Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kufambira Mberi Takananga Kurukundo Rwokupedzisira!

Kufambira Mberi Takananga Kurukundo Rwokupedzisira!

Kufambira Mberi Takananga Kurukundo Rwokupedzisira!

“Tarira! bhiza jena; uye akanga akaritasva akanga ane uta; uye akapiwa korona, uye akabuda achikunda nokupedzisa kukunda kwake.”—ZVAKAZARURWA 6:2.

1. Zviitiko zvipi zvomunguva yemberi zvakaonekwa naJohani pane zvaakaratidzwa?

ACHIFURIDZIRWA naMwari muapostora Johani akakwanisa kuona zvinhu zvaizoitika makore 1 800 munguva yemberi achibva arondedzera kugadzwa kwaKristu kuva Mambo. Zvaida kuti Johani ave nokutenda kuti adavire zvaaiona pane zvaakaratidzwa. Isu nhasi tine uchapupu hwakajeka hwokuti uku kugadzwa kwakafanotaurwa kwakaitika muna 1914. Nemaziso okutenda, tinoona Jesu Kristu achienda “achikunda nokupedzisa kukunda kwake.”

2. Dhiyabhorosi akaita sei pakagadzwa Umambo, uye uhwu uchapupu hwokutii?

2 Umambo hwagadzwa, Satani akadzingwa kudenga, zvikamuita kuti arwe zvakasimba uye nehasha zvikuru asi zvisina zvazvinobatsira kuti akunde. (Zvakazarurwa 12:7-12) Hasha dzake dzakonzera kuti zvinhu munyika zvitonyanya kuipa kupfuura kare. Kugarisana kwevanhu kunoita sokwava kuparara. KuZvapupu zvaJehovha uhwu uchapupu hwakajeka hwokuti Mambo wavo ari kuenda mberi kuno“pedzisa kukunda kwake.”

Vanhu Vachagara Munyika Itsva Vari Kurongwa

3, 4. (a) Kuchinja kupi kwesangano kwakaitika muungano yechiKristu kubvira pakagadzwa Umambo, uye nei kwakanga kuchidiwa kuti kuitwe? (b) Kuchinja uku kwakabatsira chii, sezvakafanotaurwa naIsaya?

3 Pakangogadzwa Umambo, yakanga yava nguva yokuita kuti ungano yechiKristu yakamutsiridzwa—zvino yava nemitoro yoUmambo yakawedzera—ichinyatsoenderana nemashandiro aiita ungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga. Nokudaro, mumagazini ayo aJune 1 na15, 1938, Nharireyomurindi yakaongorora mashandiro anofanira kuita ungano yechiKristu. Gare gare, magazini yaMay 15, 1972, yakazivisa zvakanyatsojeka Dare Rinodzora remazuva ano munyaya yaive yakanzi “Mutumbi Unodzora Sowakasiyana neSangano Rapamutemo.” Muna 1972, matare evakuru akagadzwa kuti abatsire nokutungamirira ungano dzemavanogara.

4 Kudzorerwa kwoutariri hwakanaka kwakasimbisa ungano yechiKristu zvikuru. Chimwewo chakabatsira kuti izvi zviitike kuronga kwakaita Dare rinodzora kurayiridza vakuru mabasa avo, kusanganisira kuvarovedza mune zvokutonga nyaya. Kuvandudzika zvishoma nezvishoma kwemarongerwo esangano raMwari repasi nezvakanaka zvaizobva mukudaro kwakafanotaurwa pana Isaya 60:17 kuti: “Panzvimbo yendarira ndichauya nendarama, panzvimbo yedare ndichauya nesirivha, panzvimbo yematanda safuri, panzvimbo yemabwe dare. Rugare ndicharugadza ruve madzishe ako, nokururama kuve vabati vako.” Kuchinja kwakanaka uku kwakaratidza chikomborero chaMwari uye kwakava uchapupu hwokuti aitendera vaya vakanga vashingairira kutsigira Umambo hwake.

5. (a) Satani akaita sei Jehovha paakakomborera vanhu Vake? (b) Maererano naVaFiripi 1:7, vanhu vaJehovha vave vachiita sei Satani paanoratidza hasha dzake?

