Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungaratidza Sei Kuona Mari Zvine Mwero?

Ungaratidza Sei Kuona Mari Zvine Mwero?

Ungaratidza Sei Kuona Mari Zvine Mwero?

Kuda mari uye kuda zvinhu hazvisi zvitsva; hazvireviwo kuti Bhaibheri haritauri nezvazvo, sokunge zvinhu zvichangobva kutanga. Ndezvekare zvikuru. MuMutemo, Mwari akarayira vaIsraeri kuti: “Usachiva imba yowokwako . . . kana chimwe chinhu chowokwako.”—Eksodho 20:17.

KUDA mari nezvinhu zvakanga zvakakurumbira muzuva raJesu. Chimbofunga nezvomushumo uyu wekurukurirano yakaitwa naJesu nomurume wechiduku akanga “akapfuma zvikuru.” “Jesu akati kwaari: ‘Pachine chinhu chimwe chete chiri kushayikwa pauri: Tengesa zvinhu zvose zvaunazvo ugovere varombo, uye uchava nepfuma kumatenga; uuye uve muteveri wangu.’ Akati anzwa izvi, akashungurudzwa kwazvo, nokuti akanga akapfuma zvikuru.”—Ruka 18:18-23.

Kuona Mari Zvakanaka

Zvisinei, kunenge kuri kunyepa kugumisa kuti Bhaibheri rinoshora mari pachayo kana chero zvainoshandiswa zvinokosha. Bhaibheri rinoratidza kuti mari inodzivisa urombo nenhamo dzahunokonzera, ichiita kuti vanhu vakwanise kutenga zvinhu zvavanoda. Mambo Soromoni akanyora kuti: “Uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo.” Uye: “Mutambo unoitirwa kuseka, uye waini inofadza upenyu; zvose zvingawanikwa nemari.”—Muparidzi 7:12; 10:19.

Kushandisa mari zvakarurama kunotenderwa naMwari. Somuenzaniso, Jesu akati: “Zviitirei shamwari nepfuma isina kururama.” (Ruka 16:9) Izvi zvinosanganisira kupa mipiro yokufambisira mberi kunamata Mwari kwechokwadi, nokuti tinotofanira kuda kuti Mwari ave Shamwari yedu. Soromoni pachake, achitevera muenzaniso wababa vake Dhavhidhi, akapa mari yakawanda chaizvo nezvinhu zvinokosha kuti temberi yaJehovha ivakwe. Mumwe murayiro wechiKristu ndewokubatsira vaya vanoshayiwa. “Goveranai nevatsvene maererano nezvavanoda,” akadaro muapostora Pauro. Akawedzera kuti: “Teverai nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka.” (VaRoma 12:13) Izvi zvinowanzosanganisira kushandisa mari. Zvisinei, zvakadini nokuda mari?

‘Kuda Sirivha’

Pauro akakurukura zvakanyanya nezvo“kuda mari”—kana kuti chaizvoizvo, “kuda sirivha”—paakanga achinyorera muKristu, wechiduku Timoti. Zano raPauro rinowanikwa pana 1 Timoti 6:6-19. Akataura nezvo“kuda mari” sechimwe chezvinhu zvokunyama zvaaitaura. Tingaita zvakanaka kudzidza nokungwarira mashoko aPauro akafuridzirwa, tichifunga nezvokudiwa kunoitwa mari nevanhu vanhasi. Kuongorora kwakadaro chokwadi kunobatsira nokuti kunoratidza chinofanira kuitwa kuti ti“batisise upenyu chaihwo.”

Pauro anonyevera kuti: “Kuda mari ndiwo mudzi wemarudzi ose ezvinhu zvakaipa, uye vachitsvaka kuda ikoku vamwe vakatsauswa pakutenda uye vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kwakawanda.” (1 Timoti 6:10) Mashoko aya haarevi kuti mari pachayo yakaipa—uye hapana rumwe rugwaro runodaro. Uyewo muapostora haana kumboti mari ndiyo chinhu chikuru chinokonzera “zvinhu zvakaipa” kana kuti mari ndiyo inokonzera chinetso chose. Asi, kuda mari kunogona kukonzera—kunyange kana kusiriko kunongokonzera bedzi—marudzi ose e“zvinhu zvakaipa.”

