Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoda Mari Yako Kana Kuti Upenyu Hwako Here?

Unoda Mari Yako Kana Kuti Upenyu Hwako Here?

Unoda Mari Yako Kana Kuti Upenyu Hwako Here?

Ungave wakanzwa nezvemakororo aisimudzira pfuti kumeso kwomunhu waaida kubira, achirayira kuti: “Tipe mari yako kana kuti wofa!” Nhasi, kurayira uku kunozivikanwa kunooneka mudambudziko rakaoma ratakanangana naro tose—kunyanya vamwe vedu vari kurarama munyika dzakabudirira. Zvisinei, pari zvino haasi makororo ari kuda mari zvakadaro. Asi, kunyanya kuda mari uye kuda kubudirira kunoitwa nenzanga.

KUDA kwakadaro kwakamutsa dzimwe nyaya nezvinetso zvitsva. Mari nezvinhu zvinofanira kutsvakwa kusvika papi? Tingagutsikana nezvishoma here? Vanhu vari kure- ga “upenyu chaihwo” here vachitsvaka zvinhu? Mari ndiyo inowanisa mufaro muupenyu here?

Kukara Mari

Pane zvinofarirwa nomunhu uye zvaanodisisa—zvingava zvichiwanika pamutemo kana kuti nedzimwe nzira—kuda mari kuri pamberi. Kusiyana nokuda kurara nomunhu uye kudya, kukara mari kunogona kuramba kwakadaro uye kusingaperi. Kuchembera kunoita sokusingakwanisi kupedza kuda mari. Muzviitiko zvakawanda kukura chaizvoizvo kungatowedzera kufarira kwomunhu kana kuti kuda mari nezvaingatenga.

Kukara mari kunoita sokuri kuwedzera. Mutambi mukuru mune rimwe bhaisikopu rakakurumbira akati: “Makaro anoshanda. Makaro anobatsira.” Kunyange zvazvo vakawanda vaitaura nezvokuma1980 seNguva yeMakaro, zvakaitika nguva iyoyo isati yasvika uye yapfuura zvakaratidza kuti maitiro evanhu mune zvemari akangochinja zvishoma nokufamba kwemakore.

Zvichida chingava chitsva ndechokuti vanhu vakawanda zvikuru vanoona mikana yokugutsa pakarepo kuda kwavo zvinhu zvakawanda. Zvinoita sokuti vanhu vakawanda nguva zhinji vanopedza simba ravo rakawanda vachigadzira nokuunganidza zvinhu zva- kawandisa. Ungabvuma kuti kuva ne- zvinhu uye kushandisa mari kwazova chinhu chinodiwa—uye kakawanda chiri chokufungidzira zvikuru—muupenyu hwanhasi.

Asi kana zvadaro vanhu vanofara here? Achipindura mubvunzo iwoyo, Mambo Soromoni akachenjera uye akanga aka- pfuma zvikuru akanyora makore 3 000 akapfuura kuti: “Unoda sirivha, haangagutswi nesirivha, naiye unoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda; naizvozvo hazvina maturo.” (Muparidzi 5:10) Zvidzidzo zvemagariro evanhu zvemazuva ano zvinopa mhedziso yakada kungofanana naiyoyo.

Mari Nomufaro

Zvimwe zvakawanikwa zvinoshamisa kwazvo nezvemaitiro evanhu ndezvokuti kuunganidza mari nezvinhu hakusiriko kunobva kwawedzera kugutsikana nomufaro. Vanotsvakurudza ruzivo vakawanda vakasvika pakuziva kuti kana munhu angoti budirirei kusvika pamwero wakati, kunzwa kwake kuti akachengetedzeka kunotsamira pakuti ane zvinhu zvakawanda sei.

Nokudaro, kutsvaka zvinhu nemari kusingadzorwi kunosiya vakawanda vachibvunza kuti, ‘Tinoita setinofadzwa nokuva nechinhu chitsva chose chatinotenga, asi tafunga zvose izvi, nei kuri kuti mafaro aya anounzwa nezvinhu zvose izvi haawedzeri kugutsikana?’

Mubhuku rake rinonzi Happy People, munyori anonzi Jonathan Freedman anoti: “Kana mari shoma yangowanika, kuwanda kwemari yaunayo hakuna basa zvikuru kana tovera nezvokuunza mufaro. Kupfuura pane hunonzi urombo, ukama huripo pakati pemari yaunowana nomufaro huduku kwazvo.” Vakawanda vakasvika pakuziva kuti chinokosha zvikuru kuti munhu afare ndechokuti anoda zvokunamata, ane vavariro dzakanaka muupenyu, uye ane tsika. Uyewo chinokosha ukama hwomunhu nevamwe vanhu uye kusabatanidzwa mumakakatanwa kana kunetsana kungatidzivisa kunakidzwa nezvatinazvo.

Vakawanda vanoona kuti chinokonzera zvinetso zvemagariro zviripo iye zvino kuda kuedza kushandisa pfuma kugadzirisa zviri chaizvoizvo zvinetso zvomumwoyo. Vamwe vanotaura nezvemagariro evanhu vanotaura nezvomuitiro une vakawanda wokufunga kuti pachaitika zvakaipa uye wokusagutsikana. Vanoonawo muitiro unowedzera wevanhu vari munyika dzakabudirira wokuenda kuvarapi kunotsvaka zvinoreva upenyu uye rugare rwomwoyo kubva kuvadzidzisi vechiHindu, zvitendero, uye kune vanhu vanozviti vanorapa. Izvi zvinoratidza kutadza kwezvinhu kuita kuti upenyu huve nezvahunoreva.

Simba uye Kushaya Simba kweMari

Chokwadi, mari ine simba. Inogona kutenga dzimba dzakanaka, mbatya dzakanaka, uye midziyo yomumba yakaisvonaka. Ingaitawo kuti munhu ayemurwe zvikuru, kuteererwa, kana kuti kubata kumeso, kunyange kuita kuti pave neshamwari dzenguva pfupi dzinoda kukuitira zvaunoda. Asi izvozvo ndozvinongogona kuitwa nesimba remari. Chatinoda zvikuru, mari haigoni kuchitenga—rudo rweshamwari yechokwadi, kugadzikana mupfungwa, kunyaradzwa kushomanana wave kuda kufa. Uye kune vaya vanokoshesa ushamwari hwavo noMusiki, mari haigoni kutenga kutenderwa naMwari.

Mambo Soromoni, akanga ane zvinhu zvose zvaigona kutengwa nemari muzuva rake, akacherechedza kuti kuvimba nezvinhu hakutungamiriri kumufaro usingagumi. (Muparidzi 5:12-15) Mari inogona kurasika nokukundikana kwebhangi kana kuderera kwesimba remari. Pfuma yezvivako inogona kuparadzwa nemadutu ane simba. Inishuwarenzi, kunyange ichidzorera zvinhu zvinenge zvarasika, haipedzi kurwadziwa kwaunoita mupfungwa kuti warasikirwa nechimwe chinhu. Mari dzinoiswa mumakambani dzinogona kupera basa kamwe kamwe mukuparara kwoupfumi kusingafungidziriki. Kunyange basa rinobhadhara rinogona kuvapo nhasi mangwana ropera.

Zvino, tingaona sei mari zvine mwero? Mari kana zvinhu zvinofanira kuita basa rei muupenyu hwedu? Tapota enderera mberi nokuongorora nyaya yacho kuti uone kuti ungawana sei chimwe chinhu chinokosha zvechokwadi—“upenyu chaihwo.”

[Mifananidzo iri papeji 4]

Zvinhu hazviunzi mufaro usingagumi