Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Wakasimba Souri Kuona Uyo Asingaoneki!

Ramba Wakasimba Souri Kuona Uyo Asingaoneki!

Ramba Wakasimba Souri Kuona Uyo Asingaoneki!

“[Mosesi] akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.”—VAHEBHERU 11:27.

1. Chii chakataurwa naJesu nezvaMwari chinoshamisa muMharidzo yake yepaGomo?

JEHOVHA ndiMwari asingaoneki. Mosesi paakakumbira kuona mbiri Yake, Jehovha akapindura kuti: “Haungaoni chiso changu, nokuti hakuna munhu ungandiona, akazorarama.” (Eksodho 33:20) Uye muapostora Johani akanyora kuti: “Hapana munhu akamboona Mwari chero panguva ipi zvayo.” (Johani 1:18) Jesu Kristu paaiva munhu pasi pano, kunyange naiye aisakwanisa kuona Mwari. Zvisinei, muMharidzo yake yepaGomo akati: “Vanofara vakachena mumwoyo, sezvo vachaona Mwari.” (Mateu 5:8) Jesu airevei?

2. Nei tisingakwanisi kuona Mwari nemaziso edu sevanhu?

2 Magwaro anozivisa Jehovha kuti Mudzimu usingaoneki. (Johani 4:24; VaKorose 1:15; 1 Timoti 1:17) Saka, Jesu akanga asiri kureva kuti isu vanhu tinogona kunyatsoona Jehovha nemaziso edu chaiwo. Ichokwadi kuti vaKristu vakazodzwa vachaona Jehovha Mwari kudenga kana vamutswa sezvisikwa zvomudzimu. Asi vanhu “vakachena mumwoyo” uye vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano vanokwanisawo ku“ona” Mwari. Izvi zvinobvira sei?

3. Vanhu vanganzwisisa sei Mwari zvaari?

3 Tinodzidza chimwe chinhu nezvaJehovha nokunyatsoongorora zvinhu zvaakasika. Saka tinogona kuororwa nesimba rake zvotiita kuti tibvume kuti ndiye Mwari Musiki. (VaHebheru 11:3; Zvakazarurwa 4:11) Pauro akanyora nezvazvo achiti: “Zvaari zvisingaoneki zvinonyatsooneka kubvira pakusikwa kwenyika, nokuti anonzwisiswa nezvinhu zvakaitwa, iro simba rake risingagumi nokuva Mwari kwake.” (VaRoma 1:20) Saka mashoko aJesu pamusoro pokuona Mwari anosanganisira kukwanisa kunzwisisa Jehovha zvaari. Kuona kwakadaro kunobva pazivo yakarurama uye kunonzwisiswa mumudzimu ne“maziso emwoyo.” (VaEfeso 1:18) Mashoko nezviito zvaJesu zvinozivisawo zvakawanda nezvaMwari. Saka Jesu akati: “Aona ini aonawo Baba.” (Johani 14:9) Jesu akaratidza unhu hwaJehovha zvakakwana. Saka kuziva upenyu uye dzidziso dzaJesu kunogona kutibatsira kuona, kana kuti kunzwisisa, humwe hwounhu hwaMwari.

Zvinhu Zvomudzimu Zvinokosha

4. Kusanzwisisa uye kusaonga zvinhu zvomudzimu kunoratidzwa sei nevakawanda nhasi?

4 Nhasi, kutenda uye kuonga nokunzwisisa zvinhu zvomudzimu kushoma. “Kutenda hakusi kwevanhu vose,” akadaro Pauro. (2 VaTesaronika 3:2) Vazhinji vakanyura mukutsvaka zvavanoda uye havatendi muna Mwari. Mufambiro wavo wokutadza nokusaonga nokunzwisisa zvinhu zvomudzimu unovatadzisa kuona nemaziso okunzwisisa, nokuti muapostora Johani akanyora kuti: “Uyo anoita zvakaipa haana kuona Mwari.” (3 Johani 11) Nokuti vanhu vakadaro havaoni Mwari nemaziso avo chaiwo, vanoita sezvinonzi haaoni zvavari kuita. (Ezekieri 9:9) Vanozvidza zvinhu zvitsvene, saka havagoni kuwana “zivo yaMwari.” (Zvirevo 2:5) Saka zvakanyatsokodzera kuti muapostora Pauro akanyora kuti: “Munhu wenyama haagamuchiri zvinhu zvomudzimu waMwari, nokuti upenzi kwaari; uye haagoni kusvika pakuzviziva, nokuti zvinonzverwa mumudzimu.”—1 VaKorinde 2:14.

