Mwero Yetsika Yachinja, Hapachina Wokuvimba Naye
Mwero Yetsika Yachinja, Hapachina Wokuvimba Naye
Mumazuva aMambo Henry I wokuEngland (1100-1135), yadhi imwe chete, kuyerwa kwourefu, yaiverengwa so“urefu hwokubva pamhuno yaMambo kusvika panoperera chigunwe chake akatambanudzira ruoko mberi kwake.” Zvimiti zvokuyeresa yadhi zvaishandiswa nevaitongwa naMambo Henry zvakanga zvakarurama zvakadini? Zvainzi zvaitongoda kutaura namambo wacho kuti uve nechokwadi.
NHASI kuyerwa kwezvinhu kunovakirwa pane zvakabvumiranwa nezviremera. Somuenzaniso, nyanzvi dzinoziva kuti urefu hwemita hunowanikwa sei dzichishandisa muchina. Uye vanoedza kuva vakarurama zvikuru. Vanhu kwose kwose vanogona kuenzanisa kururama kwokuyera ikoko dai waivawo nemichina yakafanana nounoshandiswa nenyanzvi.
Kana zvinhu zvokuyeresa zvikangochinja, kunyange zvishomanana, vanhu vangasavimba nazvo. Saka zviri kuedzwa chaizvo kuti zvinhu zvokuyeresa izvi zvichengetedzwe zvisingambochinji. Somuenzaniso kuBritain kune simbi yakabvumiranwa yokuyeresa uremu hwekirogiramu imwe chete inochengeterwa KuNational Physical Laboratory. Kusvibiswa netsvina isingaoneki inobva pamotokari nendege kunoita kuti simbi iyi iwedzere uremu zuva nezuva. Zvisinei simbi iyi inongova mutevedzerwa weimwe simbi yakagadzirwa ndokubvumiranwa kuti ndiyo ichashandiswa mupasi rose kuyera uremu. Iyi inochengetwa yakavharwa nezvinhu zvitatu mudura repasi reInternational Bereau of Weights and Measures muSèvres, kuFrance. Asi kunyange uremu hwaiyowo hunochinja-chinja nemhaka yokunamirwa nezvimwe zvinhu zvisingaoneki. Saka vanoona nezvokuyerwa kwezvinhu havasati vagadzira chinhu chisingachinji chinobvumiranwa kuti ndiwo mwero wokuyera nawo.
Kunyange zvazvo kuchinja kuduku-duku kwezvakabvumiranwa sezviyereso kungaratidzika sokusina basa kumunhuwo zvake, kuchinja kwezvakabvumiranwa kungavhiringidza. MuBritain, kuchinja kubva pakuyera zvinhu nemapaunzi nemaaunzi kuenda pakuyera nemakirogiramu nemagiramu kwakaita kuti pave nokushaya chivimbo kukuru—uye paive nechikonzero chokudaro. Vamwe vatengesi vomuzvitoro vaiita zvoukoronyera vaitoti dzawira mutswanda pavaiona kuti vazhinji havasati vajairana netsika itsva yokuyera vachivabiridzira mari yavo.
Mhuri Nemwero Yetsika
Zvakadini nokuchinja kwemwero yetsika dzemhuri? Kuchinja kwakadaro kunogona kutonyanya kukuvadza. Mishumo yazvino yokuparara kwemhuri, unzenza, nokushungurudzwa kwevana kuri kuitika kwose kwose inopedza vakawanda simba uye inoratidza kuti tiri kurarama munguva yokuparara kwemwero yetsika. Mhuri dzine mubereki mumwe, vana vari kurerwa ne“vabereki” vakafanana (varume vose kana kuti vakadzi vose), uye kushinhwa kunotyisa kwevana vanenge vachitarisirwa nemasangano omunzvimbo yavo zvose migumisiro yokuramba kwevanhu mwero yetsika dzinonyatsozivikanwa. Vanhu vakawanda vari kuva “vanozvida, . . . vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, . . . vasingadi zvakanaka, . . . vanoda zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari,” sezvakafanotaurwa neBhaibheri zviuru zviviri zvemakore zvapfuura.—2 Timoti 3:1-4.
Kuderera kwemwero yetsika kunoenderana nokushayikwa kwokuvimbika mune vatinofanira kuvimba navo. Nguva ichangopfuura, kutsauka kwakananga kubva pamwero yetsika dzakanaka dzezvokurapa kwakazofumurwa muHyde, rimwe guta riri nechokuchamhembe kweEngland, uko vanogara ikoko vaiudza zvakavanzika zvavo kuna vanachiremba vavo vemhuri “vavairemekedza nokuvimba navo.” Asi vakaodzwa mwoyo zvinosuruvarisa nevavaivimba navo. Sei? Mishumo yakawanikwa pakutonga yakaratidza kuti mumwe chiremba akanyatsokonzera rufu rwevanopfuura 15 vevanhukadzi vaairapa. Chaizvoizvo, mapurisa akatozofanira kuongororazve nzufu dzinopfuura 130 idzo chiremba wacho aive nechokuita nadzo. Kuraswa kwechivimbo kwakazosimbiswa apo chiremba wacho akabatwa nemhosva ndokutongerwa kugara mujeri. Varindiri vejeri vaviri vaive naamai vangangodaro vakaurayiwa nachiremba uyu vakapiwa mamwe mabasa kuitira kuti vasatarisira uyu musungwa ane mukurumbira wakashata. Hazvishamisi kuti mumwe mushumo wenyaya yacho uri muThe Daily Telegraph wakarondedzera chiremba wacho akabatwa nemhosva sa“chiremba ‘woudhiyabhorosi.’”
Uchiona kuchinja nokuipa kwemwero yetsika muzvinhu zvakawanda zvikuru zvoupenyu, ndiani waungavimba naye? Ungawanepi mwero yetsika isingachinji, inotsigirwa nechiremera chine simba rokuzoramba chichiitsigira? Nyaya inotevera inopindura mibvunzo iyi.