Takaedza Jehovha
Nyaya Youpenyu
Takaedza Jehovha
YAKATAURWA NAPAUL SCRIBNER
“Mangwanani akanaka, Mai Stackhouse. Mangwanani ano ndiri kunyora vanhu vanoda makeke eIsita, uye ndine chokwadi kuti mungafarira kuwana rimwe chete remhuri yenyu.” Kwakanga kuri kutanga kwechirimo cha1938, uye ndakanga ndiri muAtco, yomuNew Jersey, muU.S.A., ndichitaura nomumwe wevatengi vakanaka zvikuru munzvimbo yangu yokutengesa zvinhu zveGeneral Baking Company. Ndakashamisika ndichiona Mai Stackhouse vachiramba zvandaida kuvavigira.
“HANDIFUNGI kuti ndingafarira,” vakadaro. “Isu hatipembereri Isita.”
Ndakashaya romuromo. Havapembereri Isita nhai? Ndizvo hazvo kuti mutemo wokutanga wokutengesa ndewokuti mutengi akarurama nguva dzose. Saka zvino ndodini? “Ee-e, mufungeka,” ndakatanga kutaura, “ikeke rinonaka kwazvo, uye ndinozviziva kuti munoda zvinhu zvedu. Hamufungi here kuti mhuri yenyu inganakirwa naro kunyange kana musingapembereri henyu, ee-e Isita?”
“Handifungi kudaro,” vakadzokorora, “asi ndave ndichida kutaura nemi nezvechimwe chinhu VaScribner, uye ino ingava nguva yakanaka yokuzviita.” Kurukurirano iyoyo yaizochinja upenyu hwangu zvachose! Mai Stackhouse, nhengo yeUngano yeZvapupu zvaJehovha zvomuBerlin, muNew Jersey, vakatsanangura kwakatangira kupembererwa kweIsita uye vakandipa tubhuku tutatu. Misoro yatwo yakanga iri Safety, Uncovered, uye, Protection. Ndakaenda kumba notubhuku twacho, ndichida kuziva asi ndichitya zvishoma. Pakanga pane chimwe chinhu chandaiziva pane zvakanga zvataurwa naMai Stackhouse, ndainge ndanzwa nezvacho ndichiri muduku.
Kutanga Kusangana Kwandakaita neVadzidzi veBhaibheri
Ndakaberekwa musi waJanuary 31, 1907, uye muna 1915 pandakanga ndine makore masere, baba vangu vakafa nekenza. Izvi zvakaguma zvaita kuti ini naAmai tiende kunogara nevabereki vavo muimwe imba hombe, muMalden, Massachusetts. Sekuru vangu Benjamin Ransom nomudzimai wavo vaigara ipapo, panhurikidzwa yechitatu. Sekuru Ben vaisonganirana neVadzidzi veBhaibheri vePasi Pose, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, zana remakore rechi20 risati ratanga. Ndaifarira Sekuru Ben zvikuru, asi vamwe vose vomumhuri yaamai vangu, vakanga vari vaMethodist, vaifunga kuti vakanga vasinganzwisisiki. Makore akati gare gare, mudzimai wavo asati avaramba, akabudirira kuti vaiswe muchipatara chevanorwara nepfungwa nemhaka yezvitendero zvavo zvavaidavira! Sezvo vanachiremba vaiva muchipatara vakaona pasina chakashata nepfungwa dzaSekuru Ben, vakavabudisa vachivakumbira ruregero.
Sekuru Ben vaienda neni kumisangano yeVadzidzi veBhaibheri vePasi Pose muBoston, zvikurukuru pakwakanga kune vakurukuri vanoshanyira kana kuti kune zviitiko zvinokosha. Pane imwe nguva, mukurukuri anoshanyira akanga ari Charles Taze Russell aizivikanwa zvikuru, uyo aitarisira basa rokuparidza mazuva iwayo. Pane imwe nguva, chimwe chiitiko chinokosha chakanga chiri kuratidzwa kwe“Photo-Drama of Creation.” Kunyange zvazvo ikako kakanga kari kare muna 1915, kusvikira kuzuva ranhasi ndinogona kuyeuka zvakajeka kuratidzwa kwaAbrahamu achienda naIsaka kugomo kunomupa sechibayiro. (Genesi, chitsauko 22) Ndichiri kugona kuona Abrahamu naIsaka vachisendemara kukwira gomo iroro vaine svinga rehuni, sezvo Abrahamu aivimba zvizere naJehovha. Sezvandakanga ndiri nherera, izvozvo zvakandiorora zvikuru.
