Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona “Kusiyanisa Zvakanaka Nezvakaipa” Here?

Unogona “Kusiyanisa Zvakanaka Nezvakaipa” Here?

Unogona “Kusiyanisa Zvakanaka Nezvakaipa” Here?

“Rambai muchiva nechokwadi chezvakanaka kunaShe.”—VAEFESO 5:10.

1. Upenyu nhasi hungakangaidza sei, uye nei?

“HAIWA, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Kutaura kwouchenjeri kwakaitwa naJeremia kunonyanya kushanda nhasi. Nei? Nokuti tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” sezvakafanotaura Bhaibheri. (2 Timoti 3:1) Mazuva ose, tinosangana nemamiriro ezvinhu anokangaidza ayo anoda kuti tisarudze. Zvingava zvikuru kana zviduku, zvatinosarudza zvinogona kuchinja zvikuru magariro edu akanaka—mumuviri, mupfungwa, uye mumudzimu.

2. Ndezvipi zvinosarudzwa zvingaonekwa sezvisingakoshi, asi vaKristu vakazvitsaurira vanozviona sei?

2 Zvizhinji zvatinosarudza muupenyu hwedu hwezuva nezuva zvingaoneka sezvinhu zvenguva dzose kana kuti sezvisingakoshi. Somuenzaniso, zuva rimwe nerimwe tinogara tichisarudza zvipfeko zvatinopfeka, zvokudya zvatinodya, vanhu vatinoona, zvichingodaro. Zvizhinji tinongoerekana tasarudza, tisinganyanyofungi nezvazvo. Asi zvinhu zvakadaro hazvikoshi here? KuvaKristu vakazvitsaurira, tine hanya zvikuru kuti zvatinosarudza kupfeka uye chitarisiko chedu, kudya uye kunwa, uye kutaura nokuzvibata, nguva dzose zvinoratidza basa redu sevashumiri veWokumusoro-soro, Jehovha Mwari. Tinoyeuchidzwa mashoko omuapostora Pauro, anoti: “Mungave muri kudya kana kunwa kana kuita chimwe chinhu, itai zvinhu zvose kuti Mwari apiwe mbiri.”—1 VaKorinde 10:31; VaKorose 4:6; 1 Timoti 2:9, 10.

3. Kusarudza chii kunonyanyokosha zvechokwadi?

3 Panewo kusarudza kunokosha zvikuru. Somuenzaniso, kusarudza kuroora kana kugara usina kuroora zvechokwadi kunochinja upenyu hwomunhu zvikuru uye kwenguva yakareba. Chokwadi, kusarudza munhu akakodzera wokuroora, wokuva shamwari naye kwoupenyu hwose, haisi nyaya duku. * (Zvirevo 18:22) Kuwedzera kune izvi, shamwari dzatinosarudza uye vokusonganirana navo, dzidzo, basa, uye varaidzo, nokutandara, zvine simba, kunyange kutema kusimba kwedu pakunamata—zvozorevawo kuwana kwedu upenyu husingaperi.—VaRoma 13:13, 14; VaEfeso 5:3, 4.

4. (a) Mano api angadiwa kwazvo? (b) Mibvunzo ipi inofanira kufungwa nezvayo?

4 Takatarisana nezvose izvi, zvechokwadi zvinobatsira kuti tive nemano okusiyanisa zvakanaka nezvakaipa kana kuti zvinoita sokuti zvakanaka nezvinenge zvakanaka chaizvo. “Munhu unoona nzira achiti yakarurama; asi kuguma kwayo inzira dzorufu,” rinonyevera kudaro Bhaibheri. (Zvirevo 14:12) Saka, tingabvunza kuti: ‘Tingava sei nemano okusiyanisa zvakanaka nezvakaipa? Tingaendepi kuti tiwane nhungamiro inodiwa pakusarudza? Vanhu vekare nevanhasi vakaitei maererano neizvi, uye zvinhu zvakafamba sei?’

