Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Simbisa Chivimbo Chako Muna Jehovha

Simbisa Chivimbo Chako Muna Jehovha

Simbisa Chivimbo Chako Muna Jehovha

Kumwe kurangana kwoumhondi kuri kuitika. Vakuru vakuru vomunyika macho vakaisa misoro pamwe uye vakawana mutemo wavakaronga kuti uiswe. Vanoda kuti ive mhosva inotongerwa rufu kunamata neimwe nzira isina kutenderwa neHurumende.

IZVI zvinonzwika sezvinowanzoitika here? Nhau yezvakaitika kare izere nevanhu vaironga kuita zvakashata vachishandisa mutemo. Muenzaniso uri pamusoro apa wakaitika muUmambo hwePersia mumazuva omuprofita Dhanieri. Mutemo wakadzikwa naMambo Dhariusi waiti: “Ani naani unokumbira chinhu kuna mwari upi noupi kana munhu upi noupi namazuva ana makumi matatu, asi [kuna] mambo, awisirwe mugomba reshumba.”—Dhanieri 6:7-9.

Dhanieri aizoita sei atyisidzirwa norufu? Aizoramba achivimba naMwari wake Jehovha here, kana kuti aizongobvumirana nezvisina kufanira oita sezvaive zvataurwa namambo? Chinyorwa chacho chinotiudza kuti: “Dhanieri wakati anzwa kuti runyoro rwaiswa zita ramambo, akapinda mumba make (zvino mawindi ekamuri yake akanga akazarurwa achitarira kurutivi rweJerusarema); akapfugama namabvi ake katatu nezuva, akanyengetera nokuonga pamberi paMwari wake, sezvaasiita.” (Dhanieri 6:10) Imwe nhoroondo yacho yose inonyatsozivikanwa. Dhanieri akakandirwa mugomba reshumba nokuda kwokutenda kwake, asi Jehovha “akadzivisa miromo yeshumba” akaponesa mushumiri wake akavimbika.—VaHebheru 11:33; Dhanieri 6:16-22.

Nguva Yokuzviongorora

Nhasi vashumiri vaJehovha vari kurarama munyika ine ruvengo, vachityisidzirwa ivo pachavo kana kuti kunamata kwavo. Somuenzaniso, panodenhana vanhu vemarudzi akasiyana-siyana mune dzimwe nyika, Zvapupu zvakawanda zvave zvichiurayiwa. Kumwewo, vashumiri vaJehovha vakatarisana nokushomeka kwezvokudya, nhamo yemari, njodzi dzinongozviitikira dzoga, kurwara kwakakomba, nezvimwe zvinhu zvinotyisidzira upenyu. Uyezve, vave vachifanira kutsungirira mukutambudzwa, kuwandirwa nebasa, uye kuedzwa nenzira dzakasiyana-siyana kuti vaite zvakaipa, zvose izvo zvinogona kukanganisa kunamata kwavo. Zvechokwadi, Muvengi mukuru, Satani, akatsunga kuparadza vashumiri vaJehovha nenzira ipi zvayo yaachawana ichibudirira.—1 Petro 5:8.

Zvatakatarisana nemamiriro ezvinhu akadaro, todini? Nepo zvisingashamisi kuti titye kana upenyu hwedu huchityisidzirwa, tinogona kugarofunga nezvemashoko aPauro anopa chivimbo anoti: “[Jehovha] akati: ‘Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.’ Kuti tive vakashinga zvikuru tichiti: ‘Jehovha ndiye mubetseri wangu; handingatyi. Munhu angandiitei?’” (VaHebheru 13:5, 6) Tinogona kuvimba kuti ndiwo manzwiro anoita Jehovha nezvevashumiri vake nhasi. Zvisinei, hazvidi kungoziva nezvechipikirwa chaJehovha asi zvinoda kunyatsova nechivimbo chokuti achatirwira. Saka zvinokosha zvikuru kuongorora kuti kuvimba kwedu naJehovha kwakavakirwa pai toita nepatinogona napo kusimbisa uye kuchengeta chivimbo ichocho. Kana tikaita izvozvo, “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo [yedu] nemasimba [edu] okufunga naKristu Jesu.” (VaFiripi 4:7) Ipapo kana miedzo ikauya, tichakwanisa kufunga zvakajeka tobata nayo nokuchenjera.

