Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Tichitarisa nezvokuda kwaJehovha kukanganwira zvivi pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro, nei vaKristu vachifanira kureurura kuvarume vakuru muungano?

Sezvinogona kuoneka munyaya yaDhavhidhi naBheti-shebha, Jehovha akakanganwira chivi chaDhavhidhi nemhaka yokupfidza zvechokwadi kwaDhavhidhi, kunyange zvazvo chivi chacho chakanga chakakomba. Apo muprofita Natani akasvika kwaari, Dhavhidhi akabvuma pachena kuti: “Ndatadzira Jehovha.”—2 Samueri 12:13.

Zvisinei, Jehovha haangobvumi kureurura kwechokwadi kwomutadzi ndokumukanganwira chete asi ane zvaanopa norudo kuti abatsire anotadza kuti afambire mberi kukumuka mumudzimu. Munyaya yaDhavhidhi, rubatsiro rwakauya nokumuprofita Natani. Nhasi, muungano yechiKristu, mune varume vakuru vakakura mumudzimu, kana kuti vakuru. Mudzidzi Jakobho anotsanangura kuti: “Pane munhu anorwara [mumudzimu] pakati penyu here? Ngaadane varume vakuru veungano, uye ngavamunyengeterere, vachimuzora mafuta muzita raJehovha. Uye munyengetero wokutenda uchaporesa murwere, uye Jehovha achamumutsa. Uyewo, kana akaita zvivi, achakanganwirwa.”—Jakobho 5:14, 15.

Vakuru vane unyanzvi vanogona kubatsira kuderedza marwadzo omwoyo anonzwiwa nomutadzi anopfidza. Vanoedza kutevedzera Jehovha pakubata naye. Havafaniri kuita noutsinye, kunyange zvazvo chirango chakasimba chingava chakafanira. Pane kudaro, vanofunga pamusoro pezvinodiwa nokukurumidza nomunhu wacho. Nomwoyo murefu vanoedza kugadziridza mafungiro omunhu anenge atadza nokushandisa Shoko raMwari. (VaGaratiya 6:1) Kunyange kana munhu akasazvipira kureurura zvivi zvake, angangoitwa kuti apfidze kana akashanyirwa nevakuru, sezvakaita Dhavhidhi paakashanyirwa naNatani. Nokudaro kutsigira kunenge kwaitwa nevakuru kunobatsira mutadzi wacho kudzivisa ngozi yokudzokorora chivi chacho nemigumisiro yakaipisisa yokuva muiti wechivi asingadzoreki.—VaHebheru 10:26-31.

Chokwadi hazvisi nyore kureurura kune vamwe zviito izvo munhu anonzwa kunyara nazvo uye kutsvaka kukanganwirwa. Zvinoda ushingi. Zvisinei, funga zvishoma nezvezvimwe zvinogona kuitwa. Mumwe murume akatadza kutaura pachena chivi chake chakakomba kuvakuru muungano akati: “Ndainzwa marwadzo asingaperi mumwoyo mangu. Ndakawedzera zvandaiita mubasa rokuparidza, asi kunzwa ndine mhaka kwakaramba kuripo.” Aifunga kuti kureurura kuna Mwari mumunyengetero kwakanga kwakakwana, asi hazvisirizvo zvazvakanga zvakaita, nokuti akanzwa sezvaiita Mambo Dhavhidhi. (Pisarema 51:8, 11) Zvechokwadi kubvuma kubatsira kworudo kunopiwa naJehovha achishandisa vakuru kuri nani zvikuru!