“Mavanga Anotemwa Neshamwari”
“Mavanga Anotemwa Neshamwari”
MUAPOSTORA Pauro akaona kuti vaKristu vomuzana remakore rokutanga veGaratiya vaida kururamiswa. Zvimwe kuti adzivise kutsamwa kupi nokupi, akabvunza kuti: “Saka, ndava muvengi wenyu nokuti ndinokuudzai chokwadi here?”—VaGaratiya 4:16.
No‘kutaura chokwadi,’ Pauro akanga asina kuva muvengi wavo. Kutaura zvazviri, aiita zvinoenderana nenheyo yeBhaibheri inoti: “Mavanga anotemwa neshamwari angatendwa.” (Zvirevo 27:6) Aiziva kuti kuzviremekedza kwevanokanganisa kwaigona kukuvadzwa. Asi aiziva kuti kurega kuranga mutadzi kwaigona kuguma nokutadzisa munhu wacho kuwana rudo rwaJehovha Mwari. (VaHebheru 12:5-7) Naizvozvo, sezvo aiva shamwari yakatendeka yaigara ichifarira ungano zvaibva pamwoyo chaipo, Pauro haana kudzokera shure pakupa zano rokururamisa.
Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zviri kuita basa razvo rokuita “vanhu vamarudzi ose vadzidzi, . . . [zvi]chivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose [zvakarayirwa naJesu Kristu].” Nokuita izvozvo, vaKristu vepachokwadi ava havaiti kuti chokwadi cheBhaibheri chinofumura nokushora dzidziso dzakashata uye mufambiro usiri wechiKristu chichinjwe. (Mateu 15:9; 23:9; 28:19, 20; 1 VaKorinde 6:9, 10) Pane kuva vavengi vanofanira kurambwa, vari kuratidza kufarira kunoitwa neshamwari dzechokwadi.
Aine kunzwisisa kwakafuridzirwa naMwari, munyori wepisarema akanyora kuti: “Wakarurama ngaandirove netsitsi; ngaandituke, ave mafuta pamusoro wangu; musoro wangu haungaarambi.”—Pisarema 141:5.