Ipapo, Sekuru Ben nomudzimai wavo vakatamira kuMaine, uye Amai vakaroorwazve ndokutitamisira kuNew Jersey. Saka handina kuzoona Sekuru Ben kwenguva yakareba. Mumakore angu okuyaruka muNew Jersey, ndakasangana naMarion Neff, mumwe wevana vasere mumhuri yandaifarira kushanyira yaipinda chechi yePresbyterian. Ndaipedza manheru eSvondo akawanda zvikuru ndiine mhuri iyoyo nechikwata chevechiduku vechechi yavo zvokuti iyeni wacho ndakapedzisira ndava muPresbyterian. Asi, zvimwe zvezvinhu zvandakanga ndadzidza pamisangano yeVadzidzi veBhaibheri hazvina kubuda mupfungwa dzangu. Ini naMarion takaroorana muna 1928, uye vanasikana vedu, Doris naLouise, vakaberekwa muna 1935 na1938. Tiine mwana muduku nomucheche mumhuri, tose tainzwa kuti tinofanira kunamata kuti titungamirirwe kurera mhuri yedu.
Kuwana Chokwadi Mutubhuku Twuya
Ini naMarion taitsvaka chechi yokupinda uye takafunga zano. Tichiita madzoro musi weSvondo woga woga, mumwe wedu aisara pamba nevana mumwe achishanyira chechi yatinenge tafunga. Mumwe musi weSvondo rakanga riri dzoro raMarion kuti asare pamba, asi ndakati ndaizoda kutarisira vana kuitira kuti ndiverenge kabhuku kanonzi Safety, kokutanga patutatu twandakanga ndapiwa naMai Stackhouse. Pandakangotanga kukaverenga chete, ndakatadza kukarega! Ndakaramba ndichigutsikana kuti ndakanga ndawana chimwe chinhu chaisagona kupiwa neimwe chechi. Vhiki yakatevera zvimwe chete izvozvo zvakaitika, uye ndaida kurera vana ndichiverenga kabhuku kechipiri,
Uncovered. Zvandakanga ndichiverenga zvaiita sendinozviziva. Kuti izvi zvingava izvo zvaidavirwa naSekuru Ben? Mhuri yedu yaifunga kuti chitendero chavo chakanga chiri choupenzi. Marion aizofungei? Handina kuda kunetseka. Pandakasvika kumba ndichibva kubasa mazuva mashoma ndapedza kuverenga Uncovered, Marion akandishamisa nokutaura kuti, “Ndaverenga tubhuku twuya twawakaunza kumba. Tunonakidza chaizvo.” Zvakandinyevenutsa!Kumashure kwetubhuku twacho kwakanga kune mashoko ebhuku rakanga richangobudiswa rinonzi Enemies, rinofumura zvinotyisa chitendero chenhema. Takasarudza kuriwana. Zvisinei, tisati tanyora tsamba yokurikumbira, Chapupu chakagogodza pasuo redu ndokutipa bhuku racho chairo. Iri ndorakazonyatsoshanda! Takarega kushanyira machechi uye takatanga kuenda kumisangano yeUngano yeZvapupu zvaJehovha yomuCamden, muNew Jersey. Mwedzi mishomanana gare gare, musi weSvondo, July 31, 1938, chikwata chedu chevanhu vaisvika 50 takasangana patsangadzi yaHanzvadzi Stackhouse—paimba yandakanga ndichiedza kutengesa makeke eIsita—uye ndakateerera kuhurukuro yorubhabhatidzo yakarekodwa yakakurukurwa naJudge Rutherford. Takabva tachinja mbatya mumba, uye vanokwana 19 vedu takabhabhatidzwa mukakova kaiva pedyo.
Shungu Dzokuva Piyona
Ndichangobva kubhabhatidzwa, imwe hanzvadzi yaiva muungano yakandiudza nezvevanhu vanonzi mapiyona, vakaita ushumiri hwepachena basa ravo guru muupenyu. Ndakakurumidza kuda kuziva uye pasina nguva refu ndakasvika pakuziva mhuri yaiva nemapiyona oga oga. Mumwe mukuru, Hama Konig, mudzimai wake, uye mwanasikana wake akanga akura vakanga vari mapiyona vose muungano yatakanga takavakidzana nayo. Sababa vemhuri duku, ndakaororwa nomufaro mukuru uyo mhuri yekwaKonig yakanga inawo muushumiri. Ndaiwanzomira, ndomisa motokari yangu yechingwa, ndombopedza nguva navo muushumiri hwepaimba neimba. Iyeni wacho ndakabva ndada kuva piyona. Asi ndaizozviita sei? Ini naMarion takanga tine vana vaduku vaviri, uye basa rangu raida nguva yakawanda. Kutaura zvazviri, pakatanga Hondo yeNyika II muEurope majaya akawandisa akapinda muchiuto muUnited States, saka basa raiwedzera zvisiri zvokutamba kune vaya vaisara mumabasa asiri echiuto. Ndaikurudzirwa kunotengesa kunzvimbo dzakawanda, uye ndaiziva kuti handaigona kupayona nenguva dzebasa dzakadaro.
