Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tarisira Nherera Nechirikadzi Pakutambudzika Kwadzo

Tarisira Nherera Nechirikadzi Pakutambudzika Kwadzo

Tarisira Nherera Nechirikadzi Pakutambudzika Kwadzo

Hazvina kuoma kucherechedza kuti tinorarama munyika isina rudo. Achitaura nezvevanhu vaizovapo mu“mazuva okupedzisira,” muapostora Pauro akanyora kuti: “Nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, . . . vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo.” (2 Timoti 3:1-3) Zvechokwadi, mashoko iwayo azova echokwadi!

TSIKA dziripo munguva yedu ndidzo dzave dzichiita kuti pasava nokunzwira tsitsi mumwoyo yevakawanda. Vanhu havachina hanya nokugara zvakanaka kwevamwe, mune zvimwe zviitiko kunyange kwevomumhuri mavo.

Izvi zvinokanganisa zvikuru vakawanda vanova varombo nemhaka yemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Nhamba yechirikadzi nenherera inoramba ichikwira nemhaka yehondo, njodzi dzinongozviitikira, uye kutama kwevanhu vachinopotera. (Muparidzi 3:19) “[Vana] vanopfuura miriyoni vakaitwa nherera kana kuparadzaniswa nemhuri dzavo nemhaka yehondo,” unodaro mushumo unobva kuUnited Nations Children’s Fund. Unozivawo kuwanda kwavanaamai vari voga, vakatizwa, kana kuti vakarambwa vanotarisana nebasa rakaoma rokurarama uye kurera mhuri dzavo vari voga. Mamiriro acho ezvinhu anoomeswa nokuti dzimwe nyika dziri kunangana nemamiriro ezvoupfumi akaoma, zvinoita kuti vakawanda vevagari vomunyika dzacho vararame muurombo hwakanyanyisa.

Tichifunga nezveizvi, vaya vari mumatambudziko vane tariro ipi neipi here? Kutambura kwechirikadzi nenherera kungaderedzwa sei? Chinetso ichi chichazombobviswa here?

Kutarisira Kworudo Munguva Dzekare

Kutarisira zvinodiwa zvokunyama nezvokumudzimu zvechirikadzi nenherera kwave kuri chinhu chinokosha pakunamata Mwari. Pakukohwa mbeu dzavo kana michero, vaIsraeri vaisafanira kuunganidza zvaisara mumunda, vachizvitorera kuti zvive zvavo. Zvainge zvasaririra zvaifanira kusiyirwa “mutorwa, nenherera, nechirikadzi.” (Dheuteronomio 24:19-21) Mutemo waMosesi wainyatsotaura kuti: “Usatambudza chirikadzi kana nherera.” (Eksodho 22:22, 23) Chirikadzi nenherera dzinotaurwa muBhaibheri dzaimirira zvakakodzera varombo zvikuru, nemhaka yokuti paifa murume uye baba kana kuti vabereki vose, nhengo dzemhuri dzaisara dzaigona kusiyiwa dziri dzoga uye dzave nourombo. Tateguru Jobho akati: “Ndairwira varombo vaichema, nhererawo, nowaishayiwa mubatsiri.”—Jobho 29:12.

Mumakore okutanga eungano yechiKristu, kutarisira vaya vaitambudzika uye vaishaya zvechokwadi nemhaka yokurasikirwa nevabereki kana murume chaiva chinhu chinonyatsoratidza kunamata kwechokwadi. Ane shungu kwazvo nokuchengeteka kwevakadaro, mu- dzidzi Jakobho akanyora ku- ti: “Kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu uye Baba vedu ndouku: kutarisira nherera nechirikadzi pakutambu- dzika kwadzo, uye kuzviche- ngeta usina ruvara rwenyika.”—Jakobho 1:27.

Kunze kwokududza nherera nechirikadzi, Jakobho akaratidzawo kuva nehanya zvikuru nevamwe vakanga vari varombo uye vaya vaishaya zvikuru. (Jakobho 2:5, 6, 15, 16) Muapostora Pauro akaratidza kufunga kwakadaro. Apo iye naBhanabhasi vakapiwa basa ravo rokuparidza, ‘kurangarira varombo’ kwakanga kuri pakati pemirayiridzo yavakapiwa. “Ndakavavarira nemwoyo wose kuitawo chinhu ichochi,” Pauro aigona kudaro nehana yakachena. (VaGaratiya 2:9, 10) Nhoroondo yemabasa eungano yechiKristu nguva pfupi yavambwa yaiti: “Pakati pavo pakanga pasina anoshayiwa . . . Uyewo mumwe nomumwe aizogoverwa, sokushayiwa kwaaiita.” (Mabasa 4:34, 35) Hungu, urongwa hwakatangwa muIsraeri yekare hwokutarisira nherera, chirikadzi, uye varombo hwakasvitswawo muungano yechiKristu.

