Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Farai Netariro yoUmambo!

Farai Netariro yoUmambo!

Farai Netariro yoUmambo!

CHAIVA chiitiko chinofadza chakaunganidza vateereri 5 784 musi waMarch 10, 2001, pazvivako zvitatu muNew York State zvinoshandiswa nemhuri huru yeBheteri. Chiitiko chacho chaiva kupedza kudzidza kwekirasi yechi110 yechikoro choumishinari cheGiriyedhi.

Carey Barber, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, akachingamidza vose ndokuzarura purogiramu yacho achiti: “Zvinotifadza kuziva kuti makirasi 110 evadzidzi veGiriyedhi zvino akarovedzwa kuva mamishinari uye akagoverwa kundima dzepasi pose.”

Nzira Yokuti Tirambe Tichifara

Zvichitevera mashoko okuzarura aHama Barber, Don Adams akataura nevateereri, kusanganisira vadzidzi vaipedza kudzidza 48, pamusoro waiti “Chikomborero chaJehovha Chinotipfumisa.” Achivakira hurukuro yake pana Zvirevo 10:22, akayeuchidza vateereri kuti Jehovha anotsigira uye anokomborera vashumiri vake pavanoisa zvinhu zvoUmambo pakutanga muupenyu hwavo. Akakurudzira vadzidzi kuti vagamuchire migove yavo mitsva nepfungwa inoda seyakaratidzwa nomuapostora Pauro paakakumbirwa kuti ‘ayambukire kuMakedhoniya kunobatsira.’ (Mabasa 16:9) Kunyange zvazvo paiva nezvinetso zvaida kukurirwa, kuda zvikuru kwaPauro kuparidza kwaakanga atumwa kwakaguma nezvikomborero zvakawanda zvinofadza.

Nhengo dzekirasi yaipedza kudzidza dzakanga dzapedza kudzidza Bhaibheri kwadzaiita kwemwedzi mishanu uye kurovedzwa kugadzirira basa roumishinari. Zvisinei, Daniel Sydlik, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, akavakurudzira kuramba vari vadzidzi. Achitaura pamusoro waiti “Ivai Vadzidzi Chaivo,” akati: “Kuva mudzidzi kunoreva kuramba uchiteerera mashoko aJesu. Kunosanganisira kudisisa kwatinoita kuteerera mashoko ake nguva dzose, uye dzidziso yake.” Akataura kuti vadzidzi vaKristu havaiti zvisarudzo vasingateereri inzwi raTenzi, uchenjeri hwaMwari huri muupenyu hwaKristu. (VaKorose 2:3) Hapana mumwe wedu anganzwa mashoko aJesu kamwe obva agumisa kuti ndave kuziva zvose nezvake, saka Hama Sydlik vakakurudzira vaipedza kudzidza kuramba vachidzidza, vachishandisa, uye vachidzidzisa chokwadi chechiKristu, chinoguma norusununguko.—Johani 8:31, 32.

Kuti munhu arambe achifara mubasa raMwari, anofanira kuva anoda kugamuchira zano uye kururamiswa. “Itsvo Dzako Dzichakururamisa Here?” ndiwo waiva mubvunzo wakabvunzwa noMurayiridzi weGiriyedhi anonzi Lawrence Bowen. Akaratidza kuti muBhaibheri itsvo dzokufananidzira dzinobatana nepfungwa dzako dzakadzama uye manzwiro. Dzinogona kukururamisa kana zano rakafuridzirwa rinobva muShoko raMwari rikapinda mumativi omukati-kati ounhu hwako. (Pisarema 16:7; Jeremia 17:10) Mararamiro ako okutendeka angatofadza Jehovha zvikuru. Averenga Zvirevo 23:15, 16, mukurukuri wacho akabvunza kuti: “Itsvo dzako dzichakururamisa here?” Akatizve: “Tinonyengeterera kuti dzidaro, uye nokudaro uchaita kuti Jehovha afare zvikuru. Uchamufadza zvinosvika pasi pomwoyo wake. Hungu, muchaita kuti itsvo dzaMwari dzifare sezvamunoramba muri pamugove wenyu nokutendeka.”