Pandakataura naHama Konig nezvechido changu chokupayona, vakati: “Ramba uchingoshanda zvakasimba mubasa raJehovha, uye ramba uchimuzivisa chinangwa chako mumunyengetero. Achakubatsira kuti ubudirire kuchiita.” Kwerinopfuura gore, ndakaramba ndichingoita izvozvo. Kakawanda ndaifunga nezvemagwaro akadai saMateu 6:8, anotivimbisa kuti Jehovha anoziva zvatinoda tisati tatombomukumbira. Uye ndakaramba ndichiedza kutevera zano raMateu 6:33, kuramba ndichitanga kutsvaka Umambo hwaMwari nokururama kwake. Ndakakurudzirwawo naHama Melvin Winchester, mutariri wedunhu.
Ndakataura naMarion nezvezvinangwa zvangu. Takataura nezvemashoko aMaraki 3:10, anotikurudzira kuedza Jehovha ndokuona kana asingadururi chikomborero kwatiri. Ndakakurudzirwa nemhinduro yake: “Kana uchida kupayona, usarega nemhaka yangu. Ndinogona kutarisira vasikana paunenge uchipayona. Tagara tisingadi zvokunyama zvakawanda.” Kwapera makore 12 taroorana, ndaiziva kuti Marion akanga ari mai vemba vakangwara uye vanogona kushandisa mari nokungwarira. Nokufamba kwemakore, ave ari mumwe wandinopayona naye akanaka zvikuru, uye chimwe chakaita kuti tibudirire mumakore anenge 60 mubasa renguva yakazara kwave kuri kugona kwake kugutsikana nezvishoma uye kuita kuti zviite sezvakawanda.
Pakazosvika zhizha ra1941, kwapera mwedzi yakawanda yokunyengetera nokuronga, ini naMarion takanga tachengeta mari yakati kuti, uye takatenga karavhani yakareba mamita 5,5 yokuti mhuri yedu izogara. Ndakarega basa rangu uye ndakava piyona wenguva dzose muna July 1941, uye kubvira ipapo ndave ndiri mubasa renguva yakazara. Mugove wangu wokutanga wakanga uri panomirirwa pechigumi muMugwagwa wechi50 pakati peNew Jersey neSt. Louis, Missouri, kwaizoitwa kokorodzano yedu mukutanga kwaAugust. Ndakatumirwa mazita nekero zvehama dzaiva mberi, uye ndakafanodzinyorera ndichidziudza padzaizofanira kunditarisira kusvika. Patakaenda kugungano, ndaifanira kuenda kune vaiona nezvokupayona kuti ndiwane mumwe mugove.
“Ndichaedza Jehovha”
Takazadza karavhani yedu duku nemabhuku ndokuenda kumusangano wedu wokupedzisira muCamden kunooneka hama. Tiine tusikana tuviri twokutarisira uye tisingazivi kwataizoenda kana tapedza kokorodzano, zvirongwa zvedu zvakaratidzika sezvisingaiti kune dzimwe hama, uye vakawanda vavo vakati: “Ha-a, hamuna nguva musati madzoka.” Ndichiri kuyeuka ndichiti: “Aiwaka, handina kuti handidzoki. Jehovha akati achanditarisira, uye ndiri kuenda kunoedza Jehovha.”
Kwapera makore makumi matanhatu okupayona mumaguta 20 kubva kuMassachusetts kusvika kuMississippi, tinogona kutaura kuti Jehovha akachengeta mhiko yake zvakatopfuuridza. Zvikomborero zvaakadurura pandiri naMarion nevanasikana vedu vaviri zvinopfuura chinhu chose chandaitarisira kare muna 1941. Zvinosanganisira kuita kuti vanasikana vedu vashumire semapiyona akatendeka muungano dziri pedyo, uye kuva nevanakomana nevanasikana vomuchokwadi (vanenge) zana vakapararira kuMhenderekedzo yokuMabvazuva yose yeUnited States. Ndakadzidza nevanhu 52 vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha Mwari uye Marion 48.