Chokwadi, rubatsiro rwaipiwa rwakanga rusina kunyanyisa uye rwaienderana nezvaiwanwa neungano dzacho. Mari yakanga isingaroverwi pamupinyi, uye vaibatsirwa vaiva vaya vainyatsoshayiwa. Hapana muKristu aifanira kushandisa urongwa uhwu zvisiri izvo, uye ungano yaisafanira kutakudzwa mutoro usina kufanira. Izvi zvakanga zvichinyatsooneka mumurayiridzo waPauro wakanyorwa pana 1 Timoti 5:3-16. Ipapo tinoona kuti kana hama dzevaishayiwa dzaigona kuvabatsira, vaifanira kutakura mutoro iwoyo. Chirikadzi dzaishayiwa dzine zvimwe zvadzaitarisirwa kuita kuti dzibatsirwe. Zvose izvi zvinoratidza urongwa hwakachenjera hunoshandiswa naJehovha kutarisira vaya vanoshayiwa. Asi, zvinoratidzawo kuti kuva pakati nepakati kunofanira kuitwa kuitira kuti pasava neanoshandisa zvisina kufanira mutsa unenge waratidzwa.—2 VaTesaronika 3:10-12.

Kutarisira Nherera Nechirikadzi Nhasi

Nheyo dzaiteverwa nevashumiri vaMwari munguva dzekare dzichiri kushandiswa muungano dzeZvapupu zvaJehovha pakuva nehanya uye kubatsira vaya vari kutambura. Rudo rwehama chiratidzo, sezvakangotaurwa naJesu kuti: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Kana vamwe vachishayiwa kana kuti vakawirwa nenjodzi kana kuti nezvinokonzerwa nehondo kana kuti kukakavadzana munyika, dzimwe hama dzomunyika yose dzinenge dzichida kutsvaka nzira dzokubatsira mumudzimu uye nezvinhu. Ngatimboona zvimwe zvakaitika mazuva ano zvinoratidza zviri kuitwa maererano neizvi.

Pedro haana zvakawanda zvaanogona kuyeuka nezvaamai vake vakafa paakanga achingova negore nehafu pazera. Pedro paakanga ava nemakore mashanu, baba vake vakafawo. Nokudaro Pedro akasiyiwa ari oga nevakoma vake. Zvapupu zvaJehovha zvakange zvichitodzidza nababa vavo, saka Pedro nevakoma vake vakatanga kudzidziswa Bhaibheri pamusha pavo.

Pedro anorondedzera kuti: “Vhiki yakatevera yacho, takatanga kupinda misangano. Sezvataisonganira nehama, tainzwa rudo rwavairatidza kwatiri. Ungano yakanga iri nzvimbo yokuvanda kwandiri nokuti hama nehanzvadzi dzaindiratidzira rudo nechidakadaka, sokunge dzakanga dziri vabereki vangu.” Pedro anoyeuka kuti mumwe wevakuru vechiKristu aimukoka kumba kwake. Ikoko Pedro aikurukurirana uye aizorora pamwe chete nemhuri yacho. “Izvi zvinhu zvandinokoshesa,” anodaro Pedro, uyo akatanga kuparidza nezvokutenda kwake pazera remakore 11 uye akabhabhatidzwa ava nemakore 15. Vachibatsirwa nevaya vaiva muungano, vakoma vake vakafambirawo mberi mumudzimu.

Panewo nyaya yaDavid. Iye nehanzvadzi yake yaakaberekwa nayo vari mapatya vakasiyiwa apo vabereki vavo vakaparadzana. Vakarerwa nambuya nasekuru vavo naamaiguru. “Patakakura uye patakaziva mamiriro ezvinhu atakanga tiri maari, takanzwa kusachengetedzeka uye kusuruvara. Taida chimwe chinhu chokuvimba nacho. Amaiguru vangu vakava mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye nemhaka yeizvi, takarayirwa muchokwadi cheBhaibheri. Hama dzakatiratidza chidakadaka chadzo noushamwari. Dzaitida zvikuru uye dzakatikurudzira kuti tivavarire kuita zvinangwa zvedu uye kuramba tichishandira Jehovha. Pandakanga ndava nemakore anenge gumi, mushumiri anoshumira aiuya kuzonditora kuti tiende mubasa rokuparidza. Imwe hama yaindibhadharira mari yokufambisa pandaipinda magungano. Imwe yakatondibatsira kuitira kuti ndipe mipiro paHoro yoUmambo.”