Hurukuro yokupedzisira pachikamu chino chepurogiramu yakapiwa naMark Noumair, uyo akashumira somumishinari muKenya asati ava murayiridzi weGiriyedhi. Hurukuro yake yaiva nomusoro unoti “Kuona Nemaziso Kuri Nani” yakasimbisa kukosha kwokugutsikana. Maererano naMuparidzi 6:9, Hama Noumair vakati: “Bvuma chokwadi. Ndiko ‘kuona nemaziso.’ Pane kufungidzira zvaunoda kuita asi usiri kuzviita, isa pfungwa dzako pakuita zvaungagona nezvemamiriro ako ezvinhu aunawo iye zvino. Kurarama munyika yokufungidzira, usina tarisiro dzakanaka, kana kuti kugara uchingofunga zvakaipa zviri pamugove wako kuchangokuita kuti usafara uye usagutsikana.” Hungu, zvisinei nokuti tingava kupi kana kuti zvinhu zvakamira sei, kukudziridza kugutsikana kunobva kuna Mwari mumamiriro edu ezvinhu kunoita kuti tive nomufaro mukushumira Musiki wedu Mukuru.

Zviitiko Zvinofadza Mubasa roUmambo uye repaGiriyedhi

Pashure pezano rinoshanda rakadaro rehurukuro idzodzo, vadzidzi vakarondedzera zvavakanakidzwa nazvo pavaiita ushumiri hwepachena mumwedzi yavo mishanu yokudzidza. Vachitungamirirwa naWallace Liverance, mabharani weChikoro cheGiriyedhi, vadzidzi vaipedza kudzidza vakataura kuzvirumbidza kwavakaita sevashumiri vaMwari. (2 VaKorinde 4:2) Vakanga vakwanisa kufadza hana dzevamwe dzavakapiwa naMwari. Zvakaitwa nevadzidzi vacho zvakaratidza matangirwe ezvidzidzo zveBhaibheri nevanhu vepachokwadi vavaisangana navo pamugwagwa, muushumiri hwepaimba neimba, uye mune dzimwe nzvimbo. Panguva dzakasiyana-siyana, vanhu vanofarira vakati mabhuku eBhaibheri esangano raJehovha aiva nechokwadi. Mumwe saimba akabvuma rumwe rugwaro rweBhaibheri zvakanaka zvikuru. Iye zvino ari kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.

Joel Adams akatevera kubvunzurudza vakadzidza kuGiriyedhi makore akapfuura. Musoro wake waiti “Usamborega Kudzidza, Usamborega Kushumira Jehovha.” Vaya vakabvunzurudzwa vaiva nezano raiva rakakodzera mamishinari matsva. Achiyeuka mazuva ake paaiva nhengo yekirasi yechi26 yeGiriyedhi, Harry Johnson akati: “Takadzidziswa kuti Jehovha ave achitungamirira vanhu vake nguva dzose uye achatungamirira vanhu vake. Chivimbo ichocho chave chichikurudzira kwemakore ose.” William Nonkes, nhengo yekirasi yechi53 yeGiriyedhi, akapa zano vaipedza kudzidza rokuti: “Kupfuura zvose, yeukai nheyo dzeBhaibheri, uye dzishandisirei pazvisarudzo zvose zvamunofanira kuita muupenyu iye zvino uye nokusingaperi. Somugumisiro, muchakwanisa kuramba muri pamugove wenyu, uye muchava nechikomborero chaJehovha chikuru.”

“Kusimbiswa Kuita Kuda kwaJehovha” ndiwo musoro wakasarudzwa naRichard Rian pachikamu chake chepurogiramu yacho. Mumwe wevaakabvunzurudza aiva John Kurtz, mudzidzi akapedza kudzidza wekirasi yechi30, uyo akapedza makore anopfuura 41 ari mumishinari muSpain. Pavakabvunzwa nezvezvinodzidzwa kuGiriyedhi, Hama Kurtz vakati: “Bhuku rinokosha zvikuru iBhaibheri. Uyewo tine zvinoyamura kudzidza Bhaibheri kuti zvitibatsire kunzwisisa Bhaibheri. Izvozvo zvinowanikwa navose. Hapana mashoko akavanzika anodzidziswa paGiriyedhi. Handimboregi kusimbisa izvi nokuti Zvapupu zvose zvinawo mashoko anopiwa paGiriyedhi.”