Hwaro Hwokuvimba naJehovha

Zvechokwadi tine zvikonzero zvakawanda zvokuvimba noMusiki wedu, Jehovha. Chokutanga pakati pazvo ndechokuti Jehovha ndiMwari ane rudo ane hanya zvechokwadi nevashumiri vake. Pane mienzaniso isingaverengeki yakanyorwa muBhaibheri inotaura nezvokutarisira kworudo kunoitwa naJehovha kuvashumiri vake. Achitsanangura nezvemabatiro akaita Jehovha nevanhu vake vakasarudzwa, vaIsraeri, Mosesi akanyora kuti: “Wakamuwana munyika yesango, murenje risina chinhu, rinotyisa; wakamukomberedza, nokumutarira, nokumuchengeta semboni yeziso rake.” (Dheuteronomio 32:10) Mazuva ano Jehovha achiri kutarisira vashumiri vake, seboka uye somunhu mumwe nomumwe. Somuenzaniso, zvimwe Zvapupu pazvakava nezvokudya zvishoma panguva yehondo yevagari vomuBosnia, Jehovha akava nechokwadi chokuti vakawana zvavaida achishandisa hama dzavo dzokuCroatia neAustria dzaiva noushingi, dzaiita zvine ngozi kuupenyu hwadzo nokufamba nomunharaunda yakaipa zvikuru kuti dziunzire hama dzadzo zvinhu zvokuyamura. *

Sezvo Jehovha Mwari ari Wemasimba Ose, anonyatsokwanisa kudzivirira vashumiri vake mumamiriro ezvinhu api neapi. (Isaya 33:22; Zvakazarurwa 4:8) Asi kunyange kana Jehovha akabvumira vashumiri vake kuratidza kutendeka kusvika parufu, anongovatsigira ovabatsira kuramba vakatendeka, zvovabatsira kuramba vakasimba, vachifara, uye vakatsiga kusvika kumugumo. Saka tinogona kuva nechivimbo sechaiva nomunyori wepisarema akati: “Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri uri pedyo-pedyo panguva dzokumanikidzwa. Saka hatingatyi, kunyange nyika ikashanduka, uye kunyange makomo akabviswa akaiswa mukati mamakungwa.”—Pisarema 46:1, 2.

Bhaibheri rinozivisawo kuti Jehovha ndiMwari anotaura chokwadi. Izvi zvinoreva kuti nguva dzose haachinji pane zvaanenge akapikira. Chaizvoizvo Bhaibheri rinomutsanangura saMwari “asingamborevi nhema.” (Tito 1:2) Sezvo Jehovha akataura ataurazve nezvokuda kwake kudzivirira nokuponesa vashumiri vake, tinogona kunyatsova nechokwadi chokuti haangokwanisi kuzadzika zvipikirwa zvake chete asi akatogadzirira kuita kudaro.—Jobho 42:2.

Nzira Dzokusimbisa Nadzo Chivimbo Chedu

Kunyange zvazvo tiine chikonzero chakanaka chokuvimba naJehovha, hatifaniri kufunga kuti zvichangoramba zvakadaro. Izvi imhaka yokuti nyika yose zvayo haitendi muna Mwari, uye mafungiro iwayo anogona kuderedza chivimbo chedu muna Jehovha. Saka tinofanira kuedza nepatinogona napo kusimbisa nokuchengeta chivimbo ichocho. Jehovha anonyatsoziva izvi, uye akatipa nzira dzatingaita nadzo kudaro.

Chokutanga pane zvose, akatipa Shoko rake rakanyorwa, Bhaibheri, rakanyorwa zviito zvikuru zvakawanda zvaakaitira vashumiri vake. Chimbofunga, ungavimba zvakadini nomumwe munhu kana uchingoziva zita rake chete? Zvichida zvishomanana, ndokunge uchitombovimba naye. Unofanira kuziva nzira yaanoita nayo zvinhu uye zviito zvake kuti uvimbe naye, handizvo here? Sezvatinoverenga nokufungisisa nhoroondo dzomuBhaibheri dzakadaro, kuziva kwedu Jehovha nenzira dzake dzinoshamisa kunowedzera, uye tinosvika pakunzwisisa zvakawanda kuti akavimbika zvakadini. Nokudaro chivimbo chedu maari chinosimba. Munyori wepisarema akava muenzaniso wakanakisisa paakati mumunyengetero womwoyo wose: “Ndichareva zvakaitwa naJehovha; nokuti ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare. Ndichafungisisawo basa renyu rose, nokurangarira zvamakaita.”—Pisarema 77:11, 12.