5. Vanhu vanofunga zvomudzimu vanoziva chokwadi chipi?

5 Zvisinei, kana tichifunga zvomudzimu, tichagara tichiziva kuti kunyange zvazvo Jehovha asingangotsvaki zvikanganiso, anoziva patinoita zvakaipa zvatinenge tafunga uye zvatinenge tichishuva kuita. Chaizvoizvo, “nzira dzomunhu dziri pamberi paJehovha, ndiye unoyera makwara ake ose.” (Zvirevo 5:21) Kana chivi chikatikurira, tinonzwa tichifanira kupfidza totsvaka kukanganwirwa naJehovha nokuti tinomuda uye hatidi kumurwadzisa.—Pisarema 78:41; 130:3.

Chii Chinoita Kuti Tive Vakasimba?

6. Zvinorevei kuva akasimba?

6 Kunyange zvazvo Jehovha asingaoneki nemaziso edu, ngatigaroyeukai kuti iye anotiona. Kuziva nezvokuvako kwake uye kugutsikana kuti ari pedyo navose vanomudana kuchatibatsira kuva vakasimba—tisingazununguki mukumutenda kwedu. (Pisarema 145:18) Tinogona kuva saMosesi, akanyorwa nezvake naPauro kuti: “Nokutenda akabva Ijipiti, asi asingatyi kutsamwa kwamambo, nokuti akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.”—VaHebheru 11:27.

7, 8. Chii chakawedzera ushingi hwaMosesi pamberi paFarao?

7 Paaiita basa rake raakanga apiwa naMwari rokutungamirira vaIsraeri kubva muusungwa muIjipiti, Mosesi aiwanzomira pamberi pomudzvinyiriri Farao mudare ramambo maizara vanachamangwiza vehondo nevechitendero. Madziro omuzinda wamambo anofanira kuva akanga akazara nezvifananidzo. Asi Jehovha, kunyange aiva asingaoneki, aiva munhu chaiye kuna Mosesi, kusiyana nezvifananidzo zvaimirira vamwari vasina upenyu veIjipiti. Ndokusaka Mosesi asina kutyisidzirwa naFarao!

8 Chii chakapa Mosesi ushingi hwokuramba achimira pamberi paFarao? Magwaro anotiudza kuti “munhu uyu Mosesi wakanga ari munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Numeri 12:3) Zviri pachena kuti kunzwisisa kwake zvakasimba zvinhu zvomudzimu uye kugutsikana kuti Mwari aiva naye kwakapa Mosesi simba raidiwa kuti amiririre ‘Uyo asingaoneki’ pamberi pomutongi asina tsitsi weIjipiti. Munzira dzipi umo vaya vano“ona” Mwari asingaoneki vanoratidza kutenda kwavo maari nhasi?

9. Ndeipi imwe nzira yatingaramba nayo takasimba?

9 Imwe nzira yokuratidza nayo kutenda nokuramba munhu akasimba seari kuona Uyo asingaoneki ndeyokuparidza noushingi pasinei nokutambudzwa. Jesu akayambira vadzidzi vake kuti: “Muchavengwa nevanhu vose nemhaka yezita rangu.” (Ruka 21:17) Akavaudzawo kuti: “Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo.” (Johani 15:20) Sezvakanga zvataurwa naJesu, achangofa, vateveri vake vakatambudzwa nokutyisidzirwa, kusungwa, uye kurohwa. (Mabasa 4:1-3, 18-21; 5:17, 18, 40) Kunyange zvazvo paiva nokutambudzwa kukuru, vaapostora vaJesu nevamwe vadzidzi vakaramba vachiparidza mashoko akanaka vasingatyi.—Mabasa 4:29-31.

