Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Fara Kuti Unoziva Jehovha

Fara Kuti Unoziva Jehovha

Fara Kuti Unoziva Jehovha

“Vanofara avo vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta!”—RUKA 11:28.

1. Jehovha akatanga rini kukurukura nevanhu?

JEHOVHA anoda vanhu uye anonyatsofarira kugara kwavo zvakanaka. Saka, hazvishamisi kuti anokurukura navo. Kukurukura uku kwakatanga mubindu reEdheni. Maererano naGenesi 3:8 pane chimwe chiitiko “kwotonhorera madekwana,” Adhamu naEvha “vakanzwa inzwi raJehovha Mwari.” Vamwe vanoti izvi zvinoratidza kuti ndizvo zvaigara zvichiita Jehovha kutaura naAdhamu panguva iyi, zvichida zuva nezuva. Chero zvingava zvakadaro, Bhaibheri rinojekesa kuti Mwari akatora nguva kwete pakurayiridza munhu wokutanga chete asi pakumudzidzisa zvaaifanira kuziva kuti agoita mabasa ake.—Genesi 1:28-30.

2. Vaviri vokutanga vakazvibvisa sei panhungamiro yaJehovha, uye zvakaguma nei?

2 Jehovha akapa Adhamu naEvha upenyu, uye simba pamhuka nepanyika yose. Asi paingova nechinhu chimwe chete chavakarambidzwa—vaisafanira kudya muchero womuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. Vafurirwa naSatani, Adhamu naEvha vakatyora murayiro waMwari. (Genesi 2:16, 17; 3:1-6) Vakasarudza kuzvimiririra, vachizvisarudzira zvakanaka nezvakaipa. Nokudaro, vakaita zvoufuza kuzvibvisa panhungamiro yoMusiki wavo ane rudo. Migumisiro yacho yaiva yakavaipira ivo nevana vavo vavaizobereka. Adhamu naEvha vakachembera ndokuzofa vasina tariro yorumuko. Vana vavo vakaberekwa vaine chivi nomugumisiro wacho, rufu.—VaRoma 5:12.

3. Nei Jehovha akakurukura naKaini, uye Kaini akadavira sei?

3 Pasinei nokupanduka kwakaitika muEdheni, Jehovha akaramba achikurukura nezvisikwa zvake, vanhu. Kaini, mwanakomana wedangwe waAdhamu naEvha, aiva mungozi yokukurirwa nechivi. Jehovha akamuyambira kuti akanga ari kuzvipinza mumatambudziko uye akamupa zano roku“ita zvakanaka.” Kaini akaramba zano rorudo iri ndokubva auraya munun’una wake. (Genesi 4:3-8) Saka, vanhu vatatu vokutanga kugara panyika vakaramba nhungamiro yaipiwa neakavapa upenyu, Mwari anopa mirayiridzo kuvanhu vake kuti vazvibatsire. (Isaya 48:17) Izvi zvinofanira kunge zvakaodza Jehovha mwoyo zvechokwadi!

Jehovha Anozvizivisa Kuvarume Vekare

4. Jehovha aiva nechivimbo chei pamusoro pevazukuru vaAdhamu, uye ishoko ripi rinopa tariro raakataura achifunga nezvazvo?

4 Kunyange zvazvo aiva nekodzero yokurega kukurukura nevanhu, Jehovha haana kudaro. Aiva nechivimbo chokuti vamwe vevazukuru vaAdhamu vaizoteerera nhungamiro yake nokuchenjera. Somuenzaniso, paaitaura mutongo waAdhamu naEvha, Jehovha akafanotaura nezvokuuya kwe“mbeu” yaizomira ichirwisana neNyoka, Satani Dhiyabhorosi. Nokufamba kwenguva, Satani aizopwanywa musoro. (Genesi 3:15, NW) Uprofita uhwu hwaiva shoko rinofadza rinopa tariro kune “avo vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta.”—Ruka 11:28.