5 Hakusi kuti Satani akanga asingacherechedzi kutarisira uye kutungamirira kworudo kwaiitwa naMwari pavanhu vake kubva pakagadzwa Umambo. Somuenzaniso, muna 1931 boka duku iri revaKristu rakaziviswa kune voruzhinji kuti rakanga risiri Vadzidzi veBhaibheri chete. Maererano naIsaya 43:10, vaiva Zvapupu zvaJehovha! Zvingava zvakaitika nemasanga kana kuti kwete, Dhiyabhorosi akatanga kutambudza munyika yose zvisati zvamboitika. Kunyange munyika dzinowanzozivikanwa kuti dzine rusununguko rwokunamata dzakadai seUnited States, Canada, uye Germany, Zvapupu zvakamanikidzwa kurwisa mumatare kuti zvirambe zviine rusununguko rwazvo rwokunamata. Pakazosvika 1988, Dare Repamusoro reUnited States rakanga raongororazve nyaya 71 dzine chokuita neZvapupu zvaJehovha, zvikamu zviviri muzvitatu zvenyaya dzacho dzakatongwa zvakazvinakira. Nhasi, munyika yose, kurwisa kuchiri kuitwa mumatare edzimhosva kuitira kuti, somuzana remakore rokutanga, pangava no“kudzivirira nokusimbisa zviri pamutemo mashoko akanaka.”—VaFiripi 1:7.

6. Kurambidzwa nokuomeserwa kwakarambidza vanhu vaJehovha kufambira mberi here? Enzanisira.

6 Muma 1930, mumazuva akazoteverwa neHondo Yenyika II, hurumende dzoumbimbindoga dzakarambidza kana kuti kuomesa basa reZvapupu zvaJehovha muGermany, Spain, uye Japan, kutaura nhatu chete. Asi mugore ra2000, nyika idzi dziri nhatu chete dzaiva nevazivisi voUmambo hwaMwari vanoshingaira vanenge 500 000. Uku kupeta kagumi nhamba yeZvapupu zvaive munyika yose muna 1936! Zviri pachena kuti kurambidza kana kuti kuomesa hazvirambidzi vanhu vaJehovha kufambira mberi vari pasi poMutungamiriri wavo anokunda, Jesu Kristu.

7. Chiitiko chipi chinoshamisa chakaitika muna 1958, uye kuchinjai kunoshamisa kwakaitika kubvira ipapo?

7 Kufambira mberi uku kwakaratidzwa pakaitwa Kokorodzano Yemarudzi akawanda yoKuda kwaMwari neZvapupu zvaJehovha kuNew York City muna 1958. Yaive yakakura kupfuura dzimwe dzakanga dzamboitwa, iine nhamba yepamusoro yevapindi 253 922. Pakazosvika 1970 basa razvo rakanga robvumirwa munyika dziya nhatu dzataurwa pamusoro apa, kunze kweyainzi panguva iyoyo East Germany. Asi Zvapupu zvakanga zvichiri kurambidzwa munyika huru yeSoviet Union nomunyika dzayaishamwaridzana nadzo dzaiva muWarsaw Pact. Nhasi, munyika idzi dzaive dzechiKomonisiti, mune Zvapupu zvinoshingaira zvinopfuura nokure hafu yemiriyoni.

8. Chikomborero chaJehovha pavanhu vake chakaguma nei, uye muna 1950 Nharireyomurindi yakatii nezvazvo?

8 Zvapupu zvaJehovha zvakakomborerwa nokuwedzera nokuti zvakaramba zvichi“tanga kutsvaka umambo nokururama kwake [Mwari].” (Mateu 6:33) Uprofita hwaIsaya hwatozadzika kare mupfungwa chaiyo, hunoti: “Muduku uchava chiuru, wakadukupa uchava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.” (Isaya 60:22) Uye hazvisati zvapera. Mumakore gumi apfuura, nhamba yevatsigiri vokutonga kwoUmambo yakawedzera nevanhu vanopfuura 1 750 000. Ava vakazvidira kuva rutivi rweboka rakanzi nezvaro neNharireyomurindi ya1950: “Mwari ari kugadzirira vanhu vachagara munyika itsva. . . . Iri boka richapfuura nepaArmagedhoni, . . . ndivo vachatanga kuvapo pa‘pasi idzva’ . . . , vakarongwa maererano nokutonga kwaMwari, vachiziva mashandiro anoita sangano.” Nyaya yacho yakapedzisa nokuti: “Saka, hendei, takatsiga, tose zvedu, sevanhu vachagara munyika itsva!”