Kuwedzera kuBhaibheri, tinewo zvokudya zvomudzimu zvakawanda zvinobva mumabhuku eBhaibheri anobudiswa nesangano raJehovha. Zvimwe zvezvinowanzowanikwa mumabhuku aya inyaya dzoupenyu dzinokurudzira dzevashumiri vaMwari vemazuva ano, dzinoratidza kuti Jehovha akakwanisa sei kuvabatsira uye kuvasunungura pavakava mumamiriro ezvinhu okupererwa nezano. Somuenzaniso, Martin Poetzinger, akazova nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha gare gare, akarwara zvakanyanyisa paaishanda sapiyona munharaunda dzomuEurope kure nokumusha kwake. Akanga asina mari, uye pakanga pasina chiremba aida kumurapa. Asi Jehovha haana kumusiya. Pakupedzisira, chiremba mukuru wepachipatara chomunharaunda iyoyo akataurwa naye. Sezvo aidavira Bhaibheri zvakasimba, uyu murume ane mutsa akatarisira Hama Poetzinger sezvaaizoita mwanakomana wake, achizviita pasina muripo. Kuverenga nhau dzomunhu oga dzakadaro kunogona kusimbisa chivimbo chedu muna Baba vedu vokudenga zvechokwadi.

Chimwe chinobatsira chinokosha chinopiwa naJehovha kuti asimbaradze chivimbo chedu maari iropafadzo inokosha yomunyengetero. Muapostora Pauro anotiudza norudo kuti: “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga.” (VaFiripi 4:6) “Zvinhu zvose” zvingasanganisira manzwiro atinoita, zvatinoda, zvatinotya, nezvatinofunganya pamusoro pazvo. Kusimba kwechivimbo chedu muna Jehovha kuchaenderana nokuti tinonyengetera nomwoyo wose uye kakawanda zvakadini.

Jesu Kristu paaive pasi pano, dzimwe nguva aienda kunzvimbo iri yoga ari oga kunonyengetera asingakanganiswi. (Mateu 14:23; Mako 1:35) Asati aita zvisarudzo zvikuru, aitopedza kunyange usiku hwose achinyengetera kuna Baba vake. (Ruka 6:12, 13) Hazvishamisi kuti chivimbo chaJesu muna Jehovha chakanga chakasimba zvokuti akakwanisa kushivirira muedzo unotyisa kwazvo wati wambosangana naani naani. Mashoko ake okupedzisira ari padanda rokutambudzikira aiva okuti: “Baba, ndinoisa mudzimu wangu mumaoko enyu.” Kutaura uku kwechivimbo kwakaratidza kuti chivimbo chake muna Baba vake hachina kumbochinja kusvikira kumugumo, kunyange zvazvo Jehovha asina kupindira kuti amununure.—Ruka 23:46.

Imwezve nzira yokuvaka nayo chivimbo chedu muna Jehovha kusonganirana nguva dzose nevanovimba naye nomwoyo wose. Jehovha akarayira vanhu vake kuungana nguva dzose kuti vadzidze zvakawanda nezvake uye vakurudzirane. (Dheuteronomio 31:12; VaHebheru 10:24, 25) Kusonganirana kwakadaro kwakasimbisa chivimbo chavo muna Jehovha, kuchiita kuti vashivirire miedzo yakaoma yokutenda. Mune imwe nyika yomuAfrica makarambidzwa basa rokuparidza, Zvapupu zvaJehovha zvakarambirwa dziviriro yemapurisa, mapepa okufambisa, tsamba dzemichato, kurapwa kuzvipatara, uye mabasa. Pakatanga hondo yevagari vomune imwe nharaunda, nhengo 39 dzeungano yaive pedyo, kusanganisira vana, dzakagara pasi pebhiriji rakanga rakaderera mugwenga kwemwedzi inenge mina, kuti dzisaputikirwe nemabhomba mudhorobha ravaigara. Mukuomerwa kwakadaro, kukurukura kwavo rugwaro rweBhaibheri zuva nezuva nemimwe misangano zvakavapa simba. Saka vakakwanisa kushivirira nhamo yavo pasina kukanganiswa kwokunamata kwavo. Chiitiko ichi chinoratidza zvakajeka kukosha kwokusangana nguva dzose nevanhu vaJehovha.

