Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?

Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?

Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?

BILL aiva wechiduku, akasimba, akadzidza, uye asina nhamo yemari. Asi akanga asingagutsikani. Upenyu hwake hwakanga husina chinangwa, uye izvozvo zvaimunetsa zvikuru. Achiedza kutsvaka chinangwa choupenyu, akaongorora zvitendero zvakasiyana-siyana, asi haana kuwana zvaaitsvaka. Muna 1991 akasangana nomumwe weZvapupu zvaJehovha akamusiyira rimwe bhuku raitsanangura zvinotaura Bhaibheri nezvechinangwa choupenyu. Chidzidzo cheBhaibheri chakarongwa kuti Bill atsanangurirwe nyaya iyi uye dzimwewo.

Bill anoyeuka kuti: “Takava nechidzidzo chedu chokutanga, uye nokuti taiverenga Bhaibheri kakawanda, ndakaziva kuti izvi ndizvo zvandakanga ndichitsvaka. Mhinduro dziri muBhaibheri dzaifadza zvikuru. Pashure pechidzidzo ichocho, ndakaenda kumakomo nemotokari, ndakabuda mumotokari yangu, ndokubva ndazhambatata nomufaro. Ndakafara kuti pakupedzisira ndakanga ndava kuwana mhinduro dzemibvunzo yangu.”

Ichokwadi hacho kuti haasi munhu wose anowana chokwadi cheBhaibheri anobva anyatsozhambatata nomufaro. Asi, kudzidza mhinduro dzemibvunzo inokosha youpenyu chiitiko chinofadza kune vakawanda. Vanonzwa sezvakaita murume womumuenzaniso waJesu akawana pfuma yakavanzwa mumunda. Jesu akati: “Nokuda kwomufaro waanawo anoenda otengesa zvinhu zvaanazvo otenga munda iwoyo.”—Mateu 13:44.

Chinodiwa Kuti Upenyu Huve Nechinangwa

Bill akanga afungisisa nezvomubvunzo unokosha wokuti, Chinangwa choupenyu ndechipi? Vazivi, nyanzvi dzezvechitendero, uye masayendisiti vatambura nomubvunzo iwoyo kwezviuru zvemakore. Mavhoriyamu nemavhoriyamu akanyorwa nevanhu vaiedza kuupindura. Hapana chavakabura, uye vazhinji vakapedzisira vati mubvunzo iwoyo haupinduriki. Kunyange zvakadaro mhinduro iripo. Kunyange zvayo yakadzama, haina kuoma kunzwisisa. Inotsanangurwa muBhaibheri. Chinodiwa kuti tive noupenyu hunofadza, hune chinangwa ndeichi: Tinofanira kuva noukama hwakanaka naJehovha, Musiki wedu uye Baba vedu vokudenga. Izvozvo tinozviita sei?

Pane zvinhu zviviri zvinoita sezvinopokanidzana zvinodiwa pakuswedera pedyo naMwari. Vaya vanoswedera pedyo naMwari vanoita zvose kumutya nokumuda. Ngatimbofungai nezvemagwaro maviri anotsigira kutaura ikoko. Kare kare, Mambo akachenjera Soromoni akanyatsodzidza vanhu ndokunyora zvaakawana mubhuku reBhaibheri raMuparidzi. Achitaura muchidimbu zvaakawana, akanyora kuti: “Shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.” (Muparidzi 12:13, tisu tatsveyamisa mabhii.) Mazana emakore gare gare, paakabvunzwa kuti ndoupi waiva murayiro mukuru kupfuura mimwe muMutemo waMosesi, Jesu akapindura kuti: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” (Mateu 22:37) Kwauri zvinoita sezvisinganzwisisiki here kuti tinofanira kutya Mwari zvose nokumuda? Ngationgororei kukosha kwokutya uye kuda nemashandiro azvinoita pamwe chete kuti zvibudise ukama hunogutsa naMwari.

Zvinorehwa Nokutya Mwari

Kutya kwokuremekedza kunokosha kana tichifanira kunamata Mwari zvinogamuchirika. Bhaibheri rinoti: “Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri.” (Pisarema 111:10) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ngatirambei tine mutsa usina kufanirwa, uyo watingaitira Mwari nawo basa dzvene zvinogamuchirika nokumutya nokumuremekedza.” (VaHebheru 12:28) Saizvozvowo, ngirozi yaiva pakati pedenga yakaonekwa naJohani pane zvaakaratidzwa yakatanga kuzivisa mashoko akanaka ichiti: “Ityai Mwari mumupe mbiri.”—Zvakazarurwa 14:6, 7.