David akabhabhatidzwa paakanga ava nemakore 17, uye akazotanga kushanda pahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muMexico. Kunyange zvino anobvuma kuti: “Pane vakuru vakawanda vanoita basa rinokosha kuti ndiwane dzidzo uye kundipa mazano anobatsira. Mukuita kudai ndiri kunzwa kuchengeteka uye handina kusurukirwa.”

Abel, mukuru muungano iri muMexico mune chirikadzi dzakawanda dzinoda kubatsirwa, anoti: “Ndine chokwadi chokuti chinhu chinodiwa zvikuru nechirikadzi kunyaradzwa. Dzimwe nguva dzinosangana nenguva dzokuora mwoyo; dzinonzwa kusurukirwa. Naizvozvo, zvinokosha zvikuru kutsigira, uchidziteerera. Isu [vakuru vomuungano] tinodzishanyira nguva nenguva. Zvinokosha kuwana nguva yokufunga nezvezvinetso zvadzo. Izvi zvinobatsira kuti dzinzwe dzanyaradzwa mumudzimu.” Zvisinei, kubatsira nemari kunodiwawo dzimwe nguva. “Zvino tiri kuvaka imba yehanzvadzi yave chirikadzi,” akadaro Abel nguva pfupi yapfuura. “Tinopedza mimwe Migovera nemamwe masikati mukati mevhiki tichishanda paimba yayo.”

Achitaura nezvezvakaitika kwaari mukubatsira nherera nechirikadzi, mumwe mukuru womuungano anoti: “Ndinodavira kuti nherera dzinotova dzinoda rudo rwechiKristu zvikuru kupfuura zvinoita chirikadzi. Ndakacherechedza kuti ndidzo dzinganyanya kunzwa dzisingadiwi kupfuura vana kana vayaruki vane vabereki vavo vose. Dzinoda kuratidzwa rudo rwehama kakawanda. Zvakanaka kudzitsvaka kana musangano wapera kuti uone kuti dziri nani here. Pane imwe hama yakaroora yakava nherera payakanga iri kakomana. Ndinoikwazisa noushamwari nguva dzose pamisangano, uye inondimbundira painondiona. Izvi zvinosimbisa zvinobatanidza rudo rwehama rwechokwadi.”

Jehovha “Ucharwira Mushayiwi”

Kuvimba naJehovha kunokosha kuti mamiriro ezvinhu echirikadzi nenherera agadziriswe zvinobudirira. Nezvake, zvinonzi: “Jehovha unochengeta vatorwa; Jehovha unotsigira nherera nechirikadzi.” (Pisarema 146:9) Mushonga chete unopedza chinetso chorudzi urwu unouya bedzi noUmambo hwaMwari mukutonga kwaJesu Kristu. Achitsanangura achiita zvokuprofita kutonga kwaMesiya ikoko, munyori wepisarema akanyora kuti: “Ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi.”—Pisarema 72:12, 13.

Sezvo magumo ezvinhu zviripo ava pedyo, pane chokwadi chokuti zvinonetsa zvinosanganwa nazvo nevaKristu zvichawedzera. (Mateu 24:9-13) Zuva roga roga pane kudiwa kwokuti vaKristu varatidzirane hanya zvikuru uye kuti va“danan[e] zvikuru.” (1 Petro 4:7-10) Varume vechiKristu, kunyanya vakuru, vanofanira kuva nehanya netsitsi kunherera. Uye varume vakuru muungano vanogona kutsigira zvikuru chirikadzi uye vova vanyaradzi. (Tito 2:3-5) Chokwadi, munhu wose anogona kubatsira nokuva nehanya nevaya vari kutambura.

VaKristu vechokwadi hava‘pfigi musuwo wetsitsi dzavo’ pavano‘ona hama yavo ichishayiwa.’ Vanoziva zvikuru kuteerera kurayira kwomuapostora Johani kwokuti: “Vana vaduku, ngatirege kuda, kana neshoko kana norurimi, asi nezviito nechokwadi.” (1 Johani 3:17, 18) Naizvozvo ngati“tarisir[e] nherera nechirikadzi pakutambudzika kwadzo.”—Jakobho 1:27.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]

“Ngatirege kuda, kana neshoko kana norurimi, asi nezviito nechokwadi.” 1 Johani 3:18

[Mifananidzo iri papeji 10]

VaKristu vechokwadi vanotarisira nherera nechirikadzi nezvinhu zvokunyama, mumudzimu uye mupfungwa