Muna August 1941, takaenda kuSt. Louis, uye ikoko ndakasangana naHama T. J. Sullivan vaibva kuBheteri. Vakanga vane tsamba yangu yokugadzwa yandaida nemhaka yehondo yaisvika uye kutorwa kwevanhu kuti vanorwa. Ndakaudza Hama Sullivan kuti mudzimai wangu akanga achipedza nguva yakawanda sezvandaiita muushumiri uye kuti aida kupayona neni. Kunyange zvazvo dhipatimendi raiona nezvokupayona pakokorodzano rakanga risati ravapo ipapo, Hama Sullivan vakabva vasaina pakarepo kuti Marion akanga ari piyona ndokutibvunza kuti: “Muri kunopayona kupi kana kokorodzano yapera?” Taisaziva. “Aiwa, musanetseka henyu,” vakadaro: “Muchasangana nomumwe munhu pakokorodzano anobva kunzvimbo inoda mapiyona, uye zvinhu zvichafamba zvakanaka. Ingotinyorerai chete muchitiudza kwamunenge muri, uye tichakupai kwokuenda.” Izvozvo ndozvakaitika. Zvakaitika kuti Hama Jack DeWitt, vaichimbova mutariri wedunhu, vaiziva vamwe vanhu vakanga vane musha wemapiyona waida mamwe mapiyona mashoma muNew Market, iri muVirginia. Pakapera kokorodzano, takabva taenda kuNew Market.
MuNew Market takafara zvikuru. Ndiani mumwe aizouya kubva kuPhiladelphia kuzobatana nesu mubasa rokuparidza kunze kwaBenjamin Ransom! Hungu, Sekuru Ben. Ndakazofara zvechokwadi kushanda navo muushumiri hwepaimba neimba kweanopfuura makore 25 vadyara mbeu idzodzo dzechokwadi mumwoyo mangu tichiri muBoston! Pasinei nokunge vatarisana nemakore akawanda okusafarirwa, kusekwa, uye kunyange kutambudzwa nevomumhuri, Sekuru Ben havana kumborega kuda Jehovha noushumiri.
Takafadzwa nokugara kwemwedzi misere pamusha wemapiyona muNew Market. Panguva iyoyo, chimwe chezvinhu zvatakadzidza kuchinjana huku nemazai nemabhuku. Ipapo Sekuru Ben, Marion, neni, pamwe nevamwe vatatu, takanzi tinoshanda semapiyona chaiwo muHanover, muPennsylvania—mugove wokutanga wemitanhatu yataizova nayo muPennsylvania kubva muna 1942 kusvika 1945.
Mapiyona Chaiwo muHondo yeNyika II
MuHondo yeNyika II pane nguva dzataifanira kuzvidzivirira pakuitirwa chisimba nemhaka yokusava nekwatakarerekera, asi Jehovha haana kumborega kutitsigira. Pane imwe nguva muProvincetown, muMassachusetts, motokari yedu yakanga yasakara yorudzi rweBuick yakafa, saka ndaifanira kufamba makiromita anoverengeka munzvimbo yaigara vaKaturike vaiita chisimba kuti ndidzokerezve kune vandainge ndamboparidzira. Ndakapfuura nepaiva neboka renhubu dzechiduku dzakandiziva dzikatanga kudanidzira. Ndakafambisa matombo achivhiririka munzeve dzangu, ndine tariro yokuti vechiduku vacho vakanga vasingandimhanyisi. Ndakabudirira kusvika pamba pomunhu aifarira ndisina kukuvadzwa. Asi muridzi wemba yacho, nhengo yairemekedzwa yeMauto eAmerica, akakumbira ruregero, achiti: “Handina nguva yokuva newe manheru ano nokuti ndakakanganwa kukuudza kuti tiri kuenda kunoona bhaisikopu kutaundi nhasi.” Ndakatya sezvandakayeuka chikwata chevakandi vematombo chaiva pakona, chichindimirira kuti ndidzoke. Zvisinei, ndakafara apo mujaya wacho akati: “Hazviiti here kuti tingofamba tose? Tinogona kutaura munzira imomu.” Saka ndakatanga kupupura kwaari, uye ndakapfuura panzvimbo yainetsa ndisina kukuvadzwa.
