Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vaka“tsungirira Kusvikira Kumugumo”

Vaka“tsungirira Kusvikira Kumugumo”

Vaka“tsungirira Kusvikira Kumugumo”

MUVHIDHIYO yakabudiswa muna 1993 inoratidzwa nhengo itsva dzevashandi vepadzimbahwe reZvapupu zvaJehovha, Lyman Alexander Swingle akataura manzwiro ake nezvokushumira Jehovha achiti: “Fira pabasa rako!” *

Hama Swingle vakanga vava nemakore makumi mapfumbamwe vakaita chaizvo zvavakanga vakurudzira vamwe kuita. Vaka“tsungirira kusvikira kumugumo.” (Mateu 24:13) Kunyange vairwara, musi weChitatu, March 7, vakapinda musangano weDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha ravakanga vari nhengo yaro. Chipiri chakatevera vakanyanyisa kurwara, uye nguva dza4:26 mangwanani, March 14, chiremba wavo akaona kuti vakanga vafa.

Hama Lyman Swingle vakatanga basa ravo padzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York, musi waApril 5, 1930. Vakashanda ipapo kwemakore anoda kusvika 71. Hama Swingle vakatanga kupiwa basa munobhaindirwa mabhuku, vakazoshanda kwaanotsikirirwa, uye vakabatsirawo pakugadzira ingi. Chaizvoizvo, Hama Swingle vakapedzera anenge makore 25 vachishanda munogadzirwa ingi. Vakashandawo kwemakore anenge 20 senhengo yedhipatimendi rokunyora repadzimbahwe. Mumakore 17 okupedzisira oupenyu hwavo, vakashandira muHofisi Yomutarisiri Wemari.

Hama Swingle vaiva muzivisi akashinga woUmambo hwaMwari. Mumakore avo okutanga muBrooklyn, ivo newavaigara naye, Arthur Worsley, vaiwanzofamba nechimwe chezvikepe zveZvapupu muRwizi runonzi Hudson. Vachishandisa midziyo yegudzanzwi, vaipedza kupera kwevhiki kwakawanda vachitepfenyura mashoko oUmambo munharaunda dzaiva mumhenderekedzo.

Hama Swingle vakaberekwa musi waNovember 6, 1910, muLincoln, Nebraska, asi vachangoberekwa mhuri yacho yakatamira kuSalt Lake City, Utah. Ikoko, muna 1913, vabereki vavo vakava Vadzidzi veBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Mumakore akatevera, mhuri yekwaSwingle yaigamuchira vakurukuri vakawanda vanoshanyira vaibva kudzimbahwe reZvapupu muBrooklyn, uye varume ava vakapesvedzera zvakanaka Hama Swingle. Muna 1923, vaine makore 12, vakabhabhatidzwa vachiratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Mwari.

Pashure pokushanda muBrooklyn kwemakore anopfuura 26 vasati varoora, upenyu hwaHama Swingle hwakakomborerwa kwazvo pavakaroora Crystal Zircher musi waJune 8, 1956. Vakanga vasingasiyani, vachibuda muushumiri pamwe chete kusvikira pakazofa Crystal muna 1998. Makore matatu zvisati zvaitika, Crystal akanga arohwa nesitiroko yakamuremadza zvikuru. Zvaiitwa naHama Swingle zuva nezuva pakumutarisira zvakanga zviri muenzaniso wokuzvipira waikurudzira vose vaivaziva, zvikurukuru vaya vaiona Hama Swingle vachisunda norudo wiricheya munzira dzomunzvimbo yakanga yakavakidzana navo Crystal paairatidza Nharireyomurindi neMukai! kuvapfuuri.

Hama Swingle vaiva murume aitaura zvakajeka, neane ushamwari aiita kuti adiwe nevaya vanenge vamuziva. Kufanana nababa naamai vavo, vakanga vane tariro yakavakirwa muBhaibheri yokurarama naJesu Kristu muUmambo hwokudenga, tariro yatinovimba kuti iye zvino vaiwana.—1 VaTesaronika 4:15-18; Zvakazarurwa 14:13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Izvi zvinoreva kufa uchiri kushanda nesimba pabasa rako.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Hama Swingle vakashanda kwemakore 25 munogadzirwa ingi

[Mufananidzo uri papeji 31]

Lyman naCrystal vakanga vasingasiyani