Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Fara Nevamwe Mukupa!

Fara Nevamwe Mukupa!

Fara Nevamwe Mukupa!

“Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.”—MABASA 20:35.

1. Jehovha anoratidza sei mufaro wokupa?

MUFARO wokuziva chokwadi uye zvikomborero zvinobva pachiri zvipo zvinokosha zvinobva kuna Mwari. Vaya vakasvika pakuziva Jehovha vane zvikonzero zvakawanda zvokufara. Asi, nepo zvichifadza kugamuchira chipo, zvinofadzawo kupa. Jehovha ndiye Mupi we“zvipo zvose zvakanaka uye zvinopiwa zvose zvakakwana,” uye ndi“Mwari anofara.” (Jakobho 1:17; 1 Timoti 1:11) Anopa dzidziso dzinovaka kune vose vanoteerera uye anofarira kuteerera kwevaya vaanodzidzisa, sokungofarira kunoita vabereki kana vana vavo vakateerera mirayiridzo yorudo.—Zvirevo 27:11.

2. (a) Jesu akatii nezvokupa? (b) Tinowana mufaro worudzii kana tikadzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri?

2 Saizvozvowo, Jesu paaive panyika aifara kuona vanhu vachiteerera nokuita zvaaidzidzisa. Muapostora Pauro akataura zvakataurwa naJesu kuti: “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.” (Mabasa 20:35) Mufaro watinowana patinodzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri hakusi kungogutsikana nokuti mumwe munhu abvuma zvatinodavira muchitendero chedu. Zvinopfuura izvozvo, mufaro wokuziva kuti tiri kupa chimwe chinhu chine ukoshi hwechokwadi uye hunogara. Patinopa zvine ukoshi hwomudzimu, tinogona kuita kuti vanhu vazvibatsire voga iye zvino uye nokusingaperi.—1 Timoti 4:8.

Kupa Kunounza Mufaro

3. (a) Muapostora Pauro naJohani vakataura sei mafadzirwo avaiitwa nokubatsira vamwe mumudzimu? (b) Nei kuudza vana vedu chokwadi cheBhaibheri kuchiratidza kuti tinovada?

3 Hungu, sezvo Jehovha naJesu vachifadzwa nokupa zvipo zvomudzimu, vaKristu vanodarowo. Muapostora Pauro aifadzwa nokuziva kuti akanga abatsira vamwe kudzidza chokwadi cheShoko raMwari. Akanyorera ungano yeTesaronika kuti: “Chii chiri tariro yedu kana mufaro kana korona yomufaro mukuru—chokwadi, chaizvoizvo hamusi imi here?—pamberi paShe wedu Jesu pakuvapo kwake? Zvechokwadi muri mbiri yedu nomufaro wedu.” (1 VaTesaronika 2:19, 20) Kufanana naizvozvo, achitaura nezvevana vake vokumudzimu muapostora Johani akanyora kuti: “Handina chikonzero chikuru zvikuru chokuonga kupfuura zvinhu izvi, kuti ndive ndichinzwa kuti vana vangu vanopfuurira kufamba muchokwadi.” (3 Johani 4) Fungawo nezvomufaro uripo pakubatsira vana vedu pachedu kuti vave vana vedu vokumudzimu! Kuyarutsa vana “mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha” kuratidza rudo kwevabereki. (VaEfeso 6:4) Kana vachidaro vabereki vanenge vachiratidza kuti vane hanya nokugara kwevana vavo zvakanaka nokusingaperi. Vana ava vakateerera, vabereki vanofara uye vanogutsikana.