Ngwarira Kuita Makaro

Kuti mari pachayo haishorwi muMagwaro hakufaniri kurerutsa nyevero yaPauro. VaKristu vanotanga kuda mari vanobatwa nyore nyore nezvinetso zvakasiyana-siyana, chakaipisisa chacho chinova chokutsauka pakutenda. Chokwadi ichi chinosimbiswa nezvakataurwa naPauro kuva Kristu muKorose, kuti: “Naizvozvo, urayai mitezo yomuviri wenyu iri pasi pano kana toreva . . . kuchiva kunokuvadza, nokuchochora, kuri kunamata zvidhori.” (VaKorose 3:5) Ko kuchochora, makaro, kana kuti “kuda mari” kungasvika sei pakunzi kunamata zvidhori? Zvinoreva here kuti zvakashata kuda kuva neimba hombe, motokari itsva, nebasa rinopa mari yakawanda? Kwete, hapana chimwe chezvinhu izvi chakaipa. Mubvunzo ndewokuti: Chii chinenge chichiita kuti mwoyo womunhu ude chimwe chezvinhu izvi, uye kuti zvinokosha chaizvoizvo here?

Kusiyana kuri pakati pokuda kwomuzvarirwo nemakaro kunogona kufananidzwa nokusiyana kwakaita moto muduku wepamba unobika zvokudya nemarimi omoto anoparadza sango. Kuda kwakanaka uye kwakakodzera kungava kunobatsira. Kunotiita kuti tishande uye kuti tive nezvibereko. Zvirevo 16:26 inoti: “Nzara yomubati inomubatira; nokuti muromo wake unomukurudzira.” Asi makaro ane ngozi uye anoparadza. Kuda kusingadzoreki.

Kudzora ndiko kunonetsa zvikuru. Mari yatichaunganidza kana kuti zvinhu zvatinoda zvichashanda pane zvinodikanwa zvedu here, kana kuti zvatinoda ndozvichashandira mari? Ndochikonzero nei Pauro achiti kuva “munhu anokara . . . zvinoreva . . . kuva anonamata zvidhori.” (VaEfeso 5:5) Kukara chimwe chinhu chaizvoizvo kunoreva kuti tinoisa kuda kwedu kwachiri—kutaura zvazviri, tinochiita tenzi wedu, mwari wedu, chinhu chatinoshumira. Kusiyana naizvozvo, Mwari anoomerera pakuti: “Usava navamwe vamwari kunze kwangu.”—Eksodho 20:3.

Kuva kwedu nemakaro kunoratidzawo kuti hativimbi kuti Mwari achaita zvaakavimbisa zvokutipa zvatinoda. (Mateu 6:33) Naizvozvo, makaro anozoguma nokutsauka kuna Mwari. Mupfungwa iyiwo, “kunamata zvidhori.” Ndosaka zvisingashamisi kuti Pauro anonyevera zvakajeka nezvawo!

Jesu akanyeverawo zvakananga nezvemakaro. Akatirayira kuti tingwarire kuda chimwe chinhu chatisina achiti: “Rambai makasvinura muchenjerere kuchochora kworudzi rwose, nokuti kunyange kana munhu ane zvakawanda upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaanazvo.” (Ruka 12:15) Maererano nendima ino uye muenzaniso waJesu unozotevera, makaro akavakirwa pakufunga kwoupenzi kwokuti chinokosha muupenyu ndechokuti munhu ane zvinhu zvakawanda sei. Zvingava mari, chinzvimbo, simba, kana zvinhu zvakada kuti fananei. Zvinoita kuti munhu akare chinhu chose chinogona kuwanikwa. Pfungwa inenge iripo ndeyokuti kuwana chinhu ichocho kuchatiita kuti tigutsikane. Asi maererano neBhaibheri nezvakawanikwa mukurarama kwevanhu, Mwari chete ndiye anogona kugutsa—uye achatogutsa—zvatinoda chaizvo, sokutaura kwakaita Jesu nevateveri vake.—Ruka 12:22-31.

