Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Usarega Kusava Nechokwadi Kuchiparadza Kutenda Kwako

Usarega Kusava Nechokwadi Kuchiparadza Kutenda Kwako

Usarega Kusava Nechokwadi Kuchiparadza Kutenda Kwako

Rimwe zuva unofunga kuti une utano hwakanaka. Mangwana acho hauchanzwi zvakanaka. Kamwe kamwe, hausisina simba kana kugwinya. Musoro wako unotema uye muviri wose uri kurwadza. Chiiko chaitika? Utachiona hune ngozi hwakuvadza zvinodzivirira zvomuviri wako uye hwarwisa nhengo dzinokosha. Hukasarapwa, utachiona uhwu hwakupinda hunogona kuparadza utano hwako zvachose—kana kutokuuraya.

CHOKWADI, unotova nyore kubatwa nechirwere kana utachiona hukakupinda iwe wagara usina utano hwakanaka. Somuenzaniso kana muviri wako uchishaya simba nokusawana kudya kunovaka muviri, kuzvidzivirira kwako “kunodzikira zvokuti kunyange utachiona hudukuduku hungakuuraya,” anodaro mumwe munyori wezvokurapa Peter Wingate.

Zvazvakadaro, ndiani aizosarudza kugara aine nzara? Kazhinji kacho, unoita zvose zvaunogona kuti udye zvakanaka nokugara uri mutano. Zvichida unoitawo zvose zvaunogona kuti usatapukirwe noutachiona. Zvisinei, unongwarira zvakadaro here pakuramba uine “utano mukutenda”? (Tito 2:2) Somuenzaniso, wakangwarira here ngozi yokusava nechokwadi kunonyengedza? Ikoku kunogona kupinda nyore nyore mupfungwa dzako nomwoyo, kwokuvadza kutenda kwako noukama hwako naJehovha. Vamwe vanhu vanenge vasingambozivi ngozi iyoyi. Vanozvirega vachiziya pakunamata zvova nyore kupindwa nokusava nechokwadi. Zvingaita here kuti ungava uri kudaro?

Kusava Nechokwadi—Kwakaipa Nguva Dzose Here?

Zvechokwadi, hakusi kusava nechokwadi kwose kwakaipa. Dzimwe nguva, unofanira kumbomira kubvuma chimwe chinhu kusvikira wava nechokwadi chose. Kukurudzirwa nechitendero kuti ungodavira uye kuti haufaniri kuwana chaunoti hauna chokwadi nacho kune ngozi uye kunonyengera. Zvechokwadi, Bhaibheri rinoti rudo “runotenda zvinhu zvose.” (1 VaKorinde 13:7) MuKristu ane rudo zvechokwadi akagadzirira kudavira zvinotaurwa nevakamboratidza kwaari kuti vakavimbika munguva yakapfuura. Asi, Shoko raMwari rinoyambirawo nezvokusa“tenda mashoko ose.” (Zvirevo 14:15) Dzimwe nguva zvaiitwa nomunhu kare zvinopa chikonzero chakanaka chokusava nechokwadi naye. Bhaibheri rinoyambira kuti: “Kana [munhu anonyengedzera nomuromo] achitaura zvinonaka, usamutenda.”—Zvirevo 26:24, 25.

Muapostora Johani anoyambirawo vaKristu nezvokudavira vasina kutanga vaongorora. “Musatenda kutaura kwose kwakafuridzirwa,” anonyora kudaro. Pane kudaro, “edzai kutaura kwakafuridzirwa kuti muone kana kuchibva kuna Mwari.” (1 Johani 4:1) “Kutaura,” dzidziso kana kuti pfungwa, kungaita sokunobva kuna Mwari. Asi kwakabva kwaari chaizvoizvo here? Kusava nechokwadi, kana kuti kumbomira kudavira, kungava dziviriro chaiyo nokuti sokutaura kunoita muapostora Johani, “vanyengeri vakawanda vakabudira munyika.”—2 Johani 7.