‘Uzivi Nounyengeri’ Hwenyika

5. VaKristu vekare vairarama munyika yakaita sei?

5 VaKristu vomuzana remakore rokutanga vairarama munyika yakanga yakazara nepfungwa nezvaikosheswa nevaGiriki nevaRoma. Kudivi rimwe, kwaiva nomutambarakede wemararamiro echiRoma, aiyemurwa nevakawanda. Kune rimwe racho, vanhu vakadzidza vomuzuva racho vaifarira kwete chete uzivi nepfungwa dzaPlato naAristotle asiwo nedziya dzezvikwata zvitsva, zvakadai sevaEpikuro nevaStoiki. Muapostora Pauro paakasvika kuAtene parwendo rwake rwechipiri rwoumishinari, akasangana nevazivi vechiEpikuro nevechiStoiki vaifunga kuti vaikunda “uyu anotaura zvisina maturo,” Pauro.—Mabasa 17:18.

6. (a) Vamwe vaKristu vokutanga vakaedzwa kuitei? (b) Pauro akapa nyevero yokuti chii?

6 Saka hazvina kuoma kunzwisisa chikonzero nei vamwe pakati pevaKristu vekare vakakwezvwa nenzira dzokuzvitutumadza uye mararamiro evanhu vakanga vakavapoteredza. (2 Timoti 4:10) Vaya vakanga vakanyura mune zvenyika vaiita sokuti vane zvakawanda zvavaiwana, uye zvavakasarudza zvaiita sezvakanaka. Nyika yaiita seine chimwe chinhu chinokosha chokupa chaisawanikwa muupenyu hwomuKristu akazvitsaurira. Kunyange zvakadaro, muapostora Pauro akanyevera kuti: “Chenjerai: zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata nouzivi uye nounyengeri husina maturo maererano netsika dzevanhu, maererano nezvinhu zvepakutanga zvenyika uye kwete maererano naKristu.” (VaKorose 2:8) Nei Pauro akataura izvozvo?

7. Uchenjeri hwenyika hwakakosha zvakadini chaizvo?

7 Pauro akapa nyevero iyoyo nokuti akaziva kuti paiva nengozi chaiyo yaiva seri kwepfungwa dzevaya vaikwezvwa nenyika. Kushandisa kwake mashoko okuti ‘uzivi nouchenjeri’ kune zvakunoreva zvinokosha. Shoko rokuti “uzivi” chaizvoizvo rinoreva kuti “kuda uye kutsvaka uchenjeri.” Izvozvo pachazvo zvingabatsira. Bhaibheri rinotokurudzira, kunyanya mubhuku raZvirevo, kutsvaka rudzi rwakarurama rwezivo nouchenjeri. (Zvirevo 1:1-7; 3:13-18) Zvisinei, Pauro akabatanidza “uzivi” no“unyengeri husina maturo.” Nemamwe mashoko, Pauro aiona uchenjeri hwaizopiwa nenyika sohusina maturo uye hwounyengeri. Kufanana nechibharumu chakazara mweya, hwairatidzika sechinhu kwacho, asi hapana zvahwaibatsira. Chokwadi, kusarudza kuti zvakanaka nezvakaipa ndezvipi uchivakira pachimwe chinhu chisina kusimba chakadai so‘uzivi nounyengeri husina maturo’ hwenyika kwaisazobatsira chinhu, uye kwaitozoparadza.

Vaya Vanoti “Zvakanaka Ndizvo Zvakaipa, uye Zvakaipa Kuti Ndizvo Zvakanaka”

8. (a) Vanhu vanotsvaka kupiwa mazano naani? (b) Rudzii rwemazano runopiwa?

8 Nhasi zvinhu hazvina kunyanyosiyana nezvazvakanga zvakaita kare. Panenge pazvinhu zvose zvinoitwa nevanhu, vanamazvikokota havaperi. Vanachipangamazano vemichato nemhuri, vanonyora zvikamu zvomumapepanhau, vanozviti inyanzvi dzezvokurapa, nyanzvi dzenyeredzi, masvikiro, nevamwewo vakagadzirira kupa mazano—vachibhadharisa. Asi mazano orudzii ari kupiwa? Kakawanda tsika dzinotaurwa neBhaibheri dzokuzvibata dzinoiswa padivi dzichitsiviwa nedzinonzi tsika itsva dzokuzvibata. Somuenzaniso, achitaura nezvokuramba kwehurumende kunyoresa “michato yengochani,” mamwe mashoko omupepeti werimwe remapepanhau rinonyanyozivikanwa romuCanada rinonzi The Globe and Mail anoti: “Mugore ra2000, kutsvinya kutaura kuti vanhu vaviri vanodanana uye vakazvipira varambidzwe chido chavo nokuti vose varume kana kuti vakadzi.” Muitiro uriko mazuva ano ndewokurega zvimwe zvinhu zvichiitwa, kwete kushora. Zvinhu zvose zvinonzi zvinogamuchirwa; hapasisina chinonzi chakanyatsorurama uye chakanyanyoipa.—Pisarema 10:3, 4.

