Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei Shanduro Yenyika Itsva pana 2 Petro 3:13 ichitaura nezve“matenga matsva [muzvizhinji] nepasi idzva,” nepo Zvakazarurwa 21:1 ichifanotaura nezve“denga idzva [risiri muzvizhinji] nepasi idzva”?

Iyi inongova pfungwa yegirama ine chokuita nemitauro yokutanga. Hairatidziki seinochinja zvinorehwa nemashoko acho.

Pakutanga funga nezveMagwaro echiHebheru. Murugwaro rwomutauro wokutanga, shoko rechiHebheru rokuti sha·maʹyim, rakashandurwa kuti “(ma)tenga,” riri muzvizhinji nguva dzose. Kuva kwaro muzvizhinji kunoita sokunoratidza, kwete uzhinji hwokuisvonaka, asi pfungwa youzhinji “hwokutambanuka kwenzvimbo,” kana kuti pfungwa ye“chinhu chose chinoumbwa nezvikamu kana zvinhu zvakasiyana-siyana.” Zvinonzwisisika kuti matenga anooneka anotambanuka achienda kure kubva pasi kumativi ose uye ane mabhiriyoni enyeredzi. Maererano nemanyorero echiHebheru, pazvinenge zvichidiwa, shoko rechiHebheru rokuti sha·maʹyim rinoshandurwa kuti “matenga” sezviri pana Isaya 66:22 muShanduro Yenyika Itsva. Asi pane imwe nguva shoko racho rinogona kushandurwa risina kuiswa muzvizhinji rongonzi (“denga,” chete, sepana Genesi 1:8; 14:19, 22; Pisarema 69:34) kana kuti rakaiswa muzvizhinji kuti (“matenga,” sepana Genesi 49:25; Vatongi 5:4; Jobho 9:8; Isaya 65:17, NW).

Pana Isaya 65:17 uye 66:22, (NW), shoko rechiHebheru nokuda kwematenga riri muzvizhinji, uye kushandura kwakafanana kwakasarudzwa ndekwokuti “matenga matsva [kana kuti]nepasi idzva.”

Shoko rechiGiriki rokuti ou·ra·nosʹ rinoreva “denga,” uye ou·ra·noiʹ muzvizhinji rinoreva “matenga.” Zvinofadza kuti vashanduri veSeptuagint yechiGiriki vakashandisa risiri muzvizhinji pana Isaya 65:17 uye 66:22.

Zvino zvakadini nokuwanikwa kuviri kwemashoko okuti “denga idzva [kana kuti matenga] uye pasi idzva” kuri muMagwaro echiKristu echiGiriki?

Pana 2 Petro 3:13, muapostora akashandisa shoko rechiGiriki muzvizhinji. Tisati tasvika ipapo (2Pe 3 mundima 7, 10, 12), akataura nezve“matenga” akaipa aripo, achishandisa rinoreva zvizhinji. Saka akaramba achingoshandisa rinoreva zvizhinji 2Pe 3 mundima 13. Uyezve, aiita seaitora kubva pamashoko okutanga ari pana Isaya 65:17, umo chiHebheru chiri muzvizhinji, sezvakangoita pana 2 Petro 2:22, akatora mashoko kubva murugwaro rwechiHebheru rwaZvirevo 26:11. Saka Petro aitaura nezve“matenga matsva [muzvizhinji] nepasi idzva zvatakamirira maererano nechipikirwa chake.”

Kusiyana zvishomanana, pana Zvakazarurwa 21:1, muapostora Johani sezviri pachena akashandisa shanduro iri pana Isaya 65:17 muSeptuagint, sezvinoratidzwa, yaiva neshoko rechiGiriki nokuda kwe“denga,” risiri muzvizhinji. Saka, Johani akanyora kuti: “Ndakaona denga idzva [risiri muzvizhinji] nepasi idzva; nokuti denga rekare nepasi rekare zvakanga zvapfuura.”

Idzi ipfungwa dzegirama dzine chokuita nokushandura. Dzinodzokorora kuti hazviiti sepane musiyano chero upi zvawo pane zvaanoreva chero mumwe akaverenga kana kutaura nezve“matenga matsva” kana kuti “denga idzva.” Pfungwa yemashandiro awo ndeimwe chete.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]

Stars: Frank Zullo