9. Zvinhu zvakadzidzwa neZvapupu zvaJehovha zvaratidza sei kuti zvinobatsira?

9 Zvichakadai, vanhu vachagara munyika itsva avo vari kuramba vachiwedzera, vakawana unyanzvi hwaratidza kuva hunokosha nhasi uye zvichida huchava hwakadaro pakuita basa rokugadzirazve pashure peAmagedhoni. Somuenzaniso, Zvapupu zvakadzidza kuronga kokorodzano dzakakura, kupa ruyamuro rwokukurumidzira, uye kuvaka zvivako nokukurumidza. Iri basa raita kuti vakawanda vatarire Zvapupu zvaJehovha vachizviyemura nokuzviremekedza.

Kugadzirisa Zvavanofungirwa Zvisiri Izvo

10, 11. Enzanisira kuti zvinofungwa zvisiri izvo nezveZvapupu zvaJehovha zvakagadziriswa sei.

10 Kunyange zvakadaro, kune vanhu vanopomera Zvapupu zvaJehovha kuti hazvipindirani nemagariro evanhu. Izvi zvinonyanya kukonzerwa nezvinodavirwa neZvapupu kubva muBhaibheri panhau dzakadai sokuisirwa ropa, kusava nekwazvakarerekera mune zvematongerwo enyika, kusvuta, uye tsika. Asi voruzhinji vari kuenda vachibvuma kuti maonero eZvapupu akakodzera kufungisiswa. Somuenzaniso, mumwe chiremba muPoland akaridzira runhare hofisi yeZvapupu zvaJehovha ndokuti iye nevamwe vake pachipatara vakanga vakurukura kwemaawa anoverengeka nezvenyaya yokuisira ropa. Hurukuro yacho yaiva yatangwa pakaonekwa nyaya yaiva mupepanhau rezuva iroro rechiPolish rinonzi Dziennik Zachodni. “Zvechokwadi hazvindifadzi kuti ropa rinonyanya kushandiswa mune zvokurapa,” chiremba wacho akabvuma achidaro. “Izvi zvinofanira kuchinjwa, uye ndinofara kuti mumwe munhu akatanga nyaya yacho. Ndinodawo mamwe mashoko.”

11 Pamumwe musangano wakaitwa gore rakapera, vakuru vakuru vezvokurapa vanobva kuCanada, Europe, Israel, uye United States, vakakurukura mashoko akagadzirirwa kubatsira vanachiremba kurapa varwere pasina kushandisa ropa. Zvakataurwa pamusangano uyu wakaitirwa kuSwitzerland, kuti kusiyana nezvinowanzofungwa, varwere vanoisirwa ropa ndivo vanonyanya kufa kupfuura vasingaisirwi ropa. Varwere vari Zvapupu vanokurumidza kubuda muchipatara kupinda vaya vanorapwa vachishandisirwa ropa, uye izvi zvinoderedza mari inoshandiswa pakurapwa.

12. Ipa muenzaniso wemarumbidziro akaita vanhu vakakurumbira kushinga kwaiva kwakaita Zvapupu zvaJehovha panyaya yokusava nekwazvakarerekera mune zvematongerwo enyika.

12 Mashoko akawanda akanaka akataurwawo nezvokusava nekwazvakarerekera kwakaitwa neZvapupu zvaJehovha Hondo Yenyika II isati yatanga uye payairwiwa pazvaishivirira noushingi kurwisa kweNazi. Vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha ikatanga kuratidzwa panzvimbo yakakodzera mumusasa wevasungwa weRavensbrück muGermany musi waNovember 6, 1996, yakaita kuti kutaurwe zvakawanda zvakanaka. Pakuvhura kumwe kuratidza kwakaita saikoku mumusasa wevasungwa une mukurumbira wakashata weBergen-Belsen musi waApril 18, 1998 mutungamiriri weCenter for Political Education muLower Saxony, Dr. Wolfgang Scheel, akabvuma kuti: “Chimwe chokwadi chenhau chinonyadzisa ndechokuti Zvapupu zvaJehovha zvakaramba National Socialism noushingi hwakapfuura nokure hwemachechi echiKristu. . . . Pasinei nokuti tinonzwa sei pamusoro pezvinodzidziswa uye manamatiro anoita Zvapupu zvaJehovha, kushinga kwazvo munguva dzokutonga kweNazi kunoda ruremekedzo.”