5, 6. Jehovha aishandisa nzira dzipi kukurukura nevanhu zana remakore rokutanga C.E. risati rasvika, uye izvi zvakavabatsira sei?

5 Jehovha akazivisa zvaaida kumadzitateguru ekare akavimbika, akadai saNoa, Abrahamu, Isaka, Jakobho, uye Jobho. (Genesi 6:13; Eksodho 33:1; Jobho 38:1-3) Gare gare, akarongera vaIsraeri bumbiro rose remitemo achishandisa Mosesi. Mutemo waMosesi wakavabatsira munzira dzakawanda. Nokuuteerera, vaIsraeri vakatsaurwa kubva mune mamwe marudzi ose sevanhu vaMwari vaikosha. Jehovha akavimbisa vaIsraeri kuti kana vaizoteerera Mutemo, aizovakomborera kwete chete nezvinhu asi pakunamata kwavo, achivaita umambo hwevapristi, rudzi rutsvene. Mutemo wacho waitaura zvaifanira kuitwa kunyange pane zvokudya uye utsanana izvo zvaitsigira utano hwakanaka. Zvisinei, Jehovha akayambirawo nezvemigumisiro inotyisa yaizokonzerwa nokusateerera.—Eksodho 19:5, 6; Dheuteronomio 28:1-68.

6 Nokufamba kwenguva mamwe mabhuku akafuridzirwa akawedzerwa kune aivapo eBhaibheri. Rondedzero dzenhau dzakataura nezvemabatiro akaita Jehovha nemarudzi nevanhu vakasiyana-siyana. Mabhuku anoita zvokudetemba akarondedzera unhu hwake zvakazonaka. Mabhuku ouprofita akafanotaura maitikiro aizoita kuda kwaJehovha munguva yemberi. Varume vekare vakavimbika vakadzidza nokungwarira ndokushandisa zvinyorwa zvakafuridzirwa izvi. Mumwe akanyora kuti: “Shoko renyu ndiro mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.” (Pisarema 119:105) Kune vaya vaida kuteerera, Jehovha aidzidzisa nokujekesa.

Chiedza Chinowedzera Kujeka

7. Kunyange zvake akaita zvishamiso, Jesu aizivikanwa saani zvikurukuru, uye nei?

7 Pakazosvika zana remakore rokutanga, mapoka ezvitendero echiJudha akanga awedzera tsika dzevanhu kuMutemo. Mutemo wakashandiswa zvisiri izvo, uye panzvimbo pokuti ujekese zvinhu, wakarema nokuda kwetsika idzodzo. (Mateu 23:2-4) Zvisinei, muna 29 C.E., Jesu akaoneka saMesiya. Akanga auyira kwete kuzopa upenyu hwake chete achimiririra vanhu vose asiwo kuti a“pupurire chokwadi.” Kunyange zvake akaita zvishamiso, aizivikanwa zvikurukuru so“Mudzidzisi.” Kudzidzisa kwake kwakanga kwakafanana nechiedza chaipenya nomurima rakanga rakazadza pfungwa dzevanhu. Jesu pachake akanga akarurama paakati: “Ndini chiedza chenyika.”—Johani 8:12; 11:28; 18:37.