4. Chiitiko chipi chinoratidzira mufaro wokupa mumudzimu?

4 Dell mushumiri wenguva yakazara piyona uye ane vana vashanu. Iye anoti: “Ndinogona kunzwisisa mashoko omuapostora Johani nokuti ndinotenda zvikuru kuti pavana vangu vashanu vana vacho vari ‘kufamba muchokwadi.’ Ndinoziva kuti zvinounza rukudzo nembiri kuna Jehovha kana mhuri dzakabatana mukunamata kwechokwadi, saka ndinonyatsogutsikana kana ndichiona chikomborero chake pane zvandinoedza kuita kuti ndipinze chokwadi muvana vangu. Tariro yakaisvonaka youpenyu husingagumi muParadhiso nemhuri yangu inondipa chivimbo uye inondiita kuti nditsungirire pasinei nezvinetso nezvimhingamupinyi.” Zvinosuwisa kuti mumwe wevanasikana vaDell akadzingwa muungano nokuti akapinda mumararamiro asiri echiKristu. Kunyange zvakadaro Dell anoshanda nesimba kuti arambe aine mafungiro akanaka. Anoti: “Ndinovimba kuti rimwe zuva mwanasikana wangu achadzoka nokuzvininipisa uye nomwoyo wose kuna Jehovha. Asi ndinoonga Mwari kuti vazhinji vevana vangu vari kuramba vachimushumira nokutendeka. Mufaro wandinonzwa unondisimbisa zvechokwadi.”—Nehemia 8:10.

Kuita Shamwari Dzokusingaperi

5. Patinozvishandisa zvakazara mubasa rokuita vadzidzi, chii chatinoziva chinoita kuti tigutsikane?

5 Jesu akarayira vateveri vake kuita vadzidzi vechiKristu nokuvadzidzisa nezvaJehovha uyezvaanoda. (Mateu 28:19, 20) Jehovha naJesu vakabatsira vanhu pasina udyire kudzidza nzira yechokwadi. Saka patinozvishandisa zvakazara mubasa rokuita vadzidzi, tinogutsikana nokuziva kuti tiri kutevedzera muenzaniso waJehovha naJesu, sezvakaita vaKristu vepakuvamba. (1 VaKorinde 11:1) Patinodaro tichishandira pamwe naMwari Wemasimba Ose nomwanakomana wake anodiwa, upenyu hwedu hunova nechinangwa chaicho. Chikomborero chaicho kuverengerwa pakati pe“vashandi pamwe naMwari”! (1 VaKorinde 3:9) Uye hazvifadzi here kuti kunyange ngirozi dzinoitawo chimwe chinhu mubasa iri rokuparidza mashoko akanaka?—Zvakazarurwa 14:6, 7.

6. Sezvatinoita nevamwe basa rokupa zvine ukoshi hwomudzimu, ndivanaani vanova shamwari dzedu?

6 Chaizvoizvo, kana tichiita nevamwe iri basa rokupa zvinhu zvine ukoshi hwomudzimu, tinogona kuva kwete vashandi pamwe naMwari chete—tinogona kupinda muushamwari husingaperi naye. Nokuda kwokutenda kwake, Abrahamu akanzi shamwari yaMwari. (Jakobho 2:23) Sezvatinoedza kuita kuda kwaMwari, isuwo tinogona kuva shamwari dzaMwari. Kana tikadaro, tinovawo shamwari dzaJesu. Akati kuvadzidzi vake: “Ndakakutii shamwari, nokuti zvinhu zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu ndakazvizivisa kwamuri.” (Johani 15:15) Vakawanda vanofara kunzi ishamwari dzevanhu vane mukurumbira kana kuti vakuru vakuru, asi isu tinogona kuverengerwa seshamwari yevanhu vakuru kupfuura vamwe vose pazvose zvakasikwa!

7. (a) Mumwe mukadzi akawana sei shamwari chaiyo? (b) Wakambozviitawo here?

7 Uyezve, tikabatsira vanhu kusvika pakuziva Mwari, vanova shamwari dzeduwo, zvotiunzira mufaro chaiwo. Joan, anogara kuUnited States, akatanga kudzidza Bhaibheri nomumwe mukadzi anonzi Thelma. Kunyange zvazvo Thelma aipikiswa nevomumhuri pamusoro pokudzidza kwake, akatsungirira uye akabhabhatidzwa pashure pegore rimwe chete. Joan akanyora kuti: “Kushamwaridzana kwedu hakuna kugumira ipapo, asi kwakatokura kuva ushamwari iye zvino hwagara kwemakore 35. Tave tichiwanzoenda kuushumiri nokumagungano tose. Zvakazoitika kuti nditamire kune mumwe musha uri kure nemakiromita 800. Asi Thelma anoramba achingonditumira tsamba dzinoratidza rudo uye dzinofadza, achindiudza kuti anofunga nezvangu nokundifarira uye achindionga kuti ndiri shamwari yake uye ndakaratidza muenzaniso nokumudzidzisa chokwadi chinobva muBhaibheri. Kuva neshamwari yepedyo uye inokosha yakadaro mubayiro wakaisvonaka wezvandakaita kumubatsira kudzidza nezvaJehovha.”

