Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhuku Risingafungwi Nezvaro Nevechiduku Vakawanda

Bhuku Risingafungwi Nezvaro Nevechiduku Vakawanda

Bhuku Risingafungwi Nezvaro Nevechiduku Vakawanda

“NDINGAZIVA sei kana Bhaibheri riri Shoko raMwari chaizvoizvo? Kana ndichiritora serimwe remabhukuwo zvawo, harindinakidzi,” akataura kudaro mumwe mukadzi wechiduku anonzi Beate.

MuGermany, munogara Beate, vechiduku vakawanda vanonzwa saiye; nokudaro, havaoni kuverenga Bhaibheri sokunokosha. Kumwe kunzvera kuchangobva kuitwa ikoko kwakaratidza kuti, vechiduku vanenge 1 muzana vanoverenga Bhaibheri kakawanda zvikuru, 2 muzana kakawanda, 19 muzana kashoma, uye vanoda kusvika 80 muzana havatomboriverengi. Uwandu hwacho hungangova hwakafanana mune dzimwe nyika, zvimwe nekwaunogarawo. Zviri pachena kuti Bhaibheri ibhuku risingafungwi nezvaro nevechiduku vakawanda.

Ndosaka zvisingashamisi kuti, kusaziva zviri muBhaibheri kwakapararira pakati pevechiduku! Mukutanga kwegore ra2000, pepanhau rinonzi Lausitzer Rundschau rakashuma pamusoro pokuongorora kwakaratidza kuti vanhu vangani vakanga vachiziva Mirayiro Gumi uye vaiishandisa senhungamiro muupenyu. Pavane makore anopfuura 60, vaiziva mirayiro yacho uye vaitungamirirwa nayo vaive 67 muzana, pane vaiva pasi pemakore 30, nhamba yacho yakanga ichingova 28 muzana. Hungu, kuvechiduku vakawanda, Shoko raMwari chinhu chavasingazivi.

Vamwe Vane Mamwe Maonero

Kune rumwe rutivi, pasi pose, pane mamiriyoni evechiduku vakawana Shoko raMwari kuva rinobatsira zvikuru. Somuenzaniso, Alexander ane makore 19 uye anoverenga Bhaibheri mangwanani oga oga asati aenda kubasa. “Handingafungi nezveimwe nzira iri nani yokutanga nayo zuva,” anodaro. Sandra ane muitiro wokuverenga chikamu cheBhaibheri manheru oga oga. “Kwave rutivi rwomuitiro wangu wezuva nezuva,” anotsanangura kudaro. Uye Julia, ane makore 13, akatotanga tsika yokuverenga chinenge chitsauko chimwe asati anorara usiku. “Ndinonyatsonakidzwa nazvo, uye ndinoda kuramba ndichidaro munguva inotevera.”

Maonero api akarurama uye okuchenjera? Bhaibheri rinofanira kuverengwa chaizvoizvo here? Rinokosha kuchizvarwa chevechiduku here? Unofungei?