8. Mabhuku api akafuridzirwa akanyorwa muzana remakore rokutanga C.E., uye akabatsira sei vaKristu vokutanga?

8 Gare gare pakazowedzerwa Evhangeri, nhoroondo ina dzakanyorwa nezvoupenyu hwaJesu, nebhuku raMabasa, rondedzero yokupararira kwakaita chiKristu pashure porufu rwaJesu. Kwaivawo netsamba dzakafuridzirwa dzakanyorwa nevadzidzi vaJesu, pamwe chete nebhuku rouprofita raZvakazarurwa. Izvi zvinyorwa, zvasangana nemagwaro echiHebheru, zvakaita kuti Bhaibheri rose rikwane. Vachibatsirwa neraibhurari iyi yakafuridzirwa, vaKristu vaizogona ‘kunzwisisa nevatsvene vose kufara nokureba nokukwirira nokudzika’ kwechokwadi. (VaEfeso 3:14-18) Vaizogona kuva ne“pfungwa dzaKristu.” (1 VaKorinde 2:16) Kunyange zvakadaro, vaKristu ivavo vokutanga havana kunyatsonzwisisa zvose zvine chokuita nechinangwa chaJehovha. Muapostora Pauro akanyorera vamwe vatendi kuti: “Nokuti panguva ino tinoonera mumadzerere negirazi resimbi.” (1 VaKorinde 13:12) Girazi rakadaro rinongoratidza madzerere asi kwete zvazvakanyatsoita. Kunzwisiswa kwakanyatsokwana kweShoko raMwari kwakanga kusati kwasvika.

9. Chii chakajekeswa mu“mazuva okupedzisira”?

9 Nhasi, tiri kurarama munguva inonzi “mazuva okupedzisira,” anozivikanwa ne“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Muprofita Dhanieri akafanotaura kuti munguva ino “zivo yechokwadi [yaizo]wanda.” (Dhanieri 12:4, NW) Nokudaro, Jehovha, Mukurukuri Mukuru, abatsira vane mwoyo yakatendeseka kunzwisisa Shoko rake. Vanhu vakawanda vava kunzwisisa iye zvino kuti Jesu Kristu akagadzwa pachigaro kumatenga asingaoneki muna 1914. Vanozivawo kuti ava kubva ogumisa uipi hwose oshandura pasi kuva paradhiso. Ichi ndechimwe chokwadi chinoumba mashoko akanaka oUmambo chiri kuparidzirwa pasi pose.—Mateu 24:14.

10. Mumazana ose emakore, vanhu vave vachiita sei pavanopiwa zano raJehovha?

10 Hungu, kubvira kare Jehovha ave achiudza vanhu panyika zvaanoda uye chinangwa chake. Bhaibheri rinorondedzera vakawanda vakateerera, vakashandisa uchenjeri hwaMwari, zvikaita kuti varopafadzwe. Rinotaura nezvevamwe vakaramba zano raMwari rorudo, vachitevera nzira inoparadza yaAdhamu naEvha. Jesu akaenzanisira mamiriro iwayo ezvinhu paakataura nezvemigwagwa miviri yokufananidzira. Mumwe unotungamirira kunoparadzwa. Wakapamhama uye wakafara, unoteverwa nevakawanda vanoramba Shoko raMwari. Mumwe mugwagwa unotungamirira kuupenyu husingaperi. Kunyange zvawo wakamanikana, ndiwo nzira yevashomanana vanogamuchira Bhaibheri Shoko raMwari nokuda kwezvariri, vorarama zvinotsinhirana naro.—Mateu 7:13, 14.

Kuonga Nokuda Kwezvatinazvo

11. Kuziva kwedu uye kudavira kwedu Bhaibheri umboo hwechii?

11 Uri mumwe wevaya vakasarudza nzira inoenda kuupenyu here? Kana zvakadaro zviri pachena kuti unoda kuramba uri mairi. Ungazviita sei? Funga nguva dzose uye uchionga zvikomborero zvakaunzwa muupenyu hwako nokuziva Bhaibheri. Kubvuma kwawakaita mashoko akanaka kunotoratidza kuti Mwari akakukomborera. Jesu akaratidza izvi paakanyengetera kuna Baba vake mumashoko aya anoti: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wedenga nepasi, nokuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara mukazvizarurira vacheche.” (Mateu 11:25) Varedzi vehove nevateresi vakawana zvairehwa nedzidziso yaJesu, asi vatungamiriri vechitendero vaive vakadzidza zvepamusoro havana. Jesu akati zvakare: “Hapana munhu angagona kuuya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasamukweva.” (Johani 6:44) Kana wakasvika pakuziva Bhaibheri uye uchidavira nokutevera zvarinodzidzisa, uhwu umboo hwokuti Jehovha akakukweva. Chikonzero chokufara.

