Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kodzero Yako Yokutenda

Kodzero Yako Yokutenda

Kodzero Yako Yokutenda

Zvichida unofadzwa nekodzero yako yokutenda chero chaunoda kutenda. Ndizvo zvinoita anenge munhu wose. Nokushandisa kodzero iyi, vagari vomunyika vane mabhiriyoni matanhatu vakasvika pakutenda zvinhu zvakasiyana-siyana zvinoshamisa. Sokusiyana-siyana kwakaita ruvara, chimiro, magadzirirwo, kunaka, munhuhwi, uye ruzha zvatinowana muzvisikwa, kutenda zvakasiyana-siyana kunowedzera mufaro, kufadzwa, uye kunakidzwa muupenyu. Kusiyana-siyana kwakadaro kunogona kuita kuti upenyu hunakidze.—Pisarema 104:24.

ASI zvinoda kungwarira. Zvimwe zvinotendwa hazvina kungosiyana chete asi zvine ngoziwo. Somuenzaniso, kumavambo kwezana remakore rechi20 vamwe vanhu vakasvika pakutenda kuti vaJudha nevaFreemason vaiva nourongwa hwoku“kanganisa mararamire echiKristu vomutsa hurumende yenyika yose pasi poutongi hwavo kwakabatana.” Chimwe chaitaura nezvokutenda uku raiva turakiti rairwisana nechiJudha raiva nomusoro waiti Protocols of the Learned Elders of Zion. Turakiti racho raiti urongwa hwacho hwaisanganisira kutema mitero yakapfuura mwero, kutsigira kugadzirwa kwezvombo, kukurudzira kudzorwa kwebhizimisi nekambani imwe zvokuti ‘upfumi hweVemamwe Marudzi hwaigona kuparadzwa pakarepo.’ Zvimwe zvinotaurwa zvinosanganisira kushandisa urongwa hwedzidzo zvokuti ‘Vemamwe Marudzi vanova mhuka dzisingafungi,’ uye kunyange kuvaka njanji dzepasi pevhu kuti vabatanidze maguta makuru kuitira kuti vakuru vechiJudha vagone ‘kukurira vashori vapi nevapi nokuvabvisa.’

Chokwadi, idzi dzaiva nhema—dzakagadzirirwa kutanga pfungwa dzokurwisana nechiJudha. ‘Idzi nhema dzisina musoro,’ anodaro Mark Jones weBritish Museum, ‘dzakapararira dzichibva kuRussia,’ kwadzakatanga kuwanika munyaya yomupepanhau muna 1903. Yakazotaurwawo muThe Times yeLondon musi waMay 8, 1920. Kwadarika gore, The Times yakati turakiti racho nderokunyepera. Panguva iyi, zvinhu zvakanga zvatokanganiswa. ‘Nhema dzakaita seidzi,’ anodaro Jones, ‘dzakaoma kudzivhara.’ ‘Kana vanhu vangodzibvuma chete, dzinobudisa zvitendero zvine utsinye, zvinokuvadza, uye zvine ngozi—kazhinji kacho nemigumisiro inokuvadza, sezvakaratidzwa nezvakaitika muzana remakore rechi20.—Zvirevo 6:16-19.

Zvinhu Zvinotendwa Zvichirwisana Nechokwadi

Chokwadi, kutenda zvisizvo kunongovapo kunyange pasina nhema dzoune. Dzimwe nguva tinongokanganisa kunzwisisa zvinhu. Vanhu vangani vakafa vasingafungiri vachiita chimwe chinhu chavaitenda kuti chakanga chakarurama? Uyezve, tinowanzotenda chinhu nokuti tinoda kuchitenda. Mumwe purofesa akataura kuti kunyange masayendisiti “anowanzokoshesa zvikuru zvaanofunga.” Zvaanotenda zvinoatadzisa kuongorora zvinhu asina kwaakarerekera. Ipapo angapedza upenyu hwose pasina chimuko achiedza kutsigira zvinhu zvisina kururama zvaanotenda.—Jeremia 17:9.

Zvinhu zvakafanana neizvi zvakaitika pazvinhu zvinotendwa muzvitendero—umo mune kupokana kwakakura. (1 Timoti 4:1; 2 Timoti 4:3, 4) Mumwe munhu anotenda Mwari zvikuru. Mumwe anotaura kuti vanhu havana uchapupu hungatsigira kutenda kwavanoita Mwari. Mumwe anoomerera pakuti une mweya usingafi unopona parufu. Mumwewo anoti paunofa unenge usisipo zvachose. Zviri pachena kuti zvinhu zvisingapindirani zvinotendwa zvakaita seizvi hazvingavi zvechokwadi zvose. Saka hakusi kuchenjera here kuti uve nechokwadi chokuti zvaunotenda ndezvechokwadi chaizvoizvo uye kwete zvaunongoda hako kutenda? (Zvirevo 1:5) Ungaita sei izvozvo? Nyaya inotevera ichaongorora nhau iyoyi.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Nyaya yomuna 1921 yaifumura turakiti rinonzi “Protocols of the Learned Elders of Zion”