13, 14. (a) Mashokoi oungwaru akataurwa nokuda kwevaKristu vomuzana remakore rokutanga nomunhu aiva asingambofungirwi? (b) Ipa mienzaniso yemashoko anofadza akataurwa nezvevanhu vaMwari nhasi.

13 Apo vanhu vakakurumbira kana kuti matare edzimhosva anoita chisarudzo chinonakira Zvapupu zvaJehovha panyaya dzinoitiranwa nharo, zvingabvisa kufungirwa zvisina kururama zvoita kuti Zvapupu zvionekwe nenzira yakanaka. Izvi zvinowanzozarura mukana wokutaura nevaisada kuteerera kare. Naizvozvo, zviito zvakadaro zvinogamuchirwa, uye Zvapupu zvaJehovha zvinozvionga zvechokwadi. Izvi zvinotiyeuchidza nezvezvakaitika muzana remakore rokutanga muJerusarema. Apo Sanihedrini, dare repamusoro revaJudha, raida kuparadza vaKristu nokuda kwokuparidza kwavo kwokushingaira, Gamarieri, “mudzidzisi woMutemo airemekedzwa nevanhu vose,” akavayambira akati: “Vanhu vaIsraeri, zvichenjererei pane zvamunoda kuita pamusoro pevarume ava. . . . Musapindira mune zvevarume ava, asi varegei vakadaro; (nokuti, kana zano iri kana basa iri richibva kuvanhu, richaparara; asi kana richibva kuna Mwari, hamungakwanisi kuvaparadza;) kana zvisina kudaro, zvimwe mungawanwa chaizvoizvo muri vanorwisana naMwari.”—Mabasa 5:33-39.

14 Kufanana naGamarieri, vanhu vakakurumbira vakataura zvavanofunga munguva dzichangopfuura vachitsigira rusununguko rwokunamata rweZvapupu zvaJehovha. Somuenzaniso, aimbova sachigaro weInternational Academy for Freedom of Religion and Belief akati: “Kodzero dzokunamata dzechitendero hadzifaniri kurambwa nemhaka chete yokuti zvachinotenda hazvibvumiwi nevoruzhinji kana kuti hazvinyanyi kuzivikanwa.” Uye mumwe purofesa wokudzidza nezvezvitendero payunivhesiti yeLeipzig akabvunza mubvunzo unokosha pamusoro pedare rakaumbwa nehurumende yeGermany kuti riongorore anonzi mapoka echitendero, achiti: “Nei zvitendero zviduku chete zviri izvo zvinofanira kuongororwa asi kwete machechi makuru [Chechi yeRoma Katurike uye Chechi yeLutheran]?” Hatimbosweroenda kure kuti tiwane mhinduro, tinongotarira mashoko omumwe aiva mukuru mukuru weGermany, akanyora kuti: “Hapangavi nomubvunzo kuti necheseri vanhu vemachechi vanonyanya kushingaira vakadzora nzira yezvematongerwo enyika yakatorwa nedare rakagadzwa nehurumende.”

Tinotarisira Kusunungurwa Naani?

15, 16. (a) Nei zvakaitwa naGamarieri zvaibatsira zvisingaendi kure? (b) Vamwe vanhu vatatu vakakurumbira vaisava sei nezvakawanda zvavaigona kuita kubatsira Jesu?