12. Bhaibheri rinojekesa zvinhu munzira dzipi?

12 Shoko raMwari rine chokwadi chinosunungura uye rinojekesa zvinhu. Vaya vanorarama maererano nezivo yeBhaibheri vanosunungurwa pakudavira mashura, padzidziso dzenhema, uye kusaziva izvo zvakazadza upenyu hwemamiriyoni. Somuenzaniso, kuziva chokwadi nezvemweya kunotisunungura pakutya kuti vakafa vanogona kutikuvadza kana kuti vadikanwi vedu vakafa vari kutambura. (Ezekieri 18:4) Kuziva chokwadi nezvengirozi dzakaipa kunotibatsira kudzivisa matambudziko anokonzerwa nokuita zvemidzimu. Dzidziso yorumuko inonyaradza kune vaya vakashayikirwa nevadikanwi vavo. (Johani 11:25) Uprofita hweBhaibheri hunotiratidza kuti tava papi nokufamba kuri kuita nguva uye hunotipa chivimbo muzvipikirwa zvaMwari zvenguva yemberi. Hunosimbisawo tariro yedu yokurarama nokusingaperi.

13. Kuteerera Shoko raMwari kunotibatsira sei mumuviri?

13 Mitemo yaMwari iri muBhaibheri inotidzidzisa kurarama nenzira inotibatsira mumuviri. Somuenzaniso, tinodzidza kudzivisa miitiro inosvibisa miviri yedu, yakadai sokusvuta fodya nezvinodhaka. Tinodzivisa kushandisa doro zvisina kufanira. (2 VaKorinde 7:1) Kuteerera mitemo yaMwari yetsika kunodzivirira kuzvirwere zvinotapuriranwa pabonde. (1 VaKorinde 6:18) Nokuteerera zano raMwari rokusada mari, hatiparadzi rugare rwedu rwepfungwa mukutsvaga pfuma, sezvakaita vakawanda. (1 Timoti 6:10) Wakabatsirwa nokushandisa Shoko raMwari muupenyu hwako munzira dzipi?

14. Chii chinoitwa nomudzimu mutsvene muupenyu hwedu?

14 Tikararama maererano neShoko raMwari, tinogamuchira mudzimu mutsvene waJehovha. Tinokudziridza unhu hwakaita sehwaKristu, hunoonekwa munzira dzakadai sengoni netsitsi. (VaEfeso 4:24, 32) Mudzimu waMwari unoberekawo matiri zvibereko zvawo—rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora. (VaGaratiya 5:22, 23) Unhu uhwu hunoita kuti tive noukama hwakanaka nevamwe, kusanganisira vomumhuri. Tinowana simba rinotibatsira kutarisana nematambudziko noushingi. Unoona here kuti mudzimu mutsvene wakaita sei kuti upenyu hwako huve nani?

15. Sezvatinotsinhiranisa upenyu hwedu nokuda kwaMwari, tinobatsirwa sei?

15 Patinotsinhiranisa upenyu hwedu nokuda kwaJehovha, tinosimbisa ukama hwedu naye. Kugutsikana kwatinoita kuti anotinzwisisa uye anotida kunoramba kuchiwedzera. Tinodzidza nokuzvionera kuti anotitsigira munguva dzakaoma. (Pisarema 18:18) Tinonzwisisa kuti anonyatsoteerera minyengetero yedu. (Pisarema 65:2) Tinosvika pakuvimba nenhungamiro yake, tichiziva kuti ichatibatsira. Uye tine tariro inoshamisa yokuti panguva yakafanira Mwari achaita kuti vakatendeka vave vakakwana uye ovapa chipo chake choupenyu husingaperi. (VaRoma 6:23) “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho. (Jakobho 4:8) Unonzwa kuti ukama hwako naJehovha hwakasimbiswa sezvawakaswedera pedyo naye here?