Hama Gerrit Lösch, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, vakagumisa purogiramu yacho yomudzimu vachitaura musoro unoti “Pamusoro Nepasi Pemapapiro aJehovha.” Vakatsanangura maenzanisire anoita Bhaibheri kudzivirira nokutsigira kunoita Mwari vashumiri vake vakatendeka nemapapiro egondo. (Dheuteronomio 32:11, 12; Pisarema 91:4) Dzimwe nguva gondo guru rinovhura mapapiro aro kwemaawa kuti ridzivirire vana varo. Dzimwe nguva, amai vegondo vangatofungatira vana vavo nemapapiro kuti vavadzivirire pamhepo inotonhora. Saizvozvowo uye maererano nechinangwa chake, Jehovha angabatsira vashumiri vake vakatendeka, zvikurukuru pavanosangana nemiedzo mukunamata. Jehovha haabvumiri vashumiri vake kuedzwa kupfuura zvavanogona kutsungirira asi anovaitira nzira yokubuda nayo kuti vakwanise kuitsungirira. (1 VaKorinde 10:13) Hama Lösch vakagumisa vachiti: “Kuti tirambe takachengetedzwa mumudzimu, tinofanira kuramba tiri pasi pemapapiro aJehovha. Izvi zvinoreva kuti hatifaniri kuva nepfungwa yokuda kuzvimirira. Nguva dzose ngatigare pedyo naJehovha nesangano rake rakaita saamai, tisazviparadzanisa nenhungamiro yavo uye zano ravo rine rudo.”

Sachigaro akaverenga teregiramu nekwaziso dzakabva kune vaishuvira zvakanaka munyika yose. Zvadaro madhipuroma akapiwa. Pakatangwa Chikoro cheGiriyedhi, zvaifungwa kuti pachava nemakirasi mashomanana chete kwemakore anopfuura mashanu. Asi kwemakore 58 Jehovha Mwari ave achiramba achiita kuti chikoro chacho chipindwe. Sezvakataurwa naHama Barber mumashoko avo okuzarura kuti: “Chinyorwa chakaisvonaka zvechokwadi chakaitwa nevaipedza kudzidza veGiriyedhi kubvira muna 1943, pakatangwa Giriyedhi! Kushingaira kwavo kwaguma nokuwedzera mazana ezviuru zvevanyoro vepasi kusangano raJehovha rine mbiri.” Hungu, ichi chikoro chemamishinari chabatsira mamiriyoni kuti afarire tariro yoUmambo.

[Bhokisi riri papeji 24]

NEZVEKIRASI YACHO

Nhamba yenyika dzaimirirwa: 8

Nhamba yenyika dzavakatumirwa: 18

Vadzidzi vose: 48

Avhareji yezera: 34

Avhareji yemakore muchokwadi: 18

Avhareji yemakore muushumiri hwenguva yakazara: 13

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kirasi Yechi110 Yechikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi Inopedza Kudzidza

Pane zvakarongwa pasi apa, mitsetse yakarongwa ichibva mberi ichidzoka shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.

(1) Vacek, E.; Madelin, L.; Evans, G.; Watanabe, K. (2) Trafford, P.; Turfa, J.; Wilson, P.; Williams, R.; Weber, A. (3) Johnson, T.; Hanau, K.; Mourlhou, F.; Charpentier, F.; Peckham, R.; Androsoff, P. (4)Seegers, T.; Seegers, D.; Bailey, P.; Bailey, M.; Madelin, K.; Lippold, E.; Lippold, T. (5) Evans, N.; Gold, R.; Bollmann I.; Vacek, R.; Oundjian, J.; Wilson, N. (6) Turfa, J.; Zuidema, L.; Zuidema, R.; Bengtsson, C.; Bengtsson, J.; Galano, M.; Galano, L. (7) Peckham, T.; Mourlhou, J.; Charpentier, C.; Gold, M.; Bollmann, R.; Oundjian, F. (8) Weber, R.; Johnson, B.; Hanau, D.; Watanabe, Y.; Williams, R.; Trafford, G.; Androsoff, T.