8. Mafungiro api akanaka achatibatsira muushumiri?

8 Tariro yokuti tichawana mumwe munhu anoda kudzidza chokwadi inogona kutibatsira kushivirira kunyange kana vakawanda vevanhu vatinosangana navo vachiratidza kufarira zvishomanana kana kusatombofarira Shoko raJehovha. Kusafarira kwakadaro kunogona kuita kuti kutenda kwedu nokutsungirira zviome. Asi, maonero akanaka achatibatsira. Fausto, anobva kuGuatemala, akati: “Pandinopupurira kune vamwe, ndinofunga nezvokuti zvaizofadza sei dai munhu wacho wandiri kutaura naye aizova hama kana kuti hanzvadzi yokumudzimu. Ndinofunga kuti zvimwe munhu mumwe wandichasangana naye achapedzisira agamuchira chokwadi cheShoko raMwari. Pfungwa iyoyo inoita kuti ndirambe ndichipfuurira uye inondipa mufaro wechokwadi.”

Kuchengeta Pfuma Kudenga

9. Jesu akati chii pamusoro pepfuma yokudenga, uye tinogona kudzidzei pane izvozvi?

9 Kuita vadzidzi, vangava vana vedu kana kuti vamwe vanhu, hakugarova nyore. Kungada nguva, mwoyo murefu, uye kutsungirira. Zvisinei, yeuka kuti vakawanda vanoda kushanda zvakaoma kuti vaunganidze zvinhu, zvisingawanzovaunzira mufaro uye zvisingagari nokusingaperi. Jesu akaudza vateveri vake kuti zvaive nani kushandira zvinhu zvomudzimu. Akati: “Musazviunganidzira pfuma pasi pano, apo chipfukuto nengura zvinodya, uye apo mbavha dzinopaza dzoba. Asi, zviunganidzirei pfuma kudenga, uko chipfukuto kana ngura zvisingadyi, uye uko mbavha dzisingapazi dzoba.” (Mateu 6:19, 20) Nokuvavarira kuita zvinhu zvomudzimu—izvo zvinosanganisira basa rinokosha rokuita vadzidzi—tinogona kugutsikana nokuziva kuti tiri kuita kuda kwaMwari uye kuti achatipa mubayiro. Pauro akanyora kuti: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.”—VaHebheru 6:10.

10. (a) Nei Jesu aiva nepfuma yomudzimu? (b) Jesu akazvipa sei, uye chii chikurukuru chazvakabatsira vamwe?

10 Tikashanda nomwoyo wose tichiita vadzidzi, tinenge tichizvichengetera “pfuma kudenga,” sezvakataurwa naJesu. Izvi zvinotiunzira mufaro wokugamuchira. Kana tikapa zvisina udyire, tinoguma tapfumiswa isu pachedu. Jesu pachake akanga ashumira Jehovha nokutendeka kwemabhiriyoni emakore. Funga nezvepfuma yaakanga aunganidza kudenga! Kunyange zvakadaro, Jesu haana kutsvaka zvakamunakira iye. Muapostora Pauro akanyora kuti: “[Jesu] akazvipa nokuda kwezvivi zvedu kuti atinunure pagadziriro ino yezvinhu iripo yakaipa maererano nokuda kwaMwari wedu naBaba wedu.” (VaGaratiya 1:4) Jesu haana kungozvipa pasina udyire muushumiri hwake chete asi akapa upenyu hwake chaihwo sorudzikinuro kuti vamwe vave nomukana wokuchengeta pfuma kudenga.

11. Nei zvipo zvine chokuita nokunamata zviri nani pane zvezvinhu?

11 Nokudzidzisa vanhu nezvaMwari, tinovabatsira kuona machengetero avangaitawo pfuma yomudzimu isingaori. Pane chipo chikuru kuna ichochi chaungapa here? Kana ukapa shamwari wachi, motokari, kunyange kana musha unodhura, zvichida shamwari iyoyo ichaonga uye ichafara, uye iwe uchava nomufaro wokupa. Asi chipo ichocho chinenge chaita sei mushure memakore 20? Memakore 200? Memakore 2 000? Nepo, kana ukazvipa kuti ubatsire mumwe munhu kushumira Jehovha, anogona kubatsirwa nechipo ichocho nokusingaperi.

