, Jesu Kristu, ari kufamba akananga mberi kurukundo!

Unogona Kupindura Here?

• Ndeipi mienzaniso yekare yevanhu vaitsigirwa naMwari?

• Ndezvipi zvimwe zviratidzo zvinozivisa chitendero chechokwadi?

• Nei iwe pachako uchigutsikana kuti Zvapupu zvaJehovha zvinotsigirwa naMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Vaya vanoda kutsigirwa naMwari vanofanira kudzidzisa zvinobva muShoko rake chete

[Mufananidzo uri papeji 15]

Vakuru vechiKristu vanoshanda semienzaniso kuboka