9. Vanhu vanonzi vanoremekedzeka munyika vanowanzoita sei?

9 Vamwe vanotarira kune vakabudirira mumagariro avo nomune zvemari—vapfumi nevakakurumbira—semienzaniso yokutevedzera pane zvavanosarudza. Kunyange zvazvo vapfumi nevakakurumbira vachionekwa sevanoremekedzeka munyika yemazuva ano, vanongotaura nemiromo kuti vakatendeseka uye vakavimbika. Vachitsvaka simba nemari, vakawanda havambotyi kuita zvinhu nenzira dzisingatenderwi kana kutyora mitemo yetsika. Kuti vawane mukurumbira, vamwe havana basa nokurasa tsika nemaitiro anotenderwa vachida mufambiro wakaipa kwazvo. Zvinoguma nevanhu vanoda zvokungoita mari uye vanoregeredza, vane tsika yokuti “Hapana chisingaiti.” Zvinoshamisa here kuti vanhu vavhiringidzika kana kuti havachazivi zvokuita panyaya yezvakanaka nezvakaipa?—Ruka 6:39.

10. Mashoko aIsaya pamusoro pezvakanaka nezvakaipa azova echokwadi sei?

10 Migumisiro inosuruvarisa yokusarudza kwakaipa kunoitwa nemhaka yenhungamiro isina kunaka yakatipoteredza—michato nemhuri zvakaparara, kushandiswa zvisina kunaka kwezvinodhaka uye doro, zvikwata zvepwere dzinorwisa vanhu, chihure, zvirwere zvinotapuriranwa pabonde, kungodudza zvishoma chete. Chaizvoizvo, tingatarisira sei kuti zvinhu zvinake apo vanhu vanorega zvose zvakanaka kana zvinhu zvinobatsira panyaya yokunzwisisa zvakanaka nezvakaipa? (VaRoma 1:28-32) Zvakangoita sokutaura kwomuprofita Isaya kuti: “Vane nhamo vanoti zvakanaka ndizvo zvakaipa, uye zvakaipa kuti ndizvo zvakanaka, vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima; vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava. Vane nhamo vanozviti takachenjera, vanoti pakufunga kwavo tine njere.”—Isaya 5:20, 21.

11. Nei kusiri kufunga kwakanaka kuti munhu azvivimbe pakusarudza kuti zvakanaka nezvakaipa ndezvipi?

11 Chokwadi chokuti Mwari akapa mhosva vaJudha ivavo ‘vaizviti takachenjera’ chinoita kuti zvitonyanya kukosha kwatiri kudzivisa kuzvivimba pakusarudza zvakanaka nezvakaipa. Vanhu vakawanda vanobvumirana nepfungwa yokuti “ita zvada mwoyo,” kana kuti “ita zvaunofunga kuti zvakarurama.” Manzwisisiro akadaro akanaka here? Maererano neBhaibheri haana, iro rinotaura zvakajeka kuti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva?” (Jeremia 17:9) Waizovimba nomunhu anonyengera uye asina tariro kuti akutungamirire pane zvaunosarudza here? Kana. Zvimwe ungatoita zvinopesana nezvaunoudzwa nomunhu iyeye. Ndosaka Bhaibheri richitiyeuchidza kuti: “Unotenda mwoyo wake, ibenzi; asi unofamba nouchenjeri, ucharwirwa.”—Zvirevo 3:5-7; 28:26.

Kudzidza Zvinogamuchirika Kuna Mwari

12. Nei tichifanira kuzviwanira chiri “kuda kwaMwari”?

12 Sezvo tisingafaniri kuvimba nouchenjeri hwenyika kana kuti kuzvivimba pachedu panyaya yezvakanaka nezvakaipa, tinofanira kuita sei? Ona zano iri rakanyatsojeka rinobva kumuapostora Pauro rinoti: “Musazvienzanisa negadziriro ino yezvinhu, asi shandurwai nokuvandudza pfungwa dzenyu, kuti muzviwanire chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana.” (VaRoma 12:2) Nei tichifanira kuzviwanira chiri kuda kwaMwari? MuBhaibheri, Jehovha anopa chikonzero chakananga asi chine simba, achiti: “Denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.” (Isaya 55:9) Saka pane kuvimba nokunzwisisa kwedu kana kuti zvatinofunga kuti ndizvo zvakarurama, tinorayirwa kuti: “Rambai muchiva nechokwadi chezvakanaka kunaShe.”—VaEfeso 5:10.