Kusava Nechokwadi Pasina Chikonzero

Hungu, chinowanzodiwa kuongorora chokwadi chose nokuvimbika uye nokuzvininipisa woona kana zviri izvo. Zvisinei, izvi hazvina kufanana nokubvumira kusava nechokwadi kusina chikonzero uye kunokuvadza kuchikura mupfungwa dzedu nomwoyo—kusava nechokwadi kuya kunogona kuparadza zvatinodavira zvakasimba uye ukama hwedu. Kusava nechokwadi uku kunorondedzerwa so“kusanyatsova nechokwadi nezvinodavirwa nepfungwa kunowanzokanganisa kuita chisarudzo.” Unoyeuka here makanganisiro akaita Satani pfungwa dzaEvha nokuita kuti asava nechokwadi nezvaJehovha? “Nhai, ndizvo here kuti Mwari wakati: Regai kudya miti yose yomunda?” akabvunza kudaro. (Genesi 3:1) Kusava nechokwadi kwakatangwa nomubvunzo iwoyo unonzwika sowakanaka kwakaita kuti akanganise kusarudza. Ndiwo mashandiro anoita Satani iwayo. Sezvinoita munhu anonyora tsamba inonyengera asingaisi zita rake, ane unyanzvi hwokushandisa mashoko asina kunaka, chokwadi chisina kuzara, uye nhema. Satani akaparadza ukama hwakanaka, hunovimbika husingaverengeki achishandisa kusava nechokwadi kunokuvadza kwaanodyara nenzira iyoyo.—VaGaratiya 5:7-9.

Mudzidzi Jakobho ainyatsonzwisisa kukuvadza kunoita rudzi urwu rwokusava nechokwadi. Anonyora nezveropafadzo yakanaka yatinayo yokusvika kuna Mwari kuti tibatsirwe kana tava munguva dzokuedzwa. Asi, Jakobho anoyambira achidaro, kana uchinyengetera kuna Mwari, ‘ramba uchikumbira nokutenda, usingambovi asina chokwadi.’ Kusava nechokwadi muukama hwedu naMwari kunoita kuti tifanane “nemafungu egungwa anofambiswa nemhepo achisairirwa kwose kwose nemhepo.” Tinoita so“munhu ane mwoyo miviri, asina kutsiga munzira dzake dzose.” (Jakobho 1:6, 8) Tinotanga kusava nechokwadi kunotisiya tisisina chisarudzo. Zvadaro, sezvakaitika kuna Evha, zvinova nyore kudzorwa nemhando dzose dzokudzidzisa kwemadhimoni uye uzivi.

Kugara Uri Mutano Pakunamata

Saka, tozvidzivirira sei pakusava nechokwadi kunokuvadza? Mhinduro yacho iri nyore zvinoshamisa: nokuramba zvakasimba mashoko anokuvadza aSatani nokuzviwanisa zvakazara zvinhu zvinopiwa naMwari mupurogiramu yake zvinotiita kuti tive “[va]kasimba pakutenda.”—1 Petro 5:8-10.

Chinokosha zvikuru kudya pashoko raMwari uri woga. Munyori Peter Wingate, ambotaurwa nezvake, anotsanangura kuti: “Kunyange kana muviri wakazorora unoda kuramba uchiwaniswa simba kuti makemikari ari mauri ashande uye dzimwe nhengo dzawo dzinokosha dzishande, uye masero akawanda omumuviri anoda kuramba achitsiviwa.” Ndizvo zvakaitawo utano hwedu hwepakunamata. Tikasagara tichidya mushoko raMwari, kutenda kwedu, kufanana nomuviri washayiswa zvokudya, kuchaenda kuchikuvara kwozopedzisira kwafa. Jesu Kristu akasimbisa izvi paakati: “Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.”—Mateu 4:4.

Pafunge. Takambovaka sei kutenda kwakasimba pakutanga? “Kutenda kunotevera chinhu chakanzwiwa,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaRoma 10:17) Anoreva kuti takatanga kuvakira kutenda kwedu nechivimbo muna Jehovha, zvipikirwa zvake, uye sangano rake nokudya zvinobva muShoko raMwari. Chokwadi, hatina kungodavira zvatakanzwa tisingaongorori. Takaita sezvakaitwa nevanhu vaigara muguta reBheriya. Taka“nyatsonzvera Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi zvakanga zvakadaro.” (Mabasa 17:11) Taka‘zviwanira chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana’ tikava nechokwadi kuti zvatakanzwa zvaiva zvechokwadi. (VaRoma 12:2; 1 VaTesaronika 5:21) Kubvira ipapo, tinofanira kuva tasimbisa kutenda kwedu sezvatakasvika pakuona zvakanyatsojeka kuti Shoko raMwari nezvipikirwa zvake hazvikundikani.—Joshua 23:14; Isaya 55:10, 11.