15 Zvakataurwa naGamarieri zvinongoratidza chokwadi chokuti basa rinotsigirwa naMwari hazvibviri kuti rikundikane. Hapana mubvunzo kuti vaKristu vepakuvamba vakabatsirwa nemashoko ake kuSanihedrini, asi havana kukanganwa kuti mashoko aJesu okuti vateveri vake vaizotambudzwa aiva echokwadiwo. Zvakaitwa naGamarieri zvakamisa zvirongwa zvevatungamiriri vechitendero zvokuvaparadza, asi hazvina kubva zvabvisa kutambudzwa zvachose, nokuti tinoverenga kuti: “Ipapo vakamuteerera, vakadana vaapostora, vakavarova, vakavarayira kurega kutaura pamusoro pezita raJesu, vakavarega vachienda.”—Mabasa 5:40.

16 Paitongwa Jesu, Pondiyo Pirato akaedza kumusunungura aona kuti haana mhosva. Asi haana kubudirira. (Johani 18:38, 39; 19:4, 6, 12-16) Kunyange nhengo mbiri dzeSanihedrini, Nikodhimo naJosefa weArimatiya, avo vaitsigira Jesu, havana zvakawanda zvavaigona kuita kudzivisa dare kuita zvaraida pana Jesu. (Ruka 23:50-52; Johani 7:45-52; 19:38-40) Rusununguko runopiwa nevanhu pavanotsigira vanhu vaJehovha—vachiitira chero chikonzero chipi—rune parunogumira. Nyika icharamba ichivenga vateveri vaKristu vechokwadi, kunyange sezvayakamuvenga. Rusununguko rwechokwadi runobva kuna Jehovha chete.—Mabasa 2:24.

17. Zvapupu zvaJehovha zvinoona sei zvinhu sezvazviri, asi nei zvisinganeteswi pakutsunga kwazvo kuramba zvichiparidza mashoko akanaka?

17 Chaizvoizvo, Zvapupu zvaJehovha zvinotarisira kutambudzwa kuramba kuchiitika. Kutambudzwa kunotozopera kana gadziriro yezvinhu yaSatani yakurirwa pakupedzisira. Asi, kutambudzwa uku, kunyange kusingafadzi, hakuiti kuti Zvapupu zvirege kuita basa razvakatumwa rokuparidza Umambo. Kungadaro sei, ivo vachitsigirwa naMwari? Vanotarira kuMutungamiriri wavo akashinga, Jesu Kristu, somuenzaniso wakanaka.—Mabasa 5:17-21, 27-32.

18. Idambudziko ripi richakamirira vanhu vaJehovha, asi vane chokwadi chokuti zvichafamba sei?

18 Kubva pakuvamba kwacho, chitendero chechokwadi chakatarisana nokupikiswa kwakasimba. Munguva pfupi iri kutevera, chicharwiswa zvizere naGogi, Satani sezvaari kubva paakadzingwa kudenga. Asi chitendero chechokwadi hachizoparari. (Ezekieri 38:14-16) “Madzimambo apasi rose rinogarwa,” achitungamirirwa naSatani, “acharwa neGwayana, asi, nokuti ndiShe wemadzishe naMambo wemadzimambo, Gwayana richaakunda.” (Zvakazarurwa 16:14; 17:14) Hungu, Mambo wedu ari kufambira mberi akananga kurukundo rwokupedzisira uye ava kubva o“pedzisa kukunda kwake.” Iropafadzo chaiyo kufamba naye, tichiziva kuti munguva pfupi iri kutevera panenge pasisina anogona kupokana nevanamati vaJehovha pavanoti: “Mwari ari kwatiri”!—VaRoma 8:31; VaFiripi 1:27, 28.

Unogona Kutsanangura Here?

• Jehovha akaitei kusimbisa ungano yechiKristu kubvira pakagadzwa Umambo?

• Satani akaitei kuedza kumisa Kristu kuti asapedzisa kukunda kwake, uye zvakaguma nei?

• Maonero api ari pakati nepakati atinofanira kuita zvakatinakira zvinoitwa nevasiri Zvapupu?

• Satani achaitei munguva pfupi iri kutevera, uye zvozoguma sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kokorodzano dzinoratidza kufambira mberi kwevanhu vaJehovha

[Mifananidzo iri papeji 20]

Kusava nekwazvakarerekera kweZvapupu muHondo Yenyika II kuchiri kuunza rumbidzo kuna Jehovha