Kuwana Nguva Yokurera Mhuri uye yoUshumiri
Hondo yapera, takava nemigove yakawanda muVirginia, kusanganisira kugara kwemakore masere semapiyona chaiwo uye enguva dzose muCharlottesville. Pakazosvika 1956 vasikana vakanga vakura uye varoorwa, uye ini naMarion takatanga kufamba zvekare, tichishumira semapiyona muHarrisonburg, Virginia, uye semapiyona chaiwo muLincolnton, North Carolina.
Muna 1966, ndakanzi ndinoita basa redunhu, ndichifamba paungano neungano ndichikurudzira hama, kufanana nokukurudzirwa kwandakanga ndaitwa naHama Winchester kare muNew Jersey muma1930. Kwemakore maviri ndakashanda mudunhu reungano dzomuTennessee. Ipapo ini naMarion takakumbirwa kudzoka kune chinhu chataida zvikuru, kuita upiyona chaihwo. Kubva muna 1968 kusvika 1977, takashanda semapiyona chaiwo nechokumaodzanyemba kweUnited States munzvimbo dzinobva Georgia kusvika Mississippi.
MuEastman, Georgia, ndakanzi ndive mutariri weungano (zvino mutariri anotungamirira) kuti nditsive Powell Kirkland, hama inodiwa yakashanda saZvirevo 3:5, 6 akauya mupfungwa dzangu anoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” Nokushanda zvakasimba kuitira kuti mikana yekurukurirano irambe iripo, takagona kubatanidza ungano nemigumisiro yakanaka kune vose.
makore akawanda somutariri wedunhu asi zvino yakanga yave nezvinetso zvoutano. Aionga zvikuru uye aitsigira. Kutsigira kwake kwaikosha nemhaka yokuti muungano makanga mune gakava uye vashoma vakanga vakakurumbira vaibatanidzwa. Nyaya yacho yakasvika pakutsamwisana uye ndakapedza nguva yakawanda ndichinyengetera kuna Jehovha. Magwaro akadaiPakasvika 1977 takatanga kunzwa kuchinja kwezera redu zvishoma, uye takanzi tinoshanda kunzvimbo yeCharlottesville, uko vanasikana vedu vose vakanga vachigara nemhuri dzavo. Kwemakore 23 adarika, wave uri mufaro wedu kushanda munzvimbo iyi, tichibatsira kutanga ungano yeRuckersville, muVirginia, uye tichiona vana nevazukuru vevadzidzi vedu veBhaibheri vepakutanga vachikura kusvika pakuva vakuru vomuungano, mapiyona, uye nhengo dzepaBheteri. Ini naMarion tichiri kugona kuva nepurogiramu yakanaka yebasa romumunda, uye ndine ropafadzo yokushumira nguva dzose somukuru muUngano yeCharlottesville yokuMabvazuva, kuitisa chidzidzo chebhuku uye kukurukura hurukuro dzavose.
Mumakore ose aya, takasangana nezvinetso, sezvinongoita munhu wose. Somuenzaniso, pasinei zvapo nokuedza kwedu, Doris akaneta pakunamata kwenguva yakati mukupera kwemakore ake okuyaruka ndokuroorwa nomurume akanga asiri Chapupu. Asi haana kubva arega zvachose kuda kwake Jehovha, uye mwanakomana wake Bill ave achishumira kwemakore 15 paBheteri muWallkill, New York. Pari zvino Doris naLouise vose vave chirikadzi, asi vanoshumira pedyo nepatinogara vari mapiyona enguva dzose.
Zvidzidzo Zvatakadzidza Mumakore Ose Aya
Mumakore ose aya, ndakadzidza kushandisa tumitemo tushoma twakareruka twokubudirira mukushumira Jehovha: Rarama upenyu hwako usingadi zvakawandisa. Iva womuenzaniso wakanaka mune zvaunoita zvose, kusanganisira upenyu hwako hwepachivande. Shandisa nhungamiro yo“muranda akatendeka, akangwara” muzvinhu zvose.—Mateu 24:45.
Marion akaronga ndokunyora mazano mashomanana asi anoshanda okugona kupayona zvinobudirira uchirera vana: Gadzira uye chengeta purogiramu inoita kuti ugone kuitevedzera. Ita kuti ushumiri hwako hwokupayona huve basa rako roupenyu chairo. Idya zvokudya zvine utano. Zorora zvakanaka. Usaita nhandaro zvokunyanyisa. Ita kuti chokwadi, kusanganisira zvinhu zvose zvomuushumiri, chive chinhu chinonakidza muupenyu hwevana vako. Ita kuti ushumiri huve chinhu chinonakidza kwavari nguva dzose.