13. Mashoko aJesu akanyorwa pana Johani 17:3 anosimbisa sei kudiwa kwokuziva zvinogamuchirika kuna Mwari?

13 Jesu akasimbisa kudiwa kweizvi paakati: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Mashoko okuti ‘kupinza zivo’ anoreva zvakadzika zvikuru kupfuura kungo“ziva.” Maererano neVine’s Expository Dictionary, ano“ratidza ukama hunenge huine munhu ari kuziva nechinhu chiri kuzivikanwa chacho; apa chiri kuzivikanwa chinenge chichikosha kumunhu anochiziva, ndokusaka pachizova noukama.” Kuva noukama nomumwe munhu kunoreva zvinopfuura kungoziva kuti munhu iyeye ndiani kana kuti zita rake. Zvinosanganisirawo kuziva zvinodiwa nezvisingadiwi nomunhu iyeye, kuziva zvaanokoshesa, zvaanoda—kwava kuzviita.—1 Johani 2:3; 4:8.

Kurovedza Masimba Edu Okunzwisisa

14. Pauro akati musiyano upi mukuru uri pakati pevacheche vokumudzimu nevanhu vakuru?

14 Saka tingawana sei mano okusiyanisa zvakanaka nezvakaipa? Mashoko akataurwa naPauro kuvaKristu vechiHebheru vomuzana remakore rokutanga anopa mhinduro yacho. Akanyora kuti: “Munhu wose anodya mukaka haazivi shoko rokururama, nokuti mucheche. Asi zvokudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru, zveavo vane masimba avo okunzwisisa akarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokushandiswa.” Pano Pauro anosiyanisa “mukaka,” waakatsanangura mundima inotangira iyi se“zvinhu zvepakutanga zvemashoko matsvene aMwari,” ne“zvokudya zvikukutu,” zve“vanhu vakuru,” avo “vane masimba avo okunzwisisa akarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.”—VaHebheru 5:12-14.

15. Nei tichifanira kushanda nesimba kuti tiwane zivo yakarurama yaMwari?

15 Izvi zvinoreva kuti, chokutanga, tinofanira kushanda nesimba kuti tinzwisise zvakarurama zvinodiwa naMwari zviri muShoko rake Bhaibheri. Hatisi kutsvaka kuudzwa kuti ita ichi, ichi usaita kuti tizive zvatingaita kana zvatisingafaniri kuita. Bhaibheri harisi bhuku rakadaro. Panzvimbo paizvozvo, Pauro akatsanangura kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari ave anokwanisa kwazvo, akashongedzerwa zvakakwana basa rose rakanaka.” (2 Timoti 3:16, 17) Kuti tibatsirwe nokudzidzisa, kutsiura, nokuranga ikoko tinofanira kushandisa pfungwa dzedu nemano okufunga. Iri ibasa chairo, asi tikatarisa mugumisiro wacho—kuva “anokwanisa kwazvo, akashongedzerwa zvakakwana basa rose rakanaka”—tinoona zvakakodzera.—Zvirevo 2:3-6.

16. Kuva nemasimba ako okunzwisisa akarovedzwa kunorevei?

16 Uye, sezvakaratidzwa naPauro, vanhu vakuru “vane masimba avo okunzwisisa akarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.” Apa ndipo pane nyaya yose. Mashoko okuti “vane masimba avo okunzwisisa akarovedzwa” chaizvoizvo anoreva kuti ‘pfungwa dzarovedzwa (senyanzvi yokurovedza muviri).’ (Kingdom Interlinear Translation) Nyanzvi yokurovedza muviri ine ruzivo rwakakura inenge iri pamudziyo wakasarudzwa kurovedza muviri inogona kuita zvidavado ichikurumidza kwazvo zvokuti zvinoita sokuti hazvibviri kuzviita. Anodzora zvizere nhengo dzomuviri wake nguva dzose, uye haambosweroita zvokufunga kuti oita chipi chichizoteverwa nechipi kuti apedze zvaanenge achiita. Zvose izvi mugumisiro wokurovedza zvakaoma uye kuramba achidzidzira.