10. Kuvimba kwedu nokudzivirira kwaJehovha kunotibatsira sei muushumiri?

10 Kufanana naMosesi, vateveri vaJesu vapakuvamba vakanga vasingatyisidzirwi nevavengi vavo vanooneka vaiva vakawanda. Vadzidzi vaJesu vaiva nokutenda muna Mwari, saka vaikwanisa kutsungirira kutambudzwa kwakaoma kwavaisangana nako. Hungu, vakaramba vakasimba sevaiona Uyo asingaoneki. Nhasi, kugara tichiziva kuti Jehovha akatidzivirira kunotisimbaradza, kuchitipa ushingi nokusatya, mubasa redu rokuparidza Umambo. Shoko raMwari rinotaura kuti “kutya munhu kunouyisa musungo; asi ani naani anovimba naJehovha, uchachengetwa.” (Zvirevo 29:25) Ndokusaka tisingadzokeri shure nokutya kutambudzwa; kana kunyara noushumiri hwedu. Kutenda kwedu kunotituma kupupura noushingi kuvavakidzani, vatinoshanda navo, vatinopinda navo chikoro, nevamwewo.—VaRoma 1:14-16.

Uyo Asingaoneki Anotungamirira Vanhu Vake

11. Maererano naPetro naJudha, vamwe vaiva muungano yechiKristu vakaratidza sei kusanzwisisa zvinhu zvomudzimu?

11 Kutenda kunotibatsira kuona kuti Jehovha ndiye ari kutungamirira sangano rake repasi. Saka tinodzivisa kuva nepfungwa dzokutsoropodza vaya vakatakura mitoro muungano. Vose muapostora Petro nomunun’una waJesu, Judha vakanyevera nezvevamwe vakanga vasina mafungiro omudzimu zvokuti vainyomba varume vaitungamirira pakati pevaKristu. (2 Petro 2:9-12; Judha 8) Ko ava vaingoda kutsvaka zvakanganiswa chete vaizodai vakataura saizvozvo here Jehovha aripo dai vaimuona nemaziso chaiwo? Kana! Asi nokuti Mwari haaoneki, varume ava venyama vakakundikana kufunga nezvokuzvidavirira kwavo kwaari.

12. Mafungiro api atinofanira kuratidza kuvanotungamirira muungano?

12 Ichokwadi kuti ungano yechiKristu yakaumbwa nevanhu vasina kukwana. Avo vanobata sevakuru vanoita zvikanganiso dzimwe nguva zvingatikanganisa pachedu. Kunyange zvakadaro, Jehovha ari kushandisa varume vakadaro sevafudzi veboka rake. (1 Petro 5:1, 2) Varume nevakadzi vanofunga zvomudzimu vanoziva kuti iyi ndiyo imwe nzira iyo Jehovha anotungamirira nayo vanhu vake. Saka, sevaKristu, tinodzivisa mafungiro okutsoropodza, nokungonyunyuta, uye tinoratidza kuremekedza zvakarongwa naMwari kuti atungamirire vanhu vake. Nokuteerera vanotitungamirira, tinoratidza kuti tinoona Uyo asingaoneki.—VaHebheru 13:17.

Kuona Mwari soMurayiridzi Wedu Mukuru

13, 14. Kuziva kuti Jehovha ndiye Murayiridzi Mukuru kunorevei kwauri?

13 Pane imwezve nhau inoda kunzwisisa kwomudzimu. Isaya akaprofita kuti: “Meso enyu achaona” Murayiridzi wenyu Mukuru. (Isaya 30:20) Zvinotoda kutenda kuti tizive kuti ndiJehovha ari kutidzidzisa achishandisa sangano rake repasi. (Mateu 24:45-47) Kuona Mwari soMurayiridzi Mukuru hakurevi kungova netsika dzokudzidza Bhaibheri dzakanaka nokupinda misangano yechiKristu nguva dzose chete. Kunoreva kushandisa zvakakwana zvinopiwa naMwari mumudzimu. Somuenzaniso, tinofanira kunyatsoteerera kupfuura zvatinosiita nhungamiro inopiwa naJehovha achishandisa Jesu kuitira kuti tisakukurwe mumudzimu.—VaHebheru 2:1.

14 Dzimwe nguva zvinoda kushanda nesimba kuti tinyatsobatsirwa nokudya kwomudzimu. Somuenzaniso, tingava netsika yokungoverenga tichipfuura dzimwe nhoroondo dzeBhaibheri dzatinoona dzakaoma kunzwisisa. Pakuverenga magazini eNharireyomurindi neMukai!, dzimwe nguva tinotosiya dzimwe nyaya nokuti zviri kukurukurwa imomo hazvitinakidzi. Kana kuti tingarega pfungwa dzedu dzichimbeya-mbeya tiri pamisangano yechiKristu. Zvisinei, tinogona kuramba takamuka tikanyatsofungisisa nezvepfungwa dzinenge dzichikurukurwa. Kuonga kwedu nomwoyo wose mirayiridzo yomudzimu yatinowana kunoratidza kuti tinoziva kuti Jehovha ndiye Murayiridzi Mukuru.