Dzivisa Kuziya Pakunamata

Chakaoma zvino kuchengeta kutenda kwedu nokudzivisa kusava nechokwadi nezvatinodavira, kunogona kuderedza chivimbo chedu muna Jehovha nesangano rake. Kuti tiite izvi tinofanira kuramba tichinzvera Magwaro zuva nezuva. Muapostora Pauro anonyevera kuti “munguva dzinouya vamwe [vangave vakatanga vachiita sevane kutenda kwakasimba] vachatsauka pakutenda, vachiteerera kutaura kwakafuridzirwa kunotsausa nedzidziso dzemadhimoni.” (1 Timoti 4:1) Uku kutaura nokudzidzisa kunotsausa kunoita kuti pasave nechokwadi mupfungwa dzevamwe kwovabvisa kuna Mwari. Chii chinotidzivirira? Kuramba tichi“rerwa nemashoko okutenda uye edzidziso yakanaka kwazvo ya[t]akanyatsotevera.”—1 Timoti 4:6.

Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti vamwe nhasi vanosarudza kusa“rerwa nemashoko okutenda”—kunyange zvazvo kurerwa uku kuchiwanikwa pachena. Sezvinoratidzwa nomumwe wevanyori vebhuku raZvirevo, zvinobvira kupoteredzwa nezvokudya zveshoko raMwari zvakanaka, tingati mabiko ezvokunamata, asi uchingorega kunyatsodya uye kugaya zvokudya zvacho.—Zvirevo 19:24; 26:15.

Izvi zvine ngozi. Munyori Wingate anoti: “Panongotanga muviri kushandisa mapuroteni awo pachawo utano hwawo hunotanga kuipa.” Kana ukashayiwa zvokudya, muviri wako unotanga kushandisa kudya kwanga kwakachengetwa mumuviri wose. Kana kudya kwakachengetwa uku kwapera, muviri unotanga kushandisa mapuroteni anoita kuti urambe uchikura uye masero atsiviwe. Nhengo dzakakosha dzinotanga kusashanda. Utano hwako zvino hunokurumidza kuipa.

Izvozvo ndizvo zvakaitika mupfungwa kune vamwe vaiva muungano yechiKristu yepakuvamba. Vakaedza kurarama vachishandisa zvavaiziva nechekare. Vanofanira kuva vairegeredza kudzidza voga, zvikaita kuti vapere simba pakunamata. (VaHebheru 5:12) Muapostora Pauro akatsanangura ngozi yokudaro paakanyorera vaKristu vechiHebheru kuti: “Zvakafanira kuti isu tizvichenjerere kupfuura zvatinosiita pazvinhu zvatakanzwa, kuti tirege kumbokukurwa.” Aiziva kuti zviri nyore sei kukukurwa kuti tiite tsika dzakaipa kana “taregeredza ruponeso rwakakura zvakadai.”—VaHebheru 2:1, 3.

Zvinoshamisa kuti kana munhu achishayiwa zvokudya hazvirevi kuti anobva aoneka kuperezeka kana kuonda. Saizvozvowo, zvingasakurumidza kuva pachena kana mumwe munhu asiri kuwana zvokudya zvomushoko raMwari. Unogona kuratidzika somunhu akasimba pakunamata kunyange kana usiri kudya zvakanaka—asi kwenguva pfupi bedzi! Unotozongopedzisira wapera simba pakunamata chete, wova nyore kubatwa nokusava nechokwadi pasina chikonzero, uye usisakwanisi kurwira kwazvo kutenda kwako. (Judha 3) Unoziva panogumira kudya kwako kwomudzimu uri woga—kunyange pasina mumwe munhu anozviziva.