17. Tinofanira kuva senyanzvi dzokurovedza muviri mupfungwa ipi?

17 Isuwo tinofanira kuzvirovedza mumudzimu, sezvinongoita nyanzvi yokurovedza muviri, kana tichida kuva nechokwadi chokuti zvatinosarudza zvakanaka nguva dzose. Tinofanira kudzora pfungwa dzedu uye nhengo dzomuviri wedu nguva dzose. (Mateu 5:29, 30; VaKorose 3:5-10) Somuenzaniso unorovedza maziso ako kuti asatarire zvinhu zvounzenza kana kuti nzeve dzako dzisateerera nziyo kana kutaura kunoshatisa here? Ichokwadi kuti zvinhu zvisina kunaka zvakadaro zvakatipoteredza. Zvisinei, zvichiri kwatiri kana tichizozvibvumira kudzika midzi mumwoyo nepfungwa dzedu. Tinogona kutevedzera munyori wepisarema uyo akati: “Handingavavariri chinhu chakaipa; ndinovenga zvinoitwa navanotsauka; hazvingandinamatiri. . . . Unoreva nhema haangarambiri pamberi pangu.”—Pisarema 101:3, 7.

Rovedza Masimba Ako Okunzwisisa Nokuashandisa

18. Mashoko okuti “nokushandiswa” ari mutsanangudzo yaPauro ine chokuita nokurovedza masimba okunzwisisa anokurudzira kuitei?

18 Yeuka kuti tinogona kurovedza masimba edu okunzwisisa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa ‘nokuashandisa.’ Nemamwe mashoko, nguva dzose patinofanira kusarudza, tinofanira kudzidza kushandisa masimba epfungwa dzedu kuziva kuti inheyo dzipi dzeBhaibheri dzinobatanidzwa uye kushandiswa kwadzingaitwa. Iva netsika yokutsvakurudza mumabhuku eBhaibheri anopiwa no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45) Ichokwadi kuti tinogona kutsvaka kubatsirwa nevaKristu vava noruzivo. Kunyange zvakadaro, zvose zvatinoita pachedu kuti tidzidze Shoko raMwari, pamwe nokunyengetera kuna Jehovha kuti atitungamirire uye atipe mudzimu wake, zvichatipa mubayiro mukuru pakupedzisira.—VaEfeso 3:14-19.

19. Zvikomborero zvipi zvatinogona kuwana kana tikarovedza masimba edu okunzwisisa zvinofambira mberi?

19 Sezvatinorovedza masimba edu okunzwisisa zvinofambira mberi, vavariro ndeyokuti “tirege kuvazve vacheche, tichikandirwa kwose kwose sezvinoita mafungu uye tichitakurwa kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa nounyengeri hwevanhu, nemanomano okuruka mazano okukanganisa.” (VaEfeso 4:14) Asi, zvichienderana nezivo yedu nokunzwisisa zvinogamuchirika kuna Mwari, tinogona kusarudza nokuchenjera, pazvinhu zvikuru nezviduku, zvinotibatsira, zvinovaka vatinonamata navo, uye kupfuura zvose, zvinofadza kuna Baba vedu vokudenga. (Zvirevo 27:11) Ichocho chikomborero chikuru kwazvo nedziviriro munguva dzino dzinonetsa!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Pazviitiko zvinopfuura 40 zviri pakati pezvinonyanya kunetsa muupenyu hwevanhu, zvakarongwa navanaChiremba Thomas Holmes naRichard Rahe, kufirwa nomurume kana mudzimai, kurambana, uye kuparadzana ndizvo zvitatu zviri pokutanga. Kuroora kuri pechinomwe.

Ungatsanangura Here?

• Mano api anodiwa kuti tisarudze zvakanaka?

• Nei kusiri kuchenjera kutarisa kune vanhu vakakurumbira kana kuvimba nokufunga kwatinoita patinosarudza zvakanaka nezvakaipa?

• Nei tichifanira kuva nechokwadi chezvinogamuchirika kuna Mwari pakusarudza, uye tingaita sei izvi?

• ‘Kuva nemano edu okunzwisisa akarovedzwa’ kunorevei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Kutarisira kutungamirirwa nevapfumi uye vakakurumbira hakuna zvakunobatsira

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kufanana nenyanzvi yokurovedza muviri, tinofanira kudzora zvizere pfungwa dzedu dzose nenhengo dzomuviri