Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Uchitenda Zvaunotenda?

Nei Uchitenda Zvaunotenda?

Nei Uchitenda Zvaunotenda?

Kutenda kwave kuchirondedzerwa so“kugamuchira chinhu sechechokwadi.” Chinyorwa choMubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose chinonzi Universal Declaration of Human Rights chinodzivirira “kodzero [yomunhu wose] yorusununguko rwokufunga, hana uye chitendero.” Kodzero iyi inosanganisira rusununguko rwo“kuchinja chitendero chake kana kuti zvaanotenda” kana achida kuita kudaro.

ZVISINEI, munhu upi noupi angadirei kuchinja chitendero chake kana kuti zvaanotenda? “Ndine zvandinotenda, uye ndinofara nazvo,” ndiwo mafungiro anowanzotaurwa nevanhu. Vakawanda vanofunga kuti kunyange kutenda zvisirizvo hakunyanyi kukuvadza ani naani. Somuenzaniso, mumwe munhu anotenda kuti nyika yakati sandara angasazvikuvadza iye kana vamwe. “Tinofanira kungobvuma kuti hatifungi zvakafanana,” vamwe vanodaro. Kunowanzova kuchenjera here ikoko? Chiremba angangobvuma kuchinja zvaagara achidavira here kana mumwe chiremba waanoshanda naye akaramba achitenda kuti anogona kuti abata zvitunha zviri mumochari obva angonanga kunoongorora varwere vari muchipatara?

Kana totaura nezvechitendero, zvakaitika kare zvinoratidza kuti kutenda zvisirizvo kwakakanganisa zvinhu zvakawanda. Funga nezvezvinotyisa zvakaguma zvaitika apo vatungamiriri vezvitendero vaka“kurudzira vanyanyisi vechiKristu kuita mhirizhonga zvisina tsitsi” mune dzainzi Hondo Tsvene dzechiKristu dzomunguva yokuma500 C.E. kusvika kuma1500 C.E. Kana kuti funga nezvenyanzvi dzokupfura dze“chiKristu” muhondo yezvizvarwa zvomunyika imwe ichangobva kuitika idzo “kufanana nevarwi vomunguva yokuma500 C.E. kusvika kuma1500 C.E. vaiva nemazita evasande pamibato yemabakatwa avo, dzakanamira mifananidzo yeMhandara pamibato yepfuti dzadzo.” Vanyanyisi vose ava vaifunga kuti vakanga vakarurama. Asi, zviri pachena kuti mukurwisana kwezvitendero ikoku nokumwe, chimwe chinhu chakanga chisina kururama zvachose.

Nei paine kuvhiringika nokurwisana kwakanyanya kudai? Mhinduro yeBhaibheri ndeyokuti Satani Dhiyabhorosi ari “kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9; 2 VaKorinde 4:4; 11:3) Muapostora Pauro akanyevera kuti vanhu vakawanda vezvitendero nenzira inosuruvarisa vaizo‘paradzwa’ nokuti vanenge vanyengedzwa naSatani, uyo aizo‘ita zvinoshamisa zvakagadzirirwa kunyengedza.’ Pauro akati vakadaro vaizo‘vhara pfungwa dzavo kuti dzisaone rudo nechokwadi zvingadai zvakavaponesa’ uye nokudaro vaizo‘nyengedzwa kuti vatende nhema.’ (2 VaTesaronika 2:9-12) Ungaramba sei kutenda nhema? Chaizvoizvo nei uchitenda sezvaunoita izvozvo?

Wakakura Uchizvitenda Here?

