Kunogara Kupfuura Ndarama Yakanatswa
Kunogara Kupfuura Ndarama Yakanatswa
NDARAMA inotsvakwa zvikuru nemhaka yokunaka uye kugara kwayo kwenguva refu. Chinoita kuti idiwe zvakanyanya ndechokuti inoramba ichipenya uye yakachena zvokuti zvinenge zvisingazomboperi. Izvi imhaka yokuti ndarama haibvumi kukanganiswa nemvura, oxygen, sarufa, uye nechinenge chinhu chiri chose. Zvinhu zvakawanda zvakagadzirwa nendarama zvakawanikwa mungarava dzakanyura uye zvakawanikwa kumwewo zvichiri kupenya sezvazvakanga zviri kwapera mazana emakore.
Zvisinei, zvinobata pfungwa kuti Bhaibheri rinotaura kuti pane chimwe chinhu chinotogara kwenguva yakareba zvikuru uye chi“nokosha zvikuru kupfuura ndarama inoparara pasinei nokuedzwa kwayo nemoto.” (1 Petro 1:7) Ndarama “[y]akaedzwa,” kana kuti yakanatswa, nemoto kana nemamwe maitiro inogona kusvika pakuchena kwe99,9 muzana. Asi, kunyange ndarama yakanatswa inoparara, kana kuti inonyungudika, kana ikasangana neaqua regia (royal water), musanganiswa wezvikamu zvitatu zvehydrochloric acid nechikamu chimwe chenitric acid. Saka, Bhaibheri rakarurama mune zvesayenzi parinotaura kuti ‘ndarama inoparara.’
Mukupesana, kutenda kwechiKristu kwechokwadi “kunochengeta mweya uri mupenyu.” (VaHebheru 10:39) Vanhu vanogona kuuraya munhu ane kutenda kwakasimba, sezvavakaita Jesu Kristu. Asi vane kutenda kwechokwadi vanovimbiswa kuti: “Iva akatendeka kunyange kusvikira kurufu, uye ndichakupa korona youpenyu.” (Zvakazarurwa 2:10) Vaya vanofira mukutenda vanoramba vachiyeukwa naMwari, uye achavamutsa. (Johani 5:28, 29) Hapana ndarama yakawanda zvokugona kuita izvozvo. Tichitaura tine pfungwa iyi, kutenda kunokosha zvikuru kupfuura ndarama. Zvisinei, kuti kutenda kuve noukoshi hwakakura kudaro, kunofanirawo kuongororwa, kana kuti kuedzwa. Kutaura zvazviri, ‘kutenda kwakaedzwa’ kwakataurwa naPetro kunokosha zvikuru kupfuura ndarama. Zvapupu zvaJehovha zvingafara kukubatsira kudzidza Bhaibheri kuitira kuti utange uye urambe une kutenda kwakasimba muna Mwari wechokwadi, Jehovha, uye muMwanakomana wake, Jesu Kristu. Maererano naJesu, izvi “zvinoreva upenyu husingaperi.”—Johani 17:3.