Nzanga yanhasi inongofunga zvokutenga nokutengesa inobudirira pakutanga chido chokuita makaro. Vanhu vakawanda vanopesvedzerwa munzira dzisiri nyore kuoneka asi dzakasimba vanosvika pakufunga kuti zvose zvavanazvo hazvina kukwana. Vanoda zvinhu zvakawanda, zvihombe, uye zviri nani. Kunyange zvazvo tingasava netariro yokuchinja nyika yakatikomberedza, tingadzivisa sei muitiro uyu pachedu?

Kugutsikana Mukupesana Nemakaro

Pauro anotaura chimwe chinhu chokuva nacho panzvimbo pemakaro, chinova kugutsikana. Anoti: “Nokudaro, kana tine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.” (1 Timoti 6:8) Iyi tsanangudzo yezvose zvatinoda—“zvokudya nezvokupfeka nepokugara”—inganzwika seisina kunyatsotsarukana. Vanhu vakawanda vanovaraidzwa nepurogiramu dzeterevhizheni apo vaoni vanoshanyira vanhu vane mukurumbira vanogara mudzimba dzoumbozha. Iyoyo haisiriyo nzira yokugutsikana nayo.

Chokwadi, vashumiri vaMwari havadikanwi kuti vararame muurombo hwokuzviisa mahuri pachavo. (Zvirevo 30:8, 9) Zvisinei, Pauro anotiyeuchidza kuti urombo chii chaizvo: kushaya zvokudya, zvokupfeka, uye musha zvakakwana kuti munhu ararame kwaanogara. Uyewo, kana tine zvinhu izvozvo, tine zvinofanira kuita kuti tigutsikane.

Pauro airevesa here nezvetsanangudzo yakadaro yokugutsikana? Zvinogoneka here kugutsikana nezvinongokosha kurarama nazvo chete—zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara? Pauro aifanira kunge aiziva. Akava noupfumi hwemberi uye mikana yakanaka yezvinzvimbo zvepamusoro munzanga yechiJudha uye kodzero yokuva mugari womuRoma. (Mabasa 22:28; 23:6; VaFiripi 3:5) Pauro akatamburawo nokuomerwa nezvinhu kukuru mumabasa ake oumishinari. (2 VaKorinde 11:23-28) Apfuura nomune zvose izvi, akadzidza nzira yakamubatsira kuti arambe achigutsikana. Yakanga iri yei?

“Ndakadzidza Nzira”

Pauro akatsanangura mune imwe yetsamba dzake kuti: “Zvechokwadi ndinoziva kuva nezvinhu zvishoma, zvechokwadi ndinoziva kuva nezvakawanda. Muzvinhu zvose uye mumamiriro ezvinhu ose ndakadzidza nzira yokuva akaguta nokuva ane nzara, zvose zviri zviviri kuva nezvakawanda uye kushayiwa.” (VaFiripi 4:12) Pauro anonzwika ane chivimbo chaizvo, ane tariro chaiyo! Zvingava nyore kufunga kuti upenyu hwake hwakanga hwakanaka paakanyora mashoko aya asi zvakanga zvisina kudaro. Aitove mujeri muRoma!—VaFiripi 1:12-14.

Kana pfungwa iyoyo ikafungwa nezvayo, ndima iyi ine mashoko makuru panhau yokugutsikana kwete chete nezvinhu asiwo nemamiriro ezvinhu. Kuwandisa kwepfuma kana kuomerwa kunogona kuratidza zvatinokoshesa. Pauro akataura nezvezvinhu zvomudzimu zvakamugonesa kugutsikana pasinei nemamiriro ake ezvinhu zvaaiva nazvo achiti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka [yaMwari] anondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Pane kuvimba nezvinhu zvake, zvakawanda kana zvishoma, kana kuti nemamiriro ake ezvinhu, akanaka kana akaipa, Pauro akatarira kuna Mwari kuti agutse zvaaida. Izvi zvakaguma nokugutsikana.