Iye zvino tave mumakore edu okuma90. Papera makore makumi matanhatu nemaviri kubva patakanzwa hurukuro yedu yorubhabhatidzo patsangadzi yekwaStackhouse, uye takapedza makore 60 mubasa renguva yakazara. Ini naMarion tinogona kutaura nomwoyo wakatendeseka kuti tiri kugutsikana zvizere uye zvakanyanya nemamiriro akaita zvinhu muupenyu hwedu. Ndinofara zvikuru nokuda kwokukurudzirwa kwandakaitwa sababa vaduku kuti ndiise zvinhu zvokunamata Mwari pakutanga uye kuti ndirambe ndichishanda kuti ndizvisvitse, ndinoonga mudzimai wangu wandinoda, Marion, uye vana vangu vasikana nokutsigira kwavo mukufamba kwemakore. Kunyange zvazvo tisina pfuma yokunyama, ndinowanza kushandisa Muparidzi 2:25 kwandiri inoti: ‘Ndiani anodya uye ndiani anonwa kupfuura zvandinoita?’
Chokwadi, kwatiri Jehovha akazadzisa chipikirwa chake pamwero mukuru zvikuru chinowanikwa pana Maraki 3:10. Chaizvoizvo, iye ‘akadurura makomborero kusvikira pasisina kushayiwa’!
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 29]
NDANGARIRO DZOMUMAKORE EHONDO
Mhuri yose ichiri kuyeuka makore ehondo kunyange zvazvo papfuura makore anoda kusvika 60.
“MuPennsylvania maizotonhora,” anoyeuka kudaro Doris. “Humwe usiku maiva pasi pazero nemadhigirii 35.” Louise anowedzera kuti, “Ini naDoris taitsikana tsoka kumashure kwemota yedu yekare yorudzi rweBuick kuti tsoka dzedu dzisatonhorwa.”
“Asi hatina kunzwa setiri varombo kana setaishaya chinhu,” anodaro Doris. “Taiziva kuti taitama-tama kupfuura vanhu vakawanda, asi taidya tichiguta, uye taiva nembatya dzemberi dzataipiwa dzichitenge itsva dzichibva kune dzimwe shamwari dzaiva kuOhio, dzaiva nevana vasikana vakanga vakati kurei kutipfuura.”
“Nguva dzose Amai naBaba vaitiita kuti tinzwe tichidiwa uye tichikosha,” anotaura kudaro Louise, “uye taipedza nguva yakawanda navo muushumiri. Zvaitiita kuti tinzwe tichikosha uye tiri pedyo navo.”
Paul anoyeuka kuti: “Ndaiva nemota yorudzi rweBuick Special ya1936, uye mota idzodzi dzaizivikanwa neekisero dzisina kusimba. Ndinofunga injini yacho yaiva nesimba zvikuru kupfuura mutumbi wemota wose. Zvinoita sokuti zvaigaroitika muusiku hwaitonhora zvikuru hwemwedzi, uye pazvaidaro ndaienda kunotsvaga imwe ekisero kunorasirwa migweje yemota. Ndakapedzisira ndava shasha yokudzorera ekisero dzacho.”
“Usakanganwa kadhi rokugoverwa zvinhu,” anodaro Marion. “Zvinhu zvose zvaigovewa—nyama, peturu nedhiziri, matayi emota, tingati zvose. Nguva dzose pataitamira kuno mugove mutsva, taifanira kuona vakuru vakuru venzvimbo iyoyo kuti tiwane kadhi rokugoverwa zvinhu. Zvaigona kutora mwedzi yakawanda kuti tiwane kadhi racho, uye zvaingoita sokuti kana tawana kadhi, taibva tachinjwa kwokushandira, uye taitofanira kutanga kutsvaka rimwe kadhi zvekare. Asi Jehovha aititarisira nguva dzose.”
[Mufananidzo]
Marion neni naDoris (kuruboshwe) naLouise, 2000
[Mufananidzo uri papeji 25]
Ndiina amai vangu muna 1918, pandaiva nemakore 11
[Mufananidzo uri papeji 26]
Ndiina Louise, Marion naDoris muna 1948 apo vasikana vakabhabhatidzwa
[Mufananidzo uri papeji 26]
Mufananidzo wedu womuchato, October 1928
[Mufananidzo uri papeji 26]
Vanasikana vangu (kure kuruboshwe nokure kurudyi) neni paYankee Stadium, 1955