Chokupedzisira, kuti tisimbise chivimbo chedu muna Jehovha, tinofanira kuramba tichishingaira mubasa rokuparidza Umambo, takagadzirira nguva dzose kuudza vamwe mashoko akanaka. Izvi zvakaratidzwa nechimwe chiitiko chinokurudzira chomumwe muparidzi wechiduku muCanada airwara nechirwere chakazomuuraya cheleukemia. Pasinei nokurwarisa kwaaiita, aida kuva piyona wenguva dzose, kureva kuti, mushumiri wenguva yakazara. Apo chirwere chake chakamboti dererei, akanga akasimba zvokukwanisa kupedza mwedzi mumwe chete ari muushumiri sapiyona webetsero. Pashure pacho urwere hwake hwakawedzera, akazofa mwedzi mishomanana gare gare. Asi, akaramba akasimba mumudzimu kusvika kumugumo chaiko, chivimbo chake muna Jehovha chisingambozununguki. Amai vake vakayeuka kuti: “Kusvikira kumugumo, aive nehanya nevamwe kupfuura iye pachake. Aikurudzira vamwe kudzidza Bhaibheri achivaudza kuti, ‘Tichava tose muParadhiso.’”

Kuratidza Chivimbo Chedu Muna Jehovha

“Sezvo muviri usina mudzimu wakafa, nokudarowo kutenda kusina mabasa kwakafa.” (Jakobho 2:26) Zvakataurwa naJakobho nezvokutenda muna Mwari zvinogona kutaurwawo nezvechivimbo chedu muna Mwari. Pasinei nokuti tinotaura zvakadini kuti tinovimba naMwari, hazvina zvazvinoreva kana tisingaratidzi chivimbo chacho nezviito zvedu. Abrahamu akavimba zvakazara naJehovha akaratidza chivimbo ichocho nokuteerera zvaairayira asingazenguriri, kunyange kusvika pakugadzirira kubayira mwanakomana wake, Isaka. Nokuda kwechivimbo chinoshamisa chakadaro nokuteerera, Abrahamu akazivikanwa seshamwari yaMwari.—VaHebheru 11:8-10, 17-19; Jakobho 2:23.

Hatifaniri kumirira kuti mumwe muedzo mukuru uuye kwatiri kuti tizoratidza chivimbo chedu muna Jehovha. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Munhu akatendeka muzviduku pane zvose akatendekawo muzvikuru, uye munhu asina kururama muzviduku pane zvose haanawo kururama muzvikuru.” (Ruka 16:10) Tinofanira kudzidza kuvimba naJehovha muzvatinoita zuva nezuva, tichimuteerera kunyange munhau dzinoratidzika sedzisingakoshi. Patinoona zvakanaka zvinobva pakuteerera kwakadaro, chivimbo chedu muna Baba vedu vokudenga chinosimbiswa, zvoita kuti titarisane nemiedzo yakatokura uye yakaoma kupfuura yekare.

Sezvo nyika inoswedera kumugumo wayo wakaipa, vanhu vaJehovha vachatarisana nemiedzo nengozi zvakawanda. (Mabasa 14:22; 2 Timoti 3:12) Nokuvaka chivimbo chakazara muna Jehovha iye zvino, tinogona kutarisira kupona topinda munyika itsva yaakapikira—kungava nokupfuura nomukutambudzika kukuru kana kuti nokumutswa. (2 Petro 3:13) Ngatiregei kubvumira kushayiwa chivimbo kupi zvakwo kuchikuvadza ukama hwedu hunokosha naJehovha. Ipapo, zvakataurwa nezvaDhanieri pashure pokunge aponeswa mugomba reshumba zvinogonawo kutaurwa nezvedu kuti: “Vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nokuti wakanga avimba naMwari wake.”—Dhanieri 6:23.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Ona Nharireyomurindi yaNovember 1, 1994, mapeji 23-7 kuti uwane mashoko akawanda.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Kuverenga nyaya dzoupenyu dzevashumiri vaJehovha vakatendeka, vakadai saMartin Poetzinger, kunosimbisa kutenda