Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rudzi Rwemiti Inorarama Kwenguva Yakareba Zvikuru

Rudzi Rwemiti Inorarama Kwenguva Yakareba Zvikuru

Rudzi Rwemiti Inorarama Kwenguva Yakareba Zvikuru

MAWERE ANGASARATIDZIKA KUVA NZVIMBO YAKANAKA YOKUVAKA MUSHA WAKO, ZVIKURUKURU KANA ARI PAMUSORO PEMAKOMO. ZVISINEI, PASINEI NEANORATIDZIKA KUVA MAMIRIRO EZVINHU ASINA KUNAKA, MIMWE MITI YOMUMAKOMO INONAMATIRA ZVAKASIMBA KUMAWERE EMATOMBO AKADARO, ICHISHIVIRIRA KUTONHORA KWECHANDO UYE KUTSUNGIRIRA KUSANAYA KWEMVURA MUNGUVA YOKUPISA.

KAZHINJI, iyi miti yakasimba haina kukura sezvakaita mimwe yayo iri munzvimbo dzakaderera. Hunde dzayo dzinogona kunge dzakakokonyara uye dzakawunyana uye iyo ichikura zvishomanana. Inochekererwa nokukwanhurirwa nemamiriro okunze akaoma uye ivhu shomanana riri mainokurira.

Sezvo ichishivirira mumamiriro okunze akashata zvikuru panyika, ungafunga kuti miti yakadaro inorarama kwenguva pfupi. Asi zvakasiyana neizvozvo ndizvo zvinoitika. Vamwe vanoti Methuselah, muti womupine, wakamera pakakwirira kusvika mamita 3 000 munzvimbo yeWhite Mountains muCalifornia, une makore anosvika 4 700. The Guinness Book of Records 1997 rinodudza muti uyu somumwe wemiti yekare zvikuru uchiri kurarama panyika. Edmund Schulman, akadzidza nezvemiti iyi yekare, akatsanangura kuti: “Mubristlecone pine wacho . . . unoita sounorarama nemhaka yemamiriro ezvinhu akaoma. Yose yakura iri yoga [miti yomupine] iri munzvimbo yeWhite Mountains inowanikwa pedyo nemamita 3 000 musango rakaoma rine ruware.” Schulman akawanawo kuti miti yekaresa yomupine yakakurawo mumamiriro okunze akaoma zvikuru akadaro.

Kunyange zvazvo ichifanira kukurira kuoma kwokunze, mienzaniso iyi yokutsungirira inobatsirwa zvikuru nezvinhu zviviri zvakanaka zvainazvo. Kwairi yoga, uko zvimwe zvinomera zviri zvishoma, kunoidzivirira kumoto yesango, chimwe chinhu chinogona kuparadza zvikuru miti yakura. Uye midzi yayo inoibata yakatsunyirira kuruware zvokuti kudengenyeka kwepasi chete ndiko kunogona kuizunguza.

MuBhaibheri vashumiri vakatendeka vaMwari vanofananidzwa nemiti. (Pisarema 1:1-3; Jeremia 17:7, 8) Ivowo vangasangana nematambudziko nemhaka yemamiriro ezvinhu avanenge vari. Kutambudzwa, utano husina kunaka, kana kuti urombo hunoparadza zvishoma nezvishoma zvinogona kuedza kutenda kwavo zvikuru, zvikurukuru kana miedzo yacho ichipfuurira gore negore. Zvisinei, Musiki wavo, akasika miti inobudirira kutsungirira zvinotambudza kudaro, anovimbisa vanamati vake kuti achavatsigira. Bhaibheri rinovimbisa vaya vanoramba vakatsiga kuti: “Achakuitai kuti muve vakatsiga, achakuitai kuti muve vakasimba.”—1 Petro 5:9, 10.

‘Kutsiga, kuramba wakashinga, kana kuti kuramba wakasimba’ ipfungwa iri mushoko rechiito rechiGiriki rinowanzoshandurwa kuti “tsungirira” muBhaibheri. Kufanana nemiti yomumakomo, kutsungirira kunobva pakudzika midzi kwakanaka. Kana vari vaKristu, vanofanira kudzika midzi zvakasimba muna Jesu Kristu kuitira kuti vamire vakasimba. Pauro akanyora kuti: “Sezvamakagamuchira Kristu Jesu Ishe, rambai muchifamba muri pamwe naye, makadzika midzi uye muchivakwa maari uye muchidzikamiswa pakutenda, sokudzidziswa kwamakaitwa, muchifashukira nokutenda mukuonga.”—VaKorose 2:6, 7.

Pauro ainzwisisa kuti midzi yakasimba yokunamata inodiwa. Iye pachake akatambura no“munzwa munyama,” uye akatsungirira kutambudzwa kunorwadza muushumiri hwake hwose. (2 VaKorinde 11:23-27; 12:7) Asi akawana kuti achibatsirwa nesimba raMwari aigona kupfuurira. “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba.”—VaFiripi 4:13.

Sezvinoratidzwa nomuenzaniso waPauro, kutsungirira kunobudirira kwechiKristu hakutsamiri pamamiriro ezvinhu akanaka. Kufanana nemiti yomumakomo inobudirira kutsungirira madutu kwemazana emakore, tinogona kutsiga kana takadzika midzi muna Kristu uye kuvimba nesimba rinopiwa naMwari. Uyezve, kana tikatsungirira kusvika kumugumo, tine tarisiro yokuzvionera kuzadzika kwechimwe chipikirwa chaMwari: “Samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu.”—Isaya 65:22; Mateu 24:13.