Muenzaniso waPauro wakanga uchikosha zvikuru kuna Timoti. Muapostora akakurudzira jaya irori kuti rirarame muraramiro wokuzvipira kuna Mwari uye ushamwari hwepedyo naMwari panzvimbo pepfuma. Pauro akati: “Zvisinei, Haiwa, iwe, munhu waMwari, tiza zvinhu izvi. Asi tevera kururama, kuzvipira kuna Mwari, kutenda, rudo, kutsungirira, unyoro.” (1 Timoti 6:11) Mashoko iwayo angava akataurwa kuna Timoti, asi anoshanda kunaani naani anoda kukudza Mwari uye kuva noupenyu hwomufaro chaiwo.

Timoti aifanira kungwarira makaro kungofanana nomumwe muKristu upi noupi. Zviri pachena kuti pakanga pane vatendi vapfumi muungano yeEfeso, kwaakanga ari apo Pauro akamunyorera. (1 Timoti 1:3) Pauro akanga apinda mune muzinda uyu wakabudirira wezvokutengeserana ane mashoko akanaka aKristu, achitendeutsa vanhu vakawanda. Ndosaka zvisingashamisi kuti vakawanda veava vakanga vari vapfumi, sezvakangoita vamwe vari muungano yechiKristu nhasi.

Zvino, zvikurukuru maererano nedzidziso iri pana 1 Timoti 6:6-10, mubvunzo ndewokuti: Vanhu vane mari yakawanda vanofanira kuita sei kana vachida kukudza Mwari? Pauro anotaura kuti vanofanira kutanga nokuongorora mafungiro avo. Mari ine kamuitiro kokuita kuti pave nokunzwa kwokugona kuzviriritira. Pauro anoti: “Rayira vakapfuma mugadziriro ino yezvinhu iripo kuti varege kuzvikudza, uye kuti vaise tariro yavo, kwete papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari, anotigovera zvinhu zvose kwazvo kuti tifare.” (1 Timoti 6:17) Vapfumi vanofanira kudzidza kutarira mberi kupfuura mari yavo; vanofanira kutarira kuna Mwari, muvambi wepfuma ipi neipi.

Asi mafungiro chinongova chigadzikiso chiduku chete. Nokufamba kwenguva, vaKristu vakapfuma vanofanira kushandisa pfuma yavo zvakanaka. Pauro anorayira kuti: ‘Shandirai zvakanaka, pfumai pamabasa akanaka kwazvo, ivai norupo, muchida kugoverana.’—1 Timoti 6:18.

“Upenyu Chaihwo”

Chinangwa chikuru chezano raPauro ndechokuti tinofanira kuzviyeuchidza kukosha kwezvinhu. Shoko raMwari rinoti: “Pfuma yomupfumi ndiwo musha wake wakasimba, uye sorusvingo rurefu pakufunga kwake.” (Zvirevo 18:11) Hungu, pakupedzisira kuchengeteka kungaitwa kuti kuvepo nepfuma kunongoitwa zvokufungidzirwa chete uye chaizvoizvo kunonyengera. Hazvina kururama kuti tiise upenyu hwedu pairi pane kutenderwa naMwari.

Kusanyatsoziva kuti pfuma ichaita sei kunoita kuti tisanyanya kuvimba nayo. Tariro yechokwadi inofanira kutsigirwa nechimwe chinhu chakasimba, chinokosha, uye chisingaperi. Tariro yechiKristu iri paMusiki wedu, Jehovha Mwari, uye pachipikirwa chake choupenyu husingaperi. Nepo chiri chokwadi chokuti mari haingatengi mufaro, chinotova chokwa- di chikuru kuti mari haitengi ruponeso. Kutenda kwedu Mwari chete ndiko kunogona kutipa tariro iyoyo.

Nokudaro tingava tiri vapfumi kana varombo, ngatitevere nzira muupenyu ichatiita kuti tive vaka- “pfuma kuna Mwari.” (Ruka 12:21) Hapana chinokosha kupfuura kuva munhu akatenderwa noMusiki. Zvose zvatinoita kuti tirambe tichitenderwa kudaro zvinobatsira kuti ‘tizvichengetere nheyo yakanaka kwazvo nokuda kwenguva yemberi, kuti tibatisise upenyu chaihwo.’—1 Timoti 6:19.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Pauro akadzidza nzira yokugutsikana

[Mifananidzo iri papeji 8]

Tinogona kuva vanofara uye vanogutsikana nezvatinazvo