Pfuma Isingaenzaniswi

16. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakachinja muzvinhu zvipi?

16 Pauro akayeuchidza vaKristu vakazodzwa nomudzimu vomuzana remakore rokutanga kuti vamwe vavo vaimbove zvifeve, mhombwe, ngochani, mbavha, vanhu vane makaro, zvidhakwa, vanotuka, uye makororo. (1 VaKorinde 6:9-11) Chokwadi cheBhaibheri chakavaita kuti vachinje zvikuru; vaka“gezwa [va]kachena.” Edza kufungidzira kuti upenyu hwako hungadai hwakaita sei dai pasina chokwadi chinosunungura chawakadzidza muBhabheri. Chokwadi ipfuma isingaenzaniswi chaiyo. Zvinozotifadza kuti Jehovha anokurukura nesu!

17. Zvapupu zvaJehovha zvave zviri kupiwa sei zvokudya pamisangano yechiKristu?

17 Uyezve, funga nezvezvikomborero zvatinazvo muukama hwedu hwemarudzi akawanda! “Muranda akatendeka akangwara” anotipa zvokudya panguva chaiyo, kusanganisira Bhaibheri, magazini, nemamwe mabhuku mumitauro yakawanda. (Mateu 24:45-47) Pamisangano yeungano mugore ra2000, Zvapupu zvaJehovha munyika dzakawanda zvakaongorora pfungwa huru dziri mumabhuku masere makuru omuMagwaro echiHebheru. Vakafungisisa nezvoupenyu hwevanhu 40 vomuBhaibheri vanotaurwa nezvavo muInsight on the Scriptures. Vakadzidza chinenge chikamu chimwe chete muzvina zvebhuku rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama uye kutoda kupedza bhuku rose rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri! Dzimwe nyaya 36 dzomuNharireyomurindi dzakakurukurwa kuwedzera kunyaya 52 dzokudzidza. Uyezve, vanhu vaJehovha vakatsigirwa noUshumiri Hwedu hwoUmambo 12 nehurukuro dzavose dzinoitwa vhiki nevhiki pamusoro penyaya dzakatsaukana-tsaukana dzeBhaibheri. Hakuzi kuwanda kwakaita zivo yeBhaibheri yakaitwa kuti iwanikwe ikoko!

18. Munzira dzipi matiri kubatsirwa muungano yechiKristu?

18 Munyika yose, ungano dzinopfuura 91 000 dzinotsigira nokukurudzira dzichishandisa misangano nokushamwaridzana. Tinotsigirwawo nevamwe vaKristu vakakura vanoda kutibatsira pakunamata Mwari. (VaEfeso 4:11-13) Hungu, takabatsirwa zvikuru nokugamuchira zivo yechokwadi. Zvinonakidza kuziva uye kushumira Jehovha. Mashoko omunyori wepisarema ndeechokwadi anoti: “Vane mufaro vanhu avo Mwari wavo ari Jehovha.”—Pisarema 144:15.

Unoyeuka Here?

• Jehovha akakurukura navanaani nguva dzechiKristu dzisati dzasvika?

• Chiedza chomudzimu chakajeka sei muzana remakore rokutanga? munguva dzazvino?

• Zvikomborero zvipi zvinounzwa nokurarama maererano nokuziva Jehovha?

• Nei kuziva kwedu Mwari kuchitifadza?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 8, 9]

Jehovha akakurukura zvaaida naMosesi, Noa, uye Abrahamu

[Mufananidzo uri papeji 9]

Muzuva redu, Jehovha akajekesa Shoko rake

[Mifananidzo iri papeji 10]

Funga nezvechikomborero chatinacho muukama hwedu hwemarudzi akawanda!