Pamwe wakarerwa uchitenda zvinhu zvinotendwa nemhuri yako. Ichocho chingava chinhu chakanaka chaizvo. Mwari anoda kuti vabereki vadzidzise vana vavo. (Dheuteronomio 6:4-9; 11:18-21) Somuenzaniso murume wechiduku Timoti akabatsirwa zvikuru nokuteerera amai naambuya vake. (2 Timoti 1:5; 3:14, 15) Magwaro anokurudzira kuremekedza zvinotendwa nevabereki. (Zvirevo 1:8; VaEfeso 6:1) Asi Musiki wako aida kuti iwe utende zvinhu nemhaka chete yokuti vabereki vako vanozvitenda here? Kuomerera pasina kufunga kune zvaitendwa uye zvaiitwa nezvizvarwa zvekare kunotogona kuva nengozi.—Pisarema 78:8; Amosi 2:4.

Mumwe mukadzi wechiSamariya akasangana naJesu akanga arerwa achitenda muchitendero chake chechiSamariya. (Johani 4:20) Jesu airemekedza rusununguko rwake rwokusarudza zvaaida kutenda, asi akamuudzawo kuti: “Imi munonamata chamusingazivi.” Chaizvoizvo zvakawanda zvezvaaitenda zvakanga zvisina kururama, uye akamuudza kuti aizofanira kuchinja zvaaitenda kuti anamate Mwari zvinogamuchirika—“nomudzimu nechokwadi.” Pane kuomerera pane zvitendero zvavaidisisa pasina mubvunzo, iye nevamwe vakaita saiye nokufamba kwenguva vaizofanira “kuteerera kukutenda” kwakaratidzwa nokuna Jesu Kristu.—Johani 4:21-24, 39-41; Mabasa 6:7.

Wakadzidziswa Kuti Uzvitende Here?

Vadzidzisi vakawanda nenyanzvi dzoruzivo chairwo vanofanira kuremekedzwa. Asi zvakaitika kare zvinoratidza kuti vadzidzisi vakawanda vanozivikanwa zvikuru vakanga vasina kana nokumborurama kwose. Somuenzaniso, nezvemabhuku maviri enyaya dzesayenzi akanyorwa nenyanzvi yechiGiriki Aristotle, munyori wenhau dzakaitika kare Bertrand Russell akataura kuti “hapana kana mutsetse mumwe ungagamuchirwa maererano nesanyenzi yemazuva ano.” Kunyange vane simba vemazuva ano vanowanzotaura zvinhu zvisina kana nokumborurama. Musayendisiti wokuBritain Lord Kelvin muna 1895 akataura nechivimbo kuti “hakuna michina inorema kudarika mhepo ingabhururuka.” Naizvozvo, munhu akachenjera haangotendi chimwe chinhu nemhaka chete yokuti mumwe mudzidzisi ane simba anochitaura.—Pisarema 146:3.

Kungwaririra kwakadaro ndiko kunodiwawo padzidzo yezvechitendero. Muapostora Pauro akanga akanyatsodzidziswa nevadzidzisi vake vechitendero uye ai“shingairira zvikuru kwazvo tsika dzamadzibaba [ake].” Zvisinei, kushingairira kwaaiita tsika dzokunamata dzaitendwa nemadzitateguru ake kwakatomuparira zvinetso. Kwakaita kuti a“tambudz[e] . . . ungano yaMwari [a]chiiparadza.” (VaGaratiya 1:13, 14; Johani 16:2, 3) Zvakatonyanya kuipa, Pauro akaramba a“chikava zvibayiso,” achiramba zvaizodai zvakamuita kuti atende Jesu Kristu. Zvaida kuti Jesu pachake apindire nenzira inoshamisa kuti aite kuti Pauro achinje zvaaitenda.—Mabasa 9:1-6; 26:14.

Zvinobudisa Nhau Ndizvo Zvakakupesvedzera Here?

Zvichida zvinobudisa nhau ndizvo zvakaita kuti utende zvaunotenda. Vanhu vakawanda vanofara kuti pane rusununguko rwokutaura muzvinobudisa nhau, zvinoita kuti vakwanise kuwana mashoko anogona kushanda. Zvisinei, pane simba rakakura rinogona kushandisa uye rinowanzoshandisa zvinobudisa nhau. Anowanzopiwa acho mashoko akarerekera divi rimwe ayo anogona kuchinja mafungiro ako.