Uku kutya, kunokosha zvikuru pakuva noupenyu hune chinangwa, hakuna kufanana nokutya kukuvadzwa. Tinganzwa kutya kana tikatyisidzirwa negororo rine utsinye uye rinokuvadza. Asi kutya Mwari kuremekedza Musiki zvakadzama. Kunosanganisirawo kutya kwakanaka kwokusada kutsamwisa Mwari nokuti ndiye Mutongi Mukuru uye Wemasimba Ose, ane simba nechiremera chokuranga vasingateereri.

Kutya Norudo Zvinoenderana

Kunyange zvakadaro, Jehovha haadi kuti vanhu vamushumire nokuti vanomutya. Jehovha ndiMwari ane rudo runoshamisa. Muapostora Johani akakurudzirwa kunyora kuti: “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Jehovha Mwari akabata nevanhu norudo rukuru, saka anoda kuti ivo vanhu vamudewo. Zvisinei, rudo rwakadaro runogona sei kushanda pamwe chete nokutya? Chaizvoizvo zviviri izvi zvakabatana. Munyori wepisarema akati: “Zvakavanzwa zvaJehovha ndezvevanomutya.”—Pisarema 25:14.

Chimbofunga nezvemaremekedzero uye matyiro anoita mwana baba vakasimba uye vakangwara. Ukuwo mwana akadaro achafarira rudo rwababa vacho. Mwana wacho achavimba nababa vacho achitarira kwavari kuti vamutungamirire, achivimba kuti kutungamirirwa uku kuchamubatsira. Ndizvo zvazvichaitawo kana tichida uye tichitya Jehovha, tichatevera nhungamiro yake, uye izvi zvichatibatsira. Cherechedza zvakataurwa naJehovha nezvevaIsraeri: “Dai vaiva nemwoyo yakadai, vakanditya nokuchengeta mirayiro yangu nguva dzose, kuti zvive zvakanaka navo, ivo navana vavo, nokusingaperi!”—Dheuteronomio 5:29.

Hungu, kutya Mwari kunotungamirira kurusununguko kwete kuusungwa, kumufaro kwete kukusuwa. Isaya akaprofita nezvaJesu achiti: “Mufaro wake uchava pakutya Jehovha.” (Isaya 11:3) Uye munyori wepisarema akati: “Wakaropafadzwa munhu unotya Jehovha, unofarira zvikuru mirayiro yake.”—Pisarema 112:1.

Zviri pachena kuti hatikwanisi kutya Mwari kana kumuda tisingamuzivi. Ndokusaka kudzidza Bhaibheri kuchikosha zvikuru. Kudzidza kwakadaro kunotibatsira kunzwisisa unhu hwaMwari tosvika pakubvuma kuti kutevera nhungamiro yake kuchenjera. Sezvatinoswedera pedyo naMwari, tinoda kuita zvaanoda uye zvinotituma kuchengeta mirayiro yake, tichiziva kuti zvichatibatsira.—1 Johani 5:3.

Zvinofadza kuti munhu azive kuti ari munzira yakarurama muupenyu. Izvi ndezvechokwadi kuna Bill, ataurwa patangira nyaya ino. Nguva ichangopfuura iyi akati: “Mumakore mapfumbamwe apfuura kubva pandakaita chidzidzo changu chokutanga cheBhaibheri, ukama hwangu naJehovha hwakura. Kufarisa kwandakatanga kuita kwazokura kuva mararamiro anofadza zvechokwadi. Ndinogara ndichingofunga zvakanaka nezvoupenyu. Ndava kupedza mazuva angu ose ndichiita basa rine chinangwa, kwete kutsvaka kunakirwa kusina chinangwa. Jehovha azova munhu chaiye kwandiri, uye ndinoziva kuti anofunga zvakanakisisa nezvangu.”

Munyaya inotevera, tichapfuurira kuongorora kuti zivo yaJehovha inounza sei mufaro nokubatsira vanoishandisa muupenyu hwavo.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Kuswedera pedyo naMwari kunoreva kuti timude nokumutya

[Mufananidzo uri papeji 6]

Mufaro waJesu waiva pakutya Jehovha