Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Musava Vanzwi Vanokanganwa

Musava Vanzwi Vanokanganwa

Musava Vanzwi Vanokanganwa

“Ivai vaiti veshoko, kwete vanzwi bedzi, muchizvinyengera nokufunga kwenhema.”—JAKOBHO 1:22.

1. VaIsraeri vekare vakava neropafadzo yokuona zvishamiso zvipi?

“HAZVIKANGANWIKI” raizova shoko ra- kakodzera rokurondedzera zvishamiso zvakaitwa naJehovha muIjipiti yekare. Rimwe nerimwe reMatambudziko Gumi raishamisa zvisina mubvunzo. Matambudziko iwayo akateverwa nokununurwa kunoshamisa kwevaIsraeri vachipfuura nomumvura yomuGungwa Dzvuku yakanga yakamurwa nepakati. (Dheuteronomio 34:10-12) Kudai wakanga waona zviitiko izvozvo, tinovimba kuti waisazokanganwa Iye akazviita wacho. Asi, munyori wepisarema akaimba achiti: “[VaIsraeri] vakakanganwa Mwari muponesi wavo, wakaita zvinhu zvikuru paIjipiti; mabasa anoshamisa munyika yaHamu, nezvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku.”—Pisarema 106:21, 22.

2. Chii chinoratidza kuti kuonga kwevaIsraeri mabasa anoshamisa aMwari hapana kwakwakasvika?

2 Vayambuka Gungwa Dzvuku, vaIsraeri “vakatya Jehovha, vakatenda Jehovha.” (Eksodho 14:31) Varume veIsraeri vakabatana naMosesi mukuimbira Jehovha rwiyo rwokukunda, uye Miriami nevamwe vakadzi vakabvumira nokuridza makandira uye nokutamba. (Eksodho 15:1, 20) Ichokwadi, vanhu vaMwari vakaororwa nemabasa anoshamisa aJehovha. Asi kuonga kwavaiita Munhu akaita mabasa iwayo hapana kwakwakasvika. Nenguva isipi zvadaro, vakawanda vavo vakaita sezvinonzi vakanga vasingachagoni kuyeuka. Vakagunun’unira nokunyunyutira Jehovha. Vamwe vakatanga kunamata zvidhori nokuita unzenza.—Numeri 14:27; 25:1-9.

Chii Chingaita Kuti Tikanganwe?

3. Sezvo tisina kukwana, tingakanganwei?

3 Kusaonga kwevaIsraeri kunoshamisa zvechokwadi. Asi, izvozvo zvinogonawo kuitika kwatiri. Ichokwadi kuti hatina kuona zvishamiso zvaMwari zvakadaro. Zvisinei, muukama hwedu naMwari panotova nezviitiko zvisingakanganwiki. Vamwe vedu tingayeuka patakagamuchira chokwadi chinobva muBhaibheri. Dzimwe nguva dzinonakidza dzingasanganisira kunyengetera kwatakaita tichizvitsaurira kuna Jehovha uye kubhabhatidzwa kwedu mumvura sevaKristu vechokwadi. Vakawanda vedu pane patakabatsirwa naJehovha muupenyu hwedu. (Pisarema 118:15) Pamusoro pezvose izvi, nokufa sechibayiro kwoMwanakomana waMwari pachake Jesu Kristu, takagamuchira tariro yokuponeswa. (Johani 3:16) Zvisinei, sezvo tisina kukwana, patinotarisana nezvishuvo zvakaipa uye kufunganya kwoupenyu, isuwo tingakanganwa zviri nyore zvinhu zvakanaka zvatakaitirwa naJehovha.

4, 5. (a) Jakobho anonyevera sei nezvengozi yokuva vanzwi vanokanganwa? (b) Tingashandisa sei muenzaniso waJakobho womunhu negirazi?

4 Mutsamba yake yaakanyorera vamwe vaKristu, Jakobho, munun’una waJesu, akanyevera nezvengozi yokuva vanzwi vanokanganwa. Akanyora kuti: “Ivai vaiti veshoko, kwete vanzwi bedzi, muchizvinyengera nokufunga kwenhema. Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asiri muiti, iyeyu akafanana nomunhu anotarira chiso chake chaakazvarwa nacho mugirazi. Nokuti anozvitarira, obva oenda uye pakarepo anokanganwa kuti iye munhu worudzii.” (Jakobho 1:22-24) Jakobho airevei nemashoko iwayo?