Kuwedzera kune izvi, kuti zvinakidze uye zvikwezve vateereri vakawanda, zvinobudisa mashoko zvinenge zvinoparadzira zvinotekenyedza pfungwa uye zvinhu zvisina kujairwa. Zvinhu zvakanga zvisingambotaurwi kana kudhindwa kuti zviverengwe nevanhu vose makore mashomanana apfuura aya hazvichatoshamisiri mazuva ano. Kunyange zvichiitwa zvishoma nezvishoma, tsika dzinozivikanwa navose dzokuzvibata dziri kukanganiswa uye dziri kuderera ukoshi. Kufunga kwevanhu kuri kukanganiswa zvishoma nezvishoma. Vanotanga kutenda kuti “zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka kuti ndizvo zvakaipa.”—Isaya 5:20; 1 VaKorinde 6:9, 10.

Kuwana Chikonzero Chakanaka Chokutenda

Kuvakira papfungwa kana pauzivi hwevanhu kwakafanana nokuvakira pajecha. (Mateu 7:26; 1 VaKorinde 1:19, 20) Saka unganyatsovakira pai zvaunotenda? Sezvo Mwari akakupa mano okuongorora nyika yakakupoteredza nokubvunza mibvunzo ine chokuita nenyaya dzokunamata, hazvingavi nomusoro here kuti aizopawo nzira yokuwana nayo mhinduro dzemibvunzo yako? (1 Johani 5:20) Chokwadi aizodaro! Kunyange zvakadaro, ungaziva sei kuti chokwadi ndechipi panyaya dzokunamata? Hatizezi kutaura kuti Shoko raMwari, Bhaibheri, rinopa chikonzero choga chokuita izvi.—Johani 17:17; 2 Timoti 3:16, 17.

“Asi mira,” mumwe munhu achadaro, “havasirivo here vacho vane Bhaibheri vakakonzera kurwisana nokupesana kukuru muzvinhu zvenyika?” Ichokwadi kuti vatungamiriri vezvitendero vanotaura kuti vanotevera Bhaibheri vakakonzera pfungwa dzinovhiringidza nokupesanisa. Izvi zvinodaro nokuti havana chaizvoizvo kuvakira zvavanotenda muBhaibheri. Muapostora Petro akavarondedzera se“vaprofita venhema” ne“vadzidzisi venhema” vaizotanga “mapoka anoparadza.” Somugumisiro wemabasa avo, muapostora Petro anoti, “zvakaipa zvichataurwa pamusoro penzira yechokwadi.” (2 Petro 2:1, 2) Kunyange zvakadaro, Petro anonyora kuti, “tine shoko rouprofita rakaitwa kuti rive rechokwadi zvikuru; uye muri kuita zvakanaka kuriteerera serambi rinopenya munzvimbo ine rima.”—2 Petro 1:19; Pisarema 119:105.

Bhaibheri rinotikurudzira kuongorora kuti zvatinotenda zvinoenderana nezvarinodzidzisa. (1 Johani 4:1) Mamiriyoni evaverengi vemagazini ino vanogona kupupurira kuti kuita kudaro kwakawedzera chinangwa nokutsiga muupenyu hwavo. Saka iva sevaBheriya vakanga vakangwara. “Nyatsonzvera Magwaro zuva nezuva” usati wasarudza zvokutenda. (Mabasa 17:11) Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kuti uite izvi. Chokwadi, ndiwe unozvisarudzira zvaunoda kutenda. Zvisinei, kuchenjera kuva nechokwadi chokuti zvaunotenda hazviumbwi nouchenjeri nezvishuvo zvevanhu, asi kuti neShoko raMwari rechokwadi rakaziviswa.—1 VaTesaronika 2:13; 5:21.

[Mifananidzo iri papeji 6]

Unogona kuvakira zvaunotenda muBhaibheri nechivimbo