Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaaida Pakunamata Zvakazadziswa

Zvaaida Pakunamata Zvakazadziswa

Mushumo Wevazivisi Voumambo

Zvaaida Pakunamata Zvakazadziswa

CYPRUS chitsuwa chiri kukona yokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweGungwa reMediterranean. Munguva inotaurwa muBhaibheri, Cyprus yaive nomukurumbira wokuwanikwa mhangura nemapuranga akaisvonaka. Pauro naBhanabhasi vakazivisa mashoko akanaka oUmambo ikoko parwendo rwavo rwokutanga rwoumishinari. (Mabasa 13:4-12) Nhasi, mashoko akanaka achiri kubatsira muupenyu hwevaCypriot vakawanda. Zvechokwadi izvi ndizvo zvakaitika kuna Lucas, mumwe murume ane makore ari kuma40. Anorondedzera achiti:

“Ndakazvarirwa mumhuri yevana vanomwe papurazi remombe. Kubvira ndiri muduku duku, zvokuverenga ndaizvirwarira. Bhuku rangu randaida zvikuru raiva bhuku rinokwana muhomwe reMagwaro echiKristu echiGiriki. Pandaiva nemakore gumi, ini neshamwari dzangu takatanga boka duku rokudzidza Bhaibheri. Zvisinei, harina kupfuurira kwenguva refu, nokuti vamwe vanhu vakuru vomunzanga vaititi vapanduki.

“Gare gare, pandaipinda chikoro kuUnited States, ndakasangana nevanhu vezvitendero zvakawanda. Izvozvo zvakasimudzira chido changu chezvinhu zvokunamata. Ndaipedza mazuva akawanda ndiri muraibhurari yeyunivhesiti ndichidzidza nezvezvitendero zvakasiyana-siyana. Ndakashanyirawo chechi dzinoverengeka, asi pasinei nezvose zvandaiita, ndakanga ndisati ndagutsikana pakunamata.

“Ndapedza zvidzidzo zvangu, ndakadzokera kuCyprus ndokushanda somutungamiriri werabhoritari yezvokurapa. Mumwe murume akwegura anonzi Antonis, mumwe weZvapupu zvaJehovha, aigara achindishanyira kubasa kwangu. Kunyange zvakadaro, kushanya kwaaiita kwaicherechedzwa neChechi yeGreek Orthodox.

“Munguva pfupi yakatevera, nyanzvi yezvechitendero yakandishanyira ndokundirambidza kutaura neZvapupu zvaJehovha. Sezvo ndakanga ndadzidziswa kubvira pauduku kuti Chechi yeGreek Orthodox ine chokwadi, ndakabvuma ndokurega kuonana naAntonis uye ndakatanga kukurukura Bhaibheri nenyanzvi yacho yezvechitendero. Ndakashanyirawo dzimba dzakawanda dzemamongi muCyprus. Ndakatomboenda kuchamhembe kweGreece ndokushanyira Mount Athos, rinonzi ndiro gomo dzvene dzvene muchiKristu cheOrthodox. Asi, mibvunzo yangu yeBhaibheri yakaramba isina kupindurwa.

“Ipapo ndakanyengetera kuna Mwari kuti andibatsire kuwana chokwadi. Nguva duku pashure pacho, Antonis akandishanyira zvakare kubasa kwangu, uye ndakafunga kuti iyi ndiyo yaiva mhinduro yomunyengetero wangu. Saka ndakarega kuonana nenyanzvi yezvechitendero ndokutanga kudzidza Bhaibheri naAntonis. Ndakaramba ndichifambira mberi, uye muna October 1997, ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura.

“Mudzimai wangu nevanasikana vedu vakuru vaviri, vaive nemakore 14 ne10 panguva iyoyo, pakutanga vaishora. Asi nemhaka yomufambiro wangu wakanaka, mudzimai wangu akasarudza kupinda musangano paHoro yoUmambo. Akafadzwa zvikuru nomutsa weZvapupu uye nokumufarira kwazvakaita. Akafadzwa zvikurukuru nokushandisa kwazvinoita Bhaibheri. Somugumisiro, mudzimai wangu nevanasikana vakuru vaviri vakabvuma kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Fungidzira kufara kwandakaita apo vatatu ivavo vakabhabhatidzwa paKokorodzano Yoruwa ye“Shoko raMwari Rouprofita” muna 1999!

“Hungu, kutsvaka kwandaiita chokwadi kwakazadziswa. Zvino mhuri yedu yose, kusanganisira mudzimai wangu nevana vana, takabatana mukunamatwa kwakachena kwaJehovha.”