Tinofanira Kuzvidavirira

15. Vamwe vave vachiita sokunge havaonekwi naJehovha sei?

15 Kutenda mune Uyo asingaoneki kunokosha, zvikuru nokuti uipi hwazopararira muino “nguva yokupedzisira.” (Dhanieri 12:4) Kusavimbika nounzenza zvatekeshera. Chokwadi, kuchenjera kuyeuka kuti Jehovha anocherechedza zvatinoita kunyange kana vanhu vasingakwanisi kutiona. Vamwe vakakanganwa chokwadi ichochi. Kana vasingaonekwi nevamwe, vangaita mufambiro usiri womuMagwaro. Somuenzaniso, vamwe havana kudzivisa muedzo wokuona varaidzo inokuvadza uye kutarisa zvinonyadzisira paInternet, terevhizheni, nezvimwe zvinogadzirwa mazuva ano. Sezvo zvinhu zvakadaro zvichigona kuitwa munhu ari oga, vamwe vave vachiita sokunge mufambiro wavo hauonekwi naJehovha.

16. Chii chinofanira kutibatsira kuteerera mitemo yaMwari yakakwirira?

16 Zvakanaka kuchengeta mupfungwa mashoko omuapostora Pauro anoti: “Mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.” (VaRoma 14:12) Tinofanira kugara tichiziva kuti nguva dzose patinoita chivi, tiri kutadzira Jehovha. Kuziva izvi kunofanira kutibatsira kuteerera mitemo yake yakakwirira uye kudzivisa mufambiro usina kuchena. Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti: “Hapana chisikwa chaasingaoni, asi zvinhu zvose zvakafukuka uye zviri pachena mumaziso ake iye watinozvidavirira kwaari.” (VaHebheru 4:13) Ichokwadi kuti tinofanira kuzvidavirira kuna Mwari, asi chaizvoizvo kumuda kwedu kwakadzama kunonyanyoita kuti tiite kuda kwake nokuchengeta mitemo yake yakarurama. Saka ngatingwarirei pakusarudza kwedu zvinotivaraidza uye mufambiro wedu nevatisina kuroorana navo.

17. Kufarira kworudzii uko Jehovha anotiona nako?

17 Jehovha anotifarira chaizvo, asi izvozvo hazvirevi kuti ari kutimirira kuti tikanganise ozotiranga. Pane kudaro, anoticherechedza aine hanya norudo, sorwababa vanoda kupa vana vavo mubayiro. Zvinonyaradza sei kuziva kuti Baba vedu vokudenga vanofadzwa nokutenda kwedu uye ndiye “anopa mubayiro vanomutsvaka”! (VaHebheru 11:6) Ngativei nokutenda kwakakwana muna Jehovha ‘tomushumira nomwoyo [“wakakwana,” NW].’—1 Makoronike 28:9.

18. Nokuti Jehovha anotiona uye anocherechedza kutendeka kwedu, chipikirwa chei chatinopiwa neMagwaro?

18 Zvirevo 15:3 inoti: “Meso aJehovha ari pose pose; achicherechedza vakaipa navakanaka.” Hungu, Mwari anoramba achitarisa vanhu vakaipa achibata navo maererano nomufambiro wavo. Zvisinei, kana tiri pakati pe“vakanaka,” tinogona kuva nechokwadi kuti Jehovha anocherechedza zviito zvedu zvokutendeka. Zvinosimbisa kutenda sei kuziva kuti ‘basa redu harisi pasina munaShe’uye kuti uyo asingaoneki haa‘kanganwi basa redu norudo rwatakaratidza nokuda kwezita rake’!—1 VaKorinde 15:58; VaHebheru 6:10.