Kutsvaka Vaya Vanoda Chokwadi

12. Vakawanda vakazvipa sei kuti vabatsire vamwe mumudzimu?

12 Kuti vape zvine ukoshi hwomudzimu pamwe nevamwe, vanhu vaJehovha vakaenda kumigumo yepasi. Zviuru zvakasiya misha nemhuri kuti zviite basa roumishinari munyika dzazvaifanira kuchinjira kumararamiro nemitauro mitsva. Vamwe vakatamira kunzvimbo dzomunyika mavo muri kudiwa vaparidzi voUmambo zvikuru. Kunyange zvakadaro vamwe vakadzidza mutauro wokumwe, kuti vavhure mikana yokuparidzira kuvanotamira munyika mavo. Somuenzaniso, mushure mokunge vayarutsa vana vaviri avo vava kushanda mudzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha, vamwe vakaroorana vomuNew Jersey, U.S.A., vakatanga kupayona ndokudzidza mutauro wokuChina. Mumakore matatu vakadzidzisa Bhaibheri vanhu 74 vaitaura mutauro wokuChina vaipinda pane imwe koreji yaive pedyo. Unogona kuwedzera ushumiri hwako here neimwe nzira kuitira kuti uwane mufaro wakawedzera mubasa rokuita vadzidzi?

13. Ungaite sei kana uchida kuti ushumiri hwako huve nezvibereko zvakati wandei?

13 Zvimwe une shungu dzokuitisa chidzidzo cheBhaibheri asi wave usingakwanisi kudaro. Mune dzimwe nyika zvinonetsa kuwana vanofarira. Zvichida vanhu vaunosangana navo havaratidzi kufarira Bhaibheri. Kana zvakadaro, zvichida unogona kutaurira Jehovha chido chako kakati wandei, uchiziva kuti Jehovha naJesu Kristu vanofarira zvechokwadi basa racho uye vangakutungamirira kumunhu akaita segwai. Tsvaka mazano kune vaya vari muungano vagara nebasa racho kana kuti vane ushumiri hune zvibereko zvakati wandei. Shandisa rovedzo nemazano zvinopiwa pamisangano yechiKristu. Batsirwa nezano revatariri vanofambira nemadzimai avo. Kupfuura zvose, usamborega. Murume akachenjera akanyora kuti: “Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; nokuti hauzivi kuti chichakura ndechipi.” (Muparidzi 11:6) Iye zvino chimboyeuka varume vakatendeka vakadai saNoa naJeremiya. Kunyange zvazvo vakawanda vasina kuteerera zvavaiparidza, ushumiri hwavo hwakabudirira. Kupfuura zvose, zvakafadza Jehovha.

Kuita Nepaunogona Napo

14. Jehovha anoona sei vaya vachemberera mubasa rake?

14 Kungava kuti mamiriro ako ezvinhu haakubvumiri kuita zvakawanda sezvaungada muushumiri. Somuenzaniso, kuchembera kungakutadzisa zvaunogona kuita mubasa raJehovha. Kunyange zvakadaro, yeuka zvakanyorwa nomurume akachenjera kuti: “Vhudzi rachena ikorona yakaisvonaka, inowanikwa panzira yokururama.” (Zvirevo 16:31) Kuna Jehovha, upenyu hwakapedzerwa mubasa rake hunofadza. Uyezve, Magwaro anoti: “Kusvikira makwegura, [ini Jehovha] ndini iye, ndichakutakurai kusvikira bvudzi renyu rachena; ini ndakakuitai, ndichakutakurai, zvirokwazvo ndichakusimudzai, nokukurwirai.” (Isaya 46:4) Baba vedu vokudenga vane rudo vanovimbisa kutsigira vakavimbika vavo.