5 Patinomuka mangwanani, tinowanzotarira mugirazi kuti tione kuti ndepapi patinofanira kugadzirisa muchitarisiko chedu. Sezvatinoita mabasa akasiyana-siyana uye pfungwa dzobva dzotofunga zvimwe zvinhu, tinorega kufunga nezvezvataona mugirazi. Izvi zvinogona kuitikawo mupfungwa yomudzimu. Sezvatinotarira muShoko raMwari, tinogona kufananidza zvatiri nezvatinotarisirwa naJehovha kuti tive. Naizvozvo, tinonyatsotarisana nokusakwanisa kwedu kuita zvimwe zvinhu. Kuziva izvi kunofanira kuita kuti tide kugadzirisa unhu hwedu. Asi sezvatinoita mabasa edu ezuva nezuva tichitambura nezvinetso zvedu, tinogona kurega nyore nyore kufunga nezvezvinhu zvomudzimu. (Mateu 5:3; Ruka 21:34) Zvinoita sokuti tinokanganwa mabasa orudo aMwari aanotiitira. Kana izvi zvikaitika, tinenge tava nyore kupindwa nepfungwa dzokutadza.

6. Kukurukura Rugwaro rupi kunogona kutibatsira kusakanganwa shoko raJehovha?

6 Mutsamba yake yokutanga yaakanyorera vaKorinde yakafuridzirwa, muapostora Pauro anotaura nezvevaIsraeri vaikanganwa vaiva murenje. VaKristu vomuzana remakore rokutanga zvavakabatsirwa nemashoko aPauro, kudzokorora zvaakanyora kunogona kutibatsirawo kusakanganwa shoko raJehovha. Naizvozvo ngatikurukure 1 VaKorinde 10:1-12.

Ramba Zvishuvo Zvenyika

7. VaIsraeri vakagamuchira uchapupu hupi husingarambiki hwokudiwa naJehovha?

7 Zvinotaurwa naPauro zvinoshanda senyevero kuvaKristu. Pane chimwe chikamu Pauro anonyora kuti: “Handidi kuti muve vasingazivi, hama, kuti madzitateguru edu ose akanga ari pasi pegore uye vose vakapfuura nomugungwa uye vose vakabhabhatidzwa muna Mosesi negore uye negungwa.” (1 VaKorinde 10:1-4) VaIsraeri vomuzuva raMosesi vakanga vaona kuratidzwa kwakakura kwesimba raMwari, kusanganisira chishamiso cheshongwe yegore raivatungamirira masikati uye rakavabatsira kupukunyuka vachipinda nomuGungwa Dzvuku. (Eksodho 13:21; 14:21, 22) Chokwadi, vaIsraeri ivavo vakagamuchira uchapupu husingarambiki hwokudiwa naJehovha.

8. Kukanganwa zvinhu zvomudzimu kwevaIsraeri kwakaguma nei?

8 “Kunyange zvakadaro,” Pauro anoenderera mberi achiti, “Mwari haana kuratidza kutendera kwake vakawanda zvikuru vavo, nokuti vakaparadzwa murenje.” (1 VaKorinde 10:5) Zvinozosiririsa! Vakawanda vevaIsraeri vakabuda muIjipiti vakazvitadzisa kupinda muNyika Yakapikirwa. Varambwa naMwari pamusana pokushaya kwavo kutenda, vakafira murenje. (VaHebheru 3:16-19) Tingadzidzei pane izvi? Pauro anoti: “Zvinhu izvi zvakava mienzaniso yedu, kuti isu tirege kuva vanhu vanoda zvinhu zvakaipa, sokuzvida kwavakaita.”—1 VaKorinde 10:6.

9. Jehovha akanga apa vanhu vake zvinhu zvakadini, uye vaIsraeri vakaita sei?

9 VaIsraeri vaiva nezvakawanda zvaiita kuti varambe vachifunga zvinhu zvomudzimu pavaiva murenje. Vakapinda musungano naJehovha ndokuva rudzi rwakatsaurirwa kwaari. Uyezve, vakapiwa vapristi, tebhenekeri somuzinda wokunamatira, uye urongwa hwokupa zvibayiro kuna Jehovha. Zvisinei, pane kufarira zvipo zvomudzimu izvi, vakazvibvumira kusagutsikana nezvinhu zvavaipiwa naMwari.—Numeri 11:4-6.