Kukumbira Jehovha Kuti Atinzvere

19. Ndezvipi zvimwe zvinobatsira zvinobva mukuva nokutenda kwakasimba muna Jehovha?

19 Sevashumiri vaJehovha vakavimbika, tinokosha kwaari. (Mateu 10:29-31) Kunyange zvazvo asingaoneki, anogona kuva munhu chaiye kwatiri, uye tinogona kukoshesa ukama hwedu naye hunokosha. Kuva nemafungiro iwayo nezvaBaba vedu vokudenga kunotibatsira mune zvakawanda. Kutenda kwedu kwakasimba kunotibatsira kuva nomwoyo wakachena uye hana yakanaka pamberi paJehovha. Kutenda kusina unyengeri kunotidzivisawo kurarama upenyu huviri. (1 Timoti 1:5, 18, 19) Kutenda kwedu muna Mwari kusingazununguswi kunopa muenzaniso wakanaka uye kunogona kuchinja vakatipoteredza kuti vaite zvakanaka. (1 Timoti 4:12) Uyezve, kutenda kwakadaro kunotsigira mufambiro unodiwa naJehovha, zvichifadza mwoyo wake.—Zvirevo 27:11.

20, 21. (a) Nei zvakanaka kugara takatariswa naJehovha? (b) Tingashandisa sei Pisarema 139:23, 24 patiri?

20 Kana takachenjera zvechokwadi, tinofara kuti Jehovha arambe akatitarisa. Hatingodi kuti atione chete asiwo tinoda kuti anyatsonzvera pfungwa dzedu nezviito. Mumunyengetero, tinoita zvakanaka kukumbira Jehovha kutiongorora aone kana tiine katsika kokuda kuita zvakaipa. Zvechokwadi anogona kutibatsira kubata nezvinetso zvedu uye kugadziridza pazvakakodzera. Munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba zvakakodzera kuti: “Ndinzverei, Mwari, muzive mwoyo wangu; ndiidzei, muzive ndangariro dzangu; mutarire kana pane nzira yakaipa mandiri, mundifambise munzira isingaperi.”—Pisarema 139:23, 24.

21 Dhavhidhi akateterera Jehovha kuti amuongorore aone kana “pane nzira” yakaipa maari. Kufanana nomunyori wepisarema, hatina shungu dzokuti dai Mwari aongorora mwoyo yedu aone kana muine vavariro dzakaipa here? Saka ngatikumbirei nokutenda kuti Jehovha atinzvere. Asi zvakadini kana tichitambudzwa nokufunganya nezvechimwe chikanganiso kana kuti paine chimwe chinhu chinotirwadza? Saka ngatirambe tichinyengetera nomwoyo wose kuna Mwari wedu ane rudo, Jehovha, tozviisa nokuzvininipisa pasi penhungamiro yomudzimu wake mutsvene nezano reShoko rake. Tinogona kuva nechivimbo chokuti achatitsigira otibatsira kurarama nenzira inotungamirira kuupenyu husingaperi.—Pisarema 40:11-13.

22. Tinofanira kutsunga kuitei pamusoro poUyo asingaoneki?

22 Hungu, Jehovha achatikomborera noupenyu husingaperi kana tikaita zvaanoda. Chokwadi, tinofanira kubvuma simba rake nechiremera, sezvakangoita muapostora Pauro paakanyora kuti: “Mambo asingagumi, asingaori, asingaoneki, Mwari bedzi, ngakuve nokukudzwa nembiri nokusingaperi-peri. Ameni.” (1 Timoti 1:17) Ngatirambei tichiratidza kutya Jehovha kunobva mumwoyo kwakadaro. Uye kunyange zvodini, ngatiregei kumbozununguka mukutsunga kwedu kuramba takasimba setiri kuona Uyo asingaoneki.

Waizopindura Sei?

• Zvinobvira sei kuti vanhu vaone Mwari?

• Kana Mwari ari munhu chaiye kwatiri, tichaita sei kana tichitambudzwa?

• Zvinorevei kuona Jehovha soMurayiridzi wedu Mukuru?

• Nei tichifanira kuda kuti Jehovha atinzvere?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Mosesi, haana kutyisidzirwa naFarao, akaita seaiona Jehovha, Mwari asingaoneki

[Mufananidzo uri papeji 21]

Ngatisambofa takaita sokunge kuti Jehovha haagoni kuona zvatinoita

[Mufananidzo uri papeji 23]

Tinotsvaka zivo yaMwari nomwoyo wose nokuti tinomuona soMurayiridzi wedu Mukuru