Saka pfuurira kudzidza woga. Rwisa kusava nechokwadi zvakasimba. Kunyepera kusaona chokwadi, kusabvisa kusava nechokwadi kudukuduku, kungava nemigumisiro ine ngozi. (2 VaKorinde 11:3) ‘Tiri kurarama mumazuva okupedzisira chaizvoizvo here? Unogona kudavira zvinhu zvose zvinotaurwa muBhaibheri here? Iri ndiro sangano raJehovha zvechokwadi here?’ Satani aizoda kudyara kusava nechokwadi kwakadai mupfungwa dzako. Usarega pfungwa yokuregeredza kudya mushoko raMwari ichikusiya wava nyore kubatwa nedzidziso dzake dzinonyengera. (VaKorose 2:4-7) Tevera zano rakapiwa Timoti. Iva mudzidzi akanaka we“zvinyorwa zvitsvene” kuitira kuti ugone ku“rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakatendiswa.”—2 Timoti 3:13-15.

Ungada kubatsirwa kuita izvi. Munyori ane mashoko ambotaurwa anoenderera mberi achiti: “Kana ashayisisa zvokudya, matumbu angakuvara nokushaya mavhitaminzi nezvimwe zvinokosha zvokuti anogona kusakwanisa kugamuchira kudyawo zvakwo kwaanopiwa. Vanhu vanenge vadai vangada kudya kusinganyanyoda kugaya kwenguva yakati.” Panoda kunyatsotarisira pakugadzirisa kukuvara kunenge kwakonzerwa nokushaya zvokudya. Saizvozvowo, munhu anenge aregeredza zvakakomba kudzidza oga Bhaibheri angada kubatsirwa zvikuru uye kukurudzirwa kuti adezve kudya mushoko raMwari. Kana izvozvo zviri izvo zvauri, tsvaka kubatsirwa wobvuma nomufaro ruyamuro rupi norupi rwaungapiwa kuti uvakezve utano hwako nesimba pakunamata.—Jakobho 5:14, 15.

Usa‘zununguka Nokusava Nokutenda’

Vachifunga nezvemamiriro ezvinhu atateguru Abrahamu, vamwe vangafunga kuti aiva nechikonzero chakanaka chokusava nechokwadi. Zvingaoneka sezvine musoro kupedzisa kuti aiva ‘asisina tariro yokuti ave baba vamarudzi akawanda’—pasinei nechipikirwa chaMwari. Nei? Tingati, pamaonero omunhu, zvinhu zvaisaratidzika sezvichabudirira. ‘Akafunga muviri wake, zvino wakanga watofa, uyewo kufa kwechizvaro chaSara,’ inodaro rondedzero yeBhaibheri. Kunyange zvakadaro, akaramba zvakasimba kubvumira kusava nechokwadi pamusoro paMwari nezvipikirwa zvake kuchidzika midzi mupfungwa dzake nomwoyo. Muapostora Pauro anonyora kuti: ‘Haana kupera simba pakutenda’ kana kuti “kuzununguka mukusava nokutenda.” Abrahamu akaramba “achiva nechokwadi kwazvo kuti [Mwari] zvaakanga apikira aikwanisawo kuzviita.” (VaRoma 4:18-21) Aive avaka ukama hwake pachake hwakasimba naJehovha kwemakore akawanda. Akaramba kusava nechokwadi kupi nokupi kwaidai kwakaderedza ukama ihwohwo.

Unogona kudarowo kana uka“ramba wakabata muenzaniso wemashoko anopa utano”—kana ukadya zvakanaka zvomushoko raMwari. (2 Timoti 1:13) Usaita zvokutamba nengozi yokusava nechokwadi. Satani anoita inganzi hondo yokushandisa utachiona hunokanganisa vanamati. Kana ukaregeredza kudya mushoko raMwari nokudzidza Bhaibheri woga uye nokupinda misangano yechiKristu, uri kuzviita kuti uve nyore kudenhwa noutachiona hwakadaro. Nyatsoshandisa zvokudya zviri kuuya nenzira yorupo uye nenguva zvichipiwa no“muranda akatendeka akangwara.” (Mateu 24:45) Ramba uchi‘bvumirana nemashoko anopa utano’ uye gara une “utano mukutenda.” (1 Timoti 6:3; Tito 2:2) Usarega kusava nechokwadi kuchiparadza kutenda kwako.

[Mifananidzo iri papeji 21]

Unodya zvakanaka zvakadini mushoko raMwari?