10. Nei tichifanira kugara tichifunga nezvaMwari?

10 Kusiyana nevaIsraeri vaiva murenje, vanhu vaJehovha nhasi vanotenderwa naye. Zvisinei, zvinokosha kuti munhu mumwe nomumwe agare achifunga nezvaMwari. Kuita kudaro kuchatibatsira kuramba zvishuvo zvoudyire zvinogona kutidzikatidza mumudzimu. Tinofanira kuva neshungu dzoku“ramba kusada Mwari nokuchiva kwenyika uye kurarama nokunaka kwepfungwa nokururama nokuzvipira kuna Mwari pakati pegadziriro ino yezvinhu iripo.” (Tito 2:12) Vamwe vedu vave vachisonganirana neungano yechiKristu kubva vari vaduku havafaniri kufunga kuti vari kurasikirwa nechimwe chinhu chinonakidza. Kana pfungwa dzakadaro dzikazombopinda mumisoro yedu, tinoita zvakanaka kuyeuka Jehovha nezvikomborero zvake zvinoshamisa zvaakatichengetera.—VaHebheru 12:2, 3.

Kuteerera Jehovha Zvakakwana

11, 12. Munhu angava sei nemhosva yokunamata zvidhori asinganamati mifananidzo?

11 Pauro anotipa rimwe shoko rokunyevera paanonyora kuti: “Musavawo vanhu vanonamata zvidhori, sezvakaita vamwe vavo; sokunyorwa kwazvakaitwa kuti: ‘Vanhu vakagara pasi kuti vadye nokunwa, uye vakasimuka kuti vave nenguva yakanaka.’” (1 VaKorinde 10:7) Pauro ari kutaura nezvenguva iyo vaIsraeri vakamanikidza Aroni kuti agadzire mhuru yendarama. (Eksodho 32:1-4) Kunyange zvazvo zvisingarevi kuti taizonamata zvidhori chaizvoizvo, tingava vanamati vezvidhori nokubvumira zvishuvo zvedu zvoudyire kutitsausa pakunamata Jehovha nomwoyo wose.—VaKorose 3:5.

12 Pane imwe nguva, Pauro akanyora nezvevamwe vainyanyoda zvinhu zvokunyama kudarika zvokunamata. Nezvevaya “vari kufamba sevavengi vedanda rokutambudzikira raiye Kristu,” akanyora kuti: “Kupera kwavo kuparadzwa, uye mwari wavo idumbu ravo.” (VaFiripi 3:18, 19) Chidhori chavainamata chaisava mufananidzo. Kwaiva kuda kwavo zvinhu zvenyama. Chokwadi, hazvisi zvishuvo zvose zvakaipa. Jehovha akatisika tiine zvatinoda sevanhu uye mano okunakidzwa nezvinhu zvakasiyana-siyana zvinofadza. Asi vaya vanoisa kutsvakwa kwemafaro pamberi poukama naMwari chokwadi vari kuva vanamati vezvidhori.—2 Timoti 3:1-5.

13. Tingadzidzei munhoroondo yemhuru yendarama?

13 Vabuda muIjipiti, vaIsraeri vakaita mhuru yendarama yokunamata. Kuwedzera kunyevero yokusanamata zvidhori, pane chimwe chidzidzo chinokosha munhoroondo iyi. VaIsraeri vakarega kuteerera murayiro wakanga wakajeka waibva kuna Jehovha. (Eksodho 20:4-6) Asi chinangwa chavo chakanga chisiri chokuramba Jehovha saMwari wavo. Vakaita zvibayiro kumhuru yacho yakanga yaumbwa ndokudana chiitiko chacho kuti “mutambo . . . kuna Jehovha.” Munzira yakati vakazvinyengedza kufunga kuti Mwari aizofuratira kusateerera kwavo. Uku kwakanga kuri kupandukira Jehovha, uye zvakamugumbura kwazvo.—Eksodho 32:5, 7-10; Pisarema 106:19, 20.

14, 15. (a) Nei vaIsraeri vakanga vasina chikonzero chokuva vanzwi vanokanganwa? (b) Kana tine shungu dzokusava vanzwi vanokanganwa, tichaitei nemirayiro yaJehovha?

14 Hazviwanzoitiki kuti mumwe weZvapupu zvaJehovha apinde chitendero chenhema. Zvisinei, kunyange vari muungano, vamwe vangaramba nhungamiro yaJehovha mudzimwe nzira. Vanhu vaIsraeri vakanga vasina chikonzero chokuva vanzwi vanokanganwa. Vakanzwa Mitemo Gumi uye vaivapo apo Mosesi akavapa murayiro unoti: “Musaita vamwe vanamwari pamwe chete neni; musazviitira vanamwari vesirivha kana vanamwari vendarama.” (Eksodho 20:18, 19, 22, 23) Asi, vaIsraeri vakangonamata mhuru yendarama zvakadaro.

15 Nesuwo tingasava nechikonzero chinonzwisisika kana tikava vanzwi vanokanganwa. MuMagwaro, tine nhungamiro inobva kuna Mwari ine chokuita nezvinhu zvakawanda zvoupenyu. Somuenzaniso, Shoko raJehovha rinoshora zvakajeka muitiro wokukwereta usingazoripi. (Pisarema 37:21) Vana vanorayirwa kuteerera vabereki vavo, uye vanababa vanotarisirwa kurera vana vavo “mukutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:1-4) VaKristu vasina kuroora vanorayirwa kuroora “munaShe bedzi,” uye vashumiri vaMwari vakaroora vanoudzwa kuti “Roorano ngaikudzwe pakati pavose, mubhedha weroorano ngaurege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” (1 VaKorinde 7:39; VaHebheru 13:4) Kana tine shungu dzokusava vanzwi vanokanganwa, hatizoiti zvokutamba nenhungamiro idzi nedzimwewo dzinobva kuna Jehovha uye tichaita maererano nadzo.

16. Kunamata mhuru yendarama kwakaguma nei?

16 Jehovha haana kubvuma kuedza kwevaIsraeri kumunamata maererano nezvavaida ivo. Asi, 3 000 vakaparadzwa, zvichida pamusana pokuti ndivo vakanga vatungamirira mukupandukira kwacho kwokunamata mhuru yendarama. Vamwe vaiti vezvakaipa vakarohwa nedambudziko rakabva kuna Jehovha. (Eksodho 32:28, 35) Ichocho chidzidzo chikuru kuna vose vanoverenga Shoko raMwari asi vozvisarudzira zvavanoda kuteerera!

“Tizai Ufeve”

17. 1 VaKorinde 10:8 yaitaura nezvechiitiko chipi?

17 Pamwe apo zvishuvo zvenyama zvingakonzera kukanganwa mumudzimu panotaurwa naPauro paanoti: “Ngatiregewo kuva netsika yokuita ufeve, sevamwe vavo vakaita ufeve, kuzongofa bedzi, zviuru makumi maviri nezvitatu zvavo pazuva rimwe.” (1 VaKorinde 10:8) Pano Pauro anotaura nezvezvakaitika muMapani eMoabhi pamugumo worwendo rwevaIsraeri rwemakore 40 nomurenje. VaIsraeri vakanga vachangobva kubatsirwa naJehovha kukunda nyika dzaiva kumabvazuva kweJodhani, asi vakawanda vakakanganwa uye havana kuonga. Pamuganhu weNyika Yakapikirwa, vakanyengedzwa kuita unzenza uye kunamata kusina kuchena kwaBhaari wePeori. Vanenge 24 000 vakaparadzwa, 1 000 vavo vari vaitungamirira vacho.—Numeri 25:9.

18. Mufambiro worudzii ungatungamirira kuunzenza?

18 Vanhu vaJehovha nhasi vanonyatsozivikanwa nokuda kwetsika dzavo dzakaisvonaka. Asi pavakaedzwa kuita unzenza, vamwe vaKristu vakarega kufunga nezvaMwari nenheyo dzake. Vakava vanzwi vanokanganwa. Pakutanga, muedzo wacho ungasava nechokuita noufeve. Kungava kuda kuona zvinonyadzisira, kuita majee asina kufanira kana kutamba nevanhu nenyaya dzorudo iwe usingarevesi, kana kuti kushamwaridzana zvikuru nevanhu vane tsika dzakashata. Zvinhu zvose izvi zvakatungamirira vaKristu kuita chivi.—1 VaKorinde 15:33; Jakobho 4:4.

19. Izano ripi romuMagwaro rinotibatsira ku‘tiza ufeve’?

19 Kana tikaedzwa kuita mufambiro wounzenza, hatifaniri kurega kufunga nezvaJehovha. Asi, tinofanira kuteerera zviyeuchidzo zveShoko rake. (Pisarema 119:1, 2) Zvatiri vaKristu, vakawanda vedu tinoita zvose zvatinogona kuti tirambe takachena mutsika, asi kuita zvakarurama mumaziso aMwari kunoda kuti tirambe tichishanda nesimba. (1 VaKorinde 9:27) KuvaKristu vaiva muRoma, Pauro akanyora kuti: “Kuteerera kwenyu kwakazivikanwa navose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu. Asi ndinoda kuti muve vakachenjera pamusoro pezvakanaka, asi vasina mhaka pamusoro pezvakaipa.” (VaRoma 16:19) Kungofanana nevaIsraeri 24 000 vakaurayiwa nokuda kwezvivi zvavo, zvifeve nevamwe vaiti vezvakaipa vachabva votongwa zvakakomba naJehovha. (VaEfeso 5:3-6) Naizvozvo, pane kuva vanzwi vanokanganwa, tinofanira kuramba tichi‘tiza ufeve.’—1 VaKorinde 6:18.

Ngatirambe Tichikoshesa Zvatinopiwa naJehovha

20. VaIsraeri vakaisa sei Jehovha pamuedzo, uye zvakaguma nei?

20 Vakawanda vevaKristu havamboiti unzenza. Asi, tinofanira kungwarira kuti hatizvibvumiri kutevera nzira inotungamirira kumuitiro wokugunun’una unogona kuguma nokusatenderwa naMwari. Pauro anotipa zano rokuti: “Ngatiregewo kuedza Jehovha, sevamwe vavo [vaIsraeri] vakamuedza, kuzongoparadzwa bedzi nenyoka. Tiregewo kuva vagunun’uni, sevamwe vavo vakagunun’una, kuzongoparadzwa bedzi nomuparadzi.” (1 VaKorinde 10:9, 10) VaIsraeri vakagunun’unira Mosesi naAroni—hungu, kunyange Mwari pachake—vachinyunyuta nezvemana yaipiwa nenzira inoshamisa. (Numeri 16:41; 21:5) Jehovha haana kunyanya kugumburwa nokugunun’una kwavo sezvaakaitwa noufeve hwavo here? Nhoroondo yeBhaibheri inoratidza kuti vagunun’uni vakawanda vakaurayiwa nenyoka. (Numeri 21:6) Pachiitiko chakatangira ichi, vagunun’uni vakapanduka vanopfuura 14 700 vakaparadzwa. (Numeri 16:49) Saka ngatirege kuedza kushivirira kwaJehovha nokusaremekedza zvaanotipa.

21. (a) Pauro akafuridzirwa kunyora zano rokuti chii? (b) Maererano naJakobho 1:25, tingafara sei zvechokwadi?

21 Pakunyorera vamwe vaKristu, Pauro anogumisa nendandanda yenyevero achipa zano rokuti: “Zvino zvinhu izvi zvakapfuurira kuvawira semienzaniso, uye zvakanyorwa nokuda kwokunyevera isu tasvikirwa nemigumo yegadziriro dzezvinhu. Naizvozvo anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa.” (1 VaKorinde 10:11, 12) Kufanana nevaIsraeri, takagamuchira zvikomborero zvakawanda kubva kuna Jehovha. Zvisinei, kusiyana navo ngatirege kumbokanganwa totadza kuonga zvinhu zvakanaka zvatiri kuitirwa naMwari. Apo kufunganya kwoupenyu kunotiremera, ngatifungisise zvipikirwa zvinoshamisa zvinowanikwa muShoko rake. Ngatiyeuke ukama hwedu naJehovha hunokosha topfuurira kuita basa rokuparidza Umambo ratakapiwa. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Kuita kudaro kuchatiunzira mufaro wechokwadi, nokuti Magwaro anopikira kuti: “Asi iye anotarisisa mutemo wakakwana worusununguko uye anorambira mauri, nokuti haana kuva munzwi anokanganwa, asi muiti webasa, munhu uyu, achafara pakuuita kwake.”—Jakobho 1:25.

Ungapindura Sei?

• Chii chingatiita vanzwi vanokanganwa?

• Nei kuteerera Mwari zvakakwana kuchikosha?

• Tinga‘tiza ufeve’ sei?

• Tinofanira kuona sei zvatinopiwa naJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

VaIsraeri vakakanganwa mabasa makuru aJehovha aakavaitira

[Mufananidzo uri papeji 16]

Vanhu vaJehovha vane shungu dzokuramba vane tsika dzakaisvonaka