15. Unodavira kuti Jehovha anonzwisisa mamiriro ako ezvinhu here? Nei?

15 Zvichida uri kurarama nechirwere, kushorwa newawakaroorana naye asingatendi, mitoro yemhuri inorema, kana chimwe chinetso chakaoma. Jehovha anoziva zvatinotadza kuita uye mamiriro edu ezvinhu, uye anotidira kuedza kwatinoita kumushumira. Izvozvo ndezvechokwadi kunyange zvazvo zvatinoita zvingava zvishoma pane zvinoitwa nevamwe. (VaGaratiya 6:4) Jehovha anoziva kuti hatina kukwana, uye anotarisira kwatiri zvatinokwanisa. (Pisarema 147:11) Kana tikaita nepatinogona napo, tinogona kuva nechivimbo chokuti tinokosha pamberi paMwari uye kuti haazokanganwi mabasa edu okutenda.—Ruka 21:1-4.

16. Munzirai umo ungano yose inoshanda pamwe chete mukuita mudzidzi?

16 Yeukawo kuti basa rokuita vadzidzi ibasa rinoitwa neboka. Hapana munhu mumwe chete anogona kuita munhu mudzidzi, sokungotiwo donhwe rimwe chete remvura haringararamisi chimerwa. Zvechokwadi Chapupu chimwe chete chingawana anofarira choitisa chidzidzo cheBhaibheri. Asi mutsva uya akangouya kuHoro yoUmambo, ungano yose inomubatsira kuziva chokwadi. Ushamwari hwehama hunoratidza kushanda kunoita mudzimu waMwari. (1 VaKorinde 14:24, 25) Vana vaduku nevati kurei vanopindura zvinofadza, zvichiratidza munhu mutsva kuti vaduku vedu vakasiyana nevaduku vokunyika. Vanorwara, ndonda, nechembere dziri muungano vanodzidzisa vatsva zvinosanganisira kutsungirira. Pasinei nezera redu nezvatinotadza kuita, tose zvedu tine zvatinoita zvinokosha mukubatsira vatsva sezvavanokura mukuda kwavo chokwadi vachifambira mberi kuti vazobhabhatidzwa. Awa yose yatinopedzera muushumiri, kushanyazve kumwe nokumwe kwatinoita, kukurukura nomunhu anofarira paHoro yoUmambo kumwe nokumwe, zvingaita sezvisingakoshi zviri zvoga, asi zvinoumba basa rakakura riri kupedzwa naJehovha.

17, 18. (a) Kuwedzera pakuita basa rokuita vadzidzi, tingafarawo sei nevamwe mukupa? (b) Nokufarawo nevamwe mukupa, tinenge tichitevedzera ani?

17 Zvechokwadi, kuwedzera pakuitawo basa rinokosha rokuita vadzidzi, isu sevaKristu tinowanawo mufaro mukupa nedzimwe nzira. Tinogona kuisa parutivi mari yokutsigira kunamata kwakachena uye kubatsira vanoshaiwa. (Ruka 16:9; 1 VaKorinde 16:1, 2) Tinogona kutsvaka mikana yokuratidza mutsa wokugamuchira vaenzi. (VaRoma 12:13) Tinogona kuedza ‘kuitira vose zvakanaka, asi zvikurukuru vaya vane ukama nesu mukutenda.’ (VaGaratiya 6:10) Uye tinogona kupa vamwe munzira dziri nyore asi dzichikosha—tsamba, kuridza runhare, kupa chipo, kubatsira, shoko rokukurudzira.

18 Kana tichipa tinoratidza kuti tinotevedzera baba vedu vokudenga. Tinoratidzawo rudo rwedu rwehama, runoratidza vaKristu vechokwadi. (Johani 13:35) Kuyeuka zvinhu izvi kunogona kutibatsira kufarawo nevamwe mukupa.

Unogona Kutsanangura Here?

• Jehovha naJesu vakapa sei muenzaniso mukupa mumudzimu?

• Tingawana sei shamwari dzokusingaperi?

• Matanho api atingatora kuti tiite kuti ushumiri hwedu huti wedzerei kubudirira?

• Vose vari muungano vangafarawo sei nevamwe mukupa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 13]

Vabereki vanowana mufaro mukuru nokugutsikana kana vana vakateerera pavanorovedzwa

[Mufananidzo uri papeji 15]

Mukuita vadzidzi, tinogona kuwana shamwari chaidzo

[Mufananidzo uri papeji 16]

Jehovha anotitsigira patinenge tachembera

[Mifananidzo iri papeji 17]

Munzira dziri nyore asi dzichikosha